RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 5/15 pp. 10-15
  • Kutenda kwechiKristu Kuchaedzwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutenda kwechiKristu Kuchaedzwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutenda Kunoedzwa—Nemhaka Yei?
  • Kutenda Kwakaedzwa Pamusoro pa1914
  • Kupindura Miedzo Kare Ikoko
  • Vara Rokutenda Kwako—Rinoedzwa Zvino
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Kuedza Nokusefa Kunotangira Mukati
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Makore Zana Apfuura—1914
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Kuzivisa Kudzoka Kwashe (1870-1914)
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 5/15 pp. 10-15

Kutenda kwechiKristu Kuchaedzwa

“Havazi vose vanotenda.”—2 VATESARONIKA 3:2.

1. Nhau yakaratidza sei kuti havasi vose vane kutenda kwechokwadi?

MUNHAU yose, pave pane varume, vakadzi, uye vana vane kutenda kwechokwadi. Shoko rinorondedzera rokuti “kwechokwadi” rakafanira nemhaka yokuti mamiriyoni evamwe akaratidzira rudzi rwokutenda rwakafanana nokungotenda, kungokurumidza kutenda pasina hwaro hunokosha kana kuti chikonzero. Kutenda kwakadai kwaiwanzobatanidza vanamwari venhema kana kuti zvimiro zvokunamata zvisingatsinhirani noWamasimba Ose, Jehovha, uye Shoko rake rakaziviswa. Nokudaro muapostora Pauro akanyora kuti: “Havazi vose vanotenda.”—2 VaTesaronika 3:2.

2. Nei zvichikosha kuti tinzvere kutenda kwedu pachedu?

2 Asi kutaura kwaPauro kunoratidzira kuti kare ikoko vamwe vaiva nekutenda kwechokwadi uye, sokuratidzika kwazvinoita, vamwe nhasi vanako. Varavi vakawanda zvikurusa vemagazini ino vanoshuva kuti vave nokutenda kwechokwadi kwakadaro uye kuti vawedzere—kutenda kuri mutsinhirano nezivo yakarurama yechokwadi chaMwari. (Johane 18:37; VaHebheru 11:6) Ndizvo zvazvakaita newe here? Ipapo zviri madikanwa kuti uzive uye uve akagadzirira idi rokuti kutenda kwako kuchaedzwa. Nei izvozvo zvichigona kutaurwa?

3, 4. Nei tichifanira kutarira kuna Jesu munhau dzemiedzo yokutenda?

3 Tinofanira kubvuma kuti Jesu Kristu anokosha zvikuru pakutenda kwedu. Zvirokwazvo, Bhaibheri rinotaura nezvake soMukwanisi wokutenda kwedu. Iyoyo imhaka yeizvo Jesu akataura nokuita, zvikurukuru kuzadzika kwaakaita uporofita. Akasimbisa hwaro apo vanhu vanogona kuvakira kutenda kwechokwadi. (VaHebheru 12:2; Zvakazarurwa 1:1, 2) Zvisinei, tinorava kuti Jesu “wakaidzwa pazvinhu zvose sesu, asina zvivi.” (VaHebheru 4:15) Hungu, kutenda kwaJesu kwakaedzwa. Panzvimbo pokutiodza mwoyo kana kuti kuita kuti tinzwe tichitya, izvozvo zvinofanira kutinyaradza.

4 Kupfurikidza nokupfuura nomumiedzo mikuru kunyange kusvika parufu rwapadanda, Jesu “wakadzidza kuteerera.” (VaHebheru 5:8) Akabvumikisa kuti vanhu vanogona kurarama nokutenda kwechokwadi pasinei zvapo nemiedzo ipi neipi ingauya pavari. Izvi zvinokosha zvikuru patinofunga nezvakataura Jesu pamusoro pavadzidzi vake: “Rangarirai shoko randakareva kwamuri, ndichiti: Muranda haazi mukuru kunashe wake.” (Johane 15:20) Kutaura idi, pamusoro pavateveri vake vomunguva yedu, Jesu akafanotaura kuti: “Muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu.”—Mateo 24:9.

5. Magwaro anoratidza sei kuti tichatarisana nemiedzo?

5 Pakuvamba muzana rino ramakore, rutongeso rwakavamba neimba yaMwari. Magwaro akafanotaura kuti: “Nguva yasvika yokuti kutonga kutange paimba yaMwari; zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwavasingatereri Evhangeri yaMwari kuchagoveiko? Uye kana zvichiremera wakarurama kuti aponeswe, ko uyo, usingadi Mwari, nomutadzi, vachagoonekwepi?”—1 Petro 4:17, 18.

Kutenda Kunoedzwa—Nemhaka Yei?

6. Nei kutenda kwakaedzwa kuchikosha?

6 Mupfungwa yakati, kutenda kusina kuedzwa hakuna ukoshi hwakabvumikiswa, uye kunaka kwako kunoramba kusingazikanwi. Ungakufananidza necheki isati yachinjwa. Ungava wakagamuchira cheki yebasa rawakaita, yezvinhu zvawakagovera, kana kuti kunyange sechipo. Cheki yacho ingaratidzika kuva yakanaka, asi yakadaro here? Inokosha mari inooneka pairi chaizvoizvo here? Nenzira yakafanana, kutenda kwedu kunofanira kuva kunopfuura kungooneka kana kuti kungotaurawo zvako. Kunofanira kuedzwa kana tichizobvumikisa kuti kunokosha uye kwakanaka chaizvoizvo. Apo kutenda kwedu kunoedzwa, tingawana kuti kwakasimba uye kunokosha. Muedzo ungazivisawo nharaunda dzipi nedzipi umo kutenda kwedu kunoda kunatswa kana kuti kusimbiswa.

7, 8. Miedzo yokutenda kwedu inouya ichibvepi?

7 Mwari anobvumira chitambudzo nemimwe miedzo yokutenda kuti iuye patiri. Tinorava kuti: “Kana munhu achiidzwa, ngaarege kuti ndinoidzwa naMwari; nokuti Mwari haangaidzwi nezvakaipa, naiye amene haangaidzi munhu.” (Jakobho 1:13) Ndiani kana kuti chii chinoparira miedzo yakadaro? NdiSatani, nyika, uye nyama yedu pachedu isina kukwana.

8 Tingabvuma kuti Satani anoshandisa pesvedzero ine simba panyika, pamafungiro ayo nenzira dzayo. (1 Johane 5:19) Uye zvimwe tinoziva kuti anonyandurira vaKristu chitambudzo. (Zvakazarurwa 12:17) Asi tinopwiswa zvakakwana kuti Satani anoedza kutitsausa kupfurikidza nokufadza nyama yedu isina kukwana, kurembedza zvinokwezva zvenyika pamberi pemeso edu, achikarira kuti tichatera kumuedzo wacho, kurega kuteerera Mwari, uye kuguma tarega kutenderwa naJehovha here? Chokwadika, mitoo yaSatani haifaniri kutishamisa, nokuti akashandisa unyanzvi humwe chetehwo paaiedza kuedza Jesu.—Mateo 4:1-11.

9. Tinogona sei kubetserwa nemienzaniso yokutenda?

9 Kupfurikidza neShoko rake neungano yechiKristu, Jehovha anotigovera mienzaniso chaiyoiyo yokutenda yatinogona kutevedzera. Pauro akarayira kuti: “Hama dzangu, ivai vateveri vangu mose; natsai kutarira avo vanofamba saizvozvo sezvatakakutungamirirai isu.” (VaFiripi 3:17) Somumwe wavabatiri vaMwari vakazodzwa vomuzana rokutanga ramakore, Pauro akatungamirira mukuita mabasa okutenda pasinei zvapo nemiedzo mikuru yaakatarisana nayo. Pakunopera kwezana ramakore rechi20, hatishayiwi mienzaniso yakaenzana yokutenda. Mashoko aVaHebheru 13:7 anoshanda zvino nesimba guru seapo Pauro akaanyora: “Rangarirai vatungamiriri venyu vaikuparidzirai shoko raMwari; cherekedzai kuguma kwokufamba kwavo, mugotevera kutenda kwavo.”

10. Mienzaniso ipi yokutenda yatinayo munguva dzichangobva kupfuura?

10 Zano iroro rine simba chairo patinorangarira kuti mufambiro wavakasarira vakazodzwa wakaguma sei. Tinogona kurangarira muenzaniso wavo ndokutevedzera kutenda kwavo. Kutenda kwavo ndekwechokwadi kwakanatswa nemiedzo. Nokuvamba kuduku kare muma1870, ukama hwomunyika yose hwechiKristu hwakatanga. Sechibereko chokutenda nokutsungirira chavakazodzwa kubva ipapo zvichienda mberi, Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura mamiriyoni mashanu nehafu zvino zviri kuparidza nokudzidzisa pamusoro poUmambo hwaMwari. Ungano yomunyika yose yazvino yavanamati vechokwadi vanoshingaira ufakazi hwokutenda kwakaedzwa.—Tito 2:14.

Kutenda Kwakaedzwa Pamusoro pa1914

11. Gore ra1914 rakanga richikosha sei nokuda kwaC. T. Russell navasonganiri vake?

11 Makore akawanda hondo yenyika yokutanga isati yatanga, vakasarira vakazodzwa vakanga vachiparidzira kuti 1914 waizova musi unokosha muuporofita hweBhaibheri. Zvisinei, dzimwe dzekariro dzavo dzakanga dziri dzokukurumidzira, uye murangariro wavo wezvaizoitika wakanga usina kukwana. Somuenzaniso, C. T. Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society, uye vasonganiri vake vaigona kuona kuti basa guru rokuparidza rakanga riri madikanwa. Vakarava kuti: “Iyi evhangeri youmambo ichaparidzwa munyika yose nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 24:14, King James Version) Boka ravo duku zvikuru raigona sei, kunyange zvakadaro, kuita izvozvo?

12. Mumwe wavasonganiri vaRussell akagamuchira sei chokwadi cheBhaibheri?

12 Rangarira nzira iyo izvi zvakatapura nayo A. H. Macmillan, musonganiri waRussell. Aberekerwa muCanada, Macmillan akanga asati ava namakore 20 paakawana bhuku raRussell The Plan of the Ages (1886). (Bhuku iri, rainziwo The Divine Plan of the Ages, rakava Vhoriyamu 1 yeseti yeStudies in the Scriptures yakaparadzirwa zvikuru. Vhoriyamu 2, The Time Is at Hand [1889], yakanongedzera 1914 somugumo we“nguva dzaMamwe Marudzi.” [Ruka 21:24, KJ]) Usiku chaihwo uhwo Macmillan akavamba kurava, akafunga kuti: “Zvisinei, ichocho chinonzwika sechokwadi!” Muzhizha ra1900, akasangana naRussell pakokorodzano yeVadzidzi veBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Nokukurumidza Macmillan akabhabhatidzwa ndokuvamba kushanda naHama Russell padzimbahwe reSosaiti muNew York.

13. Ndechipi chinetso icho Macmillan navamwe vakaona pamusoro pokuzadzikwa kwaMateo 24:14?

13 Zvichivakirwa pakurava kwavo Bhaibheri, vaKristu ivavo vakazodzwa vakanongedzera kuna 1914 senguva yechinjo huru muchinangwa chaMwari. Asi Macmillan navamwe vakashamisika kuti kuparidza kumarudzi kwakafanotaurwa pana Mateo 24:14 kwaigona sei kuitwa munguva pfupi yasara. Gare gare akati: “Ndinoyeuka ndichikurukura izvozvo naHama Russell kakawanda, uye vaiti, ‘Zvisinei, hama, muNew York chaimo tine vaJudha vakawanda kupfuura vari muJerusarema. Tine vanhu vechiIrish muno kupfuura vari muDublin. Uye tine vanhu vokuItaly vakawanda kupfuura vari muRome. Zvino kana tikavasvika vari muno, izvozvo zvichava kusvika vagari venyika neshoko racho.’ Asi izvozvo hazvina kuita sezvinogutsa ndangariro dzedu. Naizvozvo ipapo ‘Photo-Drama’ yakafungwa nezvayo.”

14. Gore ra1914 risati rasvika, ibasa ripi rakatanhamara rakaitwa?

14 “Photo-Drama of Creation” rakanga riri basa rakanaka zvakadini! Yaibatanidza mapikicha namasiraidhi ane mavara, zvichiitwa panguva imwe chete nehurukuro dzeBhaibheri nenziyo dzamarekodhi egiramufomu. Muna 1913, The Watch Tower yakati nezvekokorodzano yomuArkansas, U.S.A.: “Zvakasarudzwa vose vachibvumirana kuti nguva yasvika yokushandiswa kwemifananidzo inofamba mukudzidzisa zvokwadi dzeBhaibheri. . . . [Russell] akatsanangura kuti akanga achishanda nezvegadziriro iyi chaiyo kwamakore matatu uye zvino akanga ane zvinenge zviuru zvemifananidzo yakaisvonaka zvakanga zvagadzirwa, iyo pasina mubvunzo ichakwezva mapoka makuru ndokuzivisa Evhangeri, uye kubetsera vanhu kuti vavezve nokutenda Mwari.”

15. Migumisiro yorudzii iyo “Photo-Drama” yaiva nayo?

15 “Photo-Drama” yakaita izvozvo chaizvo pashure pokuratidzwa kwayo kwokutanga muna January 1914. Inotevera mishumo inobva muThe Watch Tower ya1914:

April 1: “Rimwe gurukota, pashure pokuona mativi maviri, rakati, ‘Ndaona hafu bedzi yePHOTO-DRAMA OF CREATION, asi ndatodzidza zvakawanda mairi pamusoro peBhaibheri kupfuura zvandakadzidza mukosi yangu yamakore matatu muchikoro chavafundisi.’ Mumwe muJudha pashure pokuiona akati, ‘Ndoenda ndiri muJudha ari nani kupfuura pandakauya.’ Vapristi namanani echiKaturike vanoverengeka vakashanyira DRAMA ndokutaura kuonga kukuru. . . . Maseti gumi nemaviri bedzi eDRAMA haasati apera . . . Kunyange zvakadaro takatosvika uye tiri kushanda maguta makumi matatu nerimwe. Vanopfuura zviuru makumi matatu nezvishanu pazuva vari kuona, kunzwa, kuyemura, kufunga uye kukomborerwa.”

June 15: “Mifananidzo yakandiita kuti ndive anoshingaira zvikuru kuparadzira Chokwadi, uye yakawedzera kuda kwangu Baba Vokudenga uye Mukuru wedu anodiwa Hama Jesu. Mazuva ose ndinonyengeterera chikomborero chaMwari chikurusa paPHOTO-DRAMA OF CREATION nevose vakabatanidzwa mukuriratidza . . . Ndini mubatiri wenyu muna Iye, F. W. KNOCHE.—Iowa.”

July 15: “Tinofara kuona kuti murangariro wakaisvonaka zvakadini uyo mifananidzo yakasiya muguta rino, uye tinonzwa tine chokwadi kuti uchapupu uhu kunyika huri kushandiswawo kuunganidza vakawanda vanopa ufakazi hwokuva vanokosha mukusarudza kwaIshe pachake. Tinoziva nezvevadzidzi veBhaibheri vakati wandei vakatendeseka avo zvino vanosonganira neBoka pano somugumisiro webasa rePhoto-Drama. . . . Hanzvadzi yenyu munaShe, EMMA L. BRICKER.”

November 15: “Tine chokwadi chokuti muchafara kunzwa uchapupu hwakaisvonaka huri kupiwa kupfurikidza nePHOTO-DRAMA OF CREATION paThe London Opera House, Kingsway. Ruoko runotungamirira rwaShe rwakaratidzirwa zvakaisvonaka kwazvo mumashoko ose okuratidzira uku zvokuti vanhu vose vari kufara zvikuru . . . Vateereri vedu vaiumbwa namapoka ose namarudzi avanhu; takaona vakawanda vevafundisi vari muvateereri. Mumwe mufundisi . . . akakumbira matikiti okuti iye nomudzimai wake vauye kuzoionazve. Mumwe Mutungamiriri weChechi yeEngland akaona DRAMA yacho kanoverengeka, uye . . . akaunza shamwari dzake dzakawanda kuti dzizoriona. Mabhishopi maviri ave aripowo, uye vanhu vakawanda vane chiremera.”

December 1: “Mudzimai wangu neni tinoonga zvechokwadi Baba vedu Vokudenga nokuda kwechikomborero chikuru uye chinokosha chakauya kwatiri kupfurikidza nemi. Yakanga iri PHOTO-DRAMA yenyu yakaisvonaka yakaita kuti tione nokugamuchira Chokwadi . . . Tine mavhoriyamu matanhatu enyu eSTUDIES IN THE SCRIPTURES. Anobetsera zvikuru.”

Kupindura Miedzo Kare Ikoko

16. Nei gore 1914 rakaunza muedzo wokutenda?

16 Zvakadini, kunyange zvakadaro, apo vaKristu vechokwadi vakadaro uye vakazvipira vakawana kuti kariro yavo yokubatanidzwa naShe muna 1914 haina kuitika? Vaya vakazodzwa vakapfuura nomunhambo yakaoma zvikuru. The Watch Tower yaNovember 1, 1914, yakazivisa kuti: “Ngatiyeukei kuti tiri munhambo yokuedzwa.” Pamusoro peizvi, Jehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom (1993) rinoti: “Makore okubvira muna 1914 kusvika kuna 1918, zvirokwazvo, akabvumikisa kuva ‘nhambo yokuedzwa’ nokuda kwaVadzidzi veBhaibheri.” Vaizobvumira kutenda kwavo kuti kunatswe uye kufunga kwavo kugadziriswe kuitira kuti vagogona kuita basa riri mberi here?

17. Vakazodzwa vakatendeka vakaita sei pamusoro pokusara vari pasi pano pashure pa1914?

17 The Watch Tower yaSeptember 1, 1916, yakati: “Taifungidzira kuti basa Rokucheka rokuunganidza Chechi [vakazodzwa] raizopedzwa Nguva dzeMamwe Marudzi dzisati dzaguma; asi hapana panodaro muBhaibheri. . . . Tinozvidemba kuti basa Rokucheka riri kupfuurira here? . . . Murangariro wedu wazvino, hama dzinodiwa, unofanira kuva wokuonga Mwari zvikuru, kuwedzera kuonga Chokwadi chakaisvonaka chaAkatipa ropafadzo yokuona nokuzivikanwa nayo, uye shingairo inowedzera mukubetsera kuunza Chokwadi ichocho kuzivo yavamwe.” Kutenda kwavo kwakanga kwaedzwa, asi vakatarisana nomuedzo iwoyo ndokunangana nawo nenzira inobudirira. Asi isu vaKristu tinofanira kuziva kuti miedzo yokutenda ingava yakawanda uye yakasiyana-siyana.

18, 19. Ndeipi mimwe miedzo yokutenda yakatevera nokuda kwavanhu vaMwari nokukurumidza pashure porufu rwaHama Russell?

18 Somuenzaniso, rumwe rudzi rwomuedzo rwakauya pavakasarira nokukurumidza pashure pokunge Hama Charles T. Russell vafa. Iwoyo wakanga uri muedzo wokuvimbika kwavo nokutenda. Ndiani akanga ari ‘muranda wakatendeka’ waMateo 24:45? Vamwe vakafunga kuti vakanga vari Hama Russell pachavo, uye vakaramba kubatira pamwe negadziriro itsva dzesangano. Kudai vakanga vari ivo muranda, hama dzaifanira kuitei zvino zvavakanga vafa? Dzaifanira kutevera mumwe munhu achangogadzwa, kana kuti zvino yakanga yava nguva yokuziva kuti Jehovha akanga ari kushandisa, kwete munhu mumwe chete, asi boka rose ravaKristu sechishandiso, kana kuti boka romuranda?

19 Mumwe muedzo wokuwedzera wakauya pavaKristu muna 1918 apo zviremera zvenyika, zvichinyandurwa navafundisi vechiKristudhomu, ‘zvakaronga misikanzwa kupfurikidza nomutemo’ mukurwisana nesangano raJehovha. (Pisarema 94:20, KJ) Kutambudzwa namasimba masimba kwakaitirwa Vadzidzi veBhaibheri mose muri muviri muNorth America nomuEurope. Chishoro chainyandurwa navafundisi chakasvika pakuipa musi wa7 May, 1918, apo masamanisi omubatanidzwa weUnited States akapiwa nokuda kwokusungwa kwaJ. F. Rutherford nevasonganiri vake vapedyo vaiverengeka, kubatanidza A. H. Macmillan. Vakapomerwa zvenhema kupandukira, uye zviremera zvacho zvakafuratira kukumbira kwavo kusava nemhaka.

20, 21. Sezvakafanotaurwa pana Maraki 3:1-3, ibasa ripi rakaitwa pakati pavakasarira?

20 Kunyange zvazvo rakanga risingazivikanwi serakadaro panguva iyoyo, basa rokuchenesa rakanga richifambira mberi, sezvinorondedzerwa pana Maraki 3:1-3: “Ndiani ungatsunga nezuva rokuuya kwake? Ndiani ungamira kana achionekwa? Nokuti [nhume yesungano] [y]akafanana nomoto womunatsi, nesipo yomusuki. Iye uchagara pasi akafanana nomunatsi nomuchenesi wesirivha; uchachenesa vanakomana vaRevhi, nokuvanatsa sendarama nesirivha; ipapo vachavigira Jehovha zvipiriso nokururama.”

21 Sezvo Hondo Yenyika I yakasvika pamugumo, vamwe vaVadzidzi veBhaibheri vakatarisana nomumwe muedzo wokutenda—kana vaizoramba vasingatori rutivi zvakakomba pamusoro penhau dzehondo dzenyika. (Johane 17:16; 18:36) Vamwe havana kudaro. Naizvozvo muna 1918, Jehovha akatuma “nhume yesungano,” Kristu Jesu, kugadziriro Yake yetemberi yomudzimu kuti achenese boka duku ravanamati Vake kubva mutsvina dzenyika. Avo vakanga vakazvipira kuratidzira kutenda kwechokwadi vakadzidza muruzivo rwokuzviwanira ndokufambira mberi, vachipfuurira kuparidza nokushingaira.

22. Pamusoro pemiedzo yokutenda, chii chasara kurangarirwa?

22 Zvatarangarira hazvisi zvokuti tingonakidzwa nezviitiko zvenhau yakapfuura inofadza. Zvine chokuita zvakananga nemamiriro ezvinhu omudzimu azvino eungano yaJehovha yomunyika yose. Asi ngatirangarirei munyaya inotevera mimwe yemiedzo chaiyo yokutenda inotarisanwa nayo navanhu vaMwari nhasi ndokuona nzira yatingakurira nayo izvi nenzira inobudirira.

Unoyeuka Here?

◻ Nei vanhu vaJehovha vachifanira kukarira kuti kutenda kwavo kuchaedzwa?

◻ Inhamburiko dzorudzii dzokuparadzira mashoko aMwari dzakanga dzichiitika 1914 asati asvika?

◻ “Photo-Drama,” chakanga chiri chii, uye yakaparira migumisiroi?

◻ Zviitiko zvomunhambo ya1914-18 zvakashanda sei kuedza vakazodzwa?

[Mufananidzo uri papeji 12]

Nechokunopera kwezana ramakore, vanhu vari munyika dzakawanda vakanga vari kufunda Bhaibheri vachibetserwa nenhevedzano ye“Millennial Dawn,” gare gare yakazonzi “Studies in the Scriptures”

[Mufananidzo uri papeji 13]

Tsamba yakabva kuna C. T. Russell ine mashoko okuvamba aifanira kurekodwa maakati: “‘The Photo-Drama of Creation’ inoratidzwa neIBSA—International Bible Students Association. Chinangwa chayo kurayiridzwa kwevanhu pamusoro porudzidziso nesayenzi, uye mukudzivirirwa kweBhaibheri”

[Mufananidzo uri papeji 15]

Demetrius Papageorge akafamba achiratidza “Photo-Drama of Creation.” Gare gare akaiswa mujeri nemhaka yokusatora rutivi kwake kwechiKristu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe