RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 6/15 pp. 6-8
  • Pasi—Nei Riripo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pasi—Nei Riripo?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinotii?
  • Chinangwa chaMwari Chakavhiringidzwa, Kwete Kuchinjwa
  • Pasi Rino Richaparadzwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Upenyu Hune Donzo Rakaisvonaka
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Chinangwa chaMwari Ndechei?
    Mukai!—1999
  • Ndechipi Chiri Chinangwa chaMwari Nokuda Kwapasi?
    Mwari Anodei Kwatiri?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 6/15 pp. 6-8

Pasi—Nei Riripo?

Pane mubvunzo waunofanira kurangarira: Pasi redu rakaisvonaka rakaitwa neMusiki akangwara ane chinangwa nokuda kwapasi navanhu vari pariri here? Kupindura mubvunzo iwoyo nenzira ichakugutsa kunogona kukubetsera kuona kuti nguva yemberi ichava yakaita sei nokuda kwepasi redu.

MASAYENDISITI akawanda akafunda chisiko zvikuru nepasi redu akaona ufakazi hunonongedzera kukuvapo kweMusiki, kuti Mwari ndiye akazviparira. Rangarira tsinhiro dzinobva kumumwe chete:

Purofesa Paul Davies anonyora muThe Mind of God kuti: “Kuvapo kwechisiko chakarongeka, chine zvinhu zvakabatanidzwa, zvakarongwa, uye zvinhu zvakagadzirwa nounyanzvi kunoda mitemo nemamiriro ezvinhu zvorudzi chairwo.”

Pashure pokukurukura akati kuti e“mahwekwe” ayo vanofunda nezvenyeredzi nevamwe vakacherekedza, Purofesa Davies anowedzera kuti: “Pamwe chete, zvinogovera ufakazi hunofadza hwokuti upenyu sezvatinohuziva hunotsamira pakukurumidza kuchinja kwemitemo yesayenzi, uye padzimwe dzinoita setsaona muuwandu uhwo chisiko chakasarudza nokuda kweuremu hwezvinhu, simba, uye zvichingodaro. . . . Zvakaringana kutaura kuti, kudai taizova munzvimbo yaMwari, ndokusarudza uwandu hwezvinhu izvi pasina kufunga kupfurikidza nokufambisa tumabhatani, taizowana kuti inenge mwero yose yemabhatani yaizoita kuti chisiko chose chisagarike. Muzvimwe zviitiko zvinoratidza sokuti mabhatani akasiyana-siyana anofanira kunyatsogadziridzwa nokururama kukuru kana chisiko chichizova nzvimbo inoraramwa nezvinhu zvakawanda. . . . Idi rokuti kunyange kuchinja kudukuduku mukugadzirwa kwakaitwa zvinhu kunogona kuita kuti chisiko chisatarisika nevanhu zvirokwazvo rinoreva zvakawanda zvikuru.”

Zvazvinoreva kuvakawanda ndezvokuti pasi redu, pamwe chete nechisiko chose, rakagadzirwa neMusiki ane chinangwa. Kana zvakadaro, tinofanira kuziva kuti nei akaumba pasi pakutanga. Tinofanirawo kuziva, kana tichikwanisa, chiri chinangwa ichi nokuda kwapasi. Pamusoro paizvozvi chimwe chinhu chisiri chenguva dzose chinooneka. Pasinei zvapo nokupararira kwakaita kusadavira kuvapo kwaMwari, nhamba huru yevanhu ichiri kudavira kuti pane Musiki akangwara. Machechi akawanda echiKristudhomu mukutaura bedzi anotaura nezvaMwari ane masimba ose uye Musiki wechisiko chedu. Asi, kashoma apo api neapi emarudzidziso iwaya anotaura nechivimbo uye nokupwiswa pamusoro peramangwana repasi muchinangwa chaMwari.

Bhaibheri Rinotii?

Zvine mufungo kutarira kubhuku rinogamuchirwa nevanhu vakawanda serinobva kuna Musiki. Bhuku iroro iBhaibheri. Kumwe kwokutaura kwakapfava zvikurusa uye kwakajeka zvikurusa kuri mariri pamusoro peramangwana repasi redu kunowanwa pana Muparidzi 1:4. Tinorava kuti: “Chizvarwa chimwe chinopfuura, uye chimwe chizvarwa chinouya; asi pasi rinogara nokusingaperi.” (King James Version) Bhaibheri rakajeka mukutsanangura kuti nei Jehovha Mwari akasika pasi. Rinoratidzawo kuti akariisa munzvimbo yakarurama chaizvoizvo muchisiko uye yakakodzera kubva kuzuva kuitira kuti ritsigire upenyu huri mariri. Mwari Wamasimba Ose akafuridzira muporofita wekare Isaya kunyora kuti: “Zvanzi naJehovha wakasika denga rose, iye Mwari wakaumba nyika nokuiita, wakaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi wakaiumba kuti igarwe, zvanzi naye: Ndini Jehovha, hakuna mumwe.’”—Isaya 45:18.

Asi zvakadini nokutanga kwemunhu mitoo inoparadza upenyu hwose huri pasi? Nouchenjeri hwake husingaenzaniswi, Mwari anozivisa kuti achapindira rudzi rwomunhu rusati rwagona kuparadza upenyu hwose huri papasi redu. Cherekedza chipikirwa ichi chinokurudzira chiri mubhuku rokupedzisira reBhaibheri raZvakazarurwa: “Marudzi akatsamwa, nokutsamwa kwenyu kwakasvika, nenguva yavakafa, kuti vatongwe, uye kuti mupe varanda venyu mubayiro, ivo vaporofita, navatsvene, navanotya zita renyu, vaduku navakuru; uye kuti muparadze avo vanoparadza pasi.”—Zvakazarurwa 11:18.

Jehovha anotiratidza chakanga chiri chinangwa chake chapakutanga mukusika pasi, iri dhaimani riri muchadenga, sokurondedzerwa kwakaitwa pasi nemumwe musayendisiti anoenda muchadenga. Mwari akanga ane chinangwa chokuti rive paradhiso yemburumbwa yose, rakazadzwa zvakanaka nevanhu—varume nevakadzi—vose vachirarama murugare nokunzwana. Akaronga kuzadza pasi pashoma nepashoma kupfurikidza nokubvumira vanhu vaviri vokutanga kubereka vana. Kuti vanhu vaviri vokutanga vafare, Jehovha akanga aita kuti chikamu chiduku chepasi chive paradhiso. Sezvo kuberekana kwemhuri yevanhu kwaizopfuurira mumakore uye mumazana emakore, bindu reEdheni pashoma nepashoma raizotambanudzwa kusvikira Genesi 1:28 yazadzikwa: “Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi.”

Sezvo zvino tava kuona mumiriro unosuruvarisa wepasi navagari varo, zvinoreva here kuti chinangwa chaMwari chepakutanga nokuda kwepasi chakakundikana? Kana kuti akachinja here chinangwa chake ndokusarudza kuti nemhaka yokutsauka kwevanhu achabvumira kuti pasi riparadzwe ndokuzoritangazve, sokunge zvakadaro? Aiwa, tinogona kuva nechokwadi chokuti hapana mamiriro ezvinhu akadai ari echokwadi. Bhaibheri rinotiudza kuti chipi nechipi icho Jehovha anoronga chinofanira kuitika pakupedzisira, kuti chipi nechipi chaanosarudza hachigoni kudziviswa nemunhu upi noupi kana kuti kunyange nechiitiko chisingakarirwi. Anotivimbisa kuti: “Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.”—Isaya 55:11.

Chinangwa chaMwari Chakavhiringidzwa, Kwete Kuchinjwa

Nokupanduka kwaAdhama neEvha uye kudzingwa kwavo mubindu reEdheni, zvakanga zviri pachena kuti chinangwa chaMwari nokuda kwepasi raizova paradhiso chaizoitwa vasipo. Zvisinei, Jehovha akaratidza pakarepo kuti vamwe vevana vavo vaizoita chinangwa chake. Chokwadi, izvi zvaizotora nguva, kunyange mazana emakore, asi hapana chinoratidza kuti yaizova nguva yakareba sei ingadai yakabatanidzwa mukuita chinangwa chake kunyange kudai vose vari vaviri Adhama naEvha vakanga vapfuurira kurarama vakakwana. Idi nderokuti panoguma Kutonga kweMakore Ane Chiuru kwaJesu Kristu—makore anoti pfuurei chiuru kubva zvino upenyu hwemuParadhiso yeEdheni huchave hwatambanudzirwa mupasi rose uye Pasi pachagarwa nevanhu vane rugare uye vanofara vevanhu vaviri vokutanga. Zvirokwazvo, kukwanisa kwaJehovha seMurongi asingakundikani kucharatidzwa nokusingaperi!

Ipapo uporofita hunofadza huchazadzikwa uhwo Mwari akafuridzira kare kare zvikuru. Magwaro akadai saIsaya 11:6-9 achazadzikwa zvine mbiri: “Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nemwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwe chete; uye mwana muduku uchadzitungamirira. Mhou nebere zvichachera; vana vadzo vachavata pamwe chete; shumba ichadya uswa senzombe. Mwana unomwa, uchatamba pamwena wenyoka, uye mwana akarumurwa uchapinza ruoko rwake mubako remvumbi. Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”

Utano husina kunaka nokurwara kwakakomba zvichava zvinhu zvemunguva yakapfuura, sezvichaitawo rufu pacharwo. Pangava nechimwe chinhu chakajeka kupfuura aya mashoko anowanwa mubhuku rokupedzisira reBhaibheri here? “Tabhernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Hungu, tinogona kushinga—Pasi redu rakaisvonaka richaramba riripo. Ngaive ropafadzo yako kupukunyuka kuguma kwetsika ino yakaipa yezvinhu, nemiitiro yayo inoparadza pasi. Nyika itsva yakachena inoitwa naMwari zvino yava pedyo. Uye vanodiwa vakawanda vachamuka murufu kupfurikidza nechishamiso cherumuko. (Johane 5:28, 29) Zvirokwazvo, pasi redu richaramba riripo, uye tinogona kugara mariri ndokurifarikanya.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe