Vazivisi voUmambo Vanoshuma
“Mazuva Ose Pamusika”
MUAPOSTORA Pauro akashandisa mukana uri wose kuparadzira shoko roUmambo. Kuitira kuti atsvake vakafanirwa, akarangarira “nevaJudha musinagogi . . . uye mazuva ose pamusika neavo vaivapo.”—Mabasa 17:17, NW.
Kushingaira kwakadaro kwave kuri chiratidzo chavanamati vechokwadi vaJehovha chibviro chezana rokutanga ramakore C.E. (Mateo 28:19, 20) Nhasi, Zvapupu zvaJehovha nenzira yakafanana zvinoshandisa mhatsa yemitoo sezvo zvinobetsera nokushingaira vane mwoyo yakatendeseka kusvika pazivo yakarurama yechokwadi. (1 Timotio 2:3, 4) Chakaitika chinotevera chakabva kuAustralia chinoratidzira izvozvi.
Mazuva mashanu vhiki imwe neimwe, Sid naHarold vanochinjana kutarisira chokuratidzira mabhuku eBhaibheri chiduku pachiteshi cheraruwe muSydney. Vave vachigoverana mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munzira iyi kwaanenge makore mashanu zvino. Sid, uyo ava namakore 95 okukura, anotsanangura kuti: “Apo ndakasvika makore 87, ndakanga ndisisakwanisi kutyaira motokari. Izvozvo zvakandiodza mwoyo nokuti ndaifarikanya basa rokupupura pachena. Rimwe zuva ndiri pedyo nenzvimbo yavashanyi yakakurumbira inonzi Echo Point muKatoomba, ndakaona mumwe munyori wemifananidzo achitengesa mifananidzo yenzvimbo dzakanaka. Ndakanzvera mifananidzo yacho ndokufunga kuti, ‘Ndine mifananidzo iri nane kupfuura iyoyo mubhegi rangu rokupupura—uye ane mutengo wakaderera zvikuru kupfuura mifananidzo iyoyo!’ Nokudaro ndakasarudza kugadzira chokuratidzira chiduku, kuchiisa panzvimbo yakakurumbira, uye kugovera kuvapfuuri mabhuku eBhaibheri ane mifananidzo yakaisvonaka anoparadzirwa neZvapupu zvaJehovha.
“Makore mana apfuura, ndakatamisira chokuratidzira chacho kuSydney, uye Harold akandikumbanira. Tinochinjana kutarisira chokuratidzira chacho nokushanda neungano dzedu dzomunharaunda.” Harold, zvino ane makore 83, anoti: “Muvhuro kusvikira Chishanu vanhu vashomanene zvikuru vari pamusha. Nokudaro kugoverana shoko roUmambo munzira iyi kunotiisa kune vanhu. Nenzira yomuzvarirwo, tinowana migumisiro iri nane. Kugovera kwedu mabhuku kwakatanhamara zvikuru munyika ino.”
“Kunyange zvazvo takava munzvimbo ina kana kuti shanu dzakasiyana-siyana mukati mamakore apfuura,” anodaro Sid, “hazvitori nguva yakareba tisati tazivikanwa. Vamwe vanhu vanouya kwatiri nokuda kwamabhuku. Vamwe vane mibvunzo yavanoda kuti ipindurwe. Uye vamwe vanongoda kutaura maminiti mashomanene. Iyi ndiyo nguva bedzi shanyo dzangu dzedzokerero dzinouya kwandiri,” anoseka nechomukati.
“Vanhu vakawanda zvirokwazvo vanofarira Bhaibheri,” anowedzera kudaro Harold. “Mumwedzi mumwe vanhu vana vakatanga kufunda Bhaibheri neZvapupu somugumisiro wemabhuku avakagamuchira kwatiri uye nemhaka yemibvunzo yatakakwanisa kupindura neBhaibheri. Zvakaitika zvakafanana naizvozvo zvinotikurudzira zvikuru.”
Kufanana naSid naHarold—uye kufanana nomuapostora Pauro—Zvapupu zvaJehovha kwose kwose zvinoshandisa mitoo yose inobvira kuparadzira shoko razvo rinokosha. Nokudaro, “[mashoko akanaka, NW]” anopfuuria kuparidzwa “munyika dzose.”—Mateo 24:14.