Ndakadzidza Kuvimba naJehovha
YAKATAURWA NAJÁN KORPA-ONDO
Makanga muri muna 1942, uye ndakanga ndakarindwa navarwi vokuHungary pedyo neKursk, Russia. Takanga tiri vasungwa veMubatanidzwa wenyika nhatu dzakanga dziri kurwisa vaRussia muHondo Yenyika II. Guva rangu rakacherwa, uye ndakapiwa maminiti gumi okuti ndisarudze kana ndaizosaina gwaro raiti ndakanga ndisisiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndisati ndarondedzera zvakazoitika, regai ndikuudzei kuti ndakava ipapo sei.
NDAKABEREKWA muna 1904 mumusha muduku weZahor, uyo zvino wava kumabvazuva kweSlovakia. Pashure peHondo Yenyika I, Zahor yakava rutivi rwenyika yakanga ichangobva kuumbwa yeCzechoslovakia. Musha wedu wakanga une misha inenge 200 nemachechi maviri, imwe yechiKaturike chechiGiriki uye imwe yacho yeCalvinist.
Kunyange zvazvo ndaienda kuChechi yeCalvinist, ndairarama upenyu hwokusazvidzora mutsika. Pedyo neni paigara mumwe murume akanga akasiyana zvikuru. Rimwe zuva akatanga kukurukura neni ndokundikweretesa Bhaibheri. Yakanga iri nguva yokutanga yandakabata bhuku iroro namaoko angu. Panenge panguva ino, muna 1926, ndakaroora Barbora, uye pashure penguva pfupi takava navana vaviri, Barbora naJán.
Ndakatanga kurava Bhaibheri, asi paiva nezvinhu zvakawanda zvandakanga ndisinganzwisisi. Naizvozvo ndakaenda kumufundisi wangu ndokumukumbira kuti andibetsere. “Bhaibheri nderavanhu vakadzidza chete,” akadaro, “usatomboedza zvako kurinzwisisa.” Ipapo akandikoka kuti titambe makasi.
Pashure paizvozvo ndakaenda kumurume akanga andikweretesa Bhaibheri. Akanga ari Mudzidzi weBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Akafara kundibetsera, uye pashure penguva yakati ndakatanga kunzwisisa. Ndakarega kunyanyonwisa ndokutanga kurarama upenyu hune tsika; ndakatotanga kutaura nevamwe pamusoro paJehovha. Chokwadi cheBhaibheri chakanga chadzika midzi muZahor mukuvamba kwama1920, uye nokukurumidza boka reVadzidzi veBhaibheri raishingaira rakatangwa.
Kunyange zvakadaro, kwaiva nokushorwa kworudzidziso kwakasimba. Mupristi womunzvimbomo akaita kuti vakawanda vomumhuri yangu vandipandukire, vachiti ndakanga ndava kupenga. Asi upenyu hwangu hwakatanga kuva nechinangwa, uye ndakatsunga kusarudza kubatira Mwari wechokwadi, Jehovha. Nokudaro, muna 1930, ndakaratidzira kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha uye ndakabhabhatidzwa.
Kuvamba Kwemiedzo Yakakomba
Muna 1938, nharaunda yedu yaitongwa neHungary, iyo yaitsigira Germany muHondo Yenyika II. Panguva iyoyo takanga tine Zvapupu zvinenge 50 mumusha wedu wevanhu vasingasviki chiuru. Takaramba tichiparidza kunyange zvazvo kuita kudaro kwaiisa upenyu hwedu norusununguko mungozi.
Muna 1940, ndakasarudzwa kuti ndipinde muuto reHungary. Ndaizoitei? Zvisinei, ndakanga ndarava uporofita hweBhaibheri pamusoro pavanhu vaipfura minondo yavo kuva zvishandiso zvorugare, uye ndaiziva kuti, pashure penguva yakati, Mwari aizobvisa hondo dzose pasi pano. (Pisarema 46:9; Isaya 2:4) Nokudaro, ndaivenga hondo, uye ndakasarudza kusapinda muuto, pasinei zvapo nemigumisiro yacho.
Ndakatongerwa mwedzi 14 mujeri ndokushandira mutongo wangu muPécs, Hungary. Zvimwe Zvapupu zvishanu zvakanga zviri mujeri rimwe chetero, uye takaonga kuti taikwanisa kusonganirana. Zvisinei, kwenguva yakati kuti ndakaiswa mujeri rangu ndoga ndine cheni mumakumbo angu. Patairamba kuita basa raitsigira hondo, tairohwa. Uyewo, taimanikidzwa kumira takati tote zuva rose, kunze kwemaawa maviri masikati. Uku kutambudzwa kwakapfuurira kwemwedzi yakawanda. Asi taifara nemhaka yokuti takanga tine hana yakachena pamberi paMwari wedu.
Nhau Yokubvumirana Pane Zvisina Kufanira
Rimwe zuva boka ravapristi veKaturike 15 rakauya kuzoedza kutipwisa kuti zvakanga zvakakosha kuti titsigire hondo kupfurikidza nokupinda muuto. Mukukurukura kwacho takati: “Kana mukabvumikisa kubva muBhaibheri kuti mweya haufi uye kuti tichaenda kudenga kana tikafa muhondo, tichapinda muuto.” Chokwadika, vakanga vasingakwanisi kubvumikisa izvozvo, uye havana kuda kupfuurira kukurukura.
Muna 1941 mutongo wangu wejeri wakapera, uye ndakanga ndichikarira kubatanazve nemhuri yangu. Panzvimbo pezvo, ndakaendeswa ndakasungwa necheni kubhesi remauto muSárospatak, Hungary. Patakasvika, ndakapiwa mukana wokuti ndisunungurwe. “Zvaunongofanira kuita chete,” ndakaudzwa kudaro, “kusaina vimbiso iyi yokuti uchabhadhara 200 pengö paunodzokera kumba.”
“Izvozvo zvinobvira sei?” ndakabvunza kudaro. “Mari yacho munoidini?”
“Kana ukabhadhara mari yacho,” ndakaudzwa kudaro, “uchagamuchira tsamba yokuti hauna kukwanisa kuva muuto nemhaka youtano.”
Ichi chakanga chiri chisarudzo chakaoma kwandiri. Kwerinopfuura gore, ndakanga ndatambura kubatwa zvisina kunaka; ndakanga ndava kuneta. Zvino, kupfurikidza nokubvuma kubhadhara mari yakati kuti, ndaigona kusunungurwa. “Ndichafunga nezvazvo,” ndakazevezera.
Ndaizoita chisarudzo chei? Ndaifanira kufunga nezvomudzimai wangu navana. Zvisinei, panenge panguva iyoyo ndakagamuchira tsamba yakandikurudzira yaibva kumuKristu wandainamata naye. Akanokora mashoko aVaHebheru 10:38, apo muapostora Pauro anonokora mashoko aJehovha okuti: “Wakarurama wangu uchaponeswa nokutenda; zvino kana akadzokera shure, mwoyo wangu haungafari naye.” Nokukurumidza pashure paizvozvo, vakuru vakuru vaviri veHungary vaiva pakamba vakataura neni, mumwe achiti: “Hauzivi kuti tinokuremekedza sei nokuda kwokutsigira mitemo yeBhaibheri zvakasimba kudaro! Usarega!”
Zuva rakatevera racho ndakaenda kune avo vakanga vati ndaizosunungurwa ne200 pengö ndokuti: “Sezvo Jehovha Mwari akandibvumira kuti ndisungwe, achaonawo kuti ndasunungurwa. Handisi kuzobhadhara kuti ndisunungurwe.” Naizvozvo ndakatongerwa makore gumi mujeri. Asi kwakanga kusiri kuguma kwokuedza kundiita kuti ndibvumirane pane zvisina kufanira. Dare rakati raizondisunungura kana ndikabvuma kushandira uto kwemwedzi miviri bedzi, uye ndakanga ndisingambofaniri kutakura kana chombo zvacho! Ndakaramba izvozvowo, uye mutongo wangu womujeri wakavamba.
Kutambudzwa Kunowedzera
Ndakaendeswazve kujeri romuPécs. Nguva ino kutambudzwa kwakanga kwakatonyanya. Maoko angu akasungirwa shure kwangu, uye ndakarembedzwa nawo kwamaawa anenge maviri. Somugumisiro, mapfudzi angu ose akashodogoka. Kutambudzwa kwakadaro kwakadzokororwa kwenhambo inopfuura mwedzi mitanhatu. Ndinogona kuonga Jehovha bedzi kuti handina kurega.
Muna 1942 boka redu—vasungwa vezvematongerwe enyika, vaJudha, uye Zvapupu zvaJehovha 26—takaendeswa kuguta reKursk munharaunda yakanga iri yamauto eGermany. Takapiwa kuvaGerman, uye vakaita kuti vasungwa vashande vachiendesa zvokudya, zvombo, uye zvokupfeka kuvarwi. Isu Zvapupu takaramba basa racho nemhaka yokuti raikanganisa kusatora rutivi kwedu kwechiKristu. Somugumisiro, takadzorerwa kuvaHungary.
Pakupedzisira, takaiswa mujeri romunzvimbomo muKursk. Kwamazuva anoverengeka tairohwa katatu pazuva nezvamboko. Ndakarohwa mbama ndokuwisirwa pasi. Sezvandairohwa, ndakafunga kuti, ‘Kufa hakuna kumbooma.’ Muviri wangu wose wakatindivara, zvokuti ndakanga ndisingachanzwi kurwadziwa. Kwamazuva matatu hapana kana chokudya chatakapiwa. Ipapo takaendeswa kudare, uye vatanhatu vakatongerwa rufu. Mutongo wacho pawakaitwa, takasara tiri 20.
Miedzo yokutenda yandakatambura mumazuva iwayo muKursk muna October 1942 yakanga yakaoma kupfuura yose yandati ndamboona. Mashoko edu akanyatsotaurwa naMambo Jehoshafati wakare vanhu vake pavakatarisana nezvinetso zvikuru: “Hatina simba rokurwa navazhinji ava vanouya kuzorwa nesu; hatizivi chatingaita, asi meso edu akatarira kwamuri.”—2 Makoronike 20:12.
Tiri 20 takaendwa nesu panze kuti tinochera guva redu tose, takarindwa navarwi 18 veHungary. Patakapedza kuchera, takaudzwa kuti takanga tasara namaminiti gumi kuti tisaine gwaro racho, raiva namamwe mashoko aiti: “Kudzidzisa kweZvapupu zvaJehovha hakuna kururama. Handichazokudavirizve kana kuti kukutsigira. Ndicharwira nyika yeHungary . . . Ndinosimbisa nesiginicha yangu kuti ndava kupinda Chechi yeRoma Katurike.”
Pashure pemaminiti gumi vakarayira kuti: “Tarirai kurudyi! Fambai muchienda kuguva!” Ipapo murayiro wokuti, “Musungwa wokutanga nowechitatu pindai mugomba!” Ava vaviri vakapiwa mamwe maminiti gumi kuti vasarudze kusaina gwaro racho. Mumwe wavarwi akateterera kuti: “Rambai kutenda kwenyu mubude muguva!” Hapana munhu akataura chinhu. Ipapo mukuru mukuru akavapfura vose vari vaviri.
“Zvakadini navamwe vose vasara?” mumwe murwi akabvunza mukuru mukuru wacho.
“Vasungei,” akapindura kudaro. “Tichavatambudza zvakare tozovapfura na6:00 mangwanani.”
Ndakangoerekana ndava kutya, kwete kuti ndaizofa, asi kuti ndaisazokwanisa kutsungirira kutambudzwa uye ndaizobvumirana pane zvisina kufanira. Naizvozvo ndakafamba ndichienda mberi ndokuti: “Takanganisa zvakafanana nehama dzedu dzamuchangobva kupfura. Madini kungotipfurawo?”
Asi havana kudaro. Takasungwa maoko edu akasungirwa shure. Ipapo takarembedzwa namaoko edu. Pataifenda, vaitidira mvura. Marwadzo acho akanga asingaiti nokuti kurema kwomuviri kwaishodogora mapfudzi edu. Kutambudzwa uku kwakapfuurira kwamaawa anenge matatu. Ipapo, nokukurumidza, pakapiwa murayiro wokuti pasava nezvimwe Zvapupu zvaJehovha zvinopfurwa.
Kutamira Kumabvazuva—Ipapo Kupukunyuka
Mavhiki matatu gare gare takafambiswa seboka kwamazuva mashomanene kusvikira tasvika kumahombekombe eRwizi rweDon. Takaudzwa navaitarisira kuti takanga tisingazodzoswi tiri vapenyu. Masikati, taipiwa basa risingabetseri, kuchera makomba uye ipapo kuafusira. Manheru, takanga tine rusununguko rwakati rwokufamba famba.
Semaonero andakazviita, pakanga pane zvinhu zviviri zvaibvira. Taigona kungofirapo, kana kuti taigona kutiza vaGerman ndokuzviisa mumaoko evaRussia. Takasarudza kuedza kutizira mhiri kwoRwizi rweDon rwakanga rwakaoma nechando tiri vatatu bedzi. Musi wa12 December, 1942, takanyengetera kuna Jehovha ndokutiza. Takasvika kunzvimbo yavaRussia uye takakurumidza kuiswa mumusasa wejeri waiva navasungwa vanenge 35 000. Pakasvika munakamwe, vasungwa vanenge 2 300 bedzi ndivo vakanga vachiri vapenyu. Vamwe vose vakanga vafa nenzara.
Kusununguka asi Imwe Nhamozve
Ndakapukunyuka hondo yose, kubatanidza mwedzi inoverengeka pashure pokunge yapera, somusungwa weRussia. Pakupedzisira, muna November 1945, ndakasvika kumba kuZahor. Purazi redu rakanga risina kunaka, naizvozvo ndaifanira kutangazve. Mudzimai wangu navana vakanga vashanda papurazi munguva yehondo, asi muna October 1944, sezvo vaRussia vakasvika, vakatamisirwa kumabvazuva. Zvinhu zvose zvatakanga tinazvo zvakanga zvatorwa.
Zvakatoipa kupfuura zvose, pandakadzokera kumba, mudzimai wangu akanga achirwara zvikuru. Muna February 1946, akafa. Aiva namakore 38 bedzi. Takava nenguva shomanene kwazvo yokunakidzwa patakaonanazve pashure pamakore marefu mashanu, akaoma okuparadzana.
Ndakanyaradzwa nehama dzangu dzomudzimu, nokupinda misangano uye kuita ushumiri hwapaimba neimba. Muna 1947, ndakakwanisa kukwereta mari yokuenda kuBrno, rwendo rwamakiromita anenge 400, kuti ndinopinda kokorodzano. Ikoko pakati pehama dzangu dzechiKristu, kubatanidza Nathan H. Knorr, aiva purezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society panguva iyoyo, ndakanyaradzwa nokukurudzirwa zvikuru.
Hatina kunakidzwa nokusununguka kwedu pashure pehondo kwenguva refu. Muna 1948 vaKomonisiti vakatanga kutidzvinyirira. Hama dzakawanda dzakanga dzichitungamirira basa reZvapupu zvaJehovha muCzechoslovakia dzakasungwa muna 1952, uye ndakapiwa basa rokutarisira ungano. Muna 1954, ndakasungwawo, uye ndakatongerwa makore mana mujeri. Mwanakomana wangu, Ján, nomwanakomana wake Juraj, vakasungwawo nemhaka yokusatora rutivi kwavo kwechiKristu. Ndakapedza makore maviri ndiri mujeri rehurumende rePankrác muPrague. ‘Muna 1956, hurumende yakati vanhu vasunungurwe uye ndakasunungurwa.
Rusununguko Pakupedzisira!
Pakupedzisira, muna 1989, chiKomonizimu hachina kuzoshanda muCzechoslovakia, uye basa reZvapupu zvaJehovha rakanyoreswa zviri pamutemo. Nokudaro, takanga tasununguka kuungana pamwe chete uye kuparidza pachena. Panguva iyoyo Zahor yakanga yava neZvapupu zana, zvakareva kuti anenge munhu mumwe muvanhu gumi mumusha wacho aiva Chapupu. Makore mashomanene apfuura, takavaka Horo yoUmambo yakaisvonaka, yakakura muZahor, inokwana vanhu vanenge 200.
Utano hwangu hahuchina kunaka, naizvozvo hama dzinondiendesa kuHoro yoUmambo nemotokari. Ndinofara kuvapo uye ndinofadzwa nokutsinhira paFundo yeNharireyomurindi. Ndinofara zvikuru kuona vanomirira zvizvarwa zvitatu zvemhuri yangu vachibatira Jehovha, kubatanidza vazukuru vanoverengeka gumi navaviri. Mumwe waivava aishanda somutariri anofambira weZvapupu zvaJehovha muCzechoslovakia kusvikira mitoro yemhuri yake yamudzivisa kupfuurira.
Ndinoonga Jehovha nokuda kwokundisimbisa munguva dzangu dzakawanda dzemiedzo. Kuramba ndakatarira kwaari—“somunhu unoona iye usingaonekwi”—ndikwo kwakanditsigira. (VaHebheru 11:27) Hungu, ndakaona ruoko rwake rwune simba rokununura. Ndicho chikonzero nei, kunyange zvino, ndichipfuurira kuedza kuva pamisangano yeungano nokuzivisa zita rake muushumiri hwapachena napandinogona napo.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Horo yoUmambo yomuZahor
[Mufananidzo uri papeji 26]
Ndinoonga ropafadzo yokutsinhira paFundo yeNharireyomurindi