Vakaita Kuda kwaJehovha
Pauro Anopupurira Noushingi Pamberi Pevanoremekedzwa
KUSIYANA kwavarume vaviri kwaisagona kuva kwakaratidzwa zvakajeka zvikuru. Mumwe akanga akapfeka korona nepo mumwe akanga akapfeka ngetani. Mumwe aiva mambo; mumwe wacho ari musungwa. Pashure pemakore maviri ari mujeri, muapostora Pauro zvino akamira pamberi pomutongi wavaJudha, Herodhi Agripa II. Mambo wacho navahosi vake Berinike, vakanga vauya “va[ka]shonga kwazvo, va[ka]pinda mumba maitambirwa mhaka, navakuru vechuru chamazana, navakuru veguta.” (Mabasa 25:23) Rimwe bhuku renongedzero rinoti: “Sezvinobvira paiva namazana anoverengeka avanhu.”
Gavhuna akanga achangobva kugadzwa, Festo, akanga aronga musangano wacho. Gavhuna akamutangira, Ferikisi, akanga agutswa nokurega Pauro achitambura mutorongo. Asi Festo akapokana chikonzero chokupomerwa kwaPauro. Chokwadi, Pauro akanga akaomerera pakusava nemhaka kwake zvokuti akanga ataura kuti aida kuendesa nhau yake kuna Kesari! Nhau yaPauro yakaita kuti Mambo Agripa ade kuziva. Akati, “Neni ndinoda kunzwa munhu uyu ndimene.” Festo akakurumidza kugadzirira, zvimwe achinetseka kuti mambo angafungei nezveuyu musungwa akasiyana.—Mabasa 24:27–25:22.
Zuva rakatevera racho, Pauro akamira pamberi peboka guru revanoremekedzwa. “Ndinozvikorokotedza, zvandingazvidavirira nhasi pamberi penyu pamusoro pezvose zvandinokwirirwa nazvo navaJudha;” akadaro kuna Agrippa, “zvikuru nokuti munoziva tsika dzose namashoko ose pakati pavaJudha; naizvozvo ndinokumbira kwamuri, kuti mundinzwe nomwoyo murefu.”—Mabasa 26:2, 3.
Kuzvidzivirira Noushingi kwaPauro
Chokutanga, Pauro akaudza Agripa nezveupenyu hwake hwekare somutambudzi wevaKristu. “Ndaiedza kuvamanikidzira kuti varambe kutenda kwavo,” akadaro. “Ndakatosvika pakuvatambudza kunyange mumaguta ari kunze.” Pauro akapfuurira kurondedzera nzira yaakagamuchira nayo chiono chinokatyamadza umo Jesu akamutswa akamubvunza kuti: “Uri kunditambudzirei? Kuramba uchikava zvibayiso kunoita kuti zvikuomere.”a—Mabasa 26:4-14, NW.
Ipapo Jesu akapa Sauro basa rokupupura kuvanhu vamarudzi ose “zvawakaona, nezvandichazviratidza nazvo kwauri.” Pauro akarondedzera kuti akavavarira kuita basa rake nokushingaira. Asi, “pamusoro paizvozvi,” akaudza Agripa, “vaJudha vakandibata mutembere, vakaedza kundiuraya.” Achiita kuti Agripa afarire chiJudha, Pauro akasimbisa kuti kupupura kwake kwaibatanidza chaizvoizvo “[kusa]rev[a] zvimwe zvinhu asi zvakataurwa navaporofita naMosesi, kuti zvichaitika” pamusoro pokufa nokumuka kwaMesiya.—Mabasa 26:15-23.
Festo akapindira. Akadanidzira kuti: “Kudzidza kwako kukuru kunokupenza.” Pauro akapindura kuti: “Handipengi, Festo wakakurumbira; asi ndinotaura mashoko [ech]okwadi nouchenjeri.” Ipapo Pauro anoti nezvaAgripa: “Mambo wandinotaura naye ndisingatyi, vanoziva izvozvi, nokuti ndinoziva kuti hapana chinhu chaizvozvo chakavanzika kwaari, nokuti chinhu ichi hachina kuitwa pakavanda.”—Mabasa 26:24-26.
Ipapo Pauro akataura naAgripa zvakananga. “Mambo Agripa, munotenda vaprofita here?” Pasina kupokana mubvunzo wacho wakaita kuti Agripa asanzwe zvakanaka. Asiwo, aityira zita rake, uye kubvumirana naPauro kwaizova kubvumirana nekwakanzi naFesto “kupenga.” Zvimwe achiziva kuzengurira kwaAgripa, Pauro akazvipindurira mubvunzo wake. Akati “Ndinoziva kuti munotenda.” Agripa zvino akataura, asi akaita kuti mashoko ake arambe asina kujeka. Akati kuna Pauro: “Unenge unoda kundiita muKristu nenguva duku.”—Mabasa 26:27, 28.
Pauro nounyanzvi akashandisa kutaura kwokunyengera kwaAgripa kuti ataure mufungo wakasimba. Akati: “Ndinonyengetera kuna Mwari kana nenguva duku, kana nehuru, kuti musava imi moga, asi vose vanondinzwa nhasi, vaitwe seni, asi vasina zvisungo izvi.”—Mabasa 26:29.
Agripa naFesto havana kuona chinhu chaiita kuti Pauro afanirwe nokufa kana kuti kuiswa mujeri. Kunyange zvakadaro, chikumbiro chake chokutaura nhau yake kuna Kesari chaisagona kudzimwa. Ndicho chikonzero nei Agripa akati kuna Festo: “Munhu uyu dai asina kuzviisa kuna Kesari ungadai asunungurwa.—Mabasa 26:30-32.
Zvatinodzidza
Mutoo waPauro wokupupura pamberi pevanoremekedzwa unotigovera muenzaniso wakatanhamara. Pauro akashandisa uchenjeri pakutaura naMambo Agripa. Pasina kupokana akanga achiziva nezvechinyadzo chakaitwa naAgripa naBerinike. Vakanga vachidanana hama nehama, nokuti chaizvoizvo Berinike wakanga ari hanzvadzi yaAgripa. Asi panguva ino Pauro haana kusarudza kutaura pamusoro petsika. Panzvimbo pezvo, akasimbisa mifungo yaibvumirana naAgripa. Zvakare, kunyange zvazvo Pauro akarayiridzwa nomuFarise akadzidza Gamarieri, akabvuma kuti Agripa akanga ari nyanzvi mutsika dzechiJudha. (Mabasa 22:3) Pasinei zvapo netsika dzomunhu oga dzaAgripa, Pauro akataura naye nokuremekedza nokuti Agripa aiva nenzvimbo yechiremera.—VaRoma 13:7.
Nepo tichipupura nokushinga pamusoro pezvitendero zvedu, haisi vavariro yedu kufumura kana kuti kutsoropodza miitiro isina kuchena yevateereri vedu. Panzvimbo pezvo, kuti zvivaitire nyore kugamuchira chokwadi, tinofanira kusimbisa mativi akanaka amashoko akanaka, tichisimbisa tariro dzatinadzo dzakafanana. Patinotaura nevakuru kana kuti vane chiremera, tinofanira kuziva nzvimbo yavo. (Revhitiko 19:32) Nenzira iyoyi, tinogona kutevedzera Pauro, uyo akati: “Ndakava zvose kuvanhu vose, kuti ndiponese vamwe nemitoo yose.”—1 VaKorinte 9:22.
[Mashoko Omuzasi]
a Mashoko okuti “kukava zvibayiso” anorondedzera kuita kwehandira inozvikuvadza painokava tsvimbo yakapinza yakagadzirirwa kudzora mhuka yacho. Nenzira yakafanana, kupfurikidza nokutambudza vaKristu, Sauro aizongozvikuvadza, sezvo akanga achirwisa vanhu vaitsigirwa naMwari.