RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 10/1 pp. 24-27
  • Ndakawana Chimwe Chinhu Chiri Nani Kupfuura Ndarama

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakawana Chimwe Chinhu Chiri Nani Kupfuura Ndarama
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzungaira muAmerica
  • Kubatanidzwa Nehanzvadzi Namukoma
  • Mhuri Nemariro
  • Kudzidza Chokwadi
  • Kuwana Nzvimbo Yandakaberekerwa
  • Kuisa Chokwadi Pakutanga
  • Kurangarira Musiki Wedu Kubvira Pauduku
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Kuswedera Pedyo naMwari Kwakandibetsera Kukurira
    Mukai!—1993
  • Kurera Vana Vasere Munzira dzaJehovha Kwaiva Basa Rakaoma Asi Richifadza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Ndingamuripa Neiko Jehovha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 10/1 pp. 24-27

Ndakawana Chimwe Chinhu Chiri Nani Kupfuura Ndarama

YAKATAURWA NACHARLES MYLTON

Rimwe zuva Baba vakati: “Ngatiendesei Charlie kuAmerica kune mari inomera mumiti. Angawana imwe ndokutitumira!”

CHAIZVOIZVO, vanhu vaifunga kuti migwagwa yomuAmerica yakanga yakagadzirwa nendarama. Upenyu hwakanga hwakavaomera zvikuru kumabvazuva kweEurope mumazuva iwayo. Vabereki vangu vakanga vane purazi duku uye vaichengeta mombe shomanene nehuku. Takanga tisina magetsi kana pombi dzinopinza mvura mumba. Asi panguva iyoyo, hapana aiva nazvo pedyopo.

Ndakaberekerwa muHoszowczyk musi wa1 January 1893, makore anoda kusvika 106 akapfuura. Musha wedu wakanga uri muGalicia, ruwa rwakanga rwuri rutivi rweumambo hweAustro-Hungary panguva iyoyo. Zvino Hoszowczyk inowanika kumabvazuva kwePoland pedyo neSlovakia neUkraine. Chando chaitonhora zvikuru ikoko uye sinou yaiva yakawanda. Pandakanga ndava nemakore anenge manomwe, ndaifamba inenge hafu yekiromita kuenda kurukova uye ndaichera gomba nedemo muaizi kuti ndiwane mvura. Ndaiitakura kuenda kumba uye Amai vaiishandisa kubika nokuchenesa. Vaigeza mbatya kurukova, vachishandisa zvidimbu zvakati kurei zveaizi sopokugezera.

MuHoszowczyk makanga musina zvikoro, asi ndakadzidza kutaura chiPolish, chiRussia, chiSlovak, uye chiUkrain. Takarerwa sevaGreek Orthodox, uye ndakashanda somukomana waibetsera mupristi. Asi kunyange ndichiri muduku, ndakatsamwiswa nevapristi vaitaura kuti hatifaniri kudya nyama musi weChishanu asi ivo pachavo vachidya.

Dzimwe dzeshamwari dzedu dzakanga dzadzoka kubva kumabasa muUnited States nemari yokugadzirisa misha yadzo nokutenga michina yepurazi. Izvi ndizvo zvakaita kuti Baba vataure nezvokundiendesa kuAmerica nevavakidzani vakanga vachironga rumwe rwendo rwekuenda ikoko. Makanga muri muna 1907 pandakanga ndine makore 14.

Kudzungaira muAmerica

Ndakakurumidza kukwira ngarava, uye mumavhiki maviri takanga tayambuka Atlantic. Panguva yacho, waifanira kuva nemadhora 20 [U.S], nezvisizvo vaikudzosera kunyika yako. Ndakanga ndine chidimbu chesirivha chemadhora 20, uye nokudaro ndakava mumwe wemamiriyoni avanhu akapfuura nomuEllis Island, New York, nzira yokuenda kuAmerica. Chokwadika, mari yakanga isingameri mumiti, uye migwagwa yakanga isina kugadzirwa nendarama. Kutaura zvazviri, yakawanda yayo yakanga isina kutombogadzirwa!

Takakwira chitima chaienda kuJohnstown, Pennsylvania. Varume vandakanga ndinavo vakanga vamboendako uye vaiziva kamwe kahotera kwandaigona kugara. Chikonzero chacho chakanga chiri chokuti nditsvake hanzvadzi yangu huru yaigara muJerome, kuPennsylvania, kwandakazoziva gare gare kuti kwaingova makiromita 25 chete kubva ipapo. Asi ndaiti Yarome, panzvimbo pokuti Jerome, nokuti “J” wacho anodudzwa sa“Y” mururimi rwangu rwaamai. Hapana akanga ambonzwa nezveYarome, nokudaro ndakanga ndiri munyika yekumwe, ndisingambogoni kutaura chiNgezi uye ndisina mari yakawanda.

Ndakapedza mangwanani oga oga ndichitsvaga basa. Pahofisi yokutsvagira vanhu mabasa, vaviri bedzi kana kuti vatatu vaipinzwa basa pakati pevakawanda vakanga vakamira panze. Nokudaro zuva rimwe nerimwe ndaidzoka kukahotera kaye kunofunda chiNgezi ndichiyamurwa nemabhuku okuzvidzidzisa. Padzimwe nguva ndaiwana mabasa asiri enguva dzose, asi mwedzi yakapfuura, uye mari yangu yakanga yotoda kupera.

Kubatanidzwa Nehanzvadzi Namukoma

Rimwe zuva ndakapfuura nepahotera yaiva nebhawa pedyo nechiteshi chezvitima. Chokwadi zvokudya zvacho zvainhuwirira zvakanaka! Masangweji, twokudyira-dyira, nezvimwe zvinhu zvaiva pabhawa racho zvaipiwa pachena kana munhu aitenga doro, raiita masendi mashanu girazi hombe. Kunyange zvazvo ndakanga ndisati ndasvika zera rokuzvisarudzira, mutengesi wemubhawa akandinzwira urombo ndokunditengesera doro racho.

Pandakanga ndichidya, vamwe varume vakapinda vachiti: “Kurumidza kunwa! Chitima chinoenda kuJerome chava kuuya.”

“Munoreva Yarome here?” Ndakabvunza.

“Aiwa, Jerome,” varume vacho vakadaro. Ndipo pandakaziva kwaigara hanzvadzi yangu. Zvakaitika ndezvokuti, pabhawa pacho, ndakasangana nomurume aigara pamusuo wechitatu kubva pane wavo! Nokudaro ndakatenga tikiti rechitima uye pakupedzisira ndakawana hanzvadzi yangu.

Hanzvadzi yangu nomurume wake vaiva nekahotera kevacheri vemigodhi yemarasha, uye ndakagara navo. Vakandiwanira basa rokutarisira pombi yaibudisa mvura mumugodhi. Payaingorega kushanda, ndaifanira kudana makanika. Basa racho raibhadhara masendi 15 pazuva. Ipapo ndakashanda panjanji, paigadzirwa zvidhina, uye kunyange somumiriri weinishuwarenzi. Gare gare ndakatamira kuPittsburgh kwaigara mukoma vangu Steve. Ikoko, takashanda panogadzirwa simbi. Handina kutombowana mari yakakwana yokutumira kumusha.

Mhuri Nemariro

Rimwe zuva ndichifamba kuenda kubasa, ndakacherekedza musikana muduku webasa akamira pamberi pemba yaaishanda. Ndakafunga kuti, ‘Vakomana, musikana wakanaka uyu.’ Mavhiki matatu gare gare, muna 1917, ini naHelen takaroorana. Mumakore gumi akatevera, takava nevana vatanhatu, mumwe wacho akafa achiri kasvava.

Muna 1918 kambani yePittsburgh Railways yakandipinza basa somutyairi wemotokari inofamba panjanji iri mumugwagwa wemotokari. Pedyo nepaimiswa motokari yacho paiva nekachitoro kaitengeswa zvokudya apo munhu aigona kuwana kapu yekofi. Mukati, varume vaviri vechiGiriki vaiva varidzi venzvimbo yacho vairatidzika sevasina basa nazvo kana waitenga chinhu chipi nechipi, chero bedzi vaigona kukuparidzira zvomuBhaibheri. Ndaiti: “Munoda kundiudza kuti nyika yose haina kururama uye imi vaviri ndimi chete vakarurama here?”

“Zvakanaka, tarira muBhaibheri!” vaidaro. Asi panguva yacho, vakakundikana kundipwisa.

Nenzira inosuruvarisa, muna 1928, mudiwa wangu Helen akarwara. Kuitira kuti vana vatarisirwe zviri nani, ndakavaendesa kuti vanogara nehanzvadzi yangu nomurume wake kuJerome. Panguva iyi vakanga vatenga purazi. Ndaishanyira vana kakawanda uye ndaigovera mari yokutenga zvokudya zvavo mwedzi woga woga. Ndaivatumirawo mbatya. Nenzira inosuruvarisa, mugariro waHelen wakanyanyisa kushata, uye akafa musi wa 27 August, 1930.

Ndakasurukirwa uye ndakaora mwoyo. Pandakaenda kumupristi kunoronga zvemariro, akati: “Hausisiri womuchechi ino zvakare. Hauna kubhadhara mari kwerinopfuura gore.”

Ndakatsanangura kuti mudzimai wangu akange achirwara kwenguva refu uye kuti ndaipa vana vangu mari ipi neipi yaisara kuitira kuti vatsigire chechi yomuJerome. Kunyange zvakadaro, mupristi asati abvuma kutarisira mariro acho, ndaitofanira kukwereta madhora 50 kuti ndibhadhare chikwereti changu. Mupristi wacho aidawo madhora 15 okuwedzera kuti aite Misa kumba kwemukoma womudzimai wangu uko shamwari nemhuri vakanga varonga kuungana kuti vacheme Helen. Ndaisagona kuwana madhora 15 acho, asi mupristi akabvuma kuita Misa yacho kana ndaizomupa mari yacho zuva rokutambira.

Pakasvika zuva rokutambira ndaifanira kushandisa mari yacho kutengera vana shangu nembatya dzechikoro. Naizvozvo, mavhiki anenge maviri gare gare, mupristi wacho akakwira motokari yangu. Akati, “Uchine chikwereti changu chiya chemadhora 15.” Ipapo, paakaburuka pachiteshi chake, akatyisidzira achiti, “Ndava kuenda kuna bhasi wako kuti abvise mari yacho pamubhadharo wako.”

Pandakapedza basa, ndakaenda kuna bhasi wangu ndokumuudza zvakanga zvaitika. Kunyange zvazvo akanga ari muKaturike, akati, “Kana mupristi iyeye akauya pano, ndichamuudza zvandinofunga!” Zvakaita kuti nditange kufunga kuti, ‘Vapristi vanongoda mari yedu, asi hapana zvavanombotidzidzisa nezveBhaibheri.’

Kudzidza Chokwadi

Nguva yakatevera yandakanga ndiri mukachitoro kanotengeswa zvokudya kevarume vaviri vechiGiriki vaye, takakurukura zvandakaitwa nomupristi. Somugumisiro, ndakatanga kufunda neVadzidzi veBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Ndaipedza usiku hwose ndakasvinura ndichirava Bhaibheri nemabhuku eBhaibheri. Ndakadzidza kuti Helen akanga asiri kutambura mupurgatori, sokutaura kwakanga kwaita mupristi, asi akanga akavata murufu. (Jobho 14:13, 14; Johane 11:11-14) Zvirokwazvo, ndakanga ndawana chimwe chinhu chiri nani zvikuru kupfuura ndarama—chakanga chiri chokwadi!

Mavhiki mashomanene gare gare, pamusangano wangu wokutanga neVadzidzi veBhaibheri paGarden Theatre muPittsburgh, ndakasimudza ruoko rwangu ndokuti, “Ndadzidza zvakawanda pamusoro peBhaibheri usiku huno kupfuura zvandakaita mumakore angu ose muchechi.” Gare gare, pavakabvunza kuti ndiani aida kunoitawo basa rokuparidza zuva raitevera racho, ndakasimudzazve ruoko rwangu.

Ipapo, musi wa4 October 1931, ndakaratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha kupfurikidza nokubhabhatidzwa mumvura. Munguvayo ndakakwanisa kurenda imba ndokudzosa vana kuti vagare neni, ndichitora musikana webasa kuti abetsere kuvatarisira. Pasinei zvapo nomutoro wangu wokutarisira mhuri, kubva muna January 1932 kusvikira muna June 1933, ndakaitawo basa chairo rainzi rokubetsera, mandakapedzera maawa 50 kusvikira ku60 mwedzi woga woga ndichitaura navamwe pamusoro peBhaibheri.

Panenge panguva iyi ndakatanga kucherekedza imwe mhandara yakanaka yaiita seyaikwira motokari yangu nguva dzose payaienda nokudzoka kubasa. Taitarisana nomugirazi rangu rinoonesa zviri kumashure. Ndiko kuonana kwatakaita naMary. Takadanana ndokuroorana muna August 1936.

Pakasvika 1949 makore angu akawanda pabasa akandigonesa kusarudza basa raindigonesa kupayona, sokudanwa kunoitwa ushumiri hwenguva yakazara. Mwanasikana wangu mudukusa, Jean, akanga atanga kupayona muna 1945, uye takapayona tose. Gare gare, Jean akasangana naSam Friend, akanga achishanda paBheteri, dzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York.a Vakaroorana muna 1952. Ndakapfuurira kupayona muPittsburgh uye ndakaitisa fundo dzeBhaibheri dzakawanda, pane imwe nguva mhuri 14 vhiki yoga yoga. Muna 1958, ndakarega basa rangu rokutyaira motokari. Pashure paizvozvo, kupayona kwakanga kwava nyore, sezvo ndakanga ndisisafaniri kushanda kunyika maawa masere pazuva.

Muna 1983, Mary akarwara. Ndakaedza kumutarisira sezvaakanga anditarisira zvakanaka zvikuru kwemakore anoda kusvika 50. Pakupedzisira, musi wa14 September 1986, akafa.

Kuwana Nzvimbo Yandakaberekerwa

Muna 1989, Jean naSam vakaenda neni kukokorodzano kuPoland. Takashanyirawo nzvimbo yandakakurira. Pakatora vaRussia rutivi irworwo rwenyika, vakachinja mazita emadhorobha uye vakaendesa vanhu kudzimwe nyika. Mumwe wevakoma vangu akaendeswa kuIstanbul uye imwe hanzvadzi kuRussia. Uye zita romusha wangu rakanga risingazivikanwi nevatakabvunza.

Ipapo ndakaziva mamwe makomo aiva kure. Sezvatakaswedera pedyo, ndakatanga kuziva zvimwe zviratidziro zvenzvimbo—kachikomo, mhanda iri mumugwagwa, chechi, zambuko riri parwizi. Pakarepo, takashamiswa kuona chikwangwani chaiti “Hoszowczyk”! Nguva pfupi yapfuura, vaKomunisti vakanga vasisatongi, uye mazita apakutanga emisha akanga adzorerwa.

Imba yedu yakanga isisipo, asi pakanga pane hovhoni yaishandiswa kubikira panze, yakanga yafukidzwa zvishomanene nevhu. Ipapo ndakanongedzera kumuti mukuru ndokuti: “Onai muti uyo. Ndakausima ndisati ndaenda kuAmerica. Tarirai kuti wakura sei !” Pashure pazvo, takashanyira kumakuva, tichitsvaga mazita emitezo yemhuri, asi hapana atakambowana.

Kuisa Chokwadi Pakutanga

Pakafa murume waJean muna 1993, akandibvunza kana ndaida kuti abve paBheteri kuti anditarisire. Ndakamuudza kuti ichocho chaizova chinhu chakaipisisa chaaigona kuita, uye ndichiri kufunga zvakafanana. Ndakagara ndoga kusvikira pandakanga ndava nemakore 102, asi ipapo zvakava zvakafanira kuti vanditamisire mumusha unotarisira vakwegura. Ndichiri mukuru muUngano yeBellevue muPittsburgh, uye hama dzinouya kuzonditora kuenda kumisangano kuHoro yoUmambo misi yeSvondo. Kunyange zvazvo basa rangu rokuparidza raganhurirwa zvikuru zvino, ndinoramba ndiri pandaza yemapiyona anorwara.

Mumakore akapfuura, ndakafadzwa nezvikoro zvaiitirwa kurovedza vatariri zvakarongwa neWatch Tower Society. December akapfuura, ndakapinda imwe purogiramu yeChikoro Choushumiri choUmambo chavakuru veungano. Uye musi wa11 April wapfuura uyu, Jean akandiendesa kuChirangaridzo chorufu rwaJesu, kuchengeta kwandave ndichikoshesa uye ndichidya gore rimwe nerimwe kubva muna 1931.

Vamwe vevandakafunda navo Bhaibheri zvino vari kushanda sevakuru, vamwe vafundisi muSouth America, uye vamwe vava vanasekuru navanambuya, vari kunamata Mwari nevana vavo. Vatatu vevana vangu—Mary Jane, John, uye Jean—pamwe chete nevana vavo nevazukuru vakawanda vari kunamata Jehovha Mwari nokutendeka. Ndiri kunyengetera kuti rimwe zuva mumwe mwanasikana wangu nevazukuru vangu nevazukuru chibvi vasara vaite zvakafanana.

Zvino pazera remakore 105, ndichiri kukurudzira vanhu vose kuti vafunde Bhaibheri nokutaurira vamwe zvavakadzidza. Hungu, ndinogutsikana kuti ukarambira pedyo naJehovha, haufi wakaodzwa mwoyo. Ipapo iwewo unogona kuwana chimwe chinhu chiri nani kupfuura ndarama inoparara—chokwadi chinotibvumira kuva noukama hunokosha noMupi wedu woUpenyu, Jehovha Mwari.

[Mashoko Omuzasi]

a Nyaya youpenyu yaSam Friend iri muchinyorwa cheNharireyomurindi, chaAugust 1 1986 yechiNgezi, mapeji 22-6.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Pandaityaira motokari inofamba panjanji

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndiri pamusha unotarisira vakwegura kwandava kugara zvino

[Mufananidzo uri papeji 27]

Chikwangwani chomugwagwa chatakawana muna 1989

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe