“Mwari Unoda Munhu Unopa Nomufaro”
JEHOVHA ndiye muenzaniso chaiwo worupo. Zvechokwadi, Bhaibheri rinotaura kuti ndiye Mupi we“zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana.” (Jakobho 1:17) Somuenzaniso, funga nezvezvinhu zvakasikwa naMwari. Akaita zvokudya zvinonaka, kwete zvisinganaki; maruva ane mavara akanaka, kwete asinganakidzi kuona; kunyura kwezuva kunoshamisa, kwete kwakangodzima. Hungu, zvinhu zvose zvakasikwa naJehovha zvinopa uchapupu hworudo rwake norupo. (Pisarema 19:1, 2; 139:14) Uyezve, Jehovha Mupi anofara. Anofarira kuitira vabatiri vake zvakanaka.—Pisarema 84:11; 149:4.
VaIsraeri vakarayirwa kuti varatidzire rupo rwaMwari mukubatana kwavo. “Usaomesera mwoyo kana kuti kunyima hama yako iri murombo,” Mosesi akavaudza kudaro. “Unofanira kumupa paunogona napo, uye mwoyo wako haufaniri kunyima.” (Dheuteronomio 15:7, 10, NW) Sezvo kupa kwaifanira kubva pamwoyo, vaIsraeri vaifanira kufarira kupa.
VaKristu vakapiwa zano rakafanana. Zvechokwadi, Jesu akataura kuti “kupa kune mufaro.” (Mabasa 20:35) Vadzidzi vaJesu vaiva muenzaniso wakanaka mukupa vachifara. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoshuma kuti muJerusarema avo vakava vatendi “vakatengesa pfuma yavo nenhumbi, vakagovana navose, mumwe nomumwe paakashayiwa napo.”—Mabasa 2:44, 45.
Asi vaJudhea ava vane rupo gare gare vakazova varombo. Bhaibheri harinyatsotauri kuti chii chaizvo chakaparira mugariro wavo. Dzimwe nyanzvi dzinotaura kuti nzara inotaurwa nezvayo pana Mabasa 11:28, 29 ingava yaiva chikonzero chacho. Zvisinei hazvo nokuti chii, vaKristu veJudhea vaiva parumananzombe, uye Pauro aida kuva nechokwadi chokuti zvavaishayiwa zvaizotarisirwa. Aizodaro sei?
Kuunganidzira Varombo
Pauro akaronga kuti ungano dzaiva kure sokuMakedhonia dzibetsere, uye akaronga kuti kuunganidza kuitirwe vaKristu vomuJudhea vakanga vachiyaura neurombo. KuvaKorinte, Pauro akanyora kuti: “Sezvandakarayira kereke dzeGaratia, itai nemiwo saizvozvo. Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, aunganidze, paakawana napo.”a—1 VaKorinte 16:1, 2.
Pauro aida kuti mari iyi ikurumidze kuendeswa kuhama dzomuJerusarema, asi vaKorinte vakanga vachinonoka kuita zvakanga zvakarayirwa naPauro. Nemhaka yei? Vakanga vasinganzwiri tsitsi nhamo yehama dzavo dzeJudhea here? Aiwa, nokuti Pauro aiziva kuti vaKorinte vakanga va“pfuurira pazvinhu zvose, pakutenda, napakutaura, napakuziva, napakushingaira kwose.” (2 VaKorinte 8:7) Zvingangoitika kuti vaiva vakabatikana zvikuru vachitarisira dzimwe nhau dzinokosha idzo Pauro akanga avanyorera mutsamba yake yokutanga kwavari. Asi zvino zvinhu muJerusarema zvakanga zvava kuda kukurumidzirwa. Naizvozvo Pauro akanyora nhau yacho mutsamba yake yechipiri kuvaKorinte.
Kuvakumbirisa Kuti Vave Norupo
Kutanga, Pauro akaudza vaKorinte pamusoro pavaMakedhonia, avo vakaita muenzaniso wakanaka pakuunza zvinhu zvokuyamura. “Pakati pokuidzwa kukuru kwokutambudzika,” Pauro akanyora kudaro, “mufaro wavo mukuru, pamwe chete nourombo hwavo hukuru, zvakawanza zvikuru kusanyima kwavo.” VaMakedhonia havana kuda kukurudzirwa. Mukupesana, Pauro akataura kuti “vakakumbira nokunyengetera kukuru kwatiri kuti tivatendere kuita basa iri renyasha.” Kupa nomufaro kwavaMakedhonia kunoshamisa zvikuru patinofunga nezvokuti ivo pachavo vakanga vane “urombo . . . hukuru.”—2 VaKorinte 8:2-4.
Paairumbidza vaMakedhonia, Pauro akanga achiedza kuti anyandure makwikwi pakati pavaKorinte here? Kana, nokuti aiziva kuti handiyo yaiva nzira yakafanira yokukurudzira nayo. (VaGaratia 6:4) Uyezve, aiziva kuti vaKorinte vakanga vasingafaniri kunyadziswa kuti vaite chinhu chakanaka. Panzvimbo pezvo, akanga ane chivimbo chokuti vaKorinte vaida hama dzavo dzeJudhea zvechokwadi uye vaida kuvapa zvinhu zvavaishayiwa. Akavaudza kuti: “Makatangira vamwe makei, musingaiti bedzi, asi muchidawo.” (2 VaKorinte 8:10) Zvechokwadi, mune mamwe mativi okugovera zvaishayikwa, vaKorinte pachavo vakanga varatidza muenzaniso wakanaka. “Ndinoziva kuda kwomwoyo yenyu, kwandinorumbidza pamusoro penyu kuna vaMakedhonia,” Pauro akadaro kwavari, achiwedzera kuti: “Kushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji.” (2 VaKorinte 9:2) Zvisinei, zvino vaKorinte vaifanira kuratidza kushingaira kwavo nokuda kwavo nezviito.
Saka, Pauro akavaudza kuti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga pamwoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari unoda munhu unopa nomufaro.” (2 VaKorinte 9:7) Saka, chinangwa chaPauro chakanga chisiri chokumanikidza vaKorinte, nokuti munhu haambogoni kuva mupi anofara kana amanikidzwa. Zviri pachena kuti Pauro akangofungidzira kuti vakanga vachitova nevavariro yakanaka, kuti mumwe nomumwe akanga atoronga kupa. Mukuwedzera, Pauro akavaudza kuti: “Kana mwoyo wokupa uripo, chipo chinofadza paanapo, kusati kuri paanoshayiwa napo.” (2 VaKorinte 8:12) Hungu, kana munhu achida kupa—kana munhu achisundwa norudo—zvaanopa zvichagamuchirwa naMwari, pasinei zvapo nokuti zvingava zvishoma sei.—Enzanisa naRuka 21:1-4.
Vanhu Vanopa Nomufaro Nhasi
Kuyamurwa kwavaKristu veJudhea kunotipa muenzaniso wakaisvonaka muzuva redu. Zvapupu zvaJehovha zvakatanga basa rokuparidza munyika yose, zvichidyisa mamiriyoni ane nzara yomudzimu. (Isaya 65:13, 14) Zvinoita izvi zvichiteerera murayiro waJesu wokuti: “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze . . . muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurayirai imi.”—Mateo 28:19, 20.
Kuita basa iri hakusi nyore. Zvinobatanidza kuchengetedza misha yavafundisi nezvivako zvemapazu zvinopfuura zana munyika yose. Zvinorevawo kuvaka Horo dzoUmambo neHoro Dzemagungano kuitira kuti vanamati vaJehovha vave nenzvimbo dzakafanira dzokusanganira nokukurudzirana. (VaHebheru 10:24, 25) Pane dzimwe nguva, Zvapupu zvaJehovha zvinoyamurawo munharaunda dzakaparadzwa nengwavaira dzisingaparirwi nomunhu.
Fungawo nezvemari yakawanda yokudhinda. Vhiki yoga yoga, paavhareji, makopi eNharireyomurindi anopfuura 22 000 000 kana kuti makopi eMukai! anenge 20 000 000 anodhindwa. Kuwedzera kune zvokudya zvomudzimu zvinogara zvichigoverwa izvi panewo mamiriyoni emabhuku, mabhurocha, makaseti okuteerera, uye makaseti evhidhiyo anobudiswa gore roga roga.
Basa rose iri rinotsigirwa sei? Nemipiro yokuzvidira. Iyi inoitwa, kwete nokuda kuonekwa navanhu kana kuti nechikonzero choudyire, asi kuitira kuti kunamata kwechokwadi kuenderere mberi. Saka, kupa kwakadaro kunoita kuti mupi afare, pamwe chete nokumupa chikomborero chaMwari. (Maraki 3:10; Mateo 6:1-4) Kunyange vana vari pakati peZvapupu zvaJehovha vanozviratidza kuti vapi vane rupo, vanofara. Somuenzaniso, anzwa nezvokuparadzwa kwakaitwa nedutu mune rumwe rutivi rweUnited States, Allison ane makore mana akapa $34. “Iyi ndiyo mari yose iri mubhangi rangu,” akanyora kudaro. “Ndinoziva kuti vana vacho havasisina zvokutambisa zvavo zvose nemabhuku nezvidhori. Pamwe mungashandisa mari iyi kuti mutengere musikana muduku wezera rangu bhuku.” Maclean, ane makore masere, akanyora kuti akanga achifara kuti hapana hama yake yakafa mudutu racho. Akawedzera kuti: “Ndakawana $289 nokutengesa mapati emotokari nababa vangu. Ndingadai ndakatenga chimwe chinhu nemari yangu, asi ndakazofunga nezvehama dzacho.”—Onawo bhokisi riri pamusoro apa.
Zvechokwadi, mwoyo waJehovha unofara kuona vaduku navakuru vachitanga kufarira zvinhu zvoUmambo ‘kumukudza nezvinhu zvavo zvinokosha.’ (Zvirevo 3:9, 10) Chokwadika, hapana munhu anogona kupfumisa Jehovha, nokuti ndiye muridzi wezvinhu zvose. (1 Makoronike 29:14-17) Asi kutsigira basa racho iropafadzo inopa munamati mukana wokuratidza kuda kwake Jehovha. Tinofarira munhu wose ane mwoyo wakamusunda nenzira yakadaro.
[Mashoko Omuzasi]
a Kunyange zvazvo Pauro “akarayira,” izvi hazvirevi kuti akataura zvaaida iye, zvokumanikidza. Panzvimbo pezvo, Pauro akanga ari kungotarisira kuunganidza, kwaibatanidza ungano dzinoverengeka. Mukuwedzera, Pauro akati mumwe nomumwe “kumba kwake” aifanira kupa “paakawana napo.” Namamwe mashoko, mupiro woga woga waifanira kuitwa pachivande uye nomutoo wokuzvipira. Hapana munhu aimanikidzwa.
[Bhokisi riri papeji 26,27]
Nzira Idzo Vamwe Vanosarudza Kupa Nadzo Mipiro Yebasa Renyika Yose
Vakawanda vakaisa parutivi, kana kuti kuronga, chitsama chavanoisa mumabhokisi emipiro akanyorwa kunzi: “Mipiro Yebasa Renyika Yose yeSosaiti—Mateo 24:14.” Mwedzi mumwe nomumwe ungano dzinotumira zvitsama izvi kungava kudzimbahwe renyika muBrooklyn, New York, kana kuti kuhofisi yebazu romunzvimbomo.
Mipiro yokuzvidira yemari ingatumirwawo zvakananga kuTreasurer’s Office, Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201-2483, kana kuti kuhofisi yeSosaiti iri munyika yenyu. Zvishongo kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha zvingapirwawo. Zvinofanira kuuya netsamba pfupi inotaura kuti izvozvo chipo chakananga.
Kupa Uchizotorazve
Watch Tower Society ingapiwa mari kana pane gadziriro chaiyo yokuti, kana munhu wacho ava kuida, mari yacho achaidzorerwa. Kana uchida mamwe mashoko, tapota nyorera Treasurer’s Office pakero yanyorwa pamusoro apa.
Kupa Kwakarongwa
Mukuwedzera kuzvipo zvemari zvakananga nezvokupa uchizotora, pane mimwe mitoo yokupa kuti ubetsere basa roUmambo munyika yose. Iyoyi inobatanidza:
Inishuwarenzi: Watch Tower Society inganzi ndiyo inozowana inishuwarenzi youpenyu kana kuti mari paunorega basa/mudyandigere.
Maakaundi Okubhangi: Maakaundi okubhangi, certificates of deposit, kana kuti maakaundi okurega basa omunhu anganzi atarisirwe neWatch Tower Society kana kuti kuita kuti kana wafa azopiwa Watch Tower Society, zvichienderana nezvinodiwa nebhangi romunzvimbomo.
Mastock nemaBond: Mastock nemabond angapiwa Watch Tower Society sechipo chakananga kana kuti kana waronga kuti mari yacho inoramba ichibhadharwa mupi wacho.
Zvivako: Watch Tower Society ingapiwa zvivako zvinotengeseka sechipo chakananga kana kuti kupfurikidza nokuchengetera mupi wacho chivako, uyo anogona kuramba achigaramo kwoupenyu hwake hwose. Munhu anofanira kuzivisa Sosaiti asati apa Sosaiti chivako chipi nechipi.
Zvido Zvenhaka nemaTrust: Watch Tower Society ingapiwa zvinhu kana kuti mari muchishandisa chido chenhaka chapamutemo, kana kuti Sosaiti inganzi ndiyo inowana chibvumirano chetrust. Trust inobetsera sangano rechitendero ingabetsera zvine chokuita nemutero.
Sezvinoreva shoko rokuti “kupa kwakarongwa,” mipiro yorudzi urwu inonyatsoda kuti mupi wacho aronge. Sosaiti yakagadzira bhurocha riri mumutauro wechiNgezi rine musoro unoti Planned Giving to Benefit Kingdom Service Worldwide kuti ibetsere vanhu vanoda kubetsera Sosaiti norumwe rudzi rwokupa. Bhurocha racho rakanyorerwa mibvunzo yakawanda yaibvunzwa Sosaiti pamusoro pezvipo, zvido zvenhaka, nematrust. Rinewo mashoko okuwedzera pamusoro pezvivako, mari, uye kuronga mutero. Uye rakagadzirirwa kubetsera vanhu vari muUnited States vari kuronga kupa chipo chaicho kuSosaiti zvino kana kuti kusiya chido chenhaka pakufa kuti vasarudze mutoo wakanakisisa uye unoshanda vachirangarira mhuri dzavo nemamiriro ezvinhu somunhu oga.
Vapedza kurava bhurocha nokutaurirana nePlanned Giving Desk, vakawanda vakakwanisa kubetsera Sosaiti uye panguva imwe cheteyo, kuwana kukosha kwezvakanakira kuita kudaro. Planned Giving Desk rinofanira kuziviswa uye kugamuchira kopi yechinyorwa chipi nechipi chinokosha chine chokuita negadziriro idzi. Avo vangada bhurocha kana kuti gadziriro dzipi nedzipi dzokupa uku vanofanira kutaura nePlanned Giving Desk, nokunyora kana kuti norunhare, pakero yakarongwa pasi apa kana kuti pahofisi yeSosaiti inoshanda munyika yako.
PLANNED GIVING DESK
Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
100 Watchtower Drive, Patterson, New York 12563-9204
Telephone: (914) 878-7000
[Bhokisi riri papeji 28]
Vana Vapi Vanofarawo!
Ndinoda kukupai izvi kuti mutiitire mabhuku akawanda. Ndakawana mari iyi nokubetsera baba vangu. Munoita henyu chaizvo nebasa rose rakaoma ramunoita.—Pamela, ane makore manomwe.
Ndiri kukutumirai $116,85 kuti ibetsere kuvaka dzimwe Horo dzoUmambo. Ndakaiwana pandakatengesa “lemonade” muzhizha rino.—Selena, ane makore matanhatu.
Ndakanga ndichichengeta huku pandakawana jongwe neimwe huku. Ndakatsaurira yokupedzisira yacho kuna Jehovha. Yakazobereka dzimwe huku nhatu, dzandakatengesa. Ndaisa mari yacho nokuda kwebasa raJehovha.—Thierry, ane makore masere.
Iyi ndiyo mari yose yandinayo! Ndapota ishandisei zvakanaka. Zvakanga zvakaoma kuichengeta. Heino $357.—Sarah, ane makore gumi.
Ndakahwina mubayiro wokutanga mubasa rechikoro, naizvozvo ndaifanira kuenda kumakwikwi omunharaunda yacho. Ikokowo ndakahwina mubayiro wokutanga uye ndakazohwina mubayiro wechipiri mumakundano oruwa rwacho. Pane zvose izvi, ndakahwina mari. Ndaida kugoverana imwe mari yacho neSosaiti. Ndinofunga kuti ndakakwanisa kuhwina mibayiro iyi nemhaka yokurovedzwa kwandakaitwa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Ndakanzwa ndine chivimbo pandaipa mushumo wangu pamberi pavatongi.—Amber, ari mugiredhi rechitanhatu.
Izvi zvandinoda kukupai ndezvaJehovha. Mubvunzei zvamuchazviitisa. Anoziva zvose.—Karen, ane makore matanhatu.
[Mifananidzo iri papeji 25]
Mabasa eZvapupu zvaJehovha anotsigirwa nemipiro yokuzvidira