RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 11/1 pp. 30-31
  • Jesu Akapedza Nguva Ane Vana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Akapedza Nguva Ane Vana
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anochingura Vana
  • Zvatinodzidza
  • Une “Pfungwa dzaKristu” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Vana Vedu—Nhaka Inokosha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 41—Marko
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Ungadzidzei Kuvana?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 11/1 pp. 30-31

Vakaita Kuda kwaJehovha

Jesu Akapedza Nguva Ane Vana

MAKORE matatu nehafu oushumiri hwaJesu akanga ava kunopera. Nenguva isipi aizopinda muJerusarema ndokufa zvinorwadza. Ainyatsoziva zvaiva mberi, nokuti akanga audza vadzidzi vake kuti: “Mwanakomana womunhu uchaiswa mumaoko avanhu, vachamuuraya.”—Marko 9:31.

Zvechokwadi, Jesu aizoda kushandisa zvizere zuva roga roga, awa yoga yoga, uye nhambo yoga yoga yakanga yasara. Vadzidzi vake vakanga vachiri kuda kutarisirwa. Jesu akaona kuti vakanga vachiri kuda zano rakasimba pamusoro pokufanira kuzvininipisa uye ngozi inongogara iripo yokugumburwa. (Marko 9:35-37, 42-48) Vaidawo murayiridzo pamusoro pokuroorana, kurambana, uye kusaroora kana kuti kusaroorwa. (Mateo 19:3-12) Achiziva kuti akanga ava pedyo nokufa, pasina mubvunzo Jesu akataura navadzidzi vake nokupfupikisa uye nepfungwa yokukurumidza. Nguva yaikosha zvikuru—chinhu chakaita kuti zvakazoitwa naJesu zvitoshamisa zvikuru.

Jesu Anochingura Vana

Nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Zvino vakauya navana vaduku kwaari, kuti avanyangate.” Vadzidzi pavakaona izvi, vakakurumidza kutaura kuti vakanga vasingabvumirani nazvo. Zvichida vaifunga kuti Jesu ainyanyokosha kana kuti akanga akanyanyobatikana zvokusava nehanya navana. Ipapo imbofungidzira kushamisika kwakaita vadzidzi vacho, Jesu paakavatsamwira! Akavaudza kuti: “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwavakadai.” Jesu akazowedzera kuti: “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani naani usingagamuchiri ushe hwaMwari somwana muduku, haangatongopindi mahuri.”—Marko 10:13-15.

Jesu akaona mavara aiyemurika muvana. Vanowanzofarira kubvunza mibvunzo uye vakazara nechivimbo. Vachateerera shoko ravabereki vavo uye kunyange kuvadzivirira pane vamwe vana. Maitiro avo okugamuchira, kudzidzisika anofanira kutevedzerwa navose vanoshuva kupinda muUmambo hwaMwari. Sokutaura kwakaita Jesu, “ushe hwaMwari ndohwavakadai.”—Enzanisa naMateo 18:1-5.

Asi Jesu akanga asiri kungoshandisa vana ava kuti angotaura muenzaniso. Nhoroondo yacho inojekesa kuti Jesu aida kuva navo nomwoyo wake wose. Marko anoshuma kuti Jesu “akavafungatira mumaoko, akavaropafadza, ndokuisa maoko pamusoro pavo.” (Marko 10:16) Nhoroondo yaMarko bedzi ndiyo inobatanidza mashoko anofadza okuti Jesu “akavafungatira mumaoko.”a Nokudaro Jesu akaita zvinopfuura zvaikarirwa navanhu vakuru, avo vakaunza vana ava kuna Jesu kuti angova“nyangata.”

Chii chairehwa noku“isa maoko pamusoro” pavana kwaJesu? Pano hapambotaurwi nezvemutambo wechitendero, zvakadai sokubhabhatidzwa. Nepo pane dzimwe nguva, kuisa maoko kwaireva kugadza, pane vamwe kwaingoreva kupa chikomborero. (Genesi 48:14; Mabasa 6:6) Naizvozvo Jesu angava akanga ari kungokomborera vana vacho.

Zvakadaro, Marko anoshandisa shoko rakasimba ra“chikomborero” (ka·teu·lo·geʹo), rinoreva simba rinosimbisa. Izvi zvinoreva kuti Jesu akakomborera vana vacho nemwoyo wose, zvinyoro nyoro, uye noushamwari. Zvakajeka kuti haana kuona vana semutoro waipedza nguva.

Zvatinodzidza

Mabatiro aJesu navana pamwe navakuru akanga asingatyisidziri kana kuti kuninipisa. “Anofanira kuva ainyemwerera nyore nyore uye aiseka nomufaro,” rinodaro rimwe bhuku. Hazvishamisi kuti vanhu vemazera ose vainzwa vakasununguka vainaye. Tichifunga nezvomuenzaniso waJesu, tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Vamwe zvinovaitira nyore kutanga kutaura neni here?’ ‘Ndinoita sendakanyanyobatikana zvokusada kunetswa nemabasa nezvinonetsa vamwe here?’ Kutanga kufarira vanhu zvechokwadi kuchatisunda kuzvipa, sezvakaita Jesu. Vamwe vachaona kufara kwedu kwechokwadi uye vachanzwa vachida kuuya kwatiri.—Zvirevo 11:25.

Sokuratidza kunoita nhoroondo yaMarko, Jesu ainakidzwa nokuva navana. Zviri pachena kuti akawana nguva yokuvaona vachitamba, nokuti akataura nezvemitambo yavo mune mumwe wemienzaniso yake. (Mateo 11:16-19) Zvichida vamwe vana vakakomborerwa naJesu vakanga vari vaduku zvokuti havana kunzwisisa kuti akanga ari ani uye kunzwisisa zvaaidzidzisa. Asi izvi hazvina kumuita kuti anzwe sokuti akanga achipambadza nguva yake. Akapedza nguva navana nemhaka yokuti aivada. Vana vakawanda avo Jesu akasangana navo muushumiri hwake vangangodaro vakazosundwa kuva vadzidzi vake vaona rudo rwake.

Kana Jesu akapedza nguva navana mumavhiki okupedzisira anokosha oupenyu hwake, zvechokwadi tinogona kuvawanira nguva murudungwe rwedu rwakabatikana. Tinofanira kunyanya kuyeuka vane zvavanoshayiwa chaizvo, vakadai sevakomana nevasikana vasina madzibaba. Chaizvoizvo, vana vose vanokura zvakanaka pavanenge vachipiwa nguva, uye Jehovha anoshuva kuti tivape rudo rwose nokubetsera kwatinogona.—Pisarema 10:14.

[Mashoko Omuzasi]

a Imwe shanduro inoti Jesu “akavagumbatira.” Imwe yacho inoti aka“vambundira.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe