Une Ngirozi Inokutarisira Here?
UNODAVIRA kuti une ngirozi inokutarisira here? Vanhu vakawanda vanofunga kuti vanayo. Tichitaura nezvenhau iyoyo, mumwe mukadzi ari kumadokero kweCanada anonzi ane chipo chaicho chine chokuita nengirozi. Kana ukamupa zita rako rakazara pamwe chete ne$4 000, anoti iye achaita kuti utaurirane nengirozi yako inokutarisira. Chokutanga, anofungisisa kupfurikidza nokutarisisa pamoto wekanduru. Anozova nechiono umo ngirozi yako inomupa mashoko okukutaurira. Mukadzi wacho anotozokupawo mufananidzo wezvakaita ngirozi yako.
Kune vamwe, izvi zvingaita sezvakaenzana nengano inotaura nezvaMambo wechiFrench Louis IX. Zvinofungidzirwa kuti akatenga minhenga yaidhura zvikuru yainzi yakadonha pamapapiro eNgirozi Huru Mikaeri. Nepo vasina chokwadi nengano iyoyo, vakawanda vanongokurumidza kubvuma zvinotaura mukadzi wokuCanada.
Kufadzwa Nengirozi
Mumakore achangobva kupfuura ngirozi dzave dzichifarirwa zvakanyanya. Mumaterevhizheni nemumabhaisikopo, mabhuku, magazini, uye mapepanhau, tinotaurirwa nezvengirozi dzinonyaradza vanonyanyisa kurwara, dzinonyaradza vakafirwa, dzinopa uchenjeri, uye dzinoita kuti vanhu vasafa. MuUnited States, mamiriyoni anenge 20 anoona nhevedzano yevhiki nevhiki yomuterevhizheni inoratidza kupindira kwengirozi muupenyu hwevanhu. Chimwe chitoro chinotengesa mabhuku chinoronga mabhuku anopfuura 400 anotaura nezvengirozi.
Rimwe bhuku remazuva ano rinorondedzera zvakaitika pamusoro pokuti ngirozi dzinotarisira dzakanunura sei upenyu hwavarwi vaiva muhondo. Zvinonamirwa pamabumper emotokari zvinotaura kuti vatyairi vanodzivirirwa nengirozi dzinotarisira. Masangano, nemisangano zvinokurudzira kudzidza nezvengirozi uye zvinonzi zvinobetsera vanhu kukurukurirana nadzo.
Eileen Freeman ndiye munyori wemabhuku matatu anotaura nezvengirozi uye ndiye akabudisa magazini inongotaura nezvadzo chete. Anoti: “Ndinodavira kuti pangirozi yoga yoga iri kudenga panewo ngirozi inodzivirira Pasi pano, munhu ane basa risiri rokungorumbidza Mwari kudenga asi kutarisira chaikoiko vanhu nezvimwe zvimiro zvoupenyu Pasi pano. Ngirozi inotarisira inonzi itarisire mumwe nomumwe wedu patinonambwa ndokutitarisira patinokura mudumbu, patinozvarwa, muupenyu hwedu munyika ino, kusvikira ngirozi yacho painotitungamirira kubva mukudzivirira kwenyika ino kuenda kumbiri yokudenga.” Izvi zvinonyatsotsanangura maonerwe anowanzoitwa ngirozi dzinotarisira.
Munguva dzino dzinotambudza nedzakaoma, zvinonyaradza kudavira kuti tine ngirozi yedu toga inotitarisira, ine basa rokutidzivirira. Ko Shoko raMwari, Bhaibheri, rinoti kudii pamusoro peizvi? Tinofanira kuedza kutaura nengirozi here? Dzine basa nemitemo yedu yetsika nezvatinodavira mune zvechitendero here? Tingakarira kubetserwei nadzo? Mibvunzo iyi ichapindurwa munyaya inotevera.