Ndinofanira Kukumbira Hama Yangu Chikwereti Here?
MWANA waSimon muduku pane vamwe vose ari kurwara uye anoda mushonga nokukurumidza. Asi Simon murombo zvikuru uye haana mari yokuutenga. Angaitei? Zvisinei, muKristu waanonamata naye anonzi Michael ane mari kupfuura zvaari. Zvichida Michael achamukweretesa mari yacho. Zvisinei, mumwoyo make Simon anoziva kuti angasakwanisa kudzorera chikwereti chacho.a
Simon paanoenda kwaari, Michael atarisana nechinetso chakaoma. Anoona kuti pane chinetso chaichoicho asi anofungidzira kuti Simon haazokwanisi kubhadhara mari yacho nemhaka yokuti anotamburira kuti angodyisa mhuri yake. Michael anofanira kuitei?
Munyika dzakawanda, vanhu vanogona kurasikirwa nezvavanorarama nazvo nenguva isipi ndokuzviwana vasisina mari kana kuti inishuwarenzi yokuti varipire mari dzokurapwa. Zvikwereti zvamabhangi zvingasawanika kana kuti zvingava zvichidhura zvikuru. Panomuka nhau inoda kukurumidzira, zvingaita sokuti chikwereti bedzi ndicho chingangopedza chinetso chacho. Zvisinei, usati wakumbira chikwereti, pane zvimwe zvinhu zvinokosha zvinofanira kufungwa nezvazvo.
Funga Zvinobatanidzwa
Magwaro anogovera nhungamiro yevose mukweretesi neanokwereta wacho. Nokuteerera zano iri, tingadzivisa kusanzwisisana nokurwadzisana kwakawanda.
Somuenzaniso, Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti hatifaniri kurerutsa nhau yokukwereta mari. Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vomuRoma kuti: “Musava nechikwerete nomunhu, asi chokudana; nokuti unoda mumwe, wazadzisa murayiro.” (VaRoma 13:8) Maererano neizvi, chikwereti bedzi chinofanira kuva nomuKristu kuvamwe ndecherudo. Saka, tingatanga tazvibvunza kuti, ‘Chikwereti ichi ndinochida chaizvoizvo here?’
Kana mhinduro iri hungu, ipapo kuchenjera kufunga nezvezvinozoitika ukakwereta. Jesu Kristu akaratidza kuti zvisarudzo zvinokosha zvinoda kunyatsofunga nokuronga. Akabvunza vadzidzi vake kuti: “Ndiani wenyu anoti kana achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi overenga zvinodiwa, kuti aone kana ane zvakakwana zvokuipedza nayo?” (Ruka 14:28, NW) Nheyo iyi inoshanda patinofunga kuti tokumbira hama chikwereti here kana kuti kwete. Kuverenga mari yechikwereti kunoreva kuronga kuti tichaibhadhara sei uye rini.
Mukweretesi ane kodzero yokuziva kuti chikwereti chacho chichabhadharwa sei uye rini. Nokunyatsonzvera zvinhu zvacho, tichakwanisa kumupa mhinduro dzakananga. Takaverenga mari inodiwa kubhadhara chikwereti chacho munguva inonzwisisika here? Chokwadika, zvingava nyore kutaurira hama yedu kuti: “Ndichakubhadhara nokukurumidza sezvinobvira. Unoziva kuti unogona kundivimba.” Asi hatifaniri kubata nhau dzakadaro nenzira yakafanira zvikuru here? Tinofanira kutsunga kuti tibhadhare mari yacho kubva pakutanga, sezvo zvirizvo zvinoda Jehovha kwatiri. “Wakaipa unokwereta, asingaripizve,” rinodaro Pisarema 37:21.
Nokuverenga kuti tichadzorera chikwereti chacho sei uye rini, tinozviyeuchidza nezvokukomba kwechisarudzo chatiri kuita. Izvi zvinoderedza kungova nechikwereti chatisingadi chaizvoizvo. Kana tichigona kudzivisa kukwereta, pane zvazvakanakira. Zvirevo 22:7 inonyevera kuti: “Unotora chikwerete muranda wowakamupa chikwerete.” Kunyange kana vose mukweretesi neakwereta wacho vari hama dzomudzimu, chikwereti chingati kanganisei ukama hwavo. Kusanzwisisana pamusoro pezvikwereti kwakatokanganisa rugare rwedzimwe ungano.
Tsanangura Kuti Chikonzero Nei Mari Yacho Ichidiwa
Mukweretesi ane kodzero yokuziva kuti tichashandisa sei mari yatakumbira. Kunze kwechikwereti ichi, tiri kukumbirawo mari kune vamwe here? Kana zvakadaro, tinofanira kujekesa izvi, nokuti zvine zvazvinoreva pakukwanisa kwedu kudzorera chikwereti chacho.
Zvinokosha zvikuru kusiyanisa chikwereti chebhizimisi nechinodiwa kubhadhara chimwe chinhu nokukurumidza. Hama haimanikidzwi naMagwaro kuti ikweretese mari kumunhu anoda kutanga bhizimisi, asi inganzwa ichida kubetsera kana imwe hama ikazviwana isingakwanisi kubhadhara zvinodikanwa zvinokosha zvakadai sezvokudya, zvokupfeka, kana kuti kutarisira zvoutano, isiri mhaka yayo. Kutaura zvakajeka uye kutaura chokwadi munhau idzi kuchabetsera kudzivisa kusanzwisisana.—VaEfeso 4:25.
Nyoreranai Pasi
Chibvumirano chakanyoreranwa pasi chinhu chinokosha kana tichizodzivisa kusanzwisisana mune ramangwana. Zviri nyore kukanganwa mashoko chaiwo echibvumirano kunze kwokunge akanyorwa pasi. Tinofanira kunyora chitsama chakweretwa uye pachinofanira kudzorerwa. Zvingava zvakanaka kune vose mukwereti nomukweretesi wacho kuti vasayine chibvumirano chacho uye kuti mumwe nomumwe wavo achengete kopi yake. Bhaibheri rinoratidza kuti zvibvumirano zvemari zvinofanira kunyorwa pasi souchapupu. VaBhabhironi vava kuda kuzoparadza Jerusarema, Jehovha akaudza Jeremia kuti atenge munda kune mumwe wehama dzake. Tinogona kubetserwa nokuhwirudzura zvakaitika.
Jeremia akati, “Ndikatenga munda wakanga uri paAnatoti kuna Hanameri mwanakomana wasekuru vangu, ndikamuyerera mari, mashekeri esirivheri ane gumi namanomwe. Ndikanyora rugwaro rwokutenga, ndikarunamatidza, ndikadana zvapupu, ndikamuyerera mari pachiyero. Ipapo ndikatora rugwaro rwokutenga, irwo rwakanga rwakanamatidzwa, sezvakarehwa nomurayiro netsika, norumwe rwakanga rwakashama, ndikapa Bharuki mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseia, rugwaro rwokutenga, Hanameri mwanakomana wasekuru vangu aripo, nezvapupu zvakanga zvasimbisa rugwaro rwokutenga zviripo, navaJudha vose vakanga vagere muruvazhe rwavarindi varipo.” (Jeremia 32:9-12) Kunyange zvazvo muenzaniso wataurwa pamusoro apa une chokuita nokutengesa panzvimbo pechikwereti, unoratidza kukosha kwokuita zvibvumirano zvemari zvakajeka, zvakananga.—Ona Nharireyomurindi yechiNgezi yaMay 1, 1973, mapeji 287-8.
Kana zvinetso zvikamuka, vaKristu vanofanira kuedza kuzvipedza mutsinhirano nezano raJesu rakanyorwa pana Mateo 18:15-17. Asi mumwe mukuru akaedza kubetsera munhau dzakadaro anotsinhira kuti: “Munenge munhau dzose, pakanga pasina chibvumirano chakanyorwa. Somugumisiro, vaviri vacho vakanga vasina kunzwisisana zvakajeka pamusoro pokuti mari yacho yaifanira kubhadharwa sei. Ndinopwiswa kuti kunyorerana nhau idzi chiratidzo chorudo, kwete chokusavimbana.”
Kana tangobvumirana, tinofanira kuedza kuita zvatinenge tataura. Jesu akarayira kuti: “Shoko renyu rive: Hungu, hungu, kwete, kwete; zvinopfuura izvozvo zvinobva kune wakaipa.” (Mateo 5:37) Kana chinetso chisingafungirwi chikatidzivisa kubhadhara chikwereti panguva yakarongwa, tinofanira kukurumidza kutsanangura mamiriro ezvinhu kumunhu akatikweretesa. Zvichida achatibvumira kumubhadhara chikwereti chacho muzvitsama zviduku kwenguva yakareba.
Asi, kusamira zvakanaka kwezvinhu hakutipi chikonzero chokuti tisaita mitoro yedu. Munhu anotya Jehovha anoita zvaanogona kuti achengete shoko rake. (Pisarema 15:4) Kunyange zvazvo zvinhu zvikasaita sezvatanga tichikarira, tinofanira kugadzirira kurega zvimwe zvinhu kuti tibhadhare zvikwereti zvedu, sezvo iwoyo uri mutoro wedu wechiKristu.
Ngwarira Pamusoro Pokukweretesa Mari
Chokwadika, anokwereta haasiye oga anofanira kunyatsofunga nezvenhau yacho. Hama iri kukumbirwa chikwereti inofanirawo kufunga zvinodiwa. Tisati takweretesa mari, tinenge takachenjera kana tikawana nguva yokunyatsofunga zvinhu zvacho uye kuzviona zvazviri. Bhaibheri rinokurudzira kungwarira, richiti: “Usava mumwe wavanozvisunga noruoko, kana vakazviita rubatso nokuda kwechikwerete.”—Zvirevo 22:26.
Usati wapa, funga nezvezvingaitika kana hama yacho ikasakwanisa kukudzosera. Iwe pachako ungazova nezvinetso zvemari zvakakomba here? Kunyange zvazvo hama ingava nevavariro dzakanaka, zvinhu zvingachinja kana kuti ingava yakakanganisa pane zvayaifunga. Jakobho 4:14, (NW) inotiyeuchidza tose kuti: “Hamuzivi zvichava zvakaita upenyu hwenyu hwamangwana. Nokuti muri mhute inooneka nguva duku yobva yanyangarika.”—Enzanisa naMuparidzi 9:11.
Kunyanyanyanya kana chiri chikwereti chebhizimisi, kungava kuchenjera kuti tifunge nezvomukurumbira womukwereti wacho. Anozivikanwa nokuva munhu akavimbika here, kana kuti haangwariri here mukubata nhau dzezvemari? Ane muitiro wokuenda kuungano yose achikumbira vakasiyana-siyana mari here? Kuchenjera kurangarira mashoko aya: “Usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.”—Zvirevo 14:15.
Pane dzimwe nguva, chikwereti chingasava ndicho chakanakira mukwereti. Chinogona kuva mutoro kwaari nyore nyore, chichimuita kuti asafara. Tinoda kuti hama yakadaro ive “muranda” wedu here? Chikwereti chingakanganisa ukama hwedu naye here, chichiita kuti pave nokufunganya nokunyara kana akasakwanisa kuchibhadhara here?
Kana pane chinetso chaichoicho, tingafunga nezvokupa chipo panzvimbo pechikwereti here, kunyange zvazvo mari yacho ingava shoma? Magwaro anotikurudzira kuti tinzwire tsitsi patinoona hama yedu ichinetseka. Munyori wemapisarema akaimba kuti, “Wakarurama une ngoni, unopa.” (Pisarema 37:21) Rudo runofanira kutiita kuti tiite zvatinogona kuti tibetsere hama dzedu dzinoshayiwa.—Jakobho 2:15, 16.
Nyatsofunga Nezvezvauchaita
Sezvo zvikwereti zvingangoita kuti tinetsane, tingazviona sechinhu chokupedzisira panzvimbo pechisarudzo chiri nyore. Sezvataurwa pakuvamba, mukwereti anofanira kutaura zvakajeka nomukweretesi, vachinyorerana kuti mari yacho ichabhadharwa sei uye rini. Uye kana pane chinetso chaichoicho, chipo chingava ndicho chinopedza chinetso chacho.
Michael haana kukweretesa Simon mari yaakakumbira. Panzvimbo pokudaro, Michael akamupa mari shomanene sechipo. Simon akafarira kubetsera kwakadaro kuti abhadhare mushonga womwana wake. Uye Michael akafara kuti akakwanisa kuratidza kuda kwake hama nenzira inoshanda. (Zvirevo 14:21; Mabasa 20:35) Vose Michael naSimon vanokarira kutonga kwoUmambo apo Kristu “ucharwira mushayiwi kana achidanidzira” uye hapana achazoti, “Ndinorwara.” (Pisarema 72:12; Isaya 33:24) Kusvika panguva iyoyo, ngatinyatsofungei nezvezvatichaita kana tikazombofunga kuti tinofanira kukumbira hama chikwereti.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita okutsiva anoshandiswa pano.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Kunyorerana zvibvumirano zvechikwereti chiratidzo chorudo, kwete chokusavimbana