Kuedza Kuva “Mubati Usingafaniri Hake Kunyadziswa”
YAKATAURWA NAANDRÉ SOPPA
Hondo Yenyika II yakarura, ichiparira kuurawa kwavakawanda kusingatsananguriki nokusava netariro somugumisiro. Senharirire muZvikepe Zvehondo zveGermany zvaiva pedyo neNarvik, muNorway, ndakakwanisa kuzvionera utsinye hwomunhu kumunhu. Usiku, ndakavanda mumakoronga, kunaka kwemambakwedza kwakandiita kuti ndifungisise nezvoupenyu. Ndaiva nechokwadi chokuti Mwari akasika zvinhu zvakadai aisagona kuva iye ari kuparira upengo hwehondo.
NDAKABEREKWA muna 1923 mumusha muduku weLassoth (zvino wava muPoland), pedyo nemuganhu weCzech, uye ndakakurira mumhuri yaiva nourombo yaiita zvokurima. Vabereki vangu vaiva vaKaturike vanoshingaira, uye chitendero chakatamba rutivi rukuru muupenyu hwedu. Zvisinei, ndakakurumidza kusava nechokwadi nezvechitendero changu. Mumusha wedu, maiva nemhuri nhatu dzechiPurotesitendi, uye idzi dzakanga dzisingadiwi nenzanga yechiKaturike. Ndakanga ndisinganzwisisi kuti nei zvaifanira kudaro. Kuchikoro taidzidziswa katekizimo. Asi rimwe zuva pandakakumbira mupristi kuti atsanangure Utatu, ndakangopindurwa nekurohwa nechamboko kagumi. Zvisinei, chimwe chinhu chakaitika pandakanga ndava namakore 17 ndicho chakaratidza zvechokwadi kuti ndakanga ndanyengedzwa nechechi. Vabereki vamai vangu vakafa vachingosiyana nomwedzi, uye mai vangu vakanga vasina mari yakakwana yokubhadhara kunamatirwa nechechi pamariro kaviri. Saka vakakumbira mupristi kana vangazomubhadhara gare gare. “Vabereki vako vaiva nezvimwe zvinhu, vakanga vasina here?” ndizvo zvaakavapindura. “Zvitengese, ushandise mari yacho pamariro.”
Makore mashomanene izvozvo zvisati zvaitika, pakatanga kutonga Hitler muna 1933, takanga tisingachabvumidzwi kutaura chiPolish; taifanira kutaura chiGerman. Vaya vairamba, kana kuti vakanga vasingagoni kudzidzira chiGerman, vainyangarika zvishoma nezvishoma—gare gare takazoudzwa kuti vaiendeswa kumisasa yavasungwa. Kunyange zita romusha wedu rakachinjwa kuva zita rechiGerman, Grünfliess. Ndakarega chikoro ndava namakore 14, uye nemhaka yokuti ndakanga ndisiri musangano reHitler Youth, zvakandinetsa kuwana basa. Zvisinei, ndakazoguma ndapinzwa basa semunhu aidzidzira kupfura simbi. Hondo payakangotanga, minyengetero yainyengeterwa muchechi nokuda kwaHitler namauto eGermany. Ndainetseka kuti minyengetero yakafanana yokukunda yaiitwawo here nerimwe divi.
Kushanda Muzvikepe Zvehondo zveGermany
Muna December 1941, ndakasayina chibvumirano chokupinda muUto reGermany, uye pakutanga kwa1942, ndakatumirwa kumhenderekedzo yeNorway kunoshanda pachikepe chevasori. Takanzi tidzivirire basa pakati peTrondheim neOslo, tichiperekedza zvikepe zvaiva zvakatakura mauto, zvombo, kana kuti zvinhu. Pandakanga ndiri mugungwa ndipo pandakaita manzwira vaviri vaiva muchikepe vachitaura nezvokuguma kwenyika sezvakafanotaurwa muBhaibheri. Kunyange hazvo vaitya kutaura pachena, vakandiudza kuti vabereki vavo vaiva Zvapupu zvaJehovha asi kuti ivo vakanga vasina kutevera muenzaniso wavo. Iyi ndiyo yakanga iri nguva yokutanga yandakanzwa nezveZvapupu zvaJehovha.
Pakapera hondo, takasungwa nevokuBritain ndokupiwa kuvaAmerica kuti tidzorerwe kuGermany. Isu vaiva nemisha zvino yakanga yava muruwa rweSoviet takaendeswa kumisasa yavasungwa muLiévin, kuchamhembe kweFrance, kunoshanda mumigodhi yemarasha. Makanga muri muna August 1945. Ndichiri kuyeuka ndichibvunza mumwe wavarindiri vangu vechiFrench kuti chitendero chake chaiva chipi. “Katurike,” akapindura. Sezvandakanga ndiri muKaturikewo, ndakamubvunza kuti takanga taitiranei? “Hazvina zvazvinobetsera kuedza kunzwisisa. Ndizvo zvazviri,” ndiyo yaiva mhinduro yake. Kwandiri zvakanga zvisina musoro kuti vanhu vechitendero chimwe vanofanira kurwa ndokuurayana.
Kachiedza Mumugodhi Wemarasha
Pazuva rangu rokutanga mumugodhi ndine vamwe vashandi vomumugodhi vomunharaunda imomo, mumwe ainzi Evans Emiot akandipawo masangweji ake. Akanga agara muFrance kwemakore akati wandei, asi kwaaibva chaiko kwaiva kuOhio, muUnited States. Akataura neni nezvenyika yaizova isisinazve hondo. Mutsa waaiva nawo wakandishamisa. Haana kundivenga kunyange hazvo ini ndaiva wokuGermany uye iye wokuAmerica. Hatina kuzomboonanazve kusvikira pakutanga pa1948 paakandipa bhuku duku raiva nemusoro unoti “The Prince of Peace.” Pano pakupedzisira ndakadzidza nezvaMwari wokunaka aivenga hondo—Mwari wandakanga ndafungidzira pandaiva ndakatarira mambakwedza. Ndakatsunga kuwana chitendero chaidzidzisa izvi. Asi sezvo Evans aishanda mune rimwe divi remugodhi, handina kukwanisa kuonana naye. Ndakatenderera nemapoka ose ezvitendero akasiyana-siyana aiva mumusasa wavasungwa, ndichibvunza kana pane zvavaiziva pamusoro pebhuku duku racho, asi hazvina zvazvakabetsera.
Pakupedzisira, muna April 1948, ndakasunungurwa mumusasa wavasungwa uye ndakava mushandi akasununguka. Svondo yakatevera yacho chaiyo, ndakashamisika kunzwa kabhero kadiki kachirira mumugwagwa. Ndakazofara pandakaona Evans! Aiva neboka reZvapupu zvaJehovha zvakapfeka mabhodhi aitaura nezvemusoro wehurukuro yavose kumberi nokumashure. Chapupu chairidza bhero racho chaiva Marceau Leroy, zvino ava mutezo weDare reBazu muFrance. Ndakasumwa kuchizvarwa chokuPoland chaitaura chiGerman chainzi Joseph Kulczak, icho chakanga chatamburira kutenda kwacho mumisasa yevasungwa. Akandikoka kuti ndiuye kumusangano manheru iwayo. Handina kunzwisisa zvakawanda zvakataurwa, asi vanhu vose vaivapo pavakasimudza maoko avo, ndakabvunza munhu aiva pedyo neni kuti nei vaiita kudaro. “Ndivo vanogona kuenda kuDunkerque vhiki inotevera kunoparidza.” “Ndingaendawo here?” ndakabvunza kudaro. “Chokwadi, hungu!” ndiyo yakanga iri mhinduro yacho. Saka Svondo yakatevera ndakanga ndava kuparidza paimba neimba. Kunyange hazvo vanhu vataisangana navo vaisabvuma vose, ndakanakidzwa uye nenguva isipi ndakanga ndava kuparidza nguva dzose.
Kudzidza Kudzora Hasha Dzangu
Izvozvo zvichangopera, Zvapupu zvakavamba kuparidza mudzimba dzaigara vasungwa veGermany vakanga vasunungurwa. Izvi zvakanga zvisiri nyore kwandiri, sezvandainyatsozivikanwa ikoko nokuda kwehasha dzangu. Apo mumwe munhu aindiseka, ndaimutyisidzira, ndichiti: “Kana ukasangwarira, zvichakuomera.” Pane imwe nguva pandaishanda mumugodhi, ndakatodira chibhakera mumwe munhu aiseka Jehovha.
Zvisinei, ndichibetserwa naJehovha, ndakakwanisa kuchinja unhu hwangu. Rimwe zuva, patakanga tichiparidza mudzimba idzi, boka ravarume vakanga vanwisa doro rakanga richinetsa zvimwe Zvapupu. Hama dzandaiva nadzo dzakaedza kundidzivisa kupindira, zvadzaiziva kuti ndaikurumidza kushatirwa, asi mumwe wavarume vacho akafamba achiuya kwandiri zvokudenha ndokutanga kubvisa bhachi rake. Ndakaburuka pabhasikoro rangu, ndakamupa kuti aribate, uye ndakaisa maoko angu muhomwe. Akashamiswa kwazvo neizvi zvokuti akateerera zvandaida kutaura. Ndakamuudza kuti aende kumba anorara agozouya kuhurukuro yavose. Zvechokwadiwo, na3:00 p.m., akanga avapo! Pakupedzisira, vaimbova vasungwa vanenge 20 vakagamuchira shoko racho. Kana ndirini, ndakabhabhatidzwa muna September 1948.
Yakazara Asi Inounza Mubayiro
Ndakapiwa basa rokutarisira ndima dzataifanira kuparidza nokuwana nzvimbo dzataigona kuitira hurukuro dzavose. Kuti ndiite izvi, pane dzimwe nguva ndaifamba makiromita anenge 50 ndiri pamudhudhudhu wangu muduku, ndisati ndashanda shifiti yousiku mumigodhi. Pakupera kwevhiki, taizoenda kundima yacho nebhazi ndokuburutsa vaparidzi vaviri kana kuti vana pamwe chete nomukurukuri. Mumataundi makuru, pataiwana nzvimbo yakakodzera, taiturikidzanisa masutukesi edu kuti ashande sechikuva chomukurukuri. Kakawanda, taipfeka mabhodhi edu mberi neshure kuti tishambadzire musoro wehurukuro yavose yataikokera vanhu.
Makanga muri muna 1951 mandakasangana naJeannette Chauffour, chimwe Chapupu chokuReims. Takadanana patakatanga kuonana, uye kwapera gore, musi wa17 May 1952, takaroorana. Takatamira kuPecquencourt, taundi rinoita zvemigodhi pedyo neDouai. Zvisinei, nenguva isipi ndakatanga kuva nezvinetso zvoutano. Ndakanzi ndaiva nesilicosis, chirwere chokufema chinokonzerwa nokushanda mumigodhi, asi handina kukwanisa kuwana rimwe basa ripi neripi. Saka, muna 1955, munguva yegungano remarudzi akawanda muNuremberg, Germany, patakakumbirwa kuti tibetsere ungano duku muKehl, taundi duku riri paRhine, takanga tisina chaitidzivisa kutamirako. Panguva yacho, maingova navaparidzi 45 bedzi muungano yacho. Mumakore manomwe akatevera atakashanda neungano iyi, nhamba yavaparidzi yakawedzera kuva 95.
Dzimwe Ropafadzo Dzebasa
Tichiona kuti ungano yakanga yanyatsosimba, takakumbira Sosaiti kuti tishande samapiyona chaiwo muFrance. Zvakatishamisa zvikuru ndezvokuti, takanzi tiende kuParis. Takafara zvikuru mwedzi mipfumbamwe yatakapedza tiriko. Tiri vaviri, ini naJeannette takava neropafadzo yokuitisa fundo dzeBhaibheri 42. Vashanu pavadzidzi vedu vakabhabhatidzwa panguva yataigarako, uye vamwe 11 vakazoguma vagamuchira chokwadi.
Sezvataigara muLatin Quarter, taiwanzosangana namapurofesa aibva kuSorbonne. Mumwe purofesa weuzivi akanga arega basa aiita zvokunamatira akafunda Bhaibheri uye akazoguma ava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Rimwe zuva ndakatanga kukurukura zveBhaibheri nomumwe injiniya ainyatsozivana navadzidzisi vechiJesuit. Akauya kufurati redu na3:00 p.m. uye akabva na10:00 p.m. Zvakatishamisa ndezvokuti, akadzoka pasuo kwapera awa nehafu. Akanga ataura nomuJesuit akanga atadza kupindura mibvunzo yake pamusoro pouporofita hweBhaibheri. Na1:00 a.m., akaenda kumba, akazodzoka na7:00 a.m. Pakupedzisira, iyewo akava chimwe Chapupu chaJehovha. Nyota yakadaro yechokwadi yakatikurudzira zvikuru ini nomudzimai wangu.
Pashure pokufambira muParis, ndakakumbirwa kuti ndishande somutariri anofambira wekumabvazuva kweFrance. Zvainyatsotifadza isu kushanyira ungano dzaitaura chiFrench nechiGerman, tichisimbisa hama. Pataishanyira ungano yeRombas, muLorraine, ndakasangana naStanislas Ambroszczak. Akanga ari wokuPoland akanga ashanda muUto romumvura munguva yehondo uye akanga arwira mumvura dzeNorway. Takanga tiri kumativi airwisana nepo taifamba mumakungwa mamwe chete. Zvino takanga tava hama dzaishanda pamwe chete tichinamata Mwari wedu, Jehovha. Pane imwe nguva pagungano romuParis, ndakaona mumwe munhu wandakaziva. Aiva mutungamiriri wekukamba kwandaiva musungwa kuchamhembe kweFrance. Takafara zvikuru kushanda pamwe chete munguva yekokorodzano! Ndizvo zvakaita simba reShoko raMwari kuti rinochinja vaimbova vavengi kuva hama uye shamwari dzapedyo!
Zvinosuruvarisa kuti, kwapera makore 14 mubasa rokufambira, ndaifanira kurega nemhaka youtano hwangu hwakanga huchiderera. Zvisinei, ini nomudzimai wangu takasarudza kuramba tichishandira Jehovha napataigona napo. Saka takawana pokugara nebasa mutaundi reMulhouse, kumabvazuva kweFrance, ndokuva mapiyona (vaparidzi venguva yakazara).
Mumwe mufaro mukuru mumakore akapfuura wakava kubatanidzwa kwangu mukuvaka Horo dzoUmambo. Muna 1985, ndakakumbirwa kuti ndironge boka rokuvaka rekumabvazuva kweFrance. Nokushandisa vanhu vane unyanzvi uye kurovedza vazvipiri vanoda, takakwanisa kuumba boka rakaitawo basa mukuvakwa kana kuti kugadziridzwa kwehoro dzinopfuura 80, tichiita kuti dzikodzere kunamatirwa Jehovha. Uye ndakafara zvakadini, muna 1993, kushanda pakuvakwa kweHoro yemaGungano neHoro dzoUmambo shanu muFrench Guiana, South America!
Kupfuurira Pasinei Zvapo Nemiedzo
Ndinogona kunyatsotaura kuti mumakore 50 akapfuura ebasa raMwari, upenyu hwangu hwave hwakazadzwa nemufaro neropafadzo dzebasa. Chinosuruvarisa ndechokuti, muna December 1995 mudzimai wangu anodiwa, wandakanga ndapedza naye makore 43, akafa. Nepo iyi yakanga iri nguva yokusuwa kukuru—uye ndichiri kuchema kusvika nanhasi—Jehovha anondipa simba, uye hama dzangu nehanzvadzi dzomudzimu dzakandipa rudo nokutsigira zvinoti deredzei kurwadziwa nokufamba kwenguva.
Ndichiri kuyeuka zvakajeka mashoko eimwe hama yakazodzwa pane rimwe gungano muMunich, Germany, muna 1963. Yakati, “André usatarira kuruboshwe kana kurudyi. Hama dziri mumisasa yavasungwa dzakaedzwa. Zvino zvava kwatiri kuti tipfuurire. Hatimbofaniri kuzvinzwira tsitsi. Saka pfuurira!” Ndinogara ndichingozvifunga. Zvino sezvandisingachagoni kuita zvakawanda nemhaka youtano husina kunaka nokukwegura, mashoko anowanwa pana VaHebheru 6:10 anoramba achindikurudzira nguva dzose: “Mwari haazati ari usakarurama, ungakanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” Hungu, kushanda basa raJehovha ndiyo ropafadzo hurusa iyo munhu upi noupi angava nayo. Kwamakore 50 apfuura, vavariro yangu yave iri yokuti, uye ichiri, yokuva “mubati usingafaniri hake kunyadziswa.”—2 Timotio 2:15.
[Mufananidzo uri papeji 22]
Rudzi rwechikepe mandaishanda mugungwa reNorway
[Mufananidzo uri papeji 23]
Kuparidza nebhasikoro kuchamhembe kweFrance
[Mufananidzo uri papeji 23]
Masutukesi akaturikidzaniswa aishanda sechikuva chomukurukuri nokuda kwehurukuro yavose
[Mifananidzo iri papeji 24]
Ndine mudzimai wangu, Jeannette, pamuchato wedu muna 1952