RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 1/15 pp. 3-4
  • Kubatana Munzira Yakanakisisa Youpenyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatana Munzira Yakanakisisa Youpenyu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Mhuri yaJehovha Inofarikanya Chinzwano Chinokosha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Vanamati Vechokwadi Vanoonekwa Nokubatana Kwavo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Kubatana kwechiKristu Kwechokwadi—Kunowanikwa Sei?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Kubatana Mukunamata Munguva Yedu—Zvinorevei?
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 1/15 pp. 3-4

Kubatana Munzira Yakanakisisa Youpenyu

Kana vanhu vari munyika vakaramba vachiwanda, nenguva isipi pasi pano pachava navanhu mabhiriyoni matanhatu. Kunyange zvazvo vose vachibva pana tateguru mumwe, vakawanda vanoita sevasingabvumi kuti ivo mitezo yemhuri yenyika yose iripo nemhaka yoMusiki akachenjera neane rudo. Kusabatana nokuvengana kuri pakati pamarudzi, madzinza, netsika kunopa uchapupu husina kujeka hwemamiriro ezvinhu aya anosuruvarisa.

NEMHAKA yemamiriro ezvinhu enyika aripo nhasi, kubatana kwenyika yose kungaita sechinhu chisingaitiki. The Columbia History of the World rinoti: “Pamubvunzo unokosha zvikurusa wokuti torarama sei pamwe chete, nyika yanhasi haina kana pfungwa itsva yaingapa, kana imwe zvayo.”

Zvisinei, kuita kuti vanhu vose vanogara pasi pano vabatane hakudi pfungwa itsva. Nzira yokubatana yakarongwa muMagwaro Matsvene. Iri pakunamata Munhu akasika pasi nezvipenyu zvose zviri pariri. Kubatana kwechokwadi kwepfungwa, chinangwa, uye mararamiro kunotovapo pakati pavanhu vaMwari. Vari mamiriyoni anopfuura mashanu nehafu munyika 233, vakabatana vanotenda kuti nzira yaMwari youpenyu ndiyo nzira yakanakisisa. Kufanana nomunyori wePisarema, vanonyengetera kuti: “Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha, ndichafamba muzvokwadi yenyu, batanidzai mwoyo wangu kuti nditye zita renyu.”—Pisarema 86:11.

Uku kubatana kwavanhu mukunamata kwakachena kwakafanotaurwa kare kare nomuporofita Isaya. Akanyora kuti: “Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, richakwiridzwa kupfuura zvikomo; marudzi ose achamhanyira kwariri. Vanhu vazhinji vachaendako vachiti: Huyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye uchatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake.”—Isaya 2:2, 3.

Kubatana kweZvapupu zvaJehovha kwakasiyana nekwevamwe. Muungano dzinopfuura 87 000 munyika yose, vanodya zvokudya zvomudzimu zvakafanana pamisangano yavo vhiki nevhiki. (Mateo 24:45-47) Zvisinei, kubvira pakati pa1998 kusvikira kutanga kwa1999, Zvapupu zvakaratidza kubatana kwazvo neimwezve nzira—nokuungana paKokorodzano dzazvo dzemazuva matatu dze“Nzira yaMwari Youpenyu” munyika yose. Munyika 13, kuungana uku kwaibatanidza mapoka makuru evanhu vaibva kunyika dzakasiyana-siyana uye kwainzi kokorodzano dzamarudzi akawanda. Kumwe kwairatidzirwa sekokorodzano dzoruwa. Asi kokorodzano dzose idzi dzakagovera purogiramu yakafanana yezvinhu zvomudzimu zvakanaka.

Zvaifadza sei kuona vanhu vaifara, vakanga vakapfeka zvakanaka vachidirana muhoro nomunhandare kunodzidziswa naJehovha! Muenzaniso ndezvakataurwa nomumwe munhu akaenda kukokorodzano yamarudzi akawanda yakaitirwa muMichigan, U.S.A. Akati: “Zvaifadza zvikuru kuona hama dzedu dzinobva munyika dzakawanda—Czech Republic, Barbados, Nigeria, Hungary, England, Holland, Ethiopia, Kenya, nedzimwe nyika dzakawanda—dzichimbundirana! Zvakanga zvakaisvonaka kuona hama dzichigara pamwe chete dzakabatana, dzichichema misodzi yokufara nemhaka yokudanana kwadzinoita uye kuda kwadzo Mwari wadzo mukuru, Jehovha.” Nyaya inotevera ichanzvera purogiramu yekokorodzano yakafarirwa namamiriyoni mupasi rose.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe