RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 1/15 pp. 5-9
  • Kutsunga Kutevera Nzira yaMwari Youpenyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsunga Kutevera Nzira yaMwari Youpenyu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Kristu—Ndiye Nzira, Chokwadi, Uye Upenyu
  • Rambai Muchingwarira Zvikuru Kufamba Kwenyu
  • “Iyi Ndiyo Nzira. Fambai Mairi”
  • Kokorodzano Dzinofadza Dzinosimudzira Kudzidzisa Kwoumwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • “Vazivisi Voumambo Vanoshingaira” Vanoungana Nomufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Vadzidzisi Veshoko raMwari Vanokurudzirwa Kuti Vazadzise Basa Ravo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Vaiti Veshoko raMwari Vanowana Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 1/15 pp. 5-9

Kutsunga Kutevera Nzira yaMwari Youpenyu

Kokorodzano dze“Nzira yaMwari Youpenyu” dzakanga dzine zvakawanda zvokupa vaya vanoda kunamata Mwari! Mumwe munhu akapinda akarondedzera kokorodzano se“nguva yakaisvonaka yokurayiridzwa, kukurudzirwa, uye kuvhenekerwa.”

MUMWE akapinda akati “pakanga pane zvakawanda zvokufadzwa nazvo, zvokufungisisa, uye zvokuteerera.” Zvino ngatinyatsofungai nezvepurogiramu yacho pachayo.

Jesu Kristu—Ndiye Nzira, Chokwadi, Uye Upenyu

Uyu ndiwo wakanga uri musoro wezuva rokutanga rekokorodzano. (Johane 14:6) Hurukuro yokutanga yakaratidza chinangwa chokuungana kwedu pamwe chete pakokorodzano: kuti tidzidziswezve pamusoro penzira yakanakisisa youpenyu inobvira, nzira yaMwari youpenyu. Jehovha anodzidzisa vanhu vake nzira yokufamba nayo munzira dzake. Anoita izvi achishandisa Bhaibheri, “muranda wakatendeka, wakangwara,” nomudzimu mutsvene. (Mateo 24:45-47; Ruka 4:1; 2 Timotio 3:16) Kudzidziswa naChangamire wechisiko chose iropafadzo yakadini!

Zvichienderana nomusoro wezuva racho, hurukuro chaiyo yaiti “Rudzikinuro rwaKristu—Nzira yaMwari Yoruponeso.” Maererano nenzira yaMwari youpenyu, zvinokosha kuziva basa raJesu Kristu muchinangwa chaJehovha. Mukurukuri wacho akati: “Pasina chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu, hapana munhu, pasinei zvapo nezvaanotenda kana kuti mabasa ake, angagona kugamuchira upenyu husingaperi kuna Mwari.” Akabva ataura mashoko ari pana Johane 3:16, iyo inoti: “Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti ani nani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” Kuva nokutenda muchibayiro chorudzikinuro chaKristu kunoda kuti tive nezivo yakarurama yechokwadi. Kunobatanidzawo kutsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha, tichiratidzira izvi nokubhabhatidzwa mumvura, uye kurarama maererano nomuenzaniso wakapiwa naJesu Kristu.—1 Petro 2:21.

Purogiramu yamasikati yakatanga nehurukuro yaiva nomusoro waiti “Nzira Yorudo Haimbokundikani.” Iyi yaibatanidza kutsanangurwa kwendima nendima kwerondedzero inonyandura yaPauro yorudo, yakanyorwa pana 1 VaKorinte 13:4-8. Vateereri vakayeuchidzwa kuti rudo rwokuzvibayira chinhu chinozivisa chiKristu uye kuti kuda Mwari nomuvakidzani zvinhu zvinokosha zvokunamata kunotenderwa naJehovha.

Kwakazouya hurukuro nhatu dzokusiyirana dzaiva nomusoro waiti “Vabereki—Rovererai Nzira yaMwari Muvana Venyu.” Vabereki vanogona kubetsera vana vavo kuti vanamate Mwari nokugadza muenzaniso wakanaka wokurava nokufunda Shoko rake. Vanogona kuroverera chokwadi muvana vavo nokufunda nguva dzose semhuri, vachiita kuti zviwirirane nezvinodiwa nemhuri yacho. Zvinokoshawo kubetsera vana kuti vabatanidzwe mumabasa eungano neushumiri hwomumunda. Kunyange hazvo zvakaoma kurera vana vanotya Mwari munyika ino yakaipa, kuita kudaro kunounza mibayiro mikuru.

Hurukuro idzi dzokusiyirana dzapera pakava nehurukuro yaiti “Jehovha Ngaakuumbe Nokuda Kwokushandiswa Kunokudzwa.” Samaumbiro anoita muumbi midziyo yevhu, ndiwo maumbiro anoita Mwari avo vanoshuva kumunamata. (VaRoma 9:20, 21) Anoita izvi nokugovera zano muShoko rake uye achishandisa sangano rake. Jehovha achatibetsera kushandisa mano edu zvakazara kana tikazviita vanowanika, tikabvuma mikana, uye kana tichida kumuita kuti atungamirire nhano dzedu.

Zvino kwakazouya chikamu chaifadza chepurogiramu—“Basa Mumunda Woufundisi.” Panguva ino mupasi rose munyika 148 mune vashumiri vechiKristu 2 390 vanonzi vafundisi. Vakagadza muenzaniso wakaisvonaka wokuvimbika nokushingaira uye vanoonga zvikuru ropafadzo yavo yokushanda mune dzimwe nyika. Pakaitwa hurukuro iyi yepurogiramu pakokorodzano dzamarudzi akawanda, vafundisi vakataura nezvezvinetso nezvinofadza zvoupenyu hwoufundisi.

Hurukuro yokupedzisira yezuva rokutanga yaiva nomusoro waiti “Kune Upenyu Pashure Porufu Here?” Mubvunzo uyu wakanetsa vanhu kwezviuru zvamakore. Vanhu vomunzanga dzose vakanetseka nenhau yacho. Mhinduro dzinofungidzirwa hadziperi. Dzakasiyana-siyana setsika nezvitendero zvavanodzitaura. Asi, vanhu vanofanira kudzidza chokwadi.

Pakupedzisira, mukurukuri akazivisa kubudiswa kwebhurocha idzva rine ruvara rwakanaka rine mapeji 32 rinoti Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa? Bhurocha iri rinotsanangura kwakatangira dzidziso yokusafa kwomweya uye rinoratidza kukosha kwazoita pfungwa yacho kuzvinenge zvitendero zvose zvenyika nhasi. Nenzira yakajeka neinofadza, rinonzvera zvinotaura Bhaibheri pamusoro pomweya, nei tichifa, uye chinoitika kwatiri pakufa. Bhurocha racho rinotsanangurawo tariro iripo nokuda kwavakafa uye nokuda kwavapenyu. Bhurocha iri richava chikomborero chakadini kuvatsvaki vechokwadi kwose kwose!

Rambai Muchingwarira Zvikuru Kufamba Kwenyu

Musoro uyu wakanga wakakodzera zuva rechipiri rekokorodzano zvakadini! (VaEfeso 5:15) Purogiramu yamangwanani yakasimbisa basa rokuparidza nokuita vadzidzi. Kukurukurwa kworugwaro rwezuva nezuva kwaitwa, purogiramu yakapfuurira nehurukuro yaiti “Kubatsira Vanhu Kupinda Munzira Inoenda Kuupenyu.” Mukuita basa iri rokukurumidzira, zvinokosha kuti tive nemafungiro akanaka, tichiziva kuti kugoverana chokwadi navamwe iropafadzo zvose nebasa. Muzana rokutanga ramakore C.E., vanhu vazhinji vakaramba Shoko raMwari. Zvisinei, pasinei zvapo nokushorwa, pakanga pane vaya ‘vaida upenyu husingaperi uye vakava vatendi.’ (Mabasa 13:48, 50; 14:1-5) Zvinhu zvakadarowo nhasi. Kunyange hazvo vakawanda vachiramba chokwadi cheBhaibheri, isu tinoramba tichitsvaka avo vachagamuchira zvakanaka.—Mateo 10:11-13.

Hurukuro yakatevera yakataura nezvechinetso chokutaura shoko roupenyu nevamwe. Sezvazvaoma zvikuru kuwana vanhu pamba, tinofanira kutsvakisisa ndokuwana maitiro atingaita kana tichizoendesa shoko roUmambo kune vakawanda sevanobvira. Munyika dzakawanda, vaparidzi vamashoko akanaka vanowana migumisiro yakanaka nokupupura norunhare uye nokuparidza mundima yebhizimisi, nokudaro vachitaura neavo vangadai vachinetsa kuona.

Hurukuro yaiva nomusoro unoti “Kudzidzisa Vadzidzi Zvose Zvakarayirwa naKristu” yakasimbisa kukosha kwokuva nounyanzvi muushumiri hwedu. Unyanzvi hwedu hwokudzidzisa hunorodzwa sezvatinodzidza kune vamwe ndokushandisa kurovedzwa kwakaisvonaka kunowanwa pamisangano yeungano. Sezvatinova nounyanzvi pakudzidzisa kwedu, tinowana mufaro wakawedzerwa nokugutsikana mubasa redu rokubetsera vanhu kuti vadzidze chokwadi cheBhaibheri.

Purogiramu yamangwanani yakaguma nehurukuro yaitaura nezvezvinoreva kuzvitsaurira nokubhabhatidzwa. Imwe pfungwa yakataurwa nomukurukuri yaiva yokuti kana tikavimba naMwari zvakakwana uye tikaedza kuita zvaanoda nomwoyo wose, achatikomborera ndokutitsigira. Murume akachenjera akanyora kuti: “Umutende [Mwari] panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” (Zvirevo 3:6) Kubhabhatidzwa kwaifadza pachako kwakanga kuri chinhu chinokosha pakokorodzano chakaratidza kuti vakawanda vakanga vatanga kuita maererano nenzira yaMwari youpenyu.

Kuzorora kwamasikati kwapera, purogiramu yamasikati yakatanga nehurukuro yaiti “Kubatira Tichirangarira Upenyu Husingagumi.” Chinangwa chaMwari chokuita kuti vanhu vanoteerera vamunamate nokusingaperi pasi pano chichaitika. Ipapo, zvakakodzera zvakadini, kuti tiise pfungwa dzedu dzose, zvirongwa, uye zvatinotarisira pakunamata Jehovha tichifunga nezveupenyu husingagumi! Kunyange zvazvo tichida kuramba tichifunga nezve“zuva raMwari,” zvinokosha kuyeuka kuti chinangwa chedu ndechokushanda nokusingaperi. (2 Petro 3:12) Kusaziva nguva chaiyoiyo iyo Jesu achaita kutsiva kwaMwari kunotiita kuti tirambe tichishingaira uye kunotipa mikana yezuva nezuva yokuratidza kuti tinonamata Jehovha tisina vavariro dzoudyire.

Hurukuro mbiri dzakatevera dzakanzvera ganhuro rechina retsamba yaPauro kuvaEfeso. Chimwe chezvinhu zvakakurukurwa chakanga chiri chikomborero chatinacho mu“zvipo [zviri] varume,” varume vanokwanisa mumudzimu vanogadzwa nomudzimu mutsvene. Vakuru ava vanopa zano nenhungamiro kuti isu tibetserwe mumudzimu. Tsamba yakafuridzirwa yaPauro inokurudzirawo vaKristu kuti vapfeke “unhu hutsva.” (VaEfeso 4:8, 24, NW) Unhu hwakafanana nohwaMwari hunobatanidza mavara akadai sekunzwira tsitsi, mutsa, kuzvininipisa, unyoro, mwoyo murefu, uye rudo.—VaKorose 3:12-14.

Kungwarira mafambiro edu kunobatanidza kuramba tisina kusvibiswa nenyika—musoro wehurukuro yakatevera. Kuva pakati nepakati kunodiwa mukusarudza varaidzo, mabasa omunzanga, uye zvinorondwa zvepfuma. Nokushandisa zano riri pana Jakobho 1:27 rokuramba tisina kusvibiswa nenyika, tinova nezita rakanaka naMwari uye nehana yakanaka. Tinogonawo kurarama upenyu hune chinangwa ndokukomborerwa norugare, kubudirira mumudzimu, uye shamwari dzakaisvonaka.

Pakazouya hurukuro nhatu dzokusiyirana dzaiva nomusoro waiti “Pwere—Teverai Nzira yaMwari.” Vachiziva kuti Mwari anovada uye anoonga nhamburiko dzavo dzokutsigira kunamata kwakachena, vanhu vaduku vanofanira kurovedza masimba avo okunzwisisa kuti vamunamate vakatendeka. Imwe nzira yokutanga nayo masimba okunzwisisa ndeyokurava Shoko raMwari zuva nezuva nokurifungisisa. Kana tikaita izvi, tinogona kusvika pakuziva nzira dzaJehovha. (Pisarema 119:9-11) Masimba okunzwisisa anowedzerwawo nokugamuchira zano rakanaka rinobva kuvabereki, vakuru, nemabhuku eSosaiti. Nokushandisa masimba avo okunzwisisa nenzira yakarurama, pwere dzinoramba kubatikana nezvinhu zvinooneka, kutaura kusina kuchena, uye kunyanyisa mune zvevaraidzo izvo zvazadza nyika ino isingadi Mwari. Nokutevera nzira yaMwari youpenyu, vaduku navakuru zvakafanana vanogona kubudirira zvechokwadi.

Hurukuro yokupedzisira yezuva racho yaiva yokuti “Musiki—Unhu Hwake Nenzira Dzake.” Ataura kuti mabhiriyoni avanhu haazivi Musiki, mukurukuri akati: “Upenyu chaihwo hunoreva kuziva Musiki, Mwari wedu chaiye; kuziva unhu hwake; uye kushandira pamwe nenzira dzake. . . . Kune zvinhu pamusoro penyika yedu uye pamusoro pedu zvaunogona kushandisa kubatsira vanhu kugamuchira Musiki uye kuwana zvaanoreva.” Mukurukuri wacho akazokurukura uchapupu hunoratidza kuvapo kwoMusiki akachenjera neane rudo. Hurukuro yacho yakapedzisira nokubudiswa kwebhuku idzva—Is There a Creator Who Cares About You?

“Iyi Ndiyo Nzira. Fambai Mairi”

Uyu ndiwo wakanga uri musoro wezuva rechitatu rekokorodzano. (Isaya 30:21, NW) Purogiramu yacho yakatanga nehurukuro nhatu dzokusiyirana dzainakidza, dzainyanya kutaura nezvechiono chaEzekieri chetemberi. Chiono ichi chinoreva zvakawanda kuvanhu vaMwari nhasi, sezvachine chokuita nokunamata kwakachena munguva yedu. Chinhu chinoita kuti tinzwisise chiono chacho ndeichi: Temberi huru yaJehovha yomudzimu inomirira gadziriro yake yokunamata kwakachena. Sezvo zviratidzo zvechiono chacho zvaikurukurwa, vateereri vakafunga nezvebasa ravo mukutsigira basa rinoitwa navatariri vane rudo vevakasarira vakazodzwa uye nemitezo inotarisirwa yeboka remachinda.

Gare gare mangwanani iwayo, pakanga pane mutambo weBhaibheri wainakidza waiva nevatambi vakanga vakapfeka zvipfeko zvemunguva dzekare. Mutambo wacho waiva nomusoro waiti “Mhuri—Itai Kuti Kurava Bhaibheri Zuva Nezuva Kuve Nzira Yenyu Youpenyu!” Wakaratidzira kutenda nekushinga kwevaHebheru vatatu vakaramba kupfugamira chifananidzo chendarama chakamiswa naMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi. Chinangwa chemutambo wacho chakanga chiri chokuratidza kuti Bhaibheri harisi bhuku renhau dzekare chete asi zano raro rinoshanda zvechokwadi kuvaduku zvose nevakuru nhasi.

Purogiramu yamasikati yakanga iri nguva yehurukuro yavose yaiti “Nzira Bedzi Inoenda Kuupenyu Husingaperi.” Ataura nhau yokutadza nokufa kwevanhu, mukurukuri akagumisa namashoko aya anoita kuti ufunge: “Rugwaro rweBhaibheri rwunotungamirira zuva ranhasi rekokorodzano ino rwave rwuri Isaya ganhuro 30, ndima 21, (NW) inoti: ‘Nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu richiti: “Iyi ndiyo nzira. Fambai mairi,” kana muchida kutsaukira kurudyi kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.’ Inzwi irori tinorinzwa sei? Nokuteerera Shoko raMwari, Bhaibheri Dzvene, uye nokutevera nhungamiro iyo Murayiridzi wedu Mukuru, Jehovha Mwari, anogovera achishandisa sangano rake rechiKristu romuzuva razvino uno. Zvechokwadi, kuita izvozvi ndiyo nzira bedzi inoenda kuupenyu husingaperi.”

Pashure pokupfupikiswa kwenyaya yefundo yeNharireyomurindi yevhiki racho pakava nehurukuro yokupedzisira, yaiva nomusoro waiti “Ramba Uchifamba Munzira yaJehovha.” Chimwe chikamu chayo chakahwirudzura zvishomanene pfungwa huru dzepurogiramu yacho. Mukurukuri wacho akazotaura chisarudzo chinoratidza kutsunga kwedu kuramba tichigara munzira yaMwari.

Chisarudzo chacho chakaguma nemashoko aya anonyandura: “Tinopwiswa kuti kurarama mukuwirirana nenheyo dzepaMagwaro, zano, nokurayira kunoita nzira yakanakisisa youpenyu nhasi uye kunovanzarika nheyo yakaisvonaka nokuda kwenguva yemberi, kuti tibatisise upenyu chaihwo. Kupfuura zvose, tinoita chisarudzo ichi nokuti tinoda Jehovha Mwari nomwoyo wedu wose, mweya, ndangariro, uye simba!” Vose vaivapo vakaratidza kubvumira kwavo nokuti hungu zvinonzwika!

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 8]

“Is There a Creator Who Cares About You?”

Bhuku idzva rine musoro uyu rinopa uchapupu hunopwisa hwokuvapo kwoMusiki, Jehovha, uye rinokurukura zvaari. Rakagadzirirwa kunyanya avo vakadzidza zvikuru munhau dzenyika asi vasingadaviri muna Mwari. Bhuku iri rine mapeji 192 richawedzerawo kutenda kwavanhu vanotodavira muna Mwari, richivaka kuonga unhu hwake nenzira dzake.

Is There a Creator Who Cares About You? haringofungidziri kuti muravi anodavira muna Mwari. Panzvimbo pezvo, rinokurukura kuti zvakawanwa nesayenzi munguva pfupi yapfuura nepfungwa zvinotsigira sei kuvapo kwoMusiki. Mamwe maganhuro acho ane musoro unoti “Chii Chingawedzera Zvinoreva Upenyu Hwako?,” “Chisiko Chedu Chakava Pano Sei?—Gakava Racho,” uye “Wakasiyana Nevamwe Sei!” Mamwe maganhuro anokurukura chikonzero nei tichigona kuva nechokwadi chokuti Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari. Bhuku idzva racho rinopawo pfungwa yeBhaibheri rose zvaro, iyo inozivisa unhu hwoMusiki nenzira dzake. Bhuku racho haringokurukuri chikonzero nei Mwari akabvumira kutambura kwakawanda zvakadai asiwo rinotsanangura kuti achakugumisa sei nokusingaperi.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Vakawanda vakabhabhatidzwa

[Mifananidzo iri papeji 7]

Bhurocha idzva rakabudiswa naA. D. Schroeder, mutezo weDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha

[Mifananidzo iri papeji 8, 9]

Mutambo unonakidza wakakurudzira kurava Bhaibheri zuva nezuva

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe