RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 1/15 pp. 10-15
  • Minyengetero Yako Yakagadzirirwa “Sezvinonhuwira” Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Minyengetero Yako Yakagadzirirwa “Sezvinonhuwira” Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nyengetera Nokutenda
  • Rumbidza uye Onga Jehovha
  • Tsvaka Kubetserwa naJehovha Uchizvininipisa
  • Jesu Ngaakudzidzise Manyengeterero
  • Ita Maererano Neminyengetero Yako
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Koshesa Ropafadzo Yauinayo Yekunyengetera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Minyengetero Yavanaani Inopindurwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 1/15 pp. 10-15

Minyengetero Yako Yakagadzirirwa “Sezvinonhuwira” Here?

“Munyengetero wangu ngauve pamberi penyu sezvinonhuwira.”—PISAREMA 141:2.

1, 2. Kupiswa kwezvinonhuwira kwaifananidzirei?

JEHOVHA MWARI akarayira muporofita wake Mosesi kuti agadzirire zvinonhuwira zvitsvene zvokushandisa patabhernakeri yokunamatira yaIsraeri. Zvinonhuwira zvaMwari zvaida musanganiswa wemiti mina yainhuwira. (Eksodho 30:34-38) Zvakanhuwira zvakanaka zvechokwadi.

2 Chibvumirano choMutemo chakapinzwa rudzi rwaIsraeri machiri chaiita kuti pave nokupiswa kwezvinonhuwira zuva nezuva. (Eksodho 30:7, 8) Kushandiswa kwezvinonhuwira kune zvakwaireva chaizvo here? Hungu, nokuti munyori wePisarema akaimba kuti: “Munyengetero wangu ngauve pamberi penyu [Jehovha Mwari] sezvinonhuwira; nokusimudzwa kwamaoko angu sechipiriso chamadekwana.” (Pisarema 141:2) Mubhuku raZvakazarurwa, muapostora Johane anorondedzera vaya vakapoteredza chigaro chaMwari chokudenga sevane midziyo yendarama yakazara nezvinonhuwira. “Zvino,” inodaro nhoroondo yakafuridzirwa, “zvinonhuwira . . . minyengetero yavatsvene.” (Zvakazarurwa 5:8) Saka, kupiswa kwezvinonhuwira zvakanaka kwaifananidzira minyengetero inogamuchirwa inoitwa navashumiri vaJehovha zvose masikati nousiku.—1 VaTesaronika 3:10; VaHebheru 5:7.

3. Chii chinofanira kutibetsera ku‘gadzirira minyengetero yedu sezvinonhuwira kuna Mwari’?

3 Kana minyengetero yedu ichizogamuchirwa naMwari, tinofanira kunyengetera kwaari muzita raJesu Kristu. (Johane 16:23, 24) Asi tinganatsiridza sei kunaka kweminyengetero yedu? Kufunga nezvemimwe mienzaniso yomuMagwaro kunofanira kutibetsera kugadzirira minyengetero yedu sezvinonhuwira kuna Jehovha.—Zvirevo 15:8.

Nyengetera Nokutenda

4. Kutenda kunobatana sei nomunyengetero unogamuchirwa?

4 Kana minyengetero yedu ichizokwira kuna Mwari sezvinonhuwira zvakanaka, tinofanira kunyengetera nokutenda. (VaHebheru 11:6) Vakuru vechiKristu pavanoona munhu anorwara mumudzimu achibvuma kubetsera kwavo naMagwaro, “kunyengetera [kwavo] kwokutenda kuchaponesa unorwara.” (Jakobho 5:15) Minyengetero inoitwa nokutenda inofadza Baba vedu vokudenga, uye ndozvinoitawo kufunda Shoko raMwari tichinyengetera. Munyori wePisarema akaratidza mafungiro akanaka paakaimba kuti: “Ndichasimudzirawo maoko angu kumirayiro yenyu, yandinoda; ndichafungisisa mitemo yenyu. Ndidzidzisei ungwaru hwakanaka nenjere; nokuti ndakatenda mirayiro yenyu.” (Pisarema 119:48, 66) Ngati‘simudzei maoko edu’ mumunyengetero wokuzvininipisa ndokuva nokutenda tichidaro nokuteerera mirayiro yaMwari.

5. Kana tisina uchenjeri tinofanira kuitei?

5 Ngatimbotii hatina uchenjeri hunodikanwa kuti tibate nomuedzo. Zvichida hatina chokwadi kuti uporofita hweBhaibheri hwakati zvino huri kuzadzika. Panzvimbo pokurega izvi zvichiita kuti tisatsiga mumudzimu, ngatinyengetererei uchenjeri. (VaGaratia 5:7, 8; Jakobho 1:5-8) Chokwadi, hatigoni kutarisira kuti Mwari atipindure nenzira inoshamisa. Tinofanira kuratidza uchokwadi hweminyengetero yedu nokuita zvaanotarisira kuti vanhu vake vose vaite. Tinofanira kubatikana mukufunda Magwaro kunovaka kutenda tichiyamurwa nemabhuku akagoverwa no“muranda wakatendeka, wakangwara.” (Mateo 24:45-47; Joshua 1:7, 8) Tinofanirawo kukura muzivo kuburikidza nokuitawo chimwe chinhu mumisangano yavanhu vaMwari nguva dzose.—VaHebheru 10:24, 25.

6. (a) Tose zvedu tinofanira kuzivei pamusoro pezuva redu nokuzadzika kweuporofita hweBhaibheri? (b) Kunze kwokunyengeterera kutsveneswa kwezita raJehovha, chii chatinofanira kuita?

6 Nhasi, vamwe vaKristu vari kufarira zvimwe zvinhu nemamwe mabasa zvinoratidza kuti havachina kungwarira kuti zvino tava mukati-kati me“nguva yokupedzisira.” (Dhanieri 12:4) Zvakafanira kuti vanotenda pamwe navo vanyengetere kuti vakadaro vamutsidzire kana kuti kutsigisa kutenda kwavo nouchapupu hwomuMagwaro hwokuti kuvapo kwaKristu kwakavamba muna 1914 apo Jehovha akamugadza saMambo wokudenga uye kuti ari kutonga pakati pavavengi vake. (Pisarema 110:1, 2; Mateo 24:3) Tose zvedu tinofanira kuziva kuti zviitiko zvakafanotaurwa zvakadai sokuparadzwa kwezvitendero zvenhema—“Bhabhironi Guru”—kudenha kwaSatani Gogi waMagogi pavanhu vaJehovha, uye kununurwa kwavo naMwari Wamasimba Ose pahondo yeArmagedhoni zvinogona kuerekana zvaitika uye zvose zvinogona kuitika munguva pfupi zvikuru. (Zvakazarurwa 16:14, 16; 18:1-5, NW; Ezekieri 38:18-23) Saka ngatinyengetererei kuti Mwari atibetsere kuramba takamuka mumudzimu. Tose zvedu ngatinyengeterei nomwoyo wose kuti zita raJehovha ritsveneswe, kuti Umambo hwake huuye, uye kuti kuda kwake kuitwe pasi pano sezvakuri kuitwa kudenga. Hungu, ngatirambei tichiva nokutenda ndokupa uchapupu hwokuti minyengetero yedu ndeyemwoyo wose. (Mateo 6:9, 10) Zvechokwadi, vose vanoda Jehovha ngavatange kutsvaka Umambo nokururama kwake ndokuparidzawo zvikuru sezvinobvira mashoko akanaka mugumo usati wauya.—Mateo 6:33; 24:14.

Rumbidza uye Onga Jehovha

7. Chii chinokuorora pamunyengetero waDhavhidhi une mamwe mashoko akanyorwa pana 1 Makoronike 29:10-13?

7 Nzira inokosha yoku‘gadzirira nayo minyengetero yedu sezvinonhuwira’ ndeyokurumbidza Mwari nokumuonga zvinobva pamwoyo. Mambo Dhavhidhi akaita munyengetero wakadaro apo iye navanhu vaIsraeri vakapa mipiro kuti temberi yaJehovha ivakwe. Dhavhidhi akanyengetera achiti: “Imi mukudzwe, Jehovha, Mwari waIsraeri baba vedu nokusingaperi. Ukuru ndohwenyu, Jehovha, nesimba, nokubwinya, nokukunda, noumambo; nokuti zvose zviri kudenga nezviri pasi ndezvenyu; ushe ndohwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose. Fuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, imi munobata ushe pamusoro pezvose; paruoko rwenyu pane simba noushe; ruoko rwenyu ndirwo rwunokurisa nokupa vose simba. Saka zvino Mwari wedu, tinokuongai nokurumbidza zita renyu rinobwinya.”—1 Makoronike 29:10-13.

8. (a) Mashoko api okurumbidza ari muna Pisarema 148 kusvika ku 150 anonyanya kubaya mwoyo wako? (b) Kana tinewo mafungiro akataurwa pana Pisarema 27:4, tichaitei?

8 Kutaura kwakanaka zvakadini kwokurumbidza nokuonga! Minyengetero yedu ingasava yakarongwa mashoko kudaro, asi inogona kuva inobvawo pamwoyo zvakadaro. Bhuku reMapisarema rakazara neminyengetero yokuonga nokurumbidza. Mashoko akanakisisa okurumbidza angawanwa muna Pisarema 148 kusvika ku150. Kuonga Mwari kunotaurwa mumapisarema akawanda. “Chinhu chimwe chete ndakakumbira kuna Jehovha,” akaimba kudaro Dhavhidhi. “Ndicho chandichatsvaka; kuti ndigare mumba maJehovha misi yose youpenyu hwangu, kuti ndione kunaka kwaJehovha, nokurangarira mutemberi yake.” (Pisarema 27:4) Ngatiitei maererano neminyengetero yakadaro nokuitawo mabasa ose emapoka akaungana aJehovha nokushingaira. (Pisarema 26:12) Kuita izvi nokufungisisa Shoko raMwari zuva nezuva kuchatipa zvikonzero zvakawanda zvokunyengetera kuna Jehovha tichimurumbidza nokuonga zvinobva pamwoyo.

Tsvaka Kubetserwa naJehovha Uchizvininipisa

9. Mambo Asa akanyengetera sei, uye chii chakazoitika?

9 Kana tichishumira Jehovha nomwoyo wose seZvapupu zvake, tinogona kuva nechokwadi chokuti anonzwa minyengetero yedu yatinokumbira kubetserwa. (Isaya 43:10-12) Chimbofunga nezvaMambo Asa wenyika yeJudha. Makore gumi okutanga kutonga kwake kwamakore 41 (977-937 B.C.E.) aiva norugare. Uto ravarume vane miriyoni imwe raitungamirirwa naZera muItopia rakapinda munyika yeJudha nechisimba. Kunyange hazvo vakanga vakapfuurwa kuwanda nokure, Asa navarume vake vakaenda kunosangana navapambi vacho. Zvisinei, hondo isati yatanga, Asa akanyengetera nemwoyo wose. Akabvuma simba raJehovha rokununura. Achikumbira kubetserwa, mambo wacho akati: “Tinovimba nemi, tasvika kuzorwa navazhinji ava nezita renyu. Imi Jehovha, ndimi Mwari wedu; munhu ngaarege kukukundai imi.” Vakakunda zvakakwana sezvo Jehovha akaponesa Judha achiitira zita rake guru. (2 Makoronike 14:1-15) Kunyange Mwari akatinunura mumuedzo kana kuti akatisimbisa kuti tiutsungirire, zvechokwadi anonzwa kukumbira kwatinoita kubatsirwa naye.

10. Patinenge tisingazivi zvokuita nezvechinetso chakati, munyengetero waMambo Jehoshafati ungabetsera sei?

10 Kana tisingazivi kuti toita sei nechinetso chakati, tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achanzwa kukumbira kwedu kubetserwa. Izvi zvakaenzanisirwa mumazuva aMambo waJudha Jehoshafati, akatanga kutonga kwake kwamakore 25 muna 936 B.C.E. Nyika yeJudha payakatyisidzirwa nemauto akabatana eMoabhi, neAmoni, uye ruwa rweSeiri rwaiva pagomo, Jehoshafati akateterera kuti: “Haiwa, Mwari wedu, hamungavatongi here? Nokuti hatina simba rokurwa navazhinji ava vanouya kuzorwa nesu; hatizivi chatingaita, asi meso edu akatarira kwamuri.” Jehovha akapindura munyengetero iwoyo wokuzvininipisa, achirwira nyika yeJudha kuburikidza nokuvhiringidza mauto avavengi zvokuti vakaurayana. Somugumisiro, marudzi akapoteredza akatya, uye rugare rwakapararira munyika yeJudha. (2 Makoronike 20:1-30) Patinoshayiwa uchenjeri hunodikanwa kuti tibate nechinetso, kufanana naJehoshafati tinogona kunyengetera kuti: ‘Hatizivi chatingaita, asi meso edu akatarira kwamuri, Jehovha.’ Mudzimu mutsvene ungatiita kuti tiyeuke mashoko ari muMagwaro anodikanwa kuti tipedze chinetso chacho, kana kuti Mwari angatibetsera nenzira inopfuura mafungiro avanhu.—VaRoma 8:26, 27.

11. Tingadzidzei nezvomunyengetero kubva pazviito zvaNehemia zvine chokuita norusvingo rweJerusarema?

11 Tingafanira kuramba tichinyengeterera kubetserwa naMwari. Nehemia akayaura, akachema, akatsanya, uye akanyengetera kwamazuva akawanda pamusoro porusvingo rweJerusarema rwakanga rwaparadzwa uye nhamo huru yavaigara munyika yeJudha. (Nehemia 1:1-11) Zviri pachena kuti minyengetero yake yakakwira kuna Mwari sezvinonhuwira zvakanaka. Rimwe zuva Mambo wePersia Artashasta akabvunza Nehemia akanga aora mwoyo kuti: “Unokumbireiko?” Nehemia anoti, “Nd[a]kanyengetera kuna Mwari wokudenga.” Munyengetero iwoyo mupfupi uye womumwoyo wakapindurwa, nokuti Nehemia akabvumidzwa kuita zvaidiwa nomwoyo wake nokuenda kuJerusarema kunovakazve masvingo aro akanga aparadzwa.—Nehemia 2:1-8.

Jesu Ngaakudzidzise Manyengeterero

12. Namashoko ako pachako, ungapfupikisa sei mashoko anokosha omunyengetero waJesu womuenzaniso?

12 Paminyengetero yose yakanyorwa muMagwaro, unonyanya kurayiridza munyengetero womuenzaniso wakataurwa sezvinonhuwira zvakanaka naJesu Kristu. Evhangeri yaRuka inoti: “Mumwe wavadzidzi [vaJesu] akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johane sezvaakadzidzisa vadzidzi vakewo. Akati kwavari: Kana muchinyengetera, muti: Baba, zita renyu ngarikudzwe noutsvene; ushe hwenyu ngahuuye; mutipei zuva rimwe nerimwe zvokudya zvedu zvinotiringana; mutikanganwirei zvivi zvedu, nokuti nesu tinokanganwira vose vane mhosva nesu; musatiisa pakuidzwa.” (Ruka 11:1-4; Mateo 6:9-13) Ngatimbofungai nezvomunyengetero uyu, usina kuitirwa kuti udzokororwe nomusoro asi wakaitirwa kuti ushande senhungamiro.

13. Ungatsanangura sei zvinorehwa namashoko okuti, “Baba, zita renyu ngarikudzwe noutsvene”?

13 “Baba, zita renyu ngarikudzwe noutsvene.” Kutaura naJehovha saBaba iropafadzo chaiyo yavashumiri vake vakazvitsaurira. Vana zvavanongotaura nababa vane ngoni nezvechinetso chipi nechipi vasingatyi, tinofanira kupedza nguva mumunyengetero wenguva dzose uye unoremekedza nokukudza Mwari. (Pisarema 103:13, 14) Minyengetero yedu inofanira kuratidza kuva kwedu nehanya nezvokutsveneswa kwezita raJehovha nemhaka yokuti tinoshuva kuriona rabviswa kuzvidzwa kwose kwakanguri kwatutirwa pariri. Hungu, tinoda kuti zita raJehovha ritsaurwe ndokubatwa sedzvene, kana kuti rinoyera.—Pisarema 5:11; 63:3, 4; 148:12, 13; Ezekieri 38:23.

14. Kunyengetera kuti, “Ushe hwenyu ngahuuye” zvinorevei?

14 “Ushe hwenyu ngahuuye.” Umambo ndiko kutonga kwaJehovha kunoratidzirwa nehurumende yokudenga yaMesiya inodzorwa noMwanakomana wake neshamwari dzaJesu “vatsvene.” (Dhanieri 7:13, 14, 18, 27; Zvakazarurwa 20:6) Huchakurumidza ‘kuuya’ kuzorwisana navose vanoshora uchangamire hwaMwari, huchivabvisa pasi pano. (Dhanieri 2:44) Panguva iyeyo kuda kwaJehovha kuchaitwa pasi pano, sezvakunoitwa kudenga. (Mateo 6:10) Izvozvo zvichafadza zvisikwa zvose zvinoshumira Changamire Wechisiko Chose nokuvimbika zvakadini!

15. Kukumbira Jehovha “zuva rimwe nerimwe zvokudya zvedu” kunoratidzira chii?

15 “Mutipei zuva rimwe nerimwe zvokudya zvedu zvinotiringana.” Kukumbira Jehovha zvokudya zve“zuva rimwe nerimwe” kunoratidza kuti hatikumbiri zvinhu zvakawandisa asi zvatinoda zuva nezuva bedzi. Kunyange hazvo tichivimba naMwari kuti atipe, tinoshandawo ndokushandisa mitoo ipi neipi yatinogona kuti tiwane zvokudya nezvimwe zvinodiwa. (2 VaTesaronika 3:7-10) Chokwadika, tinofanira kuonga Mupi wedu wokudenga nemhaka yorudo rwake, uchenjeri, uye simba zvinoita kuti atipe zvinhu izvi.—Mabasa 14:15-17.

16. Tingakanganwirwa naMwari sei?

16 “Mutikanganwirei zvivi zvedu, nokuti nesu tinokanganwira vose vane mhosva nesu.” Sezvatisina kukwana uye tichitadza, hatigoni kunyatsoita zvinodiwa naJehovha zvakakwana. Saka, tinofanira kunyengeterera kukanganwirwa naye nemhaka yechibayiro chorudzikinuro chaJesu. Asi kana tichida kuti “[w]okunzwa munyengetero” ashandise kukosha kwechibayiro ichocho pazvivi zvedu, tinofanira kupfidza ndokuda kugamuchira chero chirango chaanotipa. (Pisarema 65:2; VaRoma 5:8; 6:23; VaHebheru 12:4-11) Uyezve, tinogona kutarisira kuti Mwari atikanganwire bedzi kana tichi“kanganwirawo vane mhosva nesu,” avo vanotitadzira.—Mateo 6:12, 14, 15.

17. Mashoko okuti, “musatiisa pakuidzwa” anorevei?

17 “Musatiisa pakuidzwa.” Dzimwe nguva Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha anoita zvinhu, paanenge ari kungozvibvumira bedzi. (Rute 1:20, 21) Mwari haatiidzi kuti tiite chivi. (Jakobho 1:13) Kuidzwa kuita zvakaipa kunobva kuna Dhiyabhorosi, nyama yedu inotadza, uye nyika ino. Satani ndiye Muidzi anoedza kutiita kuti titadzire Mwari. (Mateo 4:3; 1 VaTesaronika 3:5) Patinoita chikumbiro chakadai sechokuti, “Musatiisa pakuidzwa,” tiri kukumbira Mwari kuti asatibvumira kuti tikundikane patinoidzwa kuti tisamuteerera. Anogona kutitungamirira kuitira kuti tisabvuma uye tisakurirwa naSatani, “wakaipa.”—Mateo 6:13; 1 VaKorinte 10:13.

Ita Maererano Neminyengetero Yako

18. Tingaita sei zvinoenderana neminyengetero yedu nokuda kweroorano noupenyu hwemhuri zvinofadza?

18 Munyengetero waJesu womuenzaniso wakataura mashoko anokosha, asi tinogona kunyengeterera nhau ipi neipi. Somuenzaniso, tinganyengetera nezvekushuva kwedu roorano inofadza. Kuti tirambe takachena kusvikira taroora kana kuroorwa, tinganyengeterera kuzvidzora. Asika ngatiitei maererano neminyengetero yedu nokudzivisa mabhuku nevaraidzo zvounzenza. Ngatitsungeiwo ku‘roora munaShe bedzi.’ (1 VaKorinte 7:39; Dheuteronomio 7:3, 4) Patinenge tangoroora kana kuroorwa, tichafanira kuita maererano neminyengetero yedu yokuti tiwane mufaro nokushandisa zano raMwari. Uye kana tine vana, hazvina kukwana kunyengeterera kuti vave vashumiri vaJehovha vakatendeka. Tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tiroverere chokwadi chaMwari mundangariro dzavo nokufunda Bhaibheri nokupinda navo misangano yechiKristu nguva dzose.—Dheuteronomio 6:5-9; 31:12; Zvirevo 22:6.

19. Tinofanira kuitei kana tichinyengeterera ushumiri hwedu?

19 Tiri kunyengeterera zvikomborero muushumiri here? Ipapo ngatiitei maererano neminyengetero iyoyo nokuitawo nenzira ine chinangwa basa rokuparidza Umambo. Kana tikanyengeterera mikana yokubetsera vamwe kuti vapinde munzira inoenda kuupenyu husingaperi, tinofanira kuchengeta zvinonyorwa zvavanofarira uye tova vanoda kuita kuti kuitiswa kwefundo dzeBhaibheri dzapamusha kukwane murudungwe rwedu. Zvakadini kana tichishuva kuita basa rokuparidza nguva dzose sapiyona? Saka ngatitorei matanho maererano neminyengetero yedu kuburikidza nokuwedzera basa redu rokuparidza uye nokuitawo ushumiri namapiyona. Kutora matanho akadaro kucharatidza kuti tiri kuita maererano neminyengetero yedu.

20. Nyaya inotevera ichataura nezvechii?

20 Kana tichishumira Jehovha takatendeka, tinogona kuva nechivimbo chokuti achapindura minyengetero yedu ine chokuita nokuda kwake. (1 Johane 5:14, 15) Zvechokwadi, mashoko anobetsera adzidzwa mukunzvera mimwe minyengetero yakanyorwa muBhaibheri. Nyaya yedu inotevera ichataura nezvedzimwe nhungamiro dzaMagwaro kune vaya vanoshuva ku‘gadzirira minyengetero yavo sezvinonhuwira pamberi paJehovha.’

Ungapindura Uchitii?

◻ Nei tichifanira kunyengetera nokutenda?

◻ Kurumbidza nokuonga zvinofanira kuita basa rei muminyengetero yedu?

◻ Nei tichigona kukumbira kubetserwa naJehovha nechivimbo mumunyengetero?

◻ Mamwe mashoko anokosha omunyengetero womuenzaniso ndeapi?

◻ Tingaita sei zvinoenderana neminyengetero yedu?

[Mufananidzo uri papeji 12]

Kufanana naMambo Jehoshafati, pane dzimwe nguva tingada kunyengetera kuti: ‘Hatizivi chatingaita, asi meso edu akatarira kwamuri, Jehovha’

[Mufananidzo uri papeji 13]

Unonyengetera zvinoenderana nomunyengetero waJesu womuenzaniso here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe