Chii Chinodiwa Kuti Kuroorana Kubudirire?
Waizosarudza kusvetukira murwizi usina kutanga wadzidzira kushambira here? Kuita zvakapusa kudaro kungava kunokuvadza—kana kutouraya. Zvisinei, funga kuti vanhu vakawanda sei vanomhanyira kuroorana vasingambozivi zvavo kuti vangaita sei mabasa anobatanidzwa.
JESU akati: “Ndiani kwamuri, kana achida kuvaka svingo, usingatangi kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo, kuona kana ane mari yokuipedzisa nayo?” (Ruka 14:28) Zvinodiwa pakuvaka svingo ndizvo zvinodiwawo pakuvaka imba. Avo vanoda kuroorana vanofanira kuverenga nokungwarira zvinodiwa mumba kuti vave nechokwadi chokuti vanogona kutarisana nezvinodiwa.
Kutarisa Imba
Kuva nomumwe wako wokufara naye nokutambudzika naye muupenyu chokwadi chikomborero. Kuroora kana kuroorwa kunogona kuvhara buri rinoparirwa nokusurikirwa kana kuora mwoyo. Kunogona kugutsa kushuva kwedu rudo kwomuzvarirwo, ushamwari, uye kunyatsowirirana kwapedyo. Nechikonzero chakanaka, asika Adhama, Mwari akati: “Hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga; ndichamuitira mubatsiri wakamukwanira.”—Genesi 2:18; 24:67; 1 VaKorinte 7:9.
Hungu, kuroora kana kuroorwa kunogona kupedza zvimwe zvinetso. Asi kuchaparirawo zvimwe zvitsva. Nei? Nokuti kuroorana kubatanidzwa kweunhu huviri hwakasiyana uhwo zvimwe hunowirirana asi husina kumbofanana. Saka, kunyange vaviri vanonyatsopindirana vachava nezvinetso panguva nenguva. Muapostora wechiKristu Pauro akanyora kuti vanoroora kana kuroorwa vachava ne“dambudziko panyama”—kana kuti semashanduriro anoita The New English Bible, “kurwadziwa nokuchema muupenyu huno hwenyama.”—1 VaKorinte 7:28.
Pauro akanga ari kuva asina tariro here? Nyangwe! Akanga achingokurudzira hake vari kufunga zvokuroora kana kuroorwa kuti vaone zvinhu sezvazviri. Kunzwa kunofadza kwokuda mumwe munhu hakusi chinhu chakanaka chokutemesa nacho kuti upenyu waroora kana kuroorwa huchava hwakadini mumwedzi nemakore zvichauya pashure pezuva romuchato. Imba yoga yoga ine zvinhu zvayo yoga zvinoinetsa. Chinetso hachisi chokuti zvichavapo here asi kuti uchatarisana nazvo sei kana zvikavapo.
Zvinetso zvinopa murume nomudzimai mukana wokuratidzana kuti vanodanana zvechokwadi sei. Kuenzanisira: Chikepe chokufambisa rwendo chingataridzika sechakasimba zvachinenge chakamira, chakasungirirwa panomiswa zvikepe. Zvisinei, kukodzera kwacho kufamba mugungwa kunoratidzwa mugungwa—zvimwe kunyange mumafungu makuru edutu. Zvakangofanana, kusimba kwechisungo chemuchato hakungoratidzwi chete munguva dzorugare dzakaterama dzokudanana. Dzimwe nguva, kunoratidzwa mumigariro inoedza umo vaviri vanokurira madutu ematambudziko.
Kuti vaite kudaro, vaviri vakaroorana vanofanira kuzvipira, nokuti Mwari akaita chinangwa chokuti murume “anamatire mukadzi wake” uye kuti vaviri vacho “vave nyama imwe.” (Genesi 2:24) Pfungwa yokuzvipira inotyisa vanhu vakawanda nhasi. Asi, zvinongova nemusoro kuti vanhu vaviri vanonyatsodanana vachada kuvimbisana chaizvo kuti vachagara pamwe chete. Kuzvipira kunoita kuti imba itsige. Kunoita kuti uve nechivimbo chokuti, nyange zvodini, murume nomudzimai vachatsigirana.a Kana usati wagadzirira kuzvipira zvakadaro, hausati wanyatsogadzirira kuroora kana kuroorwa. (Enzanisa Muparidzi 5:4, 5.) Kunyange avo vakatoroorana vangada kuwedzera kunzwisisa kwavo kuti kuzvipira kwakakosha sei kune imba inotsungirira.
Kuzvitarisa
Hapana mubvunzo kuti ungaronga unhu hwaungada mune waungada kuroora kana kuti kuroorwa naye. Zvisinei, zvakatooma zvikuru kuti uzvitarise pachako kuti uone kuti ungabetserawo sei imba. Kuzviongorora kunokosha, zvose usati waita mhiko yokuroora kana kuroorwa uye waiita. Somuenzaniso, zvibvunze mibvunzo inotevera.
• Ndinoda kuzvipira kune wandinoda kuroorana naye kwoupenyu hwangu hwose here?—Mateo 19:6.
Mumazuva omuporofita weBhaibheri Maraki, varume vakawanda vakasiya vadzimai vavo, zvimwe kuti varoore vakadzi vakanga vachiri vaduku. Jehovha akati atari yake yakanga yafukidzwa nemisodzi yevadzimai vakanga vasiyiwa, uye akashora varume vaka“nyengera” vadzimai vavo kudaro.—Maraki 2:13-16.
• Kana ndiri kufunga zvokuroora kana kuroorwa, ndapfuura here zera rouduku panenge pakasimba pfungwa dzokuda kurara nomunhu uye padzinogona kuvhiringidza mafungiro akanaka?—1 VaKorinte 7:36.
“Zvine ngozi zvikuru kuroora kana kuti kuroorwa uchiri muduku zvikuru,” anodaro Nikki, akanga ane makore 22 paakaroorwa. Anonyevera kuti: “Zvaunofunga, zvaunovavarira, uye zvaunofarira zvicharamba zvichichinja kubvira panguva yaunenge wabva zera kusvikira pakati pemakore ekuma20.” Chokwadi, kugadzirira kuroora kana kuroorwa hakungatemwi nezera roga. Zvisinei, kuroora kana kuroorwa munhu asati apfuura zera rouduku paanotanga kunzwa pfungwa dzokuda kurara nemunhu uye kunyanya dzichakasimba kungavhiringidza mafungire ake zvoita kuti asaone zvingangova zvinetso.
• Unhu hupi hwandinahwo huchandibetsera kuitawo kuti imba ibudirire?—VaGaratia 5:22, 23.
Muapostora Pauro akanyorera vaKorose kuti: “Fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu.” (VaKorose 3:12) Zano iri rakakodzera vaya vari kuda kuroora kana kuroorwa nevaya vakatoroora kana kuroorwa.
• Ndingaratidza kukura mundangariro kunodiwa kuti nditsigire mumwe wangu munguva dzakaoma here?—VaGaratia 6:2.
“Kana zvinetso zvamuka,” anodaro mumwe chiremba, “tinowanzoda kupomera mumwe wedu. Zvokuti ndiani anofanira kupomerwa hazvisi izvo zvinokosha. Panzvimbo pezvo, kuti vose murume nomudzimai vachashandira pamwe sei kuti vavandudze ukama hwokuroorana.” Mashoko aMambo akachenjera Soromoni anoshanda kune vanhu vakaroorana. “Vaviri vanopfuura mumwe,” akanyora kudaro, “kana vakawira pasi, mumwe uchasimudza shamwari yake; asi uri oga une nhamo kana achiwira pasi, haana mumwe ungamusimudza.”—Muparidzi 4:9, 10.
• Ndiri munhu anogara achifara neane tariro here, kana kuti ndiri munhu asinganyanyofara neasina tariro?—Zvirevo 15:5.
Munhu asina tariro anoona zuva roga roga serakashata. Kuroora kana kuroorwa hakungoerekani kwachinja pfungwa iyi! Munhu asina kuroora kana kuroorwa—murume kana kuti mukadzi—anongotsoropodza kana kuti asina tariro achazongova munhu akaroora kana kuroorwa anongotsoropodza kana kuti asina tariro. Maonero akadaro asina tariro anogona kuita kuti imba iome.—Enzanisa naZvirevo 21:9.
• Kana zvinhu zvashata ndinonyarara here, kana kuti ndinobva ndataura ndakatsamwa?—VaGaratia 5:19, 20.
VaKristu vanorayirwa kuti va“nonoke kutsamwa.” (Jakobho 1:19) Vasati varoorana uye vazoroorana, murume kana mukadzi vanofanira kuedza kurarama maererano nezano iri: “Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa.”—VaEfeso 4:26.
Kutarira Angazova Mumwe Wako
“Wakangwara unongwarira mafambiro ake,” chinodaro chirevo cheBhaibheri. (Zvirevo 14:15) Zvirokwazvo izvi ndezvechokwadi pakusarudza wokuroorana naye. Kusarudza wokuroorana naye ndechimwe chezvisarudzo zvinokosha zvikuru zvinofanira kuitwa nomurume kana mukadzi. Asi, zvakaoneka kuti vanhu vakawanda vanopedza nguva yakawanda vachifunga kuti votenga motokari ipi kana kuti voenda kuchikoro chipi kupfuura kuti voroora kana kuroorwa nomunhu upi.
Muungano yechiKristu, vaya vakaronzeswa mutoro vano“tang[a] vaedzwa kuti vanokodzera here.” (1 Timotio 3:10, NW) Kana uri kufunga nezvokuroora kana kuroorwa, uchada kuva nechokwadi choku“kodzera” kwomumwe munhu wacho. Somuenzaniso, funga nezvemibvunzo inotevera. Kunyange zvazvo ichipiwa tichifunga nezvomukadzi, zvakawanda zvainoda zvingashandawo kumurume. Uye kunyange vaya vakaroora kana kuroorwa vangafungawo nezvemibvunzo iyi ndokubetserwa.
• Ane mukurumbira worudzii?—VaFiripi 2:19-22.
Zvirevo 31:23 inorondedzera murume “unozivikanwa pamasuo eguta, kana agere pakati pavakuru venyika.” Varume veguta vaigara pamasuo eguta kuti vatonge. Saka, zviri pachena kuti vanhu vaivimba naye. Maonerwe anoitwa murume nevamwe anotaura chimwe chinhu nezvemukurumbira wake. Kana zvichishanda, fungawo nezvemaonerwe aanoitwa nevari pasi pake. Izvi zvingaratidza kuti iwe, somumwe wake, uchazomuona sei nokufamba kwenguva.—Enzanisa na1 Samueri 25:3, 23-25.
• Ane tsika dzerudzii?
Kuchenjera kwaMwari “zvikuru kwakachena.” (Jakobho 3:17) Achazova mumwe wako anonyanyofarira kugutswa kwake nokurara newe kupfuura maonerwe aanoitwa neaunoitwa naMwari here? Kana asiri kuedza chaizvo kurarama maererano nezvinodiwa naMwari zvetsika iko zvino, chinozokuita kuti udavire kuti achazviita maroorana chii?—Genesi 39:7-12.
• Anondibata sei?—VaEfeso 5:28, 29.
Bhuku reBhaibheri raZvirevo rinotaura nezvemurume ano“tenda” mudzimai wake. Uyezve, “unomurumbidza.” (Zvirevo 31:11, 28) Haaiti shanje zvakanyanya, uye haatarisiri zvisina musoro. Jakobho akanyora kuti kuchenjera kunobva kumusoro “kune rugare, k[unonzwisisa, NW], . . . kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka.”—Jakobho 3:17.
• Anobata sei mitezo yemhuri yake iye?—Eksodho 20:12.
Vana havangofaniri havo kuremekedza vabereki. Bhaibheri rinoti: “Teerera baba vako vakakubereka; usazvidza mai vako kana vachembera.” (Zvirevo 23:22) Zvinofadza kuti Dr. W. Hugh Missildine akanyora kuti: “Matambudziko akawanda okuroora kana kuroorwa nekusawirirana zvingadziviswa—kana kuti kufanoonwa hazvo—kana vanotarisira kuva mwenga nechikomba vacho vakashanyirana kumusha vasina kutaurirana ndokuona ukama huri pakati pe‘waanoda kuroorana naye’ nevabereki vake. Maonero aanoita vabereki vake acharatidza maonero aachaita mudiwa wake. Munhu anofanira kubvunza kuti: ‘Ndinoda kubatwa semabatire aanoita vabereki vake here?’ Uye mabatirwe aanoitwa nevabereki vake acharatidza zvakanaka mabatire aachazviita uye kuti achakutarisira kuti uzvibate sei paari—mabva kuzororo revachangobva kuchata.”
• Anongofufutirwa nokutsamwa kana kuti kutuka pose pose here?
Bhaibheri rinopa zano rokuti: “Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri.” (VaEfeso 4:31) Pauro akanyevera Timotio nezvevamwe vaKristu vano“ngokarira mibvunzo nenharo” uye vanobvumira “godo, negakava, nokutuka, nokufungidzira kwakaipa, nokukakavadzana kusingaperi.”—1 Timotio 6:4, 5.
Uyezve, Pauro akanyora kuti munhu anokwanisa kuita mabasa chaiwo muungano anofanira kuva “asingarwi”—maererano nechiGiriki chapakuvamba, “asingarovi nezvibhakera.” (1 Timotio 3:3, mashoko omuzasi) Haangavi munhu anorova vanhu nemaoko kana kuti kuvatyisidzira nemashoko. Munhu angangoita chisimba chero nguva ipi zvayo atsamwa haasiri munhu wakanaka wokuroorana naye.
• Zvinangwa zvake ndezvei?
Vamwe vanoronda pfuma vokohwa migumisiro isingagoni kudziviswa. (1 Timotio 6:9, 10) Vamwe vanongokukurwa muupenyu vasina zvinangwa zvavanoda kuita. (Zvirevo 6:6-11) Zvisinei, munhu anoda Mwari acharatidza kutsunga kwakafanana nekwakaratidzwa naJoshua, akati: “Kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha.”—Joshua 24:15.
Mibayiro Nemabasa
Muchato igadziriro yakatangwa naMwari. Yakabvumirwa uye yakatangwa naJehovha Mwari. (Genesi 2:22-24) Akaronga gadziriro yekuroorana kuitira kuti aite chisungo chechigarire pakati pomurume nomukadzi kuitira kuti vabetserane. Apo nheyo dzeBhaibheri dzinoshandiswa, murume nomudzimai vangatarisira kuti upenyu hwavo hufadze.—Muparidzi 9:7-9.
Kunyange zvakadaro, zvinofanira kuzivikanwa kuti tiri kurarama mu“nguva dzokutambudzika.” Bhaibheri rakafanotaura kuti munguva ino, vanhu vaizova “vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, . . . vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, . . . vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi.” (2 Timotio 3:1-4) Unhu uhwu hune zvahunozoita mumba yemunhu. Saka, vari kufunga zvokuroora kana kuroorwa vanofanira kuverenga zvinodiwa. Uye vaya vakatoroora kana kuroorwa vanofanira kuramba vachishanda kuti vavandudze ukama hwavo nokudzidza uye kushandisa kutungamira kwaMwari kunowanika muBhaibheri.
Hungu, vaya vari kufunga zvokuroora kana kuroorwa vachaita zvakanaka kutarira zviri seri kwezuva romuchato. Uye vose vanofanira kufunga kwete chete zvokuroora kana kuroorwa asiwo upenyu hwokuva akaroora kana kuroorwa. Tsvaka kubetserwa naJehovha kuti ufunge chaizvoizvo panzvimbo pokufunga nepfungwa yerudo chete. Paunoita kudaro, zvinobvira kuti uchava nemba inobudirira.
[Mashoko Omuzasi]
a Bhaibheri rinongobvumira chikonzero chimwe chete chokurambana chinoita kuti ugone kuroorazve kana kuroorwazve, uye ichocho “upombwe”—kurara nomunhu wausina kuroorana naye.—Mateo 19:9.
[Bhokisi riri papeji 5]
“Rondedzero Yakanakisisa Yorudo Yandati Ndamborava”
“Unoziva sei kana muri kunyatsodanana?” anonyora kudaro Dr. Kevin Leman. “Pane bhuku rekare rine rondedzero yerudo. Bhuku racho rava nemakore anoda kusvika zviuru zviviri, asi ichiri rondedzero yakanakisisa yorudo yandati ndamborava.”
Dr. Leman akanga achitaura nezvemashoko omuapostora wechiKristu Pauro anowanika muBhaibheri pana 1 VaKorinte 13:4-8:
“Rudo rune mwoyo murefu, rune mwoyo munyoro; rudo haruna godo; rudo haruna manyawi, haruzvikudzi; haruiti zvisingafaniri, haruzvitsvakiri zvarwo; harutsamwi, haruna zvishura; harufariri zvisakarurama, asi runofarira zvokwadi; runofukidza zvose, runotenda zvose, rune tariro pazvose, runotsungirira pazvose. Rudo harutongoperi.”
[Bhokisi riri papeji 8]
Mwoyo Unogona Kunyengedza
Zviri pachena kuti musikana weShuramiti wenguva dzeBhaibheri akanga achinyatsoziva nezvesimba rinonyengera rekuda mumwe munhu. Paaipfimbwa naMambo akanga ane simba Soromoni, akataurira shamwari dzake dzechisikana kuti “murege kupfutidza kana kumutsa rudo [mandiri, NW], kusvikira irwo rwada rumene.” (Rwiyo rwaSoromoni 2:7) Iyi mhandara yakachenjera yakanga isingadi kuti shamwari dzayo dziimanikidze kuti itongwe nemwoyo wayo. Izvi zvinoshandawo kune vari kufunga zvokuroora kana kuti kuroorwa nhasi. Batisisai pfungwa dzenyu. Kana mukaroora kana kuroorwa, zvinofanira kuva nemhaka yokuti muri kudanana nomunhu, kwete chete nepfungwa yokuroora kana kuroorwa.
[Mufananidzo uri papeji 6]
Kunyange avo vakatoroorana kare vangasimbisa zvisungo zveimba yavo
[Mufananidzo uri papeji 7]
Anobata sei vabereki vake?