Mhuri Huru Dzakabatana Mubasa raMwari
“Vana Inhaka Inobva Kuna Jehovha,” Akanyora Kudaro Munyori wepisarema. “Chibereko Chechizvaro Ndiwo Mubayiro Waanopa. Semiseve Muruoko Rwemhare, Ndizvo Zvakaita Vana Voujaya. Une Mufaro Iye Murume Une Goba Rizere Navo.”—Pisarema 127:3-5.
HUNGU, vana vanogona kuva chikomborero chinobva kuna Jehovha. Uye sezvo mupfuri achigutsikana nokuziva nzira yokutondeka nayo miseve iri mugoba rake, saka vabereki vanofarawo pavanotungamirira vana vavo munzira inoita kuti vawane upenyu husingaperi.—Mateo 7:14.
Kare, mhuri dzaiva ne‘magoba akazara’ nevana vakawanda dzakanga dzakajairika pakati pevanhu vaMwari. Somuenzaniso, funga nezvemakore avo outapwa muEgipita: “Vana vaIsraeri vakaberekana, vakawanda kwazvo, vakava nesimba guru-guru; nyika yakanga izere navo.” (Eksodho 1:7) Kuenzaniswa kwenhamba yevaIsraeri vakapinda muEgipita nenhamba yevakabudamo kunoratidza kuti mhuri dzaiva nevana gumi dzakanga dzakakura zvakaenzanira!
Gare gare, Jesu akakurira mumhuri ingaoneka seyakakura nevamwe nhasi. Jesu akanga ari dangwe, asi Josefa naMaria vakanga vane vamwe vanakomana vana nevanasikana. (Mateo 13:54-56) Kuva kwavo nevana vakawanda zvikuru kungangodaro kuchijekesa kuti Maria naJosefa vakatanga sei rwendo rwokudzoka kubva kuJerusarema vasingazivi kuti Jesu akanga asiri muboka ravo.—Ruka 2:42-46.
Mhuri Huru Nhasi
Nhasi, vaKristu vakawanda vanosarudza kudzora kukura kwemhuri dzavo nokuda kwezvikonzero zvomudzimu, zvemari, zvemunzanga, uye zvimwewo. Zvisinei, mhuri dzakakura dzinoramba dziripo munzanga dzakawanda. Maererano neThe State of the World’s Children 1997, nharaunda inoberekwa vanhu vakawanda zvikuru rutivi rweAfrica iri kumaodzanyemba kweSahara. Ikoko, mukadziwo zvake anobereka vana vatanhatu.
Kuvabereki vechiKristu vemhuri dzakakura, kurera vana vavo kuti vade Jehovha hazvisi nyore, asi vakawanda vari kubudirira kuita kudaro. Kubudirira kunotsamira pakubatana kwemhuri mukunamata kwakachena. Mashoko omuapostora Pauro kuungano yaiva muKorinte anoshanda zvakasimba zvakafanana kumhuri dzechiKristu nhasi. Akanyora kuti: “Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, . . . kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musonganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.” (1 VaKorinte 1:10) Kubatana kwakadaro kungaitwa sei?
Vabereki Vanofanira Kuva Vanhu Vakakura Mumudzimu
Chinhu chinokosha ndechokuti vabereki vanofanira kuva vakazvipira kuna Mwari zvakazara. Funga zvakataura Mosesi kune vaIsraeri: “Chinzwa Israeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete. Ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose. Zvino mashoko aya andinokurayira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.”—Dheuteronomio 6:4-7.
Ona kuti Mosesi akaratidza kuti mirayiro yaMwari yaifanira kuva ‘mumwoyo’ yevabereki. Ndipo chete apo vabereki vaizoda kupa vana vavo murayiridzo womudzimu. Chokwadi, kana vabereki vakasimba mumudzimu, vanoda kurayiridza vana vavo zvinhu zvomudzimu.
Kuti munhu akure mumudzimu nokuda Jehovha nomwoyo wake wose, zvinokosha kurava, kufungisisa, uye kushandisa Shoko raMwari nguva dzose. Munyori wePisarema akanyora kuti munhu anofarira mutemo waJehovha uye anourava “masikati nousiku” acha“fanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, mashizha awo haasvavi; chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.”—Pisarema 1:2, 3.
Muti zvaunobereka michero yakanaka kana uchigara uchidiridzirwa, saka mhuri dzinodyiswa mumudzimu dzinoberekawo zvibereko zvaMwari, kuti Jehovha arumbidzwe. Muenzaniso imhuri yaUwadiegwu, anogara kuWest Africa. Nyange zvazvo Uwadiegwu nemudzimai wake vane vana vasere, vose vari vaviri vanoshanda semapiyona enguva dzose, kana kuti vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha. Anoti: “Mhuri yedu yave ichiita fundo yeBhaibheri yemhuri yenguva dzose kwemakore anopfuura 20. Takadzidzisa vana vedu Shoko raMwari kubva pavakanga vari vacheche, kwete chete mufundo yedu yemhuri asi muushumiri nepane dzimwe nguva. Vana vedu vose vazivisi vemashoko akanaka oUmambo, uye muduku wacho, ane makore matanhatu, ndiye chete asati abhabhatidzwa.”
Kushanda Seboka
“Imba inovakwa nouchenjeri,” rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 24:3) Mumhuri, uchenjeri hwakadaro hunoita kuti mushande seboka. “Kaputeni” weboka remhuri ndibaba; ndivo musoro wemhuri wakagadzwa naMwari. (1 VaKorinte 11:3) Muapostora Pauro akafuridzirwa akasimbisa kukosha kwebasa rokuva musoro paakanyora kuti: “Kana munhu asingachengeti vokwake [zvose munyama nomumudzimu], zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.”—1 Timotio 5:8.
Maererano nezano iri rinobva muShoko raMwari, varume vechiKristu vanofanira kutarisira umudzimu hwevadzimai vavo. Kana vadzimai vachiremerwa nemabasa avo omumba, vachatambura mumudzimu. Mune imwe nyika yomuAfrica, mumwe muKristu akanga achangobva kubhabhatidzwa akanyunyuta kuvakuru vari muungano yake kuti mudzimai wake aiita seasina basa nezvinhu zvomudzimu. Vakuru vakapa zano rokuti mudzimai wacho aida kubetserwa kuita zvinhu. Saka murume wacho akatanga kumubetsera mabasa omumba. Akapedzawo nguva achimubetsera kuti avandudze kurava kwake nokuziva kwake Bhaibheri. Akadavidza zvakanaka, uye zvino mhuri yose yakabatana mubasa raMwari.
Vanababa vanofanirawo kufunga nezveumudzimu hwevana vavo. Pauro akanyora kuti: “Nemi madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokurayira kwaShe.” (VaEfeso 6:4) Vabereki pavanoteerera zano rokusatsamwisa vana vavo, pamwe nenhungamiro yokuvarovedza, vana vachanzwa kuti ivowo vari muboka remhuri. Zvinozoitika ndezvokuti, vana vangangobetserana nokukurudzirana kuti vaite vavariro dzomudzimu.
Kushanda seboka kunobatanidza kupa vana mabasa omudzimu pavanenge vakagadzirira. Vamwe baba, mukuru wechiKristu ane vana 11, vanomuka mangwanani-ngwanani vofunda nevanoverengeka vavo vasati vaenda kubasa. Vakuru vacho, vabhabhatidzwa, vanoita majana okubetsera vanun’una vavo nehanzvadzi, zvinobatanidza kuvadzidzisawo Bhaibheri. Baba vacho vanotarisira, vachirumbidza nhamburiko dzavo. Vana vatanhatu vakabhabhatidzwa, uye vamwe vacho vari kupfuurira kuvavarira kuita izvozvo.
Kukurukurirana Kwakanaka, Vavariro Dzenyu Mose
Kukurukurirana kworudo nevavariro dzomudzimu dzavose zvinokosha kumhuri dzakabatana. Gordon, murume mukuru wechiKristu anogara kuNigeria, ndibaba vevana vanomwe vane makore anobva pa11 kusvikira pa27. Vatanhatu vacho mapiyona, sevabereki vavo. Mudukusa wacho, achangobva kubhabhatidzwa, anoitawo basa rokuita vadzidzi nevamwe vose vemhuri nguva dzose. Vanakomana vakura vaviri vabatiri vanoshumira muungano.
Gordon pachake akafunda Bhaibheri nomwana mumwe nomumwe. Kunze kwezvo, mhuri yacho ine purogiramu inobatanidza zvakawanda yedzidzo yeBhaibheri. Mangwanani oga oga vanoungana kuti vafunde rugwaro rweBhaibheri vobva vagadzirira misangano yeungano.
Imwe vavariro yakaisirwa mutezo mumwe nomumwe wemhuri ndeyokurava nyaya dzose dziri mumagazini eNharireyomurindi neMukai! Nguva pfupi yapfuura, vakawedzera kurava Bhaibheri zuva nezuva parudungwe rwavo. Nokutaura nezvezvainofunda, mitezo yemhuri inokurudzirana kupfuudzira muitiro wacho.
Fundo yeBhaibheri yemhuri yevhiki nevhiki yanyatsojairwa zvokuti hapana munhu anofanira kuyeuchidzwa—munhu wose anoitarisira. Mumakore ose aya, zvinofundwa, mafundire, uye nguva inopedzwa mufundo yemhuri zvaisiyanawo zvichienderana nemazera nezvinodiwa nevana vacho. Mhuri yacho yakanzwanana zvikuru nevamwe vashumiri vakatendeka vaMwari, uye izvi zvakaguma nokubetserwa kwavana vacho.
Semhuri, vanoita zvinhu pamwe chete uye vanova nenguva yokutandara. Kamwe pavhiki vanova ne“usiku hwemhuri,” panoitwa zvirahwe, nyambo dzinonakidza, kuridza piyano, kutaura ngano, uye kungozororawo. Panguva nenguva, vanoenda kumhenderekedzo yegungwa nedzimwe nzvimbo dzinonakidza.
Kuvimba naJehovha
Hapana zvadudzwa pamusoro apa zvisingakoshesi kuoma kwokurera mhuri dzakakura. “Zvakazooma kuva baba vakanaka wevana vasere,” akadaro mumwe muKristu. “Zvinoda zvokudya zvokunyama nezvokumudzimu zvakawanda kuti uvatsigire; ndinofanira kushanda zvakaoma kuti ndiwane mari yakakwana yokuvatsigira. Vana vakuru vacho vari pakati pemakore 13 ne19, uye vose vari vasere vanoenda kuchikoro. Ndinoziva kuti kurovedza mumudzimu kunokosha, asi vamwe vana vangu vakasindimara uye havateereri. Vanoita kuti ndisuruvare, asi ndinoziva kuti ndinomboitawo zvinhu zvinoita kuti mwoyo waJehovha usuruvare, uye anondikanganwira. Saka ndinofanira kuramba ndichiruramisa vana vangu ndichishivirira kusvikira vafunga zvakanaka.
“Ndinoedza kutevera muenzaniso waJehovha pakuti anotishivirira nokuti anoda kuti vose vapfidze. Ndinofunda nemhuri yangu, uye vamwe vana vangu vari kushandira kubhabhatidzwa. Handitsamiri pasimba rangu pachangu kuti zvimwe zvinhu zviitike; simba rangu rinogona kuita zvishoma. Ndinoedza kuswedera pedyo zvikuru naJehovha nokunyengetera uye kushandisa chirevo chinoti: ‘Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.’ Jehovha achandibetsera kuti ndirovedze vana vangu.”—Zvirevo 3:5, 6.
Usafa Wakarega!
Dzimwe nguva kurovedza vana kungaita sebasa risingaongwi, asi usafa wakarega! Pfuurira! Kana vana vako vasingadavidzi zvakanaka kana kuti vasingaongi nhamburiko dzako zvino, vangadaro gare gare. Zvinotora nguva kuti mwana akure kuva muKristu anobereka zvibereko zvomudzimu.—VaGaratia 5:22, 23.
Monica, anogara kuKenya, mumwe wevana gumi. Anoti: “Vabereki vangu vakatidzidzisa chokwadi cheBhaibheri kubva paucheche hwedu. Baba vaifunda nesu mabhuku echiKristu vhiki roga roga. Nemhaka yebasa ravo, fundo yacho yaisagaroitwa pazuva rakafanana. Dzimwe nguva, sezvavaiuya kumba vachibva kubasa, vaitiona tichitamba panze ndokutiudza kuti mumaminiti mashanu tose taifanira kupinda mumba kuti tifunde Bhaibheri. Tapedza kufunda kwedu Bhaibheri, taikurudzirwa kubvunza mibvunzo kana kukurukura zvinetso chero zvipi hazvo.
“Vaiva nechokwadi chokuti taishamwaridzana nevana vanoda Mwari. Baba vaishanya kuchikoro nguva nenguva kuti vabvunze vadzidzisi nezvetsika dzedu. Pavakamboshanya vakanzwa kuti hanzvadzi dzangu huru nhatu dzakanga dzarwa nevamwe vakomana uye kuti dzimwe nguva dzaimbosindimara. Baba vakadzirangira kusazvibata, asi vakatorawo nguva yokudzitsanangurira kubva muMagwaro kuti chikonzero nei dzaifanira kuzvibata munzira inodiwa naMwari.
“Vabereki vedu vakatiratidza kubetsera kunoita kupinda misangano nokugadzirira nesu zvinenge zvichizofundwa pamisangano. Takarovedzwa kuva vashumiri nokuva nepurogiramu dzokurovedza pamba. Taienda nevabereki vedu mubasa romumunda kubva tichiri vacheche.
“Nhasi, hanzvadzi dzangu huru mbiri mapiyona chaiwo, munun’una mumwe ndipiyona wenguva dzose, uye mumwe mukoma akaroorwa uye ane mhuri, Chapupu chinoshingaira. Vanun’una vangu vaviri, vane makore 18 uye 16, vaparidzi vakabhabhatidzwa. Vakomana vaviri vaduku vari kurovedzwa. Ndave ndichishanda pahofisi yebazu reZvapupu zvaJehovha yomuKenya kwemakore matatu. Ndinoda uye ndinoonga vabereki vangu nokuti vanhu vakakura mumudzimu; vakatigadzira muenzaniso wakanaka.”
Hazvinei kuti une vana vangani, usafa wakarega kuvabetsera kuti vafambe munzira inoenda kuupenyu husingaperi. Jehovha zvaanokomborera nhamburiko dzako, uchadzokorora mashoko omuapostora Johane nezvevana vake vomudzimu okuti: “Handina mufaro unopfuura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muzvokwadi.”—3 Johane 4.