RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 2/15 pp. 13-18
  • Rudzikinuro rwaKristu—Nzira yaMwari Yokuponesa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rudzikinuro rwaKristu—Nzira yaMwari Yokuponesa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kubvisa Chivi Norufu
  • Kubhadhara Mutengo Wechivi
  • “Rudzikinuro Runoenzanirana”
  • Kukosha Kwoupenyu Hwomunhu Hwakakwana
  • Kubetserwa Nerudzikinuro rwaKristu
  • Rudzikinuro—Kuratidzirwa Kworudo
  • Rudzikinuro—Chipo chaMwari Chinopfuura Zvese
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Rudzikinuro rwaKristu—Chipo Chikuru Kwazvo chaMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Jehovha Anoita Urongwa Hwekuti “Adzikinure Vanhu Vazhinji”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Rufu rwaJesu Rwunorevei Kwauri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 2/15 pp. 13-18

Rudzikinuro rwaKristu—Nzira yaMwari Yokuponesa

“Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti ani nani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.”—JOHANE 3:16.

1, 2. Rondedzera mamiriro ezvinhu akaitika ane chokuita navanhu.

FUNGIDZIRA kuti uri kurwara nechirwere chichatokuuraya chete kunze kwokunge wavhiyiwa. Waizonzwa sei kudai mari yokuvhiya kwacho yakanga yakawanda zvikuru kupfuura yawaikwanisa kuwana? Zvakadini kana kunyange zvinhu zvemhuri yako neshamwari zvakabatanidzwa zvisingagoni kukubhadhara? Kutarisana nedambudziko rinoisa upenyu pangozi kudaro kungava kunoshungurudza!

2 Izvi zvinoenzanisira mamiriro ezvinhu akaitika ane chokuita navanhu. Vabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha, vakasikwa vakakwana. (Dheuteronomio 32:4) Vaitarisira kurarama nokusingaperi uye kuita chinangwa chaMwari chokuti: “Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi.” (Genesi 1:28) Zvisinei, Adhama naEvha vakapandukira Musiki wavo. (Genesi 3:1-6) Kusateerera kwavo kwakaparira chivi kwete bedzi pana Adhama naEvha pachavo asiwo pavana vavo vakanga vasati vaberekwa. Pave paya murume akatendeka Jobho akati: “Ndianiko ungabudisa chinhu chakanaka pane chakaipa? Hakuna.”—Jobho 14:4.

3. Rufu rwakapararira sei kuvanhu vose?

3 Saka chivi chakafanana nechirwere chakatapukira mumwe nomumwe wedu, nokuti Bhaibheri rinotaura kuti “vose vakatadza.” Aya mamiriro ezvinhu ane migumisiro inoisa upenyu pangozi. Zvechokwadi, “mubayiro wezvivi ndirwo rufu.” (VaRoma 3:23; 6:23) Hapana nomumwe wedu anogona kuunzvenga. Vanhu vose vanoita chivi, ndokusaka vanhu vose vachifa. Savazukuru vaAdhama, takaberekerwa muaya mamiriro ezvinhu. (Pisarema 51:5) Pauro akanyora kuti, “Zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza.” (VaRoma 5:12) Asi izvi hazvirevi kuti hatina tariro yokuponeswa.

Kubvisa Chivi Norufu

4. Nei vanhu pachavo vasingagoni kuzvibvisira chirwere norufu?

4 Zvingadei kubvisa chivi nemugumisiro wacho, rufu? Zvakajeka kuti, chimwe chinhu chinopfuura chinogona kupiwa nomunhu upi noupi. Munyori wePisarema akachema kuti: “Mubhadharo woupenyu hwomunhu wakakurisa. Zvaangagona kubhadhara hazvizombokwani kuti asave muguva, kumuita kuti ararame nokusingaperi.” (Pisarema 49:8, 9, Today’s English Version) Chokwadi, tingakwanisa kuwedzera upenyu hwedu kwamakore mashomanene tichishandisa zvokudya zvinovaka muviri uye kurapwa, asi hapana mumwe wedu anogona kurapa chivi chedu chatakagara nhaka. Hapana mumwe wedu anogona kuchinja zvinoparirwa nokukwegura zvinoremadza ndokuita kuti muviri wedu uve wakakwana sezvaida Mwari pakutanga. Zvechokwadi Pauro akanga asiri kumbowedzerera paakanyora kuti nemhaka yechivi chaAdhama, zvisikwa zviri vanhu “zvakaiswa pasi pezvisingagari”—kana kuti sokushandura kunoitwa neThe Jerusalem Bible, “zvakaitwa kuti zvisakwanisa kuita chinangwa chazvo.” (VaRoma 8:20) Zvisinei, zvinofadza kuti Musiki haana kutisiya. Akaita gadziriro dzokubvisa chivi norufu kamwe uye zvachose. Sei?

5. Mutemo wakapiwa Israeri wakaratidza sei kuti waikoshesa kururamisira?

5 Jehovha “unoda kururama nokururamisa.” (Pisarema 33:5) Bumbiro roMutemo raakapa Israeri rinoratidza kukoshesa mativi ose uye kururamisira kusina rusaruro. Somuenzaniso, mubumbiro remitemo iri, tinorava kuti ‘upenyu hunofanira kutsiviwa noupenyu.’ Namamwe mashoko, kana muIsraeri aiuraya mumwe munhu, aifanira kurasikirwa noupenyu hwake pachake kutsiva hwomunhu waakanga auraya. (Eksodho 21:23; Numeri 35:21) Saka chikero chokururamisira kwaMwari chaizoenzana.—Enzanisa naEksodho 21:30.

6. (a) Adhama anganzi imhondi pakudini? (b) Adhama akarasikirwa noupenyu hworudzii, uye zvaizoda chibayiro chorudzii kuti chikero cheruramisiro chienzane?

6 Adhama paakaita chivi, akava mhondi. Pakudini? Pakuti aizopfuudzira chivi chake—uye rufu—kuvazukuru vake vose. Panguva ino chaiyo, miviri yedu iri kuchembera, ichinanga kuguva zvishoma nezvishoma, nemhaka yokusateerera kwaAdhama. (Pisarema 90:10) Chivi chaAdhama chinotoreva zvakakura zvikuru. Yeuka kuti, Adhama zvaakazvirasira iye pachake navana vake hwakanga husiri upenyuwo zvahwo hwamakore 70 kana kuti 80. Akarasikirwa noupenyu hwakakwana—chaizvoizvo, upenyu husingaperi. Saka kana ‘upenyu huchifanira kutsiviwa noupenyu,’ upenyu hworudzii hwaifanira kupiwa kuti hururamise muchiitiko chino? Zvine pfungwa kuti, hwaifanira kuva upenyu hwomunhu hwakakwana—upenyu uhwo, kufanana nohwaAdhama, hwakanga huchigona kubereka vana vakakwana. Kana hwaizopiwa sechibayiro, upenyu hwomunhu hwakakwana hwaisazongoenzanisa chikero cheruramisiro bedzi asiwo hwaizoita kuti kubviswa kwakakwana kwechivi nemugumisiro wacho rufu, zvibvire.

Kubhadhara Mutengo Wechivi

7. Rondedzera zvinoreva shoko rokuti “rudzikinuro.”

7 Mutengo unodiwa kutisunungura muchivi unotaurwa nezvawo muBhaibheri se“rudzikinuro.” (Pisarema 49:7) MuchiShona shoko iroro rinogona kureva mubhadharo unodiwa nomunhu anenge apamba nokuda kwomunhu waanenge apamba. Chokwadi, rudzikinuro rwakapiwa naJehovha harubatanidzi kupamba kupi nokupi. Pfungwa yokubhadhara mutengo inoramba yakafanana. Chokwadi, chiito cheshoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “rudzikinuro” chaizvoizvo chinoreva kuti “kufukidza.” Kuti ruyananise chivi, rudzikinuro runofanira kunyatsokwanirana nezvarunofanira kufukidza—upenyu hwomunhu hwakakwana hwaAdhama.

8. (a) Rondedzera nheyo yokutengazve. (b) Nheyo yokutengazve inei nesu savatadzi?

8 Izvi zvinowirirana nenheyo inowanwa muMutemo waMosesi—nheyo yokutengazve. Kana muIsraeri akava murombo ndokuzvitengesa kuti ave muranda kune akanga asiri muIsraeri, hama yaigona kumutengazve (kana kuti, kumudzikinura) nokubhadhara mutengo wainzi wakaenzana newomuranda. (Revhitiko 25:47-49) Bhaibheri rinotaura kuti savanhu vasina kukwana tiri “varanda vezvivi.” (VaRoma 6:6; 7:14, 25) Zvaidei kuti titengwezve? Sezvataona, kurasika kwoupenyu hwomunhu hwakakwana kwaida kubhadharwa noupenyu hwomunhu hwakakwana—hapana chimwe chinopfuura ipapo.

9. Jehovha akaita sei gadziriro yokubhadhara zvivi?

9 Chokwadi, isu vanhu tinoberekwa tisina kukwana. Hapana mumwe wedu akaenzana naAdhama; hapana mumwe wedu anogona kubhadhara mutengo worudzikinuro unodiwa neruramisiro. Sezvataurwa pakutanga, zvakaita sokuti tine chirwere chinoisa upenyu pangozi uye hatigoni kuwana mari yokubhadhara kuvhiyiwa kungagona kuchirapa. Mumamiriro ezvinhu akadaro, hatingafari here kana mumwe munhu akapindira ndokutibhadharira mari yacho? Izvi ndizvo chaizvo zvakaitwa naJehovha! Akaita gadziriro yokutisunungura muchivi, kamwe uye zvachose. Hungu, anoda kutipa zvatanga tisingazombofi takagona pachedu. Sei? “Chipo chokungopiwa chaMwari,” Pauro akanyora kudaro, “ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu, Ishe wedu.” (VaRoma 6:23) Johane akarondedzera Jesu se“Gwayana raMwari, rinobvisa zvivi zvenyika.” (Johane 1:29) Ngationei kuti Jehovha akashandisa sei Mwanakomana wake anodiwa kuti abhadhare mutengo worudzikinuro.

“Rudzikinuro Runoenzanirana”

10. Uporofita hwe“mbeu” hwakananga sei Josefa naMaria?

10 Pashure chaipo pokupanduka kwomuEdheni, Jehovha akazivisa chinangwa chake chokubereka “mbeu,” kana kuti mwana, aizodzikinura vanhu muchivi. (Genesi 3:15, NW) Achishandisa zvakaziviswa zvake zvakatevedzana, Jehovha akazivisa dzinza remhuri raizobereka mbeu iyi. Kwapera nguva yakati, zvakaziviswa izvi zvakaoneka pana Josefa naMaria, vaviri vakanga vavimbisana kuroorana vaigara muParestina. Achirota, Josefa akaudzwa kuti Maria akanga ava nemimba yomudzimu mutsvene. Ngirozi yacho yakati: “Uchazvara mwanakomana, [a]gomutumidza zita rinonzi Jesu; nokuti ndiye uchaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.”—Mateo 1:20, 21.

11. (a) Jehovha akaronga sei kuti Mwanakomana wake aberekwe somunhu akakwana? (b) Nei Jesu akakwanisa kupa “rudzikinuro runoenzanirana”?

11 Iyi yakanga isiri mimbawo zvayo, nokuti Jesu akanga ambovapo somunhu kudenga. (Zvirevo 8:22-31; VaKorose 1:15) Upenyu hwake hwakanga hwatamisirwa mudumbu raMaria nesimba renenji raJehovha, zvichiita kuti zvibvire kuti uyu Mwanakomana waMwari anodiwa azvarwe somunhu. (Johane 1:1-3, 14; VaFiripi 2:6, 7) Jehovha akatungamirira zvinhu zvacho kuitira kuti Jesu asasvibiswa nechivi chaAdhama. Zvakasiyana neizvozvo, Jesu akazvarwa akakwana. Saka, akanga ane zvakaraswa naAdhama—upenyu hwomunhu hwakakwana. Pakupedzisira, munhu aigona kubhadhara mutengo wechivi akanga avapo! Uye ndizvo chaizvo zvakaitwa naJesu musi waNisani 14, 33 C.E. Musi iwoyo unokosha, Jesu akazvibvumira kuti aurawe navaimushora, nokudaro achipa “rudzikinuro runoenzanirana.”—1 Timotio 2:6, NW.

Kukosha Kwoupenyu Hwomunhu Hwakakwana

12. (a) Rondedzera musiyano mukuru uri pakati pokufa kwaJesu nokwaAdhama. (b) Jesu akava sei “Baba vokusingaperi” kuvanhu vanoteerera?

12 Pane musiyano pakati pokufa kwaJesu nokwaAdhama—musiyano unosimbisa kukosha kworudzikinuro. Kufa kwaAdhama kwakanga kwakakodzera, nokuti akarega kuteerera Musiki wake namaune. (Genesi 2:16, 17) Zvakasiyana neizvozvo, kufa kwaJesu kwakanga kusina kumbokodzera zvachose, nokuti haa“na kuita zvivi.” (1 Petro 2:22) Saka Jesu paakafa, akanga ane chimwe chinhu chaikosha zvikuru chakanga chisina muiti wechivi Adhama pakufa kwake—kodzero youpenyu hwomunhu hwakakwana. Saka, kufa kwaJesu kwakanga kune kukosha kwokuzvibayira. Paakakwira kudenga somunhu womudzimu, akapa kukosha kwechibayiro chake kuna Jehovha. (VaHebheru 9:24) Nokuita kudaro, Jesu akatenga vanhu vanoita zvivi ndokuva Baba vavo vatsva, achitsiva Adhama. (1 VaKorinte 15:45) Nechikonzero chakanaka, Jesu anonzi “Baba vokusingaperi.” (Isaya 9:6) Funga kuti izvi zvinorevei! Adhama, baba vanoita chivi, akaparadzira rufu kuvazukuru vake vose. Jesu, Baba vakakwana, anoshandisa kukosha kwechibayiro chake kuti ape vanhu vanoteerera upenyu husingagumi.

13. (a) Enzanisira kuti Jesu akabhadhara sei chikwereti chakaitwa naAdhama. (b) Nei chibayiro chaJesu chisingafukidzi zvivi zvavabereki vedu vokutanga?

13 Zvisinei, rufu rwomunhu mumwe rwaigona sei kufukidza zvivi zvavakawanda? (Mateo 20:28) Mune imwe nyaya makore akawanda apfuura, takaenzanisira rudzikinuro nenzira iyi: “Fungidzira fekitari huru ina mazana avashandi. Manija asina kutendeseka wefekitari anobhurokesa bhizimisi; fekitari inopfiga masuo ayo. Mazana zvino haachashandi uye haakwanisi kubhadhara zvikwereti zvawo. Vakwanyina vawo veroorano, vana, uye, hungu, vakweretesi vose vanotambura nemhaka youshati hwomunhu mumwe iyeyo! Asi panosvika mubetseri akapfuma uyo anobhadhara mungava wekambani ndokuzarurazve fekitari yacho. Kupedzwa kwomungava mumwe iwoyowo, kunounza kununurwa kwakazara kuvashandi vazhinji, mhuri dzavo, uye vakweretesi. Asi manija wokutanga anosvika pakugoverana mubudiriro itsva here? Aiwa, ari mutorongo uye nokudaro haachiri pabasa rake zvechigarire! Nenzira yakafanana, kubviswa kwomungava mumwe waAdhama kunounza betsero kumamiriyoni avazukuru vake—asi kwete kuna Adhama.”

14, 15. Nei Adhama naEvha vachigona kunzi vakaita chivi namaune, uye mamiriro ezvinhu edu akasiyana sei neavo?

14 Izvi zvakarurama. Yeuka, Adhama naEvha vakaita chivi namaune. Vakasarudza kusateerera Mwari. Zvakasiyana, isu tinoberekerwa muchivi. Hatina zvatinogona kuita. Nyangwe tikaedza zvakaoma sei, hatigoni kudzivisa kuita chivi zvachose. (1 Johane 1:8) Pane dzimwe nguva tinganzwa saPauro, akanyora kuti: “Kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri. Nokuti ndinofarira murayiro waMwari nomunhu womukati; asi ndinoona mumwe murayiro pamitezo yangu, unorwa nomurayiro womurangariro wangu, unonditapira kumurayiro wezvivi uri pamitezo yangu. Ndiri munhu uri pakutambudzika!”—VaRoma 7:21-24.

15 Asi, nemhaka yorudzikinuro, tine tariro! Jesu ndiyo mbeu iyo, sezvakavimbiswa naMwari, “ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa” nayo. (Genesi 22:18; VaRoma 8:20) Chibayiro chaJesu chinovhurira avo vanotenda maari suo remikana inoshamisa. Ngationei mimwe yaiyoyi.

Kubetserwa Nerudzikinuro rwaKristu

16. Pasinei zvapo nokuita chivi kwedu, ndezvipi zvatinogona kubetserwa nazvo zvino nemhaka yorudzikinuro rwaJesu?

16 Munyori weBhaibheri Jakobho anobvuma kuti “tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji.” (Jakobho 3:2) Zvisinei, nemhaka yerudzikinuro rwaKristu, kukanganisa kwedu kunogona kuregererwa. Johane anonyora kuti: “Kana munhu achitadza, tine Murevereri kuna Baba, iye Jesu Kristu wakarurama; ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu.” (1 Johane 2:1, 2) Chokwadi, hatifaniri kurerutsa chivi. (Judhasi 4; enzanisa na1 VaKorinte 9:27.) Zvisinei, kana tikakanganisa, tinogona kudurura mwoyo yedu kuna Jehovha, tine chivimbo chokuti a“nofarira kukanganwira.” (Pisarema 86:5; 130:3, 4; Isaya 1:18; 55:7; Mabasa 3:19) Saka rudzikinuro runotigonesa kushandira Mwari tine hana yakachena ndokuita kuti zvibvire kuti titaure naye mumunyengetero tichishandisa zita raJesu Kristu.—Johane 14:13, 14; VaHebheru 9:14.

17. Nemhaka yorudzikinuro, zvikomborero zvipi zviri mberi zvingangowanika?

17 Rudzikinuro rwaKristu runozarura nzira yokuitika kwechinangwa chaMwari—kuti vanhu vanoteerera vararame nokusingaperi muParadhiso pasi pano. (Pisarema 37:29) Pauro akanyora kuti: “Zvipikirwa zvaMwari, kunyange zviri zvizhinji sei, maari [Jesu] ndihungu.” (2 VaKorinte 1:20) Chokwadi, rufu “rwakabata ushe.” (VaRoma 5:17) Rudzikinuro runopa chikonzero chokuti Mwari aparadze uyu “muvengi wokupedzisira.” (1 VaKorinte 15:26; Zvakazarurwa 21:4) Rudzikinuro rwaJesu rwunotogona kubetsera vaya vakafa. “Nguva inouya,” Jesu akadaro, “nayo vose vari mumahwiro vachanzwa inzwi rake [raJesu], vachabuda.”—Johane 5:28, 29; 1 VaKorinte 15:20-22.

18. Chivi chakakanganisa vanhu sei, uye izvi zvichachinjwa sei munyika itsva yaMwari?

18 Funga kuti zvichafadza sei kurarama upenyu sezvahwaifanira kuva—husina kufunganya kunotiodza mwoyo nhasi! Chivi chakatiita kuti tisawirirana kwete naMwari bedzi asiwo nendangariro yedu pachedu, mwoyo, nomuviri. Zvisinei, Bhaibheri rinovimbisa kuti munyika itsva yaMwari, “hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara.” Hungu, zvirwere zvomuviri nendangariro zvinenge zvisingachatambudzizve vanhu. Nei? Isaya anopindura kuti: “Vanhu vageremo vachakanganwirwa zvakaipa zvavo.”—Isaya 33:24.

Rudzikinuro—Kuratidzirwa Kworudo

19. Tinofanira kuitei kuchibayiro chaKristu somunhu oga?

19 Rudo rwakaita kuti Jehovha atumire Mwanakomana wake anodiwa. (VaRoma 5:8; 1 Johane 4:9) Rudo rwakabva rwasundawo Jesu kuti “anzwe rufu nokuda kwavose.” (VaHebheru 2:9; Johane 15:13) Nechikonzero chakanaka, Pauro akanyora kuti: “Rudo rwaKristu runotimanikidza . . . Wakafira vose, kuti avo vanorarama varege kuzozviraramira ivo, asi uyo wakafa nokumutswa nokuda kwavo.” (2 VaKorinte 5:14, 15) Kana tichionga zvatakaitirwa naJesu, tichaita chimwe chinhu. Pashure pezvose, rudzikinuro rwunoita kuti zvibvire kuti tinunurwe murufu! Chokwadi hatingadi kuratidza nezviito zvedu kuti tinoona chibayiro chaJesu sechinokosha zvishoma.—VaHebheru 10:29.

20. Ndedzipi dzimwe nzira dzatinoteerera nadzo “shoko” raJesu?

20 Tingaratidza sei kuonga rudzikinuro kunobva pamwoyo? Ava kuda kutozosungwa, Jesu akati: “Kana munhu achindida, uchachengeta shoko rangu.” (Johane 14:23) “Shoko” raJesu rinobatanidza murayiro wake wokuti tishandewo nokushingaira mukuita basa iri: “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze.” (Mateo 28:19) Kuteerera Jesu kunodawo kuti tiratidze kuda hama dzedu dzomudzimu.—Johane 13:34, 35.

21. Nei tichifanira kupinda kuchengetwa kweChirangaridzo musi wa1 April?

21 Imwe nzira yakanakisisa yatingaratidza nayo kuonga rudzikinuro ndeyokupinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu, icho chichaitwa musi wa1 April gore rino.a Ukuwo nderumwe rutivi rwe“shoko” raJesu, nokuti paakatanga kuchengeta uku, Jesu akarayira vateveri vake kuti: “Itai izvi, mugondirangarira.” (Ruka 22:19) Nokupinda kwedu chiitiko ichi chinokosha zvikuru uye nokuteereresa kwedu zvose zvakarayirwa naKristu, ticharatidza kubvuma kwedu zvakasimba kuti rudzikinuro rwaJesu inzira yaMwari yokuponesa. Zvechokwadi, “hakuna kuponeswa kuno mumwe.”—Mabasa 4:12.

[Mashoko Omuzasi]

a Gore rino, 1 April anowirirana naNisani 14, 33 C.E., musi wakafa Jesu. Bvunza Zvapupu zvaJehovha kwaunogara kuti kuchengetwa kweChirangaridzo kuchaitwa nguvai uye kupi.

Ungayeuka Here?

◻ Nei vanhu vasingagoni kuyananisa kuita chivi kwavo?

◻ Jesu “rudzikinuro runoenzanirana” pakudini?

◻ Jesu akashandisa sei kodzero yake youpenyu hwomunhu hwakakwana kuti tibetserwe?

◻ Ndezvipi zvikomborero zvinouya kuvanhu nemhaka yechibayiro chaKristu?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Munhu akakwana bedzi—akaenzana naAdhama—ndiye aigona kuenzanisa chikero chokururamisira

[Mufananidzo uri papeji 16]

Sezvo Jesu akanga ane kodzero youpenyu hwomunhu hwakakwana, kufa kwake kwaiva nokukosha kwokuzvibayira

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe