RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 2/15 pp. 18-23
  • Nzira Yorudo Haimbokundikani

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzira Yorudo Haimbokundikani
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rudo Runotibetsera Kuti Tikurire Kudada
  • Rudo Runoita Kuti Pave Noukama Hune Rugare
  • Rudo Runotibetsera Kutsungirira
  • Rudo—‘Nzira Inopfuura Dzose’
  • “Rambai Muchifamba Murudo”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Tevera Nzira Yakaisvonaka Yorudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Rudo (Agape)—Charwusiri Uye Charwuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Iva Norudo Rusingamboperi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 2/15 pp. 18-23

Nzira Yorudo Haimbokundikani

“Shingairirai zvipo zvikuru. Ndinokuratidzaiwo nzira yakaisvonaka inopfuura dzose.”—1 VAKORINTE 12:31.

1-3. (a) Kudzidza kuratidza rudo kwakafanana sei zvikuru nokudzidza mutauro mutsva? (b) Zvinhu zvipi zvingaita kuti kudzidza kuratidza rudo kuve kwakaoma?

WAKAMBOEDZA kudzidza mutauro mutsva here? Zvakaoma, kungotaura zvishomanene! Chokwadi, mwana muduku anogona kudzidza mutauro nokungounzwa chete. Uropi hwake hunonyatsopinza mataurirwe emashoko nezvaanoreva, zvokuti nenguva isipi mwana anenge ava kutaura nounyanzvi, zvichida asingamiri. Vanhu vakuru havana kudaro. Tinotsvaka tatsvakazve duramazwi romumwe mutauro, kuti tingodzidza mashoko mashomanene anokosha orumwe rurimi. Zvisinei, kwapera nguva yakati uye tanyatsojairana nawo, tinotanga kufunga nomutauro mutsva uye kuutaura kunova nyore.

2 Kudzidza kuratidza rudo kwakafanana zvikuru nokudzidza mutauro mutsva. Chokwadi, vanhu vanoberekwa vane vara raMwari iri rakati kuti. (Genesi 1:27; enzanisa na1 Johane 4:8.) Kunyange zvakadaro, kudzidza kuratidza rudo kunoda kutamburira zvikuru—kunyanya nhasi, vanhu pavasingachadanani. (2 Timotio 3:1-5) Pane dzimwe nguva izvi ndizvo zvinenge zvichiitika mumhuri chaimo. Hungu, vakawanda vanokura vachiitirwa hasha vasingambowanzotaurirwi mashoko orudo—ndokunge achitombotaurwa. (VaEfeso 4:29-31; 6:4) Saka, tingadzidza sei kuratidza rudo—kunyange kana tisina kumboruratidzirwa?

3 Bhaibheri rinogona kubetsera. Pana 1 VaKorinte 13:4-8, Pauro anopa, kwete rondedzero yokungotaura yokuti rudo chii, asi kurondedzerwa kwakajeka kwokuti urwu rudo rwakakura runoita sei. Kufunga nezvendima idzi kuchatibetsera kunzwisisa vara iri raMwari kuti ndererudzii ndokutishongedzera zviri nani kuti tiriratidze. Ngatimbofungai nezvemamwe mativi orudo sezvakarondedzerwa naPauro. Tichangoabatanidza maererano nemapoka matatu: mufambiro wedu wenguva dzose; ipapo, zvakananga zvikuru, ukama hwedu navamwe; uye, pakupedzisira, kutsungirira kwedu.

Rudo Runotibetsera Kuti Tikurire Kudada

4. Bhaibheri rinopa nzwisiso ipi yegodo?

4 Apedza kutsinhira kwaakatanga kuita nezverudo, Pauro akanyorera vaKorinte kuti: “Rudo haruna godo.” (1 VaKorinte 13:4) Godo rinogona kuzviratidza mukusagutsikana kweshanje pakubudirira kwavamwe kana kuti zvavanoita. Godo rakadaro rinoparadza—mumuviri, mumwoyo, uye mumudzimu.—Zvirevo 14:30; VaRoma 13:13; Jakobho 3:14-16.

5. Rudo rungatibetsera sei kukurira godo patinoita setasiyiwa nokuda kweropafadzo youbati ushe hwaMwari?

5 Uchifunga nezveizvi, zvibvunze kuti, ‘Ndinova neshanje pandinoita sendasiyiwa nokuda kweropafadzo youbati ushe hwaMwari here?’ Kana mhinduro iri hungu, usaora mwoyo. Munyori weBhaibheri Jakobho anotiyeuchidza kuti “godo” riri muvanhu vose vasina kukwana. (Jakobho 4:5) Kuda hama yako kungagona kukubetsera kuti urambe uri pakati napakati. Kungakuita kuti ugone kufara navanofara ndokusazviona sewazvidzwa apo mumwe munhu anowana chikomborero kana kuti anorumbidzwa.—Enzanisa na1 Samueri 18:7-9.

6. Mamiriro ezvinhu api akashata zvikuru akava muungano yeKorinte yomuzana rokutanga ramakore?

6 Pauro anowedzera kuti rudo “haruna manyawi, haruzvikudzi.” (1 VaKorinte 13:4) Kana tine chimwe chipo kana kuti mano, hatifaniri hedu kuzvishambadzira. Zviri pachena kuti iri rakanga riri dambudziko ravamwe varume vaida zvinzvimbo vakanga vaverevedza vachipinda muungano yeKorinte yekare. Zvingava kuti vaiva namano akakura mukutsanangura pfungwa kana kuti nzira inoshanda zvikuru yokuita nayo zvinhu. Kuzviita kwavo kuti vaonekwe kungadaro kuri chimwe chakaparira kuti ungano dziparadzane dzichiva mapoka. (1 VaKorinte 3:3, 4; 2 VaKorinte 12:20) Mamiriro ezvinhu akava akashata zvikuru zvokuti gare gare Pauro aifanira kuranga vaKorinte nokuda kwoku‘shivirira mapenzi,’ ayo Pauro akarondedzera achiashora se“vaapostora vanopfuura vamwe vose.”—2 VaKorinte 11:5, 19, 20.

7, 8. Ratidza kubva muBhaibheri kuti tingashandisa sei zvipo zvatakaberekwa nazvo kuti titsigire kubatana.

7 Zvinhu zvakafanana zvinogona kuitika nhasi. Somuenzaniso, vamwe vangava vachiwanzodada nezvavanenge vaita muushumiri kana kuti nezveropafadzo dzavo musangano raMwari. Kunyange kana tikava nounyanzvi kana kuti mano izvo vamwe vari muungano vasina, izvozvo zvingatipa chikonzero chokuzvikudza here? Pashure pezvose, tinofanira kushandisa zvipo zvipi nezvipi zvatakaberekwa nazvo kuti titsigire kubatana—kwete isu pachedu.—Mateo 23:12; 1 Petro 5:6.

8 Pauro akanyora kuti kunyange hazvo ungano ine mitezo yakawanda, “Mwari wakabatanidza muviri wose.” (1 VaKorinte 12:19-26) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “batanidza” rinoreva kubatanidza zvinowirirana, sokusanganisa mavara. Saka hapana munhu ari muungano anofanira kuzvikudza pamusoro pemano ake ndokuedza kudzora vamwe. Kudada nokuda zvinzvimbo hakuna nzvimbo musangano raMwari.—Zvirevo 16:19; 1 VaKorinte 14:12; 1 Petro 5:2, 3.

9. Mienzaniso ipi inonyevera inopiwa neBhaibheri yevanhu vakanga vachingofunga zvavaida ivo?

9 Rudo “haruzvitsvakiri zvarwo.” (1 VaKorinte 13:5) Munhu ane rudo haashandisi vamwe kuti awane zvaanoda. Bhaibheri rine mienzaniso inonyevera panhau iyi. Kuenzanisira: Tinorava nezvaDherira, Jezebheri, naAtaria—vakadzi vakashandisa vamwe kuti vawane zvavaida ivo pachavo. (Vatongi 16:16; 1 Madzimambo 21:25; 2 Makoronike 22:10-12) Kwaivawo nomwanakomana waMambo Dhavhidhi Absaromi. Aitaura navaya vaiuya kuJerusarema kuzotongwa ndokutaura achiita zvokurova imbwa akaviga mupinyi kuti dare ramambo rakanga risina hanya zvechokwadi nezvinetso zvavo. Aizotaura zvakajeka kuti dare raida chaizvoizvo munhu ane mwoyo wakanaka saiye! (2 Samueri 15:2-4) Chokwadi, Absaromi akanga achingozvifunga iye chete, kwete vakanga vakadzvinyirirwa. Achiita samambo akazvigadza, akatsausa mwoyo yavakawanda. Asi kwapera nguva yakati, Absaromi akakurirwa zvinorwadza. Parufu rwake, akanzi akanga asina kutombofanira kuvigwa zvakatsarukana.—2 Samueri 18:6-17.

10. Tingaratidza sei kuti tine hanya nezvinoda vamwe?

10 Iyi inyevero kuvaKristu nhasi. Tingava tiri vanhurume kana kuti vanhukadzi, tingava takangoberekwa tine simba rokuita kuti vamwe vanhu vaite zvatinoda. Tingati, zvingava zviri nyore kuti tiwane zvatinoda, tichidaro nokutaura kupfuura vamwe vose pakurukurirano kana kuti kushayisa simba vaya vanofunga zvakasiyana. Zvisinei, kana tine rudo zvechokwadi, tichava nehanya nezvinoda vamwe. (VaFiripi 2:2-4) Hatizoti tavawanira pano kana kuti kutsigira pfungwa dzinoita kuti vanhu vave nemibvunzo nemhaka yekuziva kwedu kana kuti nzvimbo yedu musangano raMwari, sokuti zvatinofunga ndizvo chete zvinokosha. Panzvimbo pezvo, tichayeuka chirevo cheBhaibheri chinoti: “Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa; uye mweya wamanyawi unotangira kuwa.”—Zvirevo 16:18.

Rudo Runoita Kuti Pave Noukama Hune Rugare

11. (a) Tingaratidza rudo rune mutsa uye kusazvikudza munzira dzipi? (b) Tingaratidza sei kuti hatifariri kusarurama?

11 Pauro akanyorawo kuti rudo rune “mutsa” uye kuti “haruzvibati zvisina kufanira.” (1 VaKorinte 13:4, 5, NW) Hungu, rudo haruzotibvumiri kuti tive vakasindimara, titaure zvinonyadzisa, kana kuti tisaremekedza. Panzvimbo pezvo, tichafungawo nezvemafungiro anoita vamwe. Somuenzaniso, munhu ane rudo achadzivisa kuita zvinhu zvingavhiringidza hana dzavamwe. (Enzanisa na1 VaKorinte 8:13.) Rudo “harufariri zvisakarurama, asi runofarira zvokwadi.” (1 VaKorinte 13:6) Kana tichida mutemo waJehovha, hatizorerutsi unzenza kana kuti kunakidzwa nezvinhu zvinovengwa naMwari. (Pisarema 119:97) Rudo ruchatibetsera kufadzwa nezvinhu zvinovaka panzvimbo pezvinoparadza.—VaRoma 15:2; 1 VaKorinte 10:23, 24; 14:26.

12, 13. (a) Tinofanira kuita sei patinoshatiriswa nomumwe munhu? (b) Taura mienzaniso yomuBhaibheri inoratidza kuti kunyange kutsamwa kwakarurama kungaparira kuti tiite nokusachenjera.

12 Pauro anonyora kuti rudo “harutsamwi” (“harukurumidzi kugumbuka,” Phillips). (1 VaKorinte 13:5) Chokwadi, ndezvomuzvarirwo kuti isu vanhu vasina kukwana tishatiriswe kana kuti kunzwa hasha dzakati patinogumburwa nomumwe munhu. Zvisinei, zvingava zvisina kunaka kuramba takachengeta mafi kwenguva yakareba kana kuti kuramba takatsamwa. (Pisarema 4:4; VaEfeso 4:26) Kana dzikasadzorwa, kunyange hasha dzakarurama dzingatiparira kuti tiite nokusachenjera, uye Jehovha angagona kutiti tine mhaka nokuda kwaizvozvi.—Genesi 34:1-31; 49:5-7; Numeri 12:3; 20:10-12; Pisarema 106:32, 33.

13 Vamwe vakabvumira kuti kusakwana kwavamwe kuvaite kuti vachinje chisarudzo chavo chokupinda misangano yechiKristu kana kuti kupinda muushumiri hwomumunda. Munguva yakapfuura, vakawanda veava vakarwira kutenda zvakasimba, zvichida vachitsungirira kushorwa nemhuri, kusekwa nevavanoshanda navo, uye nezvimwe zvakangodaro. Vakatsungirira zvipingamupinyi zvakadaro nemhaka yokuti vakazviona semiedzo yokutendeka, uye zviri zvechokwadiwo. Asi chii chinoitika apo mumwe muKristu wavanonamata naye anotaura kana kuti kuita chimwe chinhu chisingaratidzi rudo? Uyuwo hausi muedzo wokutendeka here? Zvechokwadi ndiwo, nokuti kana tikaramba takatsamwa, tingagona ku“pa Dhiyabhorosi nzvimbo.”—VaEfeso 4:27.

14, 15. (a) Ku“chenget[a] mafi” zvinorevei? (b) Tingatevedzera sei Jehovha mukuva vanokanganwira?

14 Nechikonzero chakanaka, Pauro akawedzera kuti rudo “haruchengeti mafi.” (1 VaKorinte 13:5, NW) Pano anoshandisa shoko reakaunzi, sezviri pachena kuti aratidze chiito chokunyora mhosva mubhuku reakaunzi kuitira kuti isakanganwika. Kuva nerudo here kunyora zvechigarire mupfungwa shoko rinorwadza kana kuti chiito, sokuti tichada kuzotaurazve nezvaro munguva yemberi? Tingafara zvakadini kuti Jehovha haatinan’anidzi nomutoo usina tsitsi kudaro! (Pisarema 130:3) Hungu, kana tichipfidza, anodzima zvikanganiso zvedu.—Mabasa 3:19.

15 Tinogona kutevedzera Jehovha panhau iyi. Hatifaniri kunyanyokurumidza kushatirwa apo mumwe munhu anongotikanganisira zvishoma. Kana tikakurumidza kutsamwa, tingava tichizvikuvadza isu zvikuru kupfuura zvingambogona kuitwa nomunhu atitsamwisa. (Muparidzi 7:9, 22) Panzvimbo pezvo, tinofanira kuyeuka kuti rudo “runotenda zvose.” (1 VaKorinte 13:7) Chokwadi, hapana mumwe wedu anoda kunyengedzwa nyore nyore, asi hatifaniriwo kunyumwira vavariro dzehama dzedu zvisina kufanira. Kana zvichibvira, ngatifungei kuti mumwe munhu haana vavariro dzakashata.—VaKorose 3:13.

Rudo Runotibetsera Kutsungirira

16. Rudo rungatibetsera kuva vane mwoyo murefu kana zvinhu zvakadini?

16 Pauro anozotiudza kuti “rudo rune mwoyo murefu.” (1 VaKorinte 13:4) Runoita kuti tigone kutsungirira miedzo, zvichida kwenguva yakareba. Somuenzaniso, vaKristu vakawanda vakararama mumhuri ine zvitendero zvakasiyana kwamakore akawanda. Vamwe havana kuroora kana kuti kuroorwa, kwete nemhaka yokuti ndizvo zvavanoda, asi nemhaka yokuti havana kukwanisa kuwana wakafanira wavangaroorana naye “munaShe.” (1 VaKorinte 7:39; 2 VaKorinte 6:14) Panozoita vaya vanorwisana nezvinetso zvoutano zvinopedza simba. (VaGaratia 4:13, 14; VaFiripi 2:25-30) Chaizvoizvo, mugadziriro ino isina kukwana, hapana munhu ane mamiriro ezvinhu muupenyu asingadi rudzi rwakati rwokutsungirira.—Mateo 10:22; Jakobho 1:12.

17. Chii chichatibetsera kutsungirira zvinhu zvose?

17 Pauro anotivimbisa kuti rudo “runofukidza zvose, . . . rune tariro pazvose, runotsungirira pazvose.” (1 VaKorinte 13:7) Kuda Jehovha kuchaita kuti tigone kutsungirira mamiriro ezvinhu api neapi tichiitira kururama. (Mateo 16:24; 1 VaKorinte 10:13) Hatitsvaki kufira kutenda. Kusiyana neizvozvo, chinangwa chedu ndechokurarama upenyu hune rugare, hwakanyarara. (VaRoma 12:18; 1 VaTesaronika 4:11, 12) Zvisinei, panomuka miedzo yokutenda, iyoyi tinoitsungirira tichifara sorutivi rwomutengo wokuva mudzidzi wechiKristu. (Ruka 14:28-33) Sezvatinotsungirira, tinoedza kuramba tine mafungiro akanaka, tichitarisira mugumisiro wakanakisisa pazvinhu zvinoedza.

18. Kutsungirira kunodiwa sei kunyange munguva apo zvinhu zvinenge zvakanaka?

18 Kutambudzwa hakusiko bedzi kunoda kutsungirira. Pane dzimwe nguva, kutsungirira kunongoreva kuramba uchipfuurira, kuramba uri panzira yakaratidzwa zvinhu zvingava zvakaoma kana kuti zvisina. Kutsungirira kunobatanidza kuramba une muitiro wakanaka womudzimu. Somuenzaniso, uri kuitawo ushumiri zvine chinangwa here, maererano nemamiriro ezvinhu zvako? Uri kurava nokufungisisa Shoko raMwari uye kukurukura naBaba vako vokudenga mumunyengetero here? Uri kupinda misangano yeungano nguva dzose here, uye unobetserwa nokukurudzirana navaunotenda navo here? Kana zvakadaro, ungave iko zvino uri munguva apo zvinhu zvakanaka kana kuti zvichinetsa, uri kutsungirira. Usarega, “nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingaori mwoyo.”—VaGaratia 6:9.

Rudo—‘Nzira Inopfuura Dzose’

19. Rudo i‘nzira inopfuura dzose’ pakudini?

19 Pauro akasimbisa kukosha kwokuratidza rudo nokudana vara iri raMwari kuti ‘nzira inopfuura dzose.’ (1 VaKorinte 12:31) ‘Inopfuura dzose’ pakudini? Pauro akanga achangopedza kuronga zvipo zvomudzimu, zvakanga zvichizivikanwa navaKristu vomuzana rokutanga ramakore. Vamwe vakaitwa kuti vagone kuporofita, vamwe vakapiwa simba rokurapa zvirwere, vakawanda vakapiwa mano okutaura nendimi. Zvechokwadi, zvipo zvinoshamisa! Asi, Pauro akaudza vaKorinte kuti: “Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, ndisina rudo, ndava sendarira dzinorira, nedare rinongoti: Ngwere-ngwere! Kunyange ndine chipo chokuporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, nokuziva kwose; kunyange ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisina rudo, handizi chinhu.” (1 VaKorinte 13:1, 2) Hungu, kunyange zviito zvingava zvichikosha zvinova “mabasa akafa” kana vavariro yazvo isiri kuda Mwari nomuvakidzani.—VaHebheru 6:1.

20. Nei tichifanira kuramba tichitamburira kana tichida kuva nerudo?

20 Jesu anotipa chimwe chikonzero nei tichifanira kushandira vara raMwari rorudo. “Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu,” akadaro, “kana mune rudo pakati penyu.” (Johane 13:35) Shoko rokuti “kana” rinozvisiyira muKristu woga woga kuti iye achadzidza kuratidza rudo here kana kuti kwete. Pashure pezvose, kungogara munyika isiri yedu iko pachako hakungatimanikidzi kuti tidzidze kutaura mutauro wayo. Uyewo kungopinda misangano paHoro yoUmambo kana kuti kushamwaridzana navaKristu vatinonamata navo hakungoerekani kwatidzidzisa kuratidza rudo. Kudzidza “mutauro” uyu kunoda kuti urambe uchitamburira.

21, 22. (a) Tinofanira kuita sei kana tisingakwanisi kuva norutivi rwakati rworudo rwakataurwa naPauro? (b) Zvinganzi “rudo harutongoperi” pakudini?

21 Dzimwe nguva, hauzokwanisi kuva norutivi rwakati rworudo rwakataurwa naPauro. Asi usaodzwa mwoyo. Zvishandise nokushivirira. Ramba uchitsvaka zano muBhaibheri uye shandisa nheyo dzaro mukubata kwako navamwe. Usambokanganwa muenzaniso watinogadzirwa naJehovha pachake. Pauro akarayira vaEfeso kuti: “Muitirane mwoyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukanganwirane, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.”—VaEfeso 4:32.

22 Kunyange sezvo kudzidzira kutaura nomumwe mutauro kuchizoguma kwava nyore, kwapera nguva yakati uchaona kuti kuratidza rudo kuchava nyore. Pauro anotivimbisa kuti “rudo harutongoperi.” (1 VaKorinte 13:8) Kusiyana nezvipo zvenenji zvomudzimu, rudo haruzomboregi kuvapo. Saka ramba uchidzidza kuratidza iri vara raMwari. Sezvarakadanwa naPauro, i‘nzira inopfuura dzose.’

Ungatsanangura Here?

◻ Rudo rungatibetsera sei kukurira kudada?

◻ Rudo rungatibetsera kuti titsigire rugare muungano munzira dzipi?

◻ Rudo rungatibetsera sei kutsungirira?

◻ Rudo ‘inzira inopfuura dzose’ pakudini?

[Mufananidzo uri papeji 19]

Rudo ruchatibetsera kufuratira zvikanganiso zvevatinotenda navo

[Mifananidzo iri papeji 23]

Kutsungirira kunoreva kuramba tine muitiro wedu woubati ushe hwaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe