Ramba Uchichenjerera Kudzidzisa Kwako
“Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako. Rambira pazvinhu izvi, nokuti nokuita izvi uchazviponesa iwe nevanokuteerera.” —1 TIMOTIO 4:16, NW.
1, 2. Nei vadzidzisi vanoshingaira vachidiwa nokukurumidza nhasi?
“ENDAI . . . mudzidzise marudzi ose, . . . muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurayirai imi.” (Mateo 28:19, 20) Nemhaka youyu murayiro waJesu Kristu, vaKristu vose vanofanira kuedza kuva vadzidzisi. Vadzidzisi vanoshingaira vari kudiwa kuti vabetsere vane mwoyo yakatendeseka kuti vazive Mwari vasati vanonoka. (VaRoma 13:11) Muapostora Pauro akakurudzira kuti: “Paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira.” (2 Timotio 4:2) Izvi zvinoda kudzidzisa zvose mukati nekunze kweungano. Chokwadi, basa rokuparidza pacharo rinobatanidza zvinopfuura kungozivisa shoko raMwari. Zvinoda kudzidzisa kunobudirira kuti vanofarira vazova vadzidzi.
2 Tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timotio 3:1, NW) Vanhu vakavhiringidzwa pfungwa neuzivi hwenyika nedzidziso dzenhema. Vakawanda “vakasvibirwa pakunzwisisa” uye “vakazvipa vasina hanya kuutere.” (VaEfeso 4:18, 19) Vamwe vane maronda epfungwa anorwadza. Hungu, zvechokwadi vanhu “vaneta, varashwa, samakwai asina mufudzi.” (Mateo 9:36) Zvisinei, nokushandisa unyanzvi hwokudzidzisa, tingabetsera vane mwoyo yakatendeseka kuti vaite kuchinja kunofanira kuitwa.
Vadzidzisi Muungano
3. (a) Basa raJesu rokudzidzisa rinobatanidzei? (b) Ndivanaani vane basa guru rokudzidzisa muungano?
3 Nokushandisa chirongwa chefundo yeBhaibheri yapamusha, mamiriyoni ari kugamuchira murayiridzo womunhu oga. Zvisinei, pashure pokubhabhatidzwa kwavo, vatsva vanoda kuramba vachibetserwa kuti vave “nemidzi . . . nenheyo.” (VaEfeso 3:17) Sezvatinoita basa raJesu rakanyorwa pana Mateo 28:19, 20 ndokuratidza vatsva kune sangano raJehovha, vanobetserwa nokudzidziswa muungano chaimo. Maererano naVaEfeso 4:11-13, varume vakagadzwa kuti vashande se“vafudzi navadzidzisi; kuti vatsvene vakwanisirwe basa ravo rokushumira, nerokuvaka muviri waKristu.” Dzimwe nguva, unyanzvi hwavo hwokudzidzisa hunobatanidza kudikanwa kwoku“rayira, [ku]tuka, [ku]ranga nomwoyo murefu zvikuru.” (2 Timotio 4:2) Basa ravadzidzisi rakanga rakakosha kwazvo zvokuti, pakunyorera vaKorinte, Pauro anoronga vadzidzisi pashure chaipo pavaapostora navaporofita.—1 VaKorinte 12:28.
4. Kukwanisa kudzidzisa kunotibetsera sei kuti titeerere murayiro waPauro wakanyorwa pana VaHebheru 10:24, 25?
4 Chokwadi, havasi vaKristu vose vanoshanda savakuru, kana kuti vatariri. Kunyange zvakadaro, vose vanokurudzirwa kuti vakurudzirane “rudo namabasa akanaka.” (VaHebheru 10:24, 25) Kuita izvozvo pamisangano kunobatanidza tsinhiro dzakanyatsogadzirirwa, dzinobva pamwoyo dzinogona kuvaka nokukurudzira vamwe. Vaparidzi voUmambo vane ruzivo vanga‘kurudzirawo mabasa akanaka’ nokugoverana zivo yavo navatsva pavanenge vachishanda navo muushumiri hwomumunda. Panguva dzakadaro uye panguva dzisina kurongwa, murayiridzo unokosha ungapiwa. Somuenzaniso, vakadzi vakuru vanokurudzirwa kuti vave “vadzidzisi vezvakanaka.”—Tito 2:3.
Kunyengetedzwa Kuti Vatende
5, 6. (a) ChiKristu chechokwadi chinosiyana sei nokunamata kwenhema? (b) Vakuru vanobetsera sei vatsva kuti vaite zvisarudzo zvokuchenjera?
5 Saka chiKristu chechokwadi chakasiyana zvikuru nezvitendero zvenhema, zvakawanda zvacho zvinoda kudzora mafungiro enhengo dzazvo. Jesu paakanga ari pasi pano, vatungamiriri vechitendero vakaedza kudzora zvinenge zvinhu zvose zvoupenyu hwavanhu vachishandisa magamuchidzanwa anodzvinyirira akaitwa navanhu. (Ruka 11:46) Vafundisi vechiKristudhomu kakawanda vakaita zvakafanana.
6 Zvisinei, kunamata kwechokwadi i“basa dzvene” ratinoita ne“simba [redu] rokufunga.” (VaRoma 12:1, NW) Vashumiri vaJehovha vano“tendiswa.” (2 Timotio 3:14) Pane dzimwe nguva, vaya vanotungamirira vangafanira kutanga dzimwe nhungamiro nemiitiro yokuti ungano ifambe zvakanaka. Zvisinei, panzvimbo pokuda kuitira vamwe vaKristu zvisarudzo, vakuru vanovadzidzisa ku“siyanisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaHebheru 5:14, NW) Vakuru vanoita izvi kunyanya nokudyisa ungano “namashoko okutenda needzidziso yakanaka.”—1 Timotio 4:6.
Kuchenjerera Kudzidzisa Kwako
7, 8. (a) Vanhu vane mano ari pakati napakati vanokwanisa sei kushanda savadzidzisi? (b) Chii chinoratidza kuti zvinoda kutamburira somunhu oga kuti uve mudzidzisi anobudirira?
7 Zvisinei, ngatidzokerei kubasa redu renguva dzose rokudzidzisa. Kuitawo basa iri kunoda unyanzvi chaihwo hupi nohupi, kudzidza, kana kuti mano here? Kwete hazvo. Kunyanya, basa iri rokudzidzisa renyika yose riri kuitwa navanhuwo zvavo vane mano ari pakati napakati. (1 VaKorinte 1:26-29) Pauro anotsanangura kuti: “Pfuma iyi [ushumiri] tinayo mumidziyo yevhu [miviri isina kukwana], kuti ukuru hwesimba huve hwaMwari, hurege kuva hwedu.” (2 VaKorinte 4:7) Kubudirira kukuru kwakaita basa rokuparidza Umambo romunyika yose uchapupu hwesimba romudzimu waJehovha!
8 Kunyange zvakadaro, zvinoda kutamburira kwomunhu oga kwakasimba kuti uve “mubati usingafaniri hake kunyadziswa, unonatsa kururamisa shoko razvokwadi.” (2 Timotio 2:15) Pauro akakurudzira Timotio kuti: “Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako. Rambira pazvinhu izvi, nokuti nokuita izvi uchazviponesa iwe nevanokuteerera.” (1 Timotio 4:16, NW) Munhu anombochenjerera sei kudzidzisa kwake, mungava mukati kana kuti kunze kweungano? Kuita kudaro kungabatanidza kuva nounyanzvi hwakati kana kuti nzira dzokudzidzisa here?
9. Chii chinokosha zvikuru kupfuura mano okuberekwa nawo?
9 Zvechokwadi Jesu akaratidzira kunzwisisa mitoo yokudzidzisa inoshamisa muMharidzo yake yakakurumbira paGomo. Paakanga apedza kutaura, “vanhu vazhinji vakashamiswa nokudzidzisa kwake.” (Mateo 7:28) Chokwadi, hapana nomumwe wedu angadzidzisa zvakanaka sezvakaita Jesu. Zvisinei, hatifaniri kugona kutaura nounyanzvi kuti tive vadzidzisi vanobudirira. Inga wani, maererano naJobho 12:7, kunyange “mhuka” ne“shiri” dzinogona kudzidzisa chinyararire! Pamwe namano api naapi okuberekwa nawo kana kuti unyanzvi zvatingava nazvo, zvinonyanya kukosha ndezvokuti tiri “vanhu vakadiniko”—unhu hupi hwatinahwo uye miitiro ipi yomudzimu yatakashandira kuti tive nayo inogona kutevedzerwa navadzidzi.—2 Petro 3:11; Ruka 6:40.
Vadzidzi veShoko raMwari
10. Jesu akagadza sei muenzaniso wakaisvonaka semudzidzi weShoko raMwari?
10 Mudzidzisi anobudirira wezvokwadi dzomuMagwaro anofanira kuva mudzidzi weShoko raMwari. (VaRoma 2:21) Jesu Kristu akagadza muenzaniso wakaisvonaka munhau iyi. Munguva youshumiri hwake, Jesu akataura nezvepfungwa kana kuti akataura pfungwa dzakanga dzakafanana nendima dziri muinenge hafu yamabhuku eMagwaro echiHebheru.a Kujairana kwake neShoko raMwari kwakanga kuri pachena pazera ramakore 12, paakawanikwa “agere pakati pavadzidzisi achiteerera nokuvabvunza.” (Ruka 2:46) Somunhu mukuru, yaiva tsika yaJesu yokuenda kusinagoge, kwairaviwa Shoko raMwari.—Ruka 4:16.
11. Mudzidzisi anofanira kushandira kuti ave nemaitiro api akanaka okufunda?
11 Uri muravi anodisisa weShoko raMwari here? Kuchera mariri ndiyo nzira yau“chanzwisisa [nayo] kutya Jehovha, nokuwana zivo yaMwari.” (Zvirevo 2:4, 5) Saka tanga maitiro akanaka okufunda. Edza kurava chikamu cheShoko raMwari zuva roga roga. (Pisarema 1:2) Ita muitiro wokurava magazini imwe neimwe yeNharireyomurindi neMukai! painongogamuchirwa. Nyatsoteerera pamisangano yeungano. Dzidza kunyatsonzvera. Nokudzidza ku‘tsvaka zvinhu zvose nokururama,’ ungadzivisa kuwedzerera kana kuti kusarurama paunodzidzisa.—Ruka 1:3.
Kuda Nokuremekedza Vaya Vari Kudzidziswa
12. Jesu aiona sei vadzidzi vake?
12 Chimwe chinhu chinokosha kuona zvakanaka vaya vaunodzidzisa. VaFarise vakashora vaya vaiteerera Jesu. Vakati, “Vanhu ava vazhinji, vasingazivi murayiro, vakatukwa.” (Johane 7:49) Asi Jesu aida nokuremekedza vadzidzi vake zvikuru. Akati: “Handichakuidziyi varanda; nokuti muranda haazivi zvinoitwa nashe wake; asi ndinokuidzai hama; nokuti zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu, ndakakuzivisai izvo.” (Johane 15:15) Izvi zvakaratidza kuti vadzidzi vaJesu vaifanira kuita sei basa ravo rokudzidzisa.
13. Pauro ainzwa sei nezvevaya vaakadzidzisa?
13 Somuenzaniso, Pauro haana kuramba ane ukama husina ushamwari navadzidzi vake, hwakaita sehwekubasa. Akaudza vaKorinte kuti: “Kunyange maiva navadzidzisi vane zvuru zvine gumi muna Kristu, hamuna madzibaba mazhinji; nokuti muna Jesu Kristu ini ndakakuberekai neEvhangeri.” (1 VaKorinte 4:15) Pane dzimwe nguva, Pauro akatosvimha misodzi paakanga achirayira vaya vaaidzidzisa! (Mabasa 20:31) Akaratidzawo kushivirira nemutsa zvinoshamisa. Saka aigona kuudza vaTesaronika kuti: “Takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake.”—1 VaTesaronika 2:7.
14. Nei kuda vadzidzi vedu veBhaibheri somunhu oga kuchikosha zvikuru? Enzanisira.
14 Unotevedzera Jesu naPauro here? Kuda vadzidzi vedu nemwoyo wose kunogona kunyatsovharidzira kuva namano okuberekwa nawo mashoma api naapi atingava nawo. Vatinodzidza navo Bhaibheri vanoona kuti tinovafarira zvechokwadi somunhu oga here? Tinowana nguva yokuvaziva here? Mumwe mukadzi wechiKristu paakanga achinetseka nokubetsera mudzidzi kuti aenderere mberi mumudzimu, akabvunza nomutsa kuti: “Pane chinhu chiri kukunetsai here?” Mukadzi wacho akatanga kutaura zvakanga zviri pasi pemwoyo wake, achirondedzera zvakawanda zvaimunetsa nezvaaifunga. Kukurukurirana kworudo ikoko kwakava nguva yokuchinja kukuru kwomukadzi wacho. Muzviitiko zvakadaro pfungwa namashoko zvomuMagwaro zvinonyaradza nokukurudzira zvakafanira. (VaRoma 15:4) Zvisinei, shoko rokungwarira: Mudzidzi weBhaibheri angava ari kukurumidza kuenderera mberi asi angava achine mimwe miitiro isiri yechiKristu yaanofanira kukurira. Saka kungasava kuchenjera kunyanyowirirana nomunhu wacho. Miganhu yechiKristu yakafanira inofanira kuchengetedzwa.—1 VaKorinte 15:33.
15. Tingaratidza sei kuremekedza vatinodzidza navo Bhaibheri?
15 Kuremekedza vadzidzi vedu kunobatanidza kuti hatiedzi kudzora upenyu hwavo hwomunhu oga. (1 VaTesaronika 4:11) Somuenzaniso, tingava tiri kufunda nomukadzi ari kugara nomurume vasina kuchata. Zvichida vakaita vana vose. Aziva Mwari zvakarurama, mukadzi wacho anoda kugadzirisa nhau dzacho kuti aite zvinodiwa naJehovha. (VaHebheru 13:4) Anofanira kuroorana nomurume wacho kana kuti kuparadzana naye here? Zvichida tinofunga zvakasimba kuti kuroorana nomurume anofarira zvishoma kana kuti asingafariri zvomudzimu kungakanganisa kufambira mberi kwake mune ramangwana. Asi, tingatyirawo magariro avana vake ndokufunga kuti zvingava nani kuti aroorane naye. Chero zvipi nezvipi zvikaitika, kupindira muupenyu hwomudzidzi ndokuedza kutaura pfungwa dzedu munhau dzakadaro kusaremekedza uye kusava norudo. Pashure pezvose, ndiye anofanira kurarama nemigumisiro yechisarudzo chacho. Saka, hazvingavi zvakanakisisa here, kurovedza mudzidzi akadaro kuti ashandise “masimba a[ke] okunzwisisa” ndokuzvisarudzira zvaanofanira kuita?—VaHebheru 5:14, NW.
16. Vakuru vangaratidza sei kuda nokuremekedza boka raMwari?
16 Zvinonyanya kukosha kuti vakuru veungano vabate boka norudo noruremekedzo. Achinyorera Firemoni, Pauro akati: “Kunyange ndisingatongotyi muna Kristu kukurayira kuita zvakafanira, kunyange zvakadaro, nokuda kworudo ndinoita zvokukumbira zvikuru.” (Firemoni 8, 9) Pane dzimwe nguva, zvinhu zvinonetsa zvingamuka muungano. Kuva akasimba kungatodiwa. Pauro akakurudzira Tito kuti a“range [vanokanganisa] zvikuru, kuti varurame pakutenda.” (Tito 1:13) Kunyange zvakadaro, vatariri vanofanira kungwarira kuti vasambotaura kuungano zvisina mutsa. “Muranda waShe haafaniri kukakavara,” akanyora kudaro Pauro, “asi ave munyoro kuvanhu vose, unoziva kudzidzisa, unotsungirira pakuitirwa zvakaipa.”—2 Timotio 2:24; Pisarema 141:3.
17. Mosesi akakanganisa chii, uye vakuru vangadzidzei pachiri?
17 Vatariri vanofanira kuramba vachizviyeuchidza kuti vari kubata ne“boka raMwari.” (Tisu tatsveyamisa mashoko) (1 Petro 5:2) Mosesi, kunyange zvazvo aizvininipisa, akarasikirwa nemaonere aya kwechinguvana. VaIsraeri “vakamukira mweya wake, iye akataura nehasha nemiromo yake.” (Pisarema 106:33) Mwari haana kana kumbofadzwa nokusabatwa zvakanaka uku kweboka Rake, kunyange zvazvo rakanga rine mhosva. (Numeri 20:2-12) Pavanotarisana namatambudziko akafanana nhasi, vakuru vanofanira kuedza kudzidzisa nokurayiridza nenzwisiso nomutsa. Hama dzedu dzinogamuchira zvakanakisisa padzinobatwa zvakanaka savanhu vanoda kubetserwa, kwete savaya vasingachabetsereki. Vakuru vanofanira kuramba vane maonere akanaka akanga ana Pauro paakati: “Tinokutendai munaShe, kuti munoita, uye mucharamba muchiita, izvo zvatinokurayirai.”—2 VaTesaronika 3:4.
Kuita Zvavanoda
18, 19. (a) Tinofanira kuita sei pane zvinodiwa nevadzidzi veBhaibheri vane mano akaganhurirwa? (b) Tingabetsera sei vadzidzi vanonetseka nenhau dzakananga?
18 Mudzidzisi anobudirira anoda kuchinja kuti awirirane nemano neganhuriro zvevaanodzidza navo. (Enzanisa naJohane 16:12.) Mumuenzaniso waJesu wematarenda, tenzi akapa ropafadzo “mumwe nomumwe zvakakwanira simba rake.” (Mateo 25:15) Tinogona kutevera muitiro wakafanana pakuitisa fundo dzeBhaibheri. Tinowanzoshuva kupedza bhuku rinotaura nezveBhaibheri munguva pfupi zvikuru. Zvisinei, zvinofanira kubvumwa kuti, havasi vose vane unyanzvi hwakanaka hwokurava kana kuti mano okukurumidza kubata pfungwa itsva. Saka, kunzwisisa kunodikanwa pamusoro pokuti ndirini patinofanira kubva pane imwe pfungwa tichienda kune imwe mufundo kana vanhu vanogamuchira vachiomerwa nokukurumidza. Kubetsera vadzidzi kuti vawane pfungwa yezvavari kudzidza kunokosha zvikuru kupfuura kupedza mashoko ari kufundwa panguva yakatemwa.—Mateo 13:51.
19 Izvozvo zvingataurwawo nezvevadzidzi veBhaibheri vanonetseka nenhau dzakananga, dzakadai soUtatu kana kuti mazororo ezvitendero. Nepo kakawanda tisingafaniri hedu kubatanidza mashoko akanzverwa ane chokuita neBhaibheri pafundo dzedu, apo neapo tingaita kudaro kana izvi zvichinyatsooneka kuti zvichabetsera. Kusarudza kwakanaka kunofanira kushandiswa kuitira kuti tidzivise kuderedza zvisina kufanira kuenderera mberi kwomudzidzi.
Iva Nembavarira!
20. Pauro akagadza sei muenzaniso mukuratidza mbavarira nokugutsikana nezvinhu zvaaidzidzisa?
20 “Pisai pamweya,” anodaro Pauro. (VaRoma 12:11) Hungu, tingava tiri kuitisa fundo yeBhaibheri yapamusha kana kuti tiri kupa hurukuro pamusangano weungano, tinofanira kuita kudaro nokushingaira nembavarira. Pauro akaudza vaTesaronika kuti: “Evhangeri yedu haina kuuya kwamuri neshoko bedzi, asi nesimbawo, nomuMweya Mutsvene, nokuziva kwazvo.” (1 VaTesaronika 1:5) Saka Pauro neshamwari dzake vakapa kwete “Evhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya y[avo]wo.”—1 VaTesaronika 2:8.
21. Tingaramba sei tine mbavarira mumabasa edu okudzidzisa?
21 Mbavarira yechokwadi inobva pakuva anogutsikana zvakasimba nokuti vadzidzi vedu veBhaibheri vanoda kunzwa zvatinoda kutaura. Tisambofa takaona chero basa ripi zvaro rokudzidzisa semuitiro. Munyori Ezra zvechokwadi akangwarira kudzidzisa kwake munhau iyi. Aka“shingaira nomwoyo wake wose kutsvaka murayiro waJehovha, nokuuita, nokudzidzisa pakati paIsraeri.” (Ezra 7:10) Tinofanira kuita zvakafanana nokunyatsogadzirira uye kufunga nezvokukosha kwemashoko acho. Ngatinyengeterei kuna Jehovha kuti atizadze nokutenda nokugutsikana. (Ruka 17:5) Mbavarira yedu ingabetsera vadzidzi veBhaibheri kuti vanyatsoda chokwadi. Chokwadi, kungwarira kudzidzisa kwedu kungabatanidza kushandisa unyanzvi hwakananga hwokudzidzisa. Nyaya yedu inotevera ichataura nezvehumwe hwaihwohu.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 2, peji 1071, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Unoyeuka Here?
◻ Nei vadzidzisi vechiKristu vane unyanzvi vachidiwa nhasi?
◻ Miitiro ipi yokufunda yakanaka yatingashandira kuti tive nayo?
◻ Nei kuda nokuremekedza vaya vatinodzidzisa kuchikosha kwazvo?
◻ Tingaita sei pane zvinodiwa nevadzidzi vedu veBhaibheri?
◻ Nei kuva nembavarira nokugutsikana zvichikosha kwazvo pakudzidzisa vamwe?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Vadzidzisi vakanaka vadzidzi veShoko raMwari ivo pachavo
[Mufananidzo uri papeji 13]
Ida vadzidzi veBhaibheri zvechokwadi