Bhuku Rouchenjeri Rine Shoko Ranhasi
“CHIKWAMA chakazara uchenjeri chinokosha kupfuura chakazara maparera,” akadaro tateguru wakare Jobho, uyo zvisina mubvunzo aiva mumwe wevarume vaiva vakapfuma zvikurusa vepanguva yake. (Jobho 1:3; 28:18, NW;Job 42:12) Chokwadi, uchenjeri hunokosha zvikuru kupfuura zvinhu zvenyama kana toreva nezvokubetsera munhu kuti abudirire muupenyu hwake. “Uchenjeri chitaviridzo, mariwo chitaviridzo,” akadaro Mambo akachenjera Soromoni, “asi kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta upenyu hwaiye unahwo.”—Muparidzi 7:12.
Asi uchenjeri hwakadaro hungawanikwepi nhasi? Vanhu vanotaura zvinovanetsa somunhu oga nenyanzvi dzokupa mazano, vanoongorora maitire omunhu, vanorapa pfungwa, kunyange vanogadzira bvudzi nevanotyaira matekisi, nezvezvinenge zvichivanetsa somunhu oga. Uye nyanzvi dzakawanda dzakagadzirira kupa zano panhau chero ipi zvayo—nokuda kwemari yakakodzera. Zvisinei, kakawanda mashoko o“uchenjeri” akadaro akangokonzera kuora mwoyo, kunyange ngwavaira. Saka, tingawana sei uchenjeri hwechokwadi?
Jesu Kristu, uyo ainzwisisa zvikuru nhau dzavanhu, akamboti: “Kuchenjera kwakaruramiswa namabasa ako.” (Mateo 11:19) Ngatitarirei zvimwe zvinonetsa zvinozivikanwa navose muupenyu hwavanhu tione kuti mashoko api okuchenjera akavabetsera zvechokwadi uye akaratidza kuti anokosha kwavari kupfuura ‘chikwama chakazara maparera.’ Iwewo ungawana “chikwama chakazara uchenjeri” ichocho ndokubetserwa nacho.
Wakaora Mwoyo Here?
“Kana zana ramakore rechi20 rakatanga Nguva Yokufunganya, kupera kwaro kuri kupupurira kutanga kweNguva Yokuora Mwoyo,” rinodaro International Herald Tribune rokuLondon. Rinowedzera kuti “kuongorora kuora mwoyo kwakanyanya kwokutanga munyika dzakawanda kunoratidza kuwedzera kuri kuita chirwere chacho zvishoma nezvishoma munyika yose. Munyika dzakasiyana dzakadai seTaiwan, Lebanon neNew Zealand chizvarwa chimwe nechimwe chakatevedzana chiri kuramba chichitapurwa nechirwere chacho.” Vaya vakaberekwa pashure pa1955 vanonzi vangangoora mwoyo zvakanyanya nekatatu kupfuura zvakanga zvakaita vanasekuru navanambuya vavo.
Ndizvo zvakaitika kuna Tomoe, akaora mwoyo zvakanyanya ndokupedza mazuva ake akawanda akarara. Sezvaakanga asingachagoni kutarisira mwanakomana wake aiva namakore maviri, akadzokera kumba kwavabereki vake. Mumwe muvakidzani aiva nomwanasikana wezera romwanakomana waTomoe nenguva isipi akava shamwari yake. Tomoe paakamutaurira kuti akanga achinzwa kuti akanga asingakoshi zvakadini, muvakidzani wacho akamuratidza rugwaro rwaiva mune rimwe bhuku. Rwaiti: “Ziso haringati kuruoko: Handikudi; kana musorowo kutsoka: Handikudiyi imi. Kwete, zvikuru mitezo iyo yomuviri inenge isine simba, ndiyo inodikanwa.”a Misodzi yakazara mumeso aTomoe sezvaakaziva kuti munhu wose ane nzvimbo munyika uye anodiwa.
Muvakidzani wacho akamupa zano rokuti aongorore bhuku rakanga rine mashoko iwayo. Tomoe akagutsurira, kunyange hazvo kusvika panguva iyoyo akanga asina kukwanisa kuita chero chinhu chipi zvacho, kunyange kuzvipa basa rokuti aite vimbiso iri nyore. Muvakidzani wacho akamubatsirawo kuti atenge zvinhu, uye akabika zvokudya naTomoe mazuva ose. Kwapera mwedzi Tomoe akanga ava kumuka mangwanani oga oga, achiwacha, kuchenesa imba, kutenga, uye kubika zvokudya, sezvinongoita mukadzi wemba chero upi zvake. Aifanira kukunda matambudziko akawanda, asi akati, “Ndakanga ndine chivimbo chokuti ndikangotevera mashoko ouchenjeri andakanga ndawana, ndaizokwanisa.”
Nokushandisa uchenjeri hwaakanga awana, Tomoe akakunda mazuva aiva nemadzerere okuora mwoyo kwake. Zvino Tomoe anoshanda nguva dzose kuti abetsere vamwe kuti vashandise mashoko iwayo akamubetsera kuti akurire zvaimunetsa. Mashoko iwayo ouchenjeri ari mubhuku rakare rine shoko ravanhu vose nhasi.
Uri Kutarisana Nematambudziko Omumba Here?
Munyika yose nhamba yokurambana iri kuwedzera. Matambudziko omumba ari kuwedzera kunyange munyika dzekuMabvazuva, kune vanhu vaimbodada nemhuri dzavo dzaiva dzakabatana zvikuru. Tingawanepi nhungamiro yokuchenjera yomumba inoshanda?
Funga zvakaitika kuna Shugo naMihoko, vakanga vakaroorana vaiva nematambudziko omumba asingaperi. Vaiitirana nharo pakanhu kose zvako. Shugo aikurumidza kutsamwa, uye Mihoko aipindura pose paaiwanirwa mhaka. Mihoko akatofunga kuti, ‘Hazviiti kuti timbobvumirana pane chinhu chero chipi zvacho.’
Rimwe zuva mumwe mukadzi akashanyira Mihoko ndokumuravira mashoko aya mune rimwe bhuku: “Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo.”b Kunyange hake aisafarira zvechitendero, Mihoko akabvuma kufunda bhuku raiva namashoko iwayo. Chaaida kwaiva kuita kuti upenyu hwemhuri yake huve nani. Saka paakakokwa kuti apinde musangano waikurukurwa bhuku rine musoro unoti, Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze, Mihoko—nomurume wake—vakabva vangobvumac.
Pamusangano wacho, Shugo akaona kuti vaivapo vaishandisa zvavakanga vari kudzidza uye kuti vairatidza kuti vanofara. Akafunga kuongorora bhuku rakanga richifundwa nomudzimai wake. Pane mashoko akakurumidza kumubata: “Une mwoyo murefu une njere kwazvo; asi unokurumidza kutsamwa unowedzera upenzi.”d Kunyange zvazvo zvakamutorera nguva kuti ashandise nheyo iyi muupenyu hwake, kuchinja kwaaiita zvishoma nezvishoma kwakaonekwa navaigara pedyo naye, kubatanidza mudzimai wake.
Achiona kuchinja kwakanga kuchiita murume wake, Mihoko akatangawo kushandisa zvaakanga achidzidza. Imwe nheyo yakanyanya kuratidza kuti yakabetsera yaiva iyi: “Musatonga, kuti murege kutongwa; nokuti nokutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako.”e Saka Mihoko nomurume wake vakasarudza kuti vaizotaura nezvezvakanaka zvavaiita uye kuti vangaita sei kuti zvive nani panzvimbo pokuwanirana mhaka. Zvakaguma nei? Mihoko anoyeuka kuti: “Zvakandiita kuti ndinyatsofara. Tave tichiita izvi patinenge tichidya manheru oga oga. Kunyange mwanakomana wedu ane makore matatu anokumbanirawo mukukurukurirana kwacho. Zvave zvichizorodza zvechokwadi kwatiri!”
Mhuri iyi payakashandisa zano rinoshanda rayakanga yagamuchira, yakakwanisa kukunda matambudziko akanga ave achitambudza ukama hwayo kusvika yava kuda kuparadzana. Kwavari izvozvo hazvikoshi kupfuura chikwama chakazara maparera here?
Unoda Kuti Upenyu Hwako Hubudirire Here?
Kune vakawanda nhasi, kuunganidza pfuma ndicho chinangwa muupenyu. Asi, mumwe muzvinabhizimisi akapfuma muUnited States akapa vanotambura mazana amamiriyoni amadhora akamboti: “Mari inokwezva vamwe vanhu, asi hapana munhu angapfeka shangu mbiri mbiri panguva.” Vashomanene ndivo vanobvuma chokwadi ichi uye vashomanenesa ndivo vanorega kutsvaka pfuma.
Hitoshi akakura ari murombo, saka aida zvikuru kupfuma. Aona kuti vanokweretesa vanobiridzira sei vanhu, akafunga kuti: “Anenge awana mari yakawandisa ndiye anohwina.” Hitoshi aidavira zvakasimba musimba remari zvokuti akafunga kuti kunyange upenyu hwavanhu hwaigona kutengwa nayo. Kuti aunganidze pfuma, akashanda mubhizimisi rake rokugadzira pombi uye akashanda gore rose, asingambozorori kana musi mumwe zvawo. Sokuedza kwaaiita, nenguva isipi Hitoshi akaziva kuti iye, aibatsira pakuvaka, aisazombofa akava nesimba sevavaki vaimupa basa. Mazuva ose aigara achishunguridzika uye achitya kubhuroka.
Zvadaro mumwe murume akauya pasuo raHitoshi ndokumubvunza kana aiziva kuti Jesu Kristu akanga amufira. Sezvo Hitoshi aifunga kuti hapana munhu angafira munhu akaita saiye, aida kuziva uye akabvuma kukurukurazve. Vhiki yakatevera yacho, akapinda musangano uye akashamiswa kunzwa zano rokuita kuti ‘ziso rirambe rakanaka.’ Mukurukuri akatsanangura kuti ziso “rakanaka” nderiya rinoona zviri kure uye rakananga pazvinhu zvomudzimu; asiwo, ziso “rakashata,” kana kuti “rine shanje” rinongosimbirira zvishuvo zvenyama bedzi uye rinoona zviri pedyo. Zano rokuti, “Pane pfuma yako, nomwoyo wako uchavapowo,” rakamubaya mwoyo.f Pane chimwe chinhu chinokosha kupfuura kuwana pfuma! Akanga asati ambonzwa zvakadaro.
Aororwa, akatanga kushandisa zvaakanga ari kudzidza. Panzvimbo pokutamburira mari, akatanga kuisa zvinhu zvinokosha zvomudzimu panzvimbo yokutanga muupenyu hwake. Akapedzawo nguva achitarisira magariro emhuri yake mumudzimu. Sezvinongoita munhu wose, izvozvo zvakareva nguva shoma yokushanda, asi bhizimisi rake rakatanga kubudirira. Nemhaka yei?
Unhu hwake hwokuita zvechisimba hwakachinja kuva hunyoro uye hwoushamwari sezvaakagamuchira zano raakanga apiwa. Akanyanya kuororwa nezano rokuti: “Imiwo, bvisai izvi zvose, zvinoti: Hasha, nokutsamwa, nokuvenga, nokutuka, nokutaura zvinonyadzisa nomuromo wenyu. Regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare namabasa ake, mukafuka munhu mutsva, unovandudzwa pakuziva, afanane nowakamusika.”g Kutevera zano iri hakuna kumuita mupfumi, asi “unhu [hwake h]utsva” hwakaorora makasitoma ake uye vakamuvimba. Hungu, mashoko okuchenjera aakawana akamubetsera kuti abudirire muupenyu hwake. Kwaari, chaizvoizvo aikosha zvikuru kupfuura chikwama chakazara maparera kana kuti mari.
Uchavhura Chikwama Chacho Here?
Ungaziva chikwama chacho chakazara nouchenjeri chakava chinokosha zvikuru kuvanhu vari mumienzaniso iri pamusoro apa here? Uchenjeri hunowanwa muBhaibheri, bhuku rakanyanya kuparadzirwa uye rinowanika nyore pasi pano. Ungangodaro une kopi kana kuti unogona kuriwana nyore nyore. Zvisinei, kungova nechikwama chakazara nemaparera anokosha aasingashandisi zvakusingazobetseri muridzi wacho, kungova neBhaibheri hakuzokoshiwo. Wadini kuita sokuti uri kuvhura chikwama chacho, ndokushandisa zano reBhaibheri rokuchenjera uye rakakodzera nguva ndokuona kuti ringakubetsera sei kuti ubudirire kubata nezvinetso zvoupenyu.
Kana ukapiwa chikwama chakazara maparera, haungafari ndokuedza kuwana kuti akupa ndiani kuitira kuti umuonge here? Unoziva kuti Mupi weBhaibheri ndiani here?
Bhaibheri rinotaura Panobva uchenjeri hunowanwa mariri parinoti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira.” (2 Timotio 3:16) Rinotiudzawo kuti “shoko raMwari ibenyu, rine simba.” (VaHebheru 4:12) Ndokusaka mashoko okuchenjera anowanwa muBhaibheri akakodzera nguva uye achishanda kwatiri nhasi. Zvapupu zvaJehovha zvingafara kukubetsera kuti udzidze nezvoMupi uyu asinganyimi, Jehovha Mwari, kuitira kuti utarisire kuva munhu anobetserwa ne“chikwama chakazara nouchenjeri” chiri muBhaibheri—bhuku rouchenjeri rine shoko ravanhu nhasi.
[Mashoko Omuzasi]
a Mashoko acho anobva muna 1 VaKorinte 12:21, 22.
c Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
f Mateo 6:21-23, NW; mashoko omuzasi.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 4]
Mashoko Ouchenjeri Okuti Urambe Wakagadzikana Mumwoyo
“Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, ndianiko wairamba amire, Ishe? Asi kukanganwirwa kuriko kwamuri, kuti vanhu vakutyei.”—Pisarema 130:3, 4.
“Mwoyo, wakafara, unofadza chiso; asi mweya unoputswa nomwoyo une shungu.”—Zvirevo 15:13.
“Usava munhu wakaisvorurama, usava wakaisvochenjera; uchazviparadzireiko?”—Muparidzi 7:16.
“Kupa kune mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.
“Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa.”—VaEfeso 4:26.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 5]
Mashoko Ouchenjeri Nokuda Kweupenyu Hwemhuri Hunofadza
“Pasingaranganwi mano anokona; asi kune varairi vazhinji ndokwaanosimbiswa.”—Zvirevo 15:22.
“Mwoyo wowakachenjera unowana zivo; nzeve yowakachenjera inotsvaka zivo.”—Zvirevo 18:15.
“Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirivha.”—Zvirevo 25:11.
“Muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo. Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.”—VaKorose 3:13, 14.
“Munozviziva henyu izvozvi, hama dzangu dzinodikanwa. Asi munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa.”—Jakobho 1:19.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]
Mashoko Ouchenjeri Anoita Kuti Upenyu Hubudirire
“Chiyero chinonyengedzera chinonyangadza kuna Jehovha; asi kurema kwakakwana kunomufadza.”—Zvirevo 11:1.
“Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa; uye mweya wamanyawi unotangira kuwa.”—Zvirevo 16:18.
“Munhu usingadzori mweya wake, wakafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.”—Zvirevo 25:28.
“Usakurumidza pamweya wako kutsamwa, nokuti kutsamwa kunogara pachipfuva chamapenzi.”—Muparidzi 7:9.
“Kandira zvokudya zvako pamusoro pemvura, nokuti uchazviwanazve mazuva mazhinji apfuura.”—Muparidzi 11:1.
“Mumuromo menyu murege kubuda shoko rakaora, asi rakanaka, ringasimbisa pakafanira, rivigire nyasha avo vanonzwa.”—VaEfeso 4:29.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kufunda Bhaibheri inhano yokutanga yokuva munhu anobetserwa ne“chikwama chakazara nouchenjeri”