RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 4/15 pp. 4-9
  • Upenyu Husingaperi Hunobvira Chaizvoizvo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu Husingaperi Hunobvira Chaizvoizvo Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Takagadzirirwa Kurarama Nokusingaperi
  • Chishuvo Chokurarama Nokusingaperi
  • Ndiani Watinofanira Kuvimba Naye?
  • Ndicho Chinangwa chaMwari Chaichoicho Here?
  • Chinangwa chaMwari Hachina Kuchinja
  • Tinogona Kurarama Nekusingaperi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Kuraramazve Zvinoita!
    Mukai!—2008
  • Ungaitei Kuti Urarame Nekusingaperi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Unogona Kurarama Nekusingaperi Panyika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 4/15 pp. 4-9

Upenyu Husingaperi Hunobvira Chaizvoizvo Here?

“Mudzidzisi . . . , ndingaita chinhu chakanaka chipi, kuti ndive noupenyu husingaperi?”—Mateo 19:16.

1. Chii chingataurwa nezvekureba kwoupenyu hwedu savanhu?

MAMBO wePersia Xerxes I, anozivikanwa muBhaibheri saAhashvheroshi, akanga achiongorora mauto ake asati aenda kuhondo mugore ra480 B.C.E. (Estere 1:1, 2) Maererano nemunyori wenhau wechiGiriki Herodotus, mambo akasvimha misodzi sezvaaiona varume vake. Nemhaka yei? “Zvinondishungurudza,” Xerxes akadaro, “pandinofunga nezvenguva pfupi youpenyu hwomunhu. Pavarume vose ava, hapana mumwe anenge achiri mupenyu makore ane zana kubva zvino.” Iwewo ungangodaro wakaona kuti upenyu hupfupi zvinosuruvarisa uye kuti hapana munhu anoda kukwegura, kurwara, ndokufa. Haiwa, kudai taigona kuva noupenyu tine utano hwoupwere nomufaro!—Jobho 14:1, 2.

2. Vakawanda vanotarisirei, uye nei?

2 Zvinokosha kuti, The New York Times Magazine yaSeptember 28, 1997, yakanga ine nyaya yaiti “Vanoda Kurarama.” Yakataura mashoko omumwe muongorori akati: “Ndinodavira zvechokwadi kuti tingangova chizvarwa chokutanga chinorarama nokusingaperi”! Zvichida iwewo unodavira kuti upenyu husingaperi hunobvira. Ungafunga kudaro nokuti Bhaibheri rinovimbisa kuti tinogona kurarama nokusingaperi pasi pano. (Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 21:3, 4) Asi, vamwe vanhu vanodavira kuti upenyu husingaperi hunobvira nezvimwe zvikonzero kunze kwezviri muBhaibheri. Kufunga nezvezvishomanene zvezvikonzero izvi kuchatibetsera kunzwisisa kuti upenyu husingaperi hunobvira zvechokwadi.

Takagadzirirwa Kurarama Nokusingaperi

3, 4. (a) Nei vamwe vachidavira kuti tinofanira kugona kurarama nokusingaperi? (b) Dhavhidhi akati chii nezvokuumbwa kwake?

3 Chimwe chikonzero nei vakawanda vachidavira kuti vanhu vanofanira kugona kurarama nokusingaperi chine chokuita nenzira inoshamisa yatakaitwa nayo. Somuenzaniso, maumbirwo atakaitwa nawo mudumbu ramai vedu anoshamisa zvechokwadi. Imwe nyanzvi inoona nezvokukwegura yakanyora kuti: “Rapedza kuita zvishamiso zvinotangira pakunambwa kwedu kusvikira pakuberekwa uye pakuzoyaruka nokubva zera, simba rokusika rakasarudza kusatanga waizoita semuitiro wokutanga wokuita kuti zvishamiso izvi zvirambe zvichiitika nokusingaperi.” Hungu, tichifunga nezvemaumbirwo edu anoshamisa, mubvunzo unoramba uripo ndewokuti, Nei tichifanira kufa?

4 Zviuru zvamakore zvakapfuura munyori weBhaibheri Dhavhidhi akafungisisa nezvezvishamiso izvozvi chaizvo, kunyange zvake akanga asingagoni kuona mukati medumbu sezvinoita masayendisiti nhasi. Dhavhidhi akashamisika nemaumbirwo ake pachake apo, sezvaakanyora, akanga a‘rukwa mudumbu ramai vake.’ Panguva iyoyo, anodaro, ‘itsvo dzake dzakaumbwa.’ Akataurawo nezvokuumbwa kwama“pfupa” ake apo, sezvaakataura, “ndakaitwa pakavanda.” Dhavhidhi akazotaura nezve“muviri wangu uchigere kukwaniswa” uye maererano nemuviri iwoyo wakanga uchigere kukwaniswa mudumbu ramai vake akati: “Zvose zvakanga zvakanyorwa murugwaro rwenyu.”—Pisarema 139:13-16.

5. Zvishamiso zvipi zvinobatanidzwa pakuumbwa kwedu mudumbu?

5 Zviri pachena kuti, pakanga pasina mashoko chaiwoiwo akanyorwa neingi okuumbwa kwaDhavhidhi mudumbu ramai vake. Asi pakufungisisa kwaDhavhidhi kuitwa kwe“itsvo” dzake, “mapfupa” ake, nedzimwe nhengo dzomuviri wake, kwaari zvaiita sokuti kuitwa kwaizvozvi kwaiva maererano nezvakarongwa—kuita sokuti, zvinhu zvose zvakanga “zvakanyorwa.” Zvaiita sokuti sero rakaberekeswa raiva muna mai vake rakanga rine kamuri rakazara mabhuku ane mashoko akawanda pamusoro pokuti mwana womunhu angaumbwa sei uye kuti mirayiridzo iyi yakaoma yaipfuudzirwa kusero idzva roga roga. Ndokusaka magazini yeScience World ichishandisa dimikira re‘sero roga roga riri mumuviri usina kukura rine kabati rakazara nezvakanyorwa neingi.’

6. Uchapupu hupi huripo hwokuti ta“kaitwa nomutoo . . . unoshamisa,” sokunyora kwakaita Dhavhidhi?

6 Wakambofunga nezvokushanda kunoshamisa kwemiviri yedu here? Anoona nezvezvinhu zvipenyu Jared Diamond akati: “Tinotsiva masero ari muura hwedu kamwe mazuva mashomanene oga oga, ari mudundira kamwe mwedzi miviri yoga yoga, uye masero edu matsvuku eropa mwedzi mina yoga yoga.” Akagumisa achiti: “Simba rokusika riri kutigurunura nokutibatanidzazve zuva roga roga.” Izvozvo zvinomborevei chaizvo? Zvinoreva kuti pasinei zvapo nokuti tingararama makore akawanda zvakadini—angava 8, 80, kana kuti kunyange 800—muviri wedu unoramba uri muduku kwazvo. Mumwe musayendisiti akambofungidzira achiti: “Mugore rimwe inenge 98 muzana yemaatomu ari matiri zvino ichatsiviwa nemamwe maatomu atinowana mumhepo yedu, zvokudya, nezvokunwa.” Zvechokwadi, sokutaura kwakaita Dhavhidhi, ta“kaitwa nomutoo . . . unoshamisa.”—Pisarema 139:14.

7. Vachivakira pamagadzirirwo akaitwa miviri yedu, vamwe vakagumisei?

7 Ichivakira pakugadzirwa kwemiviri yedu, imwe nyanzvi inoona nezvokukwegura yakati: “Hazvisi pachena kuti nei kukwegura kuchifanira kuitika.” Zvinonyatsoratidza sokuti tinofanira kurarama nokusingaperi. Uye ndokusaka vanhu vachiedza kuwana vavariro iyi vachishandisa ruzivo rwavo rwokugadzira zvinhu. Kasiri kare kakanyanya, Dr. Alvin Silverstein akanyora nechivimbo mubhuku rake rinonzi Conquest of Death kuti: “Tichabudisa pachena chinokosha muupenyu. Tichanzwisisa . . . kuti munhu anokwegura sei.” Zvichiguma nei? Akafanotaura kuti: “Pachave pasisina vanhu ‘vakakwegura,’ nokuti ruzivo rwuchabvumira kukundwa kworufu rwuchaunzawo upwere husingaperi.” Tichifunga nezvokutsvaga maumbirwo emunhu kwesayenzi yamazuva ano, pfungwa youpenyu husingaperi inonzwika seisingaiti here? Pane chimwe chikonzero chakatosimba chokudavira kuti upenyu husingaperi hunobvira.

Chishuvo Chokurarama Nokusingaperi

8, 9. Munhau yose vanhu vakafarira chishuvo chei chokuberekwa nacho?

8 Wati wambocherekedza here kuti kurarama nokusingaperi chishuvo chakasikwa chiri muvanhu? Mumwe chiremba akanyora mumagazini yechiGermany kuti: “Kufungidzira upenyu husingaperi kunenge kwava nenguva yakareba sezera revanhu.” Ichirondedzera zvaidavirwa navamwe vokuEurope vakare, The New Encyclopædia Britannica inoti: “Vanhu vanokosha vachararama nokusingaperi muhoro inobwinya yakapfirirwa nendarama.” Uye, haiwa, vanhu vakaita zvose zvavanogona vachiedza kugutsa chishuvo chikuru choupenyu husingaperi!

9 The Encyclopedia Americana inoti muChina makore anopfuura 2 000 akapfuura, “madzimambo [nevanhuwo zvavo] zvakafanana, vachitungamirirwa navapristi vechiTao, vakarega basa kuti vatsvake mushonga wokurebesa upenyu”—chinonzi chitubu choupwere. Zvechokwadi, munhau yose, vanhu vakadavira kuti nokunwa misanganiswa yakasiyana-siyana, kana kuti kunyange nokunwa mvura yakati, vaigona kuramba vari vaduku.

10. Kuedza kupi kwamazuva ano kwakaitwa kuti upenyu hwakawedzerwa huwanike?

10 Kushanda zvakasimba kwamazuva ano kwokuedza kugutsa chishuvo chomunhu chiri maari choupenyu husingaperi kunoshamisa zvakafanana. Muenzaniso wakakurumbira muitiro wokuomesa nechando munhu anofa nechirwere. Izvi zvakaitwa vachitarisira kudzorera upenyu pane imwe nguva iri mberi mushonga wechirwere chacho paunenge wawanikwa. Mumwe anotsigira muitiro uyu, unonzi cryonics, akanyora kuti: “Kana tarisiro yedu ikava yakarurama uye zvikazivikanwa kuti tingarapa sei kana kuti kugadzirisa zvose zvakakanganisika—kubatanidza undonda hwokukwegura—ipapo vaya vano‘fa’ zvino vachava noupenyu hwakawedzerwa zvisina muganhu munguva yemberi.”

11. Nei vanhu vachishuva kurarama nokusingaperi?

11 Asi, ungabvunza kuti, nei chishuvo ichi choupenyu husingaperi chakaiswa zvakasimba mupfungwa dzedu? Imhaka here yokuti “[Mwari] akaisa kusaguma mundangariro yomunhu”? (Muparidzi 3:11; Revised Standard Version) Iyi inhau yokunyatsofungisisa! Chimbofunga: Nei tingava nechishuvo chatakaberekwa nacho chokurarama nokusingaperi—nokusingagumi—kana chakanga chisiri chinangwa choMusiki wedu kuti chishuvo ichi chigutswe? Uye kungava kuva nerudo kwake here kuti atisike tine chishuvo choupenyu husingaperi ndokutiodza mwoyo nokusambotibvumira kuti tiwane chishuvo ichocho?—Pisarema 145:16.

Ndiani Watinofanira Kuvimba Naye?

12. Vamwe vane chivimbo chei, asi unodavira kuti chine zvikonzero zvakanaka here?

12 Ndokupi, kana kuti chii, chatinofanira kuvimba nacho kuti tiwane upenyu husingaperi? Muruzivo rwavanhu rwokugadzira zvinhu rwomuzana ramakore rechi20 kana kuti rechi21 here? Nyaya yomuThe New York Times Magazine inoti “Vanoda Kurarama” yakataura nezva“mwari: ruzivo rwokugadzira zvinhu” uye nezve“kufarira zvingaitwa neruzivo rwokugadzira zvinhu.” Mumwe muongorori akatonzi “aifara hake achivimba kuti . . . kuti unyanzvi hwokuwedzera magene huchawanikwa panguva kuti hu[ti]dzivirire nokudzivisa kukwegura, pamwe kutokumisa.” Zvisinei, chaizvoizvo, kuedza kwavanhu kwakaratidza kuva kusingashandi zvachose mukumisa kana kuti kukunda rufu.

13. Mamiriro ouropi hwedu anoratidza sei kuti takaitirwa kuti tirarame nokusingaperi?

13 Izvi zvinoreva here kuti hapana nzira yokuwana nayo upenyu husingaperi? Nyangwe! Nzira iripo! Mamiriro akaita uropi hwedu hunoshamisa, nesimba rahwo rokudzidza risina muganhu, zvinofanira kutipwisa nezveizvi. Anoona nezvezvinhu zvipenyu zvine mamolecule James Watson akadana uropi hwedu kuti “chinhu chakaomesesa chatati tambowana muchisiko chedu.” Uye nyanzvi yetsinga Richard Restak yakati: “Muchisiko chose chinozivikanwa hapana kune chinhu chipi nechipi chingatomboti fananei nahwo.” Nei tingava nouropi hune simba rokuchengeta nokufungisisa anenge mashoko ose asina kuganhurirwa uye muviri wakagadzirirwa kuti ushande nokusingaperi kana takanga tisina kuitirwa kuti tive noupenyu husingaperi?

14. (a) Vanyori veBhaibheri vanogumisei pamusoro poupenyu hwavanhu? (b) Nei tichifanira kuvimba naMwari kwete nomunhu?

14 Saka, chinhu chimwe choga chine pfungwa, chatinofanira kugumisa ndechipi? Hazvisizvo here kuti takagadzirwa nokusikwa neMuiti ane simba rose, akangwara kuitira kuti tigorarama nokusingaperi? (Jobho 10:8; Pisarema 36:9; 100:3; Maraki 2:10; Mabasa 17:24, 25) Saka, hatifaniri here kuteerera nokuchenjera murayiro wakafuridzirwa wemunyori wepisarema womuBhaibheri: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira”? Nei tisingafaniri kuvimba nomunhu? Nokuti, sokunyora kwakaita munyori wepisarema, “mweya wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; nezuva iro mano ake anopera.” Zvechokwadi, pasinei zvapo nokuti vangagona kurarama nokusingaperi, vanhu hapana zvavanogona kuita kana vatarisana norufu. Munyori wepisarema anogumisa achiti: “Une mufaro munhu . . . unotarira kuna Jehovha Mwari wake.”—Pisarema 146:3-5.

Ndicho Chinangwa chaMwari Chaichoicho Here?

15. Chii chinoratidza kuti chinangwa chaMwari kuti tirarame nokusingaperi?

15 Asi ungabvunza kuti, Chinangwa chaJehovha chaichoicho kuti tive noupenyu husingaperi here? Hungu, ndicho! Shoko rake rakachivimbisa kakawanda. “Chipo chokungopiwa chaMwari ndihwo upenyu husingaperi,” Bhaibheri rinotivimbisa kudaro. Mushumiri waMwari Johane akanyora kuti: “Ndichochi chipikirwa chaakatipikira [Mwari], ndihwo upenyu husingaperi.” Hazvishamisi kuti jaya rakabvunza Jesu kuti: ‘Mudzidzisi ndingaita chinhu chakanaka chipi, kuti ndive noupenyu husingaperi?’ (VaRoma 6:23; 1 Johane 2:25; Mateo 19:16) Chokwadi, muapostora Pauro akanyora nezve“tariro youpenyu husingaperi, hwaakapikira iye Mwari, usingatongorevi nhema, nguva dzisingaperi dzisati dzavapo.”—Tito 1:2.

16. Mwari angava akavimbisa upenyu husingaperi “nguva dzisingaperi dzisati dzavapo” mupfungwa ipi?

16 Zvinorevei kuti Mwari akavimbisa upenyu husingaperi “nguva dzisingaperi dzisati dzavapo”? Vamwe vanofunga kuti muapostora Pauro aireva kuti vaviri vokutanga, Adhama naEvha, vasati vasikwa, Mwari aida kuti vanhu vararame nokusingaperi. Zvisinei, kana Pauro aireva nezvenguva yokunge vanhu vasikwa uye apo Jehovha akataura chinangwa chake, zvichiri pachena kuti kuda kwaMwari kunobatanidza upenyu husingaperi nokuda kwavanhu.

17. Nei Adhama naEvha vakabudiswa mubindu reEdheni, uye nei makerubhi akaiswa pamukova?

17 Bhaibheri rinotaura kuti mubindu reEdheni, “Jehovha Mwari akameresa pasi . . . muti woupenyu.” Chikonzero chakapiwa chokubudisa Adhama kunze kwebindu chaiva chokuti asa“tambanudza ruoko rwake akatorawo zvomuti woupenyu, akadya, akararama”—hungu, nokusingaperi! Adzinga Adhama naEvha mubindu reEdheni, Jehovha akaisa “makerubhi kurutivi rwamabvazuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu.”—Genesi 2:9; 3:22-24.

18. (a) Kudya muti woupenyu norufu kungadai kwakarevei kuna Adhama naEvha? (b) Kudya muti iwoyo kwaimirirei?

18 Kudai Adhama naEvha vakanga vatenderwa kudya muti iwoyo woupenyu, zvingadai zvakarevei kwavari? Chokwadi, ropafadzo yokurarama nokusingaperi muParadhiso! Imwe nyanzvi yeBhaibheri yakafungidzira kuti: “Muti woupenyu unofanira kuva waiva nesimba iro raifanira kuchengetedza muviri womunhu usinganeteswi nokukwegura, kana kuti kuora kunoguma norufu.” Akatotaura kuti “muparadhiso maiva nesimba romushonga waikwanisa kukunda zvinoparirwa” nokukwegura. Zvisinei, Bhaibheri haritauri kuti muti woupenyu pachawo waigona kupa upenyu. Panzvimbo pezvo, muti iwoyo waingomirira vimbiso yaMwari youpenyu husingaperi kune munhu aizobvumirwa kudya muchero wawo.—Zvakazarurwa 2:7.

Chinangwa chaMwari Hachina Kuchinja

19. Nei Adhama akafa, uye nei isu, vana vake, tichifawo?

19 Adhama paakatadza, akarasikirwa nekodzero youpenyu husingaperi yake pachake uye yevana vake vakanga vasati vaberekwa. (Genesi 2:17) Paakava mutadzi nemhaka yokusateerera kwake, akava anokanganisa, asina kukwana. Kubvira panguva iyoyo zvichienda mberi, chokwadi, muviri waAdhama wakafanotemerwa kufa. Sezvinotaura Bhaibheri kuti, “mubayiro wezvivi ndirwo rufu.” (VaRoma 6:23) Uyezve, vana vasina kukwana vaAdhama vakatemerwawo kufa, kwete upenyu husingaperi. Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe [Adhama], norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza.”—VaRoma 5:12.

20. Chii chinoratidza kuti vanhu vaifanira kurarama nokusingaperi pasi pano?

20 Asi zvakadini kudai Adhama akanga asina kutadza? Zvakadini kudai akanga ateerera Mwari uye akanga abvumirwa kudya muti woupenyu? Ndokupi kwaaizodai akawana chipo chaMwari choupenyu husingaperi? Kudenga here? Aiwa! Mwari haana zvaakataura nezvokuendeswa kwaAdhama kudenga. Basa rake rakanga riri pasi pano. Bhaibheri rinotsanangura kuti “Jehovha Mwari akameresa pasi miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya;” uye rinoti: “Jehovha Mwari akatora munhu, akamuisa mumunda weEdheni, kuti aurime nokuuchengeta.” (Genesi 2:9, 15) Evha asikwa somudzimai waAdhama, vaviri vacho vakapiwa mamwe mabasa okuwedzera pasi pano. Mwari akavaudza kuti: “Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.”—Genesi 1:28.

21. Itarisiroi dzinoshamisa dzaiva nevanhu vokutanga?

21 Funga nezvetarisiro dzapasi dzinoshamisa idzo mirayiridzo iyoyo yaibva kuna Mwari yakazarurira Adhama naEvha! Vaifanira kurera vanakomana navanasikana vakakwana muParadhiso yapasi. Vana vavo vanodiwa zvavaikura, ava vaizobetserawo kubereka uye kuita basa romubindu rakanaka kuti vachengetedze Paradhiso iyoyo. Mhuka dzose dziri pasi pavo, vanhu vaizogutsikana zvikuru. Funga nezvomufaro wokupamhidzira miganhu yebindu reEdheni kuitira kuti pasi rose rigozoguma rava paradhiso! Ungava noupenyu navana vakakwana mumusha wapasi wakaisvonaka kudaro here, usingambonetseki nezvokukwegura nokufa? Rega zvinodiwa nomwoyo wako zvikupindurire mubvunzo iwoyo.

22. Nei tichigona kuva nechokwadi chokuti Mwari haana kuchinja chinangwa chake chapasi?

22 Zvisinei, Adhama naEvha pavakarega kuteerera ndokubudiswa mubindu reEdheni, Mwari akachinja chinangwa chake chokuti vanhu vararame nokusingaperi muParadhiso pasi pano here? Nyangwe napaduku pose! Kuti Mwari aite izvozvo kwaizova kubvuma kukundwa kana totaura nezvekukwanisa kwake kuita chakagara chiri chinangwa chake. Tinogona kuva nechokwadi chokuti Mwari anoita zvaanovimbisa, sezvo iye pachake achizivisa kuti: “Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.”—Isaya 55:11.

23. (a) Chii chinosimbisazve kuti chinangwa chaMwari kuti vanoda kururama vararame nokusingaperi pasi pano? (b) Tichakurukurei munguva inotevera?

23 Kuti chinangwa chaMwari chapasi hachisati chachinja kunojekeswa muBhaibheri, umo Mwari anovimbisa kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” Kunyange Jesu Kristu muMharidzo yake Yapagomo akati vanyoro ndivo vaizogara nhaka yapasi. (Pisarema 37:29; Mateo 5:5) Asi, tingawana sei upenyu husingaperi, uye tinofanira kuitei kuti tive noupenyu hwakadaro? Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.

Ungapindura Sei?

◻ Nei vakawanda vachidavira kuti upenyu husingaperi hunobvira?

◻ Chii chinofanira kutipwisa kuti taifanira kurarama nokusingaperi?

◻ Chii chakagara chiri chinangwa chaMwari nokuda kwevanhu nenyika?

◻ Nei tichigona kuva nechokwadi chokuti Mwari achaita chakagara chiri chinangwa chake?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe