RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 4/15 pp. 15-17
  • Unoonga Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoonga Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Pachake Anoonga
  • Jesu—Munhu Anonyatsoonga
  • Kutsoropodza Kunoita Satani
  • Tevedzera Mwari naKristu
  • “Ratidzai Kuti Munoonga”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Jehovha ndiMwari Anoonga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • “Zviratidzei Kuti Munoonga”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Ndiani Waunonyanya Kukoshesa Muupenyu Hwako?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 4/15 pp. 15-17

Unoonga Here?

Pane mumwe musha wavafundisi muwest Africa, pakambogara imwe imbwa yaichengeta yainzi Teddy. Apo mumwe munhu akakandira Teddy nhindi yenyama, yakaimedza pakarepo, isina kuinhuwidza, isina kuitsenga. Ichifemeruka iri pazuva rinopisa, yakamirira kuti ikandirwe imwe nhindi. Pakapera nyama, yakatendeuka ndokuenda zvayo.

Teddy haina kutomboratidza kana nepaduku zvapo kuonga pane zvayakanga yapiwa. Hapana aitarisira kuti idaro. Handiti, yaingovawo, zvayo imbwa.

KANA kuri kuonga, tinowanzotarisira zvakawanda kune vanhu sesu pane zvatinoita kumhuka. Kazhinji tinoora mwoyo. Vanhu vazhinji vanobvuta zvavanogona muupenyu uye vanotsvaka zvakawanda. Izviwo hazvishamisi. Bhaibheri rakafanotaura kuti mumazuva ekupedzisira, vanhu vaizova vasingaongi.—2 Timotio 3:1, 2.

Zvisinei, vabatiri vaMwari havadaro. Vanonyatsoteerera zano romuapostora Pauro, uyo akarayira vaaitenda navo kuti: “Ivai nokuonga.”—VaKorose 3:15.

Jehovha Pachake Anoonga

Jehovha Mwari anogadza muenzaniso wakakwana mukuonga. Chimbofunga maonere aanoita vabatiri vake vakatendeka. Pauro, afuridzirwa, akanyora kuvaKristu vechiHebheru kuti: “Mwari haazati ari usakarurama, ungakanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, zvamakashumira vatsvene, muchivashumira nazvino.”—VaHebheru 6:10.

Mienzaniso yaJehovha yokuonga vabatiri vake vakatendeka yakawanda. Akakomborera Abrahama nokuwanza vana vake chaivoivo, zvokuti vakava “senyeredzi dzokudenga, uye sejecha riri pamhenderekedzo dzegungwa.” (Genesi 22:17) Achionga kutendeka kwaJobho ari mumuedzo, Jehovha haana kungodzorera upfumi hwaJobho asiwo akamupa “zvaakanga anazvo pakutanga kaviri.” (Jobho 42:10) Kubata kwaJehovha navanhu kwamamireniyumu kwakaratidza chokwadi chamashoko okuti: “Nokuti meso aJehovha anotarira tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye une mwoyo wakarurama kwazvo kwaari.”—2 Makoronike 16:9.

Kuonga kwaMwari uye kuda kwake kupa mubayiro avo vanotsvaka kuita kuda kwake zvinhu zvikuru zveunhu hwake. Kuziva izvi kunokosha pakutenda kwechiKristu. Pauro akanyora kuti: “Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza; nokuti unouya kuna Mwari, unofanira kutenda . . . uye kuti unopa vanomutsvaka mubayiro wavo.”—VaHebheru 11:6.

Zvisinei kudai Jehovha aiva nehasha, achitsoropodza, tose zvedu taizopiwa mhaka. Munyori wepisarema akazvitaura kare kare kuti: “Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, ndianiko airamba amire, Ishe?” (Pisarema 130:3) Jehovha anoonga uye haatsoropodzi. Anoda kwazvo avo vanomubatira. Anoonga.

Jesu—Munhu Anonyatsoonga

Achinyatsotevedzera zvakaita Baba vake vokudenga, Jesu Kristu akaonga zvinhu izvo vamwe vakaita mukutenda. Funga chakamboitika patemberi muJerusarema: “Zvino [Jesu] akati achitarira, akaona vapfumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chemari. Akaona imwe chirikadzi, [y]aiva murombo, ichiisamo tumari tuviri tuduku. Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa kupfuura vamwe vose; nokuti avo vose vakaisa pazvipo, vachitora pazvizhinji zvavo, asi uyu akaisa, achitora pakushayiwa kwake, zvaaifanira kurarama nazvo, zvose zvaakanga anazvo.”—Ruka 21:1-4.

Kana tikafunga nezvemari, mupiro wacho waiva muduku, zvikurukuru kana ukaenzaniswa neiya yavapfumi. Vazhinji vevakanga varipo havana kugona kuicherekedza. Asi, Jesu akaona chirikadzi iyoyo. Akanzwisisa mamiriro ayo ezvinhu. Jesu akaiona uye akaionga.

Chimwe chiitiko chaibatanidza mukadzi akapfuma, Maria. Sezvo Jesu akanga agere pakudya, akadira mafuta anonhuwirira anodhura zvikuru patsoka dzaJesu uye nemumusoro wake. Vamwe vakatsoropodza chiito chake, vachiti mafuta acho angadai akatengeswa uye mari yacho yoshandiswa kubetsera varombo. Jesu akapindura sei? Akati: “Muregei. Munomutambudzireiko? Wakandiitira basa rakanaka. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kwose kunozoparidzirwa Evhangeri panyika dzose, zvakaitwa naye zvicharehwawo, vamurangarire nazvo.”—Marko 14:3-6, 9; Johane 12:3.

Jesu haana kuchema-chema kuti mafuta aya anokosha angadai asina kushandisirwa zvimwe. Akaonga mutsa wakaratidzwa naMaria werudo nekutenda. Ichi chiitiko chakanyorwa muBhaibheri sechiyeuchidzo chemabasa ake akaisvonaka. Idzi nhau nedzimwewo dzinoratidza kuti Jesu akanga ari munhu anonyatsoonga.

Kana uri mubatiri waMwari, unogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha Mwari naJesu Kristu vanonyatsoonga nhamburiko dzako dzokutsigira kunamata kwakachena. Zivo yakadaro inotiswededza kwavari uye inotiita kuti tivatevedzere tichionga.

Kutsoropodza Kunoita Satani

Zvino ngatifungei muenzaniso womumwe asingaongi—Satani Dhiyabhorosi. Kushaya kuonga kwaSatani kwakamuparira kupandukira Mwari zvine ngwavaira.

Asakurira kutsoropodza kwokusagutsikana pachake, Satani akatanga kudyara izvozvi muna vamwe. Funga zviitiko zvomubindu reEdheni. Jehovha akanga asika murume nemukadzi vokutanga, akavaisa mubindu rakafanana neparadhiso, uye akavaudza kuti: “Ungadya hako miti yose yomunda.” Paiva nechirambidzo chimwe. Mwari akati: “Asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo.”—Genesi 2:16, 17.

Zvisinei, nokukurumidza, Satani akadenha kuvimbika kwaJehovha. Neimwe nzira, aida kuita kuti Evha asatombotenda Jehovha zvokuti aigona kumuita kuti amupandukire, sokupanduka kwakanga kwaita iye Satani. “Ndizvo here kuti Mwari akati: Regai kudya miti yose yomunda?” Satani akabvunza. (Genesi 3:1) Zvairehwa zvakajeka zvakanga zviri zvokuti Mwari akanga achinyima Evha chimwe chinhu chinokosha, chimwe chinhu chaizovhura meso ake uye chaizomuita akafanana naMwari pachake. Panzvimbo pokuonga zvikomborero zvakawanda izvo Jehovha akanga amupa, Evha akatanga kupanga zvakanga zvarambidzwa.—Genesi 3:5, 6.

Migumisiro ine ngwavaira inonyatsozivikanwa. Kunyange zvazvo akapiwa zita rinonzi Evha “nokuti ndiye mai vavapenyu vose,” neimwe pfungwa akava mai vavanofa vose. Kubva kuna Adhama vanhu vose vakagara nhaka chivi chinobereka rufu.—Genesi 3:20; VaRoma 5:12.

Tevedzera Mwari naKristu

Funga musiyano uri pakati paSatani naJesu. Satani anotsanangurwa se“mupomeri wehama dzedu . . . , wakavapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku.” (Zvakazarurwa 12:10) Jesu ane “simba rokuponesa kwazvo kwazvo avo vanoswedera kuna Mwari naye, zvaanorarama nokusingaperi kuti avareverere.”—VaHebheru 7:25.

Satani anopomera vabatiri vaMwari. Jesu anovaonga uye anovareverera. Sevatevedzeri vaKristu, vaKristu vanofanira kuedza kutarira zvakanaka kune mumwe nomumwe, vachionga uye kukoshesa mumwe nomumwe. Vachiita izvi, vanoratidza kuti vari kuonga uyo anogadza muenzaniso mukurusa wokuonga, Jehovha Mwari.—1 VaKorinte 11:1.

[Mufananidzo uri papeji 17]

Jesu akaratidza kuonga basa rakaisvonaka raMaria

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe