RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 5/15 pp. 15-20
  • Ramba Uchifamba Munzira yaJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramba Uchifamba Munzira yaJehovha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudiwa Kwechivimbo Nokutendeka
  • Kubatsirwa Pakufamba Munzira yaMwari
  • Chisarudzo
  • ‘Mwari Unotirwira’
  • Uchafamba naMwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Kufamba naMwari—Nhano Dzokutanga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Famba Nokutenda, Kwete Nokuona!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Ramba Uchifamba naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 5/15 pp. 15-20

Ramba Uchifamba Munzira yaJehovha

“Rindira Jehovha, urambire panzira yake, iye uchakukudza kuti ugare nhaka yenyika.”—PISAREMA 37:34.

1, 2. Kufamba munzira yaJehovha kwaibatanidzei kuna Mambo Dhavhidhi, uye kunoda kuti isu tiitei nhasi?

“NDIZIVISEI nzira yandinofanira kufamba nayo; nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.” (Pisarema 143:8) VaKristu nhasi vanodzokorora mashoko iwayo aMambo Dhavhidhi nomwoyo wose. Vanoda kufadza Jehovha ndokufamba munzira yake nomwoyo wose. Izvi zvinobatanidzei? Kuna Dhavhidhi, zvaireva kuchengeta mutemo waMwari. Zvaibatanidza kuvimba naJehovha panzvimbo pokubatana nemarudzi. Hungu, uye zvaireva kushumira Jehovha nokutendeka, kwete vanamwari vevanhu vaakanga akavakidzana navo. KuvaKristu, kufamba munzira yaJehovha kunobatanidza zvakawanda.

2 Chokutanga, kufamba munzira yaJehovha nhasi zvinoreva kuva nokutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu, tichimubvuma se“nzira, nezvokwadi, noupenyu.” (Johane 3:16; 14:6; VaHebheru 5:9) Zvinorevawo kuita “murayiro waKristu,” unobatanidza kuratidzirana rudo, kunyanya kuhama dzaKristu dzakazodzwa. (VaGaratia 6:2; Mateo 25:34-40) Vaya vanofamba munzira yaJehovha vanoda nheyo dzake nemirayiro. (Pisarema 119:97; Zvirevo 4:5, 6) Vanokoshesa ropafadzo yavo inokosha yokuitawo ushumiri hwechiKristu. (VaKorose 4:17; 2 Timotio 4:5) Kunyengetera chinhu chavanoda kuita nguva dzose muupenyu hwavo. (VaRoma 12:12) Uye vano‘nyatsongwarira kuti pakufamba kwavo vasaita savasina kuchenjera asi savakachenjera.’ (VaEfeso 5:15) Havatomboregi pfuma yomudzimu vachida zvinhu zvakanaka zvenyama kana mifarwa yenyama isingabvumirwi. (Mateo 6:19, 20; 1 Johane 2:15-17) Uyezve, kutendeka kuna Jehovha nokumuvimba zvakakosha. (2 VaKorinte 1:9; 10:5; VaEfeso 4:24) Nei? Nokuti mamiriro akaita zvinhu zvedu akangofanana neayo aIsraeri wekare.

Kudiwa Kwechivimbo Nokutendeka

3. Nei kutendeka, kutenda, uye chivimbo zvichibatsira kuti tirambe tiri munzira yaJehovha?

3 Israeri rwakanga ruri rudzi ruduku rwakapoteredzwa nevavakidzani vasina ushamwari vaiita mitambo younzenza mukunamata vanamwari vezvidhori. (1 Makoronike 16:26) VaIsraeri voga ndivo vainamata Mwari mumwe wechokwadi uye asingaoneki, Jehovha, uye aida kuti varambe vane tsika dzakanaka. (Dheuteronomio 6:4) Zvakangofanana nhasi, vanhu vane mamiriyoni mashomanene chete ndivo vanonamata Jehovha, uye vanorarama munyika yevanhu vane mabhiriyoni anoda kusvika matanhatu vane maonero etsika neechitendero akasiyana zvokuti neavo. Kana tiri pane mamiriyoni mashomanene iwayo, tinofanira kungwarira kupesvedzerwa munzira isina kururama. Sei? Kutendeka kuna Jehovha Mwari, kumutenda, uye chivimbo chakasimba chokuti achaita zvaakavimbisa zvichabatsira. (VaHebheru 11:6) Izvi zvichatidzivisa kuvimba nezvinhu zvinovimbwa nenyika.—Zvirevo 20:22; 1 Timotio 6:17.

4. Nei marudzi “akasvibirwa pakunzwisisa kwa[w]o”?

4 Muapostora Pauro akaratidza kuti vaKristu vanofanira kuva vakasiyana sei nenyika paakanyora kuti: “Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi munaShe, ndichiti, musaramba muchifamba savahedheni, vanofambawo noupenzi hwokurangarira kwavo, vakasvibirwa pakunzwisisa kwavo, va[kaparadzaniswa noupenyu, NW] hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mukati mavo, nokuda kwoukukutu hwomwoyo yavo.” (VaEfeso 4:17, 18) Jesu ndiye “chiedza chazvokwadi.” (Johane 1:9) Vapi nevapi vanomuramba kana kuti vanotaura kuti vanomutenda asi vasingateereri “murayiro waKristu” va“kasvibirwa pakunzwisisa kwavo.” Panzvimbo pokufamba munzira yaJehovha, “vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari.” Pasinei zvapo nokuti vangafunga kuti vakachenjera zvakadini munzira yenyika, vane ‘kusaziva mukati mavo’ kana totaura nezvezivo yoga inotungamirira kuupenyu, iyo yaJehovha Mwari naJesu Kristu.—Johane 17:3; 1 VaKorinte 3:19.

5. Nyange zvazvo chiedza chechokwadi chiri kupenya munyika, nei mwoyo yakawanda isingadavidzi?

5 Asi, chiedza chechokwadi chiri kupenya munyika! (Pisarema 43:3; VaFiripi 2:15) “Uchenjeri hunodanidzira panzira dzomumusha.” (Zvirevo 1:20) Gore rapera Zvapupu zvaJehovha zvakapedza maawa anopfuura bhiriyoni zvichiudza vavakidzani vazvo nezvaJehovha Mwari naJesu Kristu. Mazana ezviuru akadavidza. Zvisinei, tinofanira kushamisika here kuti vakawanda vakatadza kudavidza? Kwete. Pauro akataura nezve“ukukutu hwomwoyo yavo.” Vamwe vane mwoyo isingadavidzi nemhaka youdyire kana kuti kuda mari. Vamwe vanopesvedzerwa nechitendero chenhema kana kuti maonero enyika akapararira kwazvo nhasi. Zviitiko zvoupenyu zvakaoma zvakaita kuti vakawanda vapire Mwari makotsi avo. Vamwe vanoramba kuita tsika dzakanaka dzaJehovha. (Johane 3:20) Mwoyo womunhu ari kufamba munzira yaJehovha ungava mukukutu munhau dzakadai here?

6, 7. Nyange zvazvo vaiva vanamati vaJehovha Mwari, vaIsraeri vakatadza pachiitiko chipi, uye nei?

6 Izvi zvakaitika kuna Israeri wekare, sezvakaratidzwa naPauro. Akanyora kuti: “Zvinhu izvi zvakanga zviri zviratidzo kwatiri, kuti isu tirege kuchiva zvakaipa, sezvavakachiva ivo. Imi regai kunamata zvifananidzo, savamwe vavo; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Vanhu vakagara pasi pakudya nokunwa, vakamuka kuti vatambe. Zvino ngatirege kuita upombwe, savamwe vavo vakaita upombwe, vakafa nezuva rimwe vane zviuru zvine makumi maviri nezvitatu.”—1 VaKorinte 10:6-8.

7 Pauro anotanga ataura nezvechiitiko apo vaIsraeri vakanamata mhuru yendarama muzasi meGomo reSinai. (Eksodho 32:5, 6) Izvi vakazviita vachirega zvakananga kuteerera murayiro waMwari wavakanga vabvuma kuti vaizoteerera mavhiki mashomanene chete akanga apfuura. (Eksodho 20:4-6; 24:3) Ipapo, Pauro anotaura nezvenguva apo vaIsraeri vakakotamira Bhaari vane vanasikana vaMoabhi. (Numeri 25:1-9) Kunamata mhuru kwairatidzirwa nokuzvigutsa kwakanyanyisa, ‘kuva nenguva yakanaka.’a Kunamata Bhaari kwaibatanidzwa nounzenza hwakaipisisa. (Zvakazarurwa 2:14) Nei vaIsraeri vakaita zvivi izvi? Nemhaka yokuti vakabvumira mwoyo yavo kuva ‘inoda zvakaipa’—kungava kunamata zvidhori kana kuti miitiro yakashata yaibatanidzwa nakwo.

8. Tingadzidzei kubva pane zvakaitika kuna Israeri?

8 Pauro akaratidza kuti tinofanira kudzidza pane zviitiko izvi. Kudzidza chii? Hazvina musoro kuti muKristu apfugamire mhuru yendarama kana mwari wekare weMoabhi. Asi zvakadini nounzenza kana kuti kuzvigutsa kusingadzorwi? Hapana kwazvisiri nhasi, uye kana tikabvumira kuti kushuva kuva nazvo kukure mumwoyo medu, zvichatiparadzanisa naJehovha. Zvinozoguma zvaitika zvakangofanana sokuti takanga tanamata zvidhori—kuparadzaniswa naMwari. (Enzanisa naVaKorose 3:5; VaFiripi 3:19.) Chokwadi, Pauro anogumisa kurukurirano yake yezviitiko izvozvo nokukurudzira vanotenda saye kuti: “Tizai kunamata zvifananidzo.”—1 VaKorinte 10:14.

Kubatsirwa Pakufamba Munzira yaMwari

9. (a) Tinobatsirwa nei kuti tirambe tichifamba munzira yaJehovha? (b) Ndeipi imwe nzira yatinonzwa nayo ‘shoko shure kwedu’?

9 Kana takatsunga kuramba tichifamba munzira yaJehovha, hatisiyiwi tisina chinotibatsira. Isaya wakaprofita kuti: “Nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti: Heyi nzira, fambai nayo! Kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.” (Isaya 30:21) ‘Nzeve dzedu’ dzinonzwa sei ‘shoko shure kwedu’? Hapana munhu nhasi anonzwa inzwi chairo kana anogamuchira shoko rake oga kubva kuna Mwari. “Shoko” rinonzwiwa rinouya kwatiri tose nenzira yakangofanana. Chokutanga-tanga, rinouya kwatiri nomuMagwaro akafuridzirwa, Bhaibheri, ane pfungwa dzaMwari nezvakanyorwa zvemabatire aanoita nevanhu. Sezvo nguva dzose tichitarisana nemashoko anokuvadza anoparadzirwa nevanhu “vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari,” kuti tive noutano hwomudzimu hwakanaka, tinofanira kurava Bhaibheri ndokufungisisa pamusoro paro nguva dzose. Izvi zvichatibatsira kuti tidzivise “zvisina maturo” uye kuti tive vaka“gadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.” (Mabasa 14:14, 15; 2 Timotio 3:16, 17) Zvichatisimbisa, uye kutibatsira ‘kuti nzira yedu ibudirire.’ (Joshua 1:7, 8) Saka, Shoko raJehovha rinotikurudzira kuti: “Zvino vanakomana vangu, nditeererei; nokuti vanochengeta nzira dzangu vakaropafadzwa. Inzwai kurayirira muve vakachenjera, regai kukuramba.”—Zvirevo 8:32, 33.

10. Ndeipi nzira yechipiri yatinonzwa nayo ‘shoko shure kwedu’?

10 ‘Shoko riri shure kwedu’ rinouyawo noku“muranda wakatendeka, wakangwara,” anogovera “zvokudya nenguva yakafanira.” (Mateo 24:45-47) Imwe nzira inogoverwa nayo zvokudya izvi mabhuku anotaura zviri muBhaibheri, uye mumakore mashomanene apfuura zvokudya izvi zvakanga zvakawanda. Somuenzaniso, kunzwisisa kwedu uprofita kwakanatswa, nokushandiswa kwemagazini yeNharireyomurindi. Mumagazini iyi, takakurudzirwa kuti tipfuurire mubasa rokuparidza nokuita vadzidzi pasinei zvapo nokusakendenga kunowedzera, takabatsirwa kudzivisa ngozi, uye takakurudzirwa kutanga unhu hwechiKristu hwakanaka. Tinokoshesa sei zvokudya zvakadaro zvinopiwa panguva yakafanira!

11. Tsanangura nzira yechitatu yatinogona kunzwa nayo ‘shoko shure kwedu.’

11 Muranda wakatendeka, wakangwara anotigoverawo zvokudya achishandisa misangano yedu yenguva dzose. Iyoyi inobatanidza misangano yeungano yemunzvimbomo, misangano yematunhu inoitwa kaviri pagore, uye kokorodzano dzakati kurei dzinoitwa pagore. MuKristu upi akatendeka asingakoshesi kuungana kwakadaro? Zvinobatsira chaizvo kuti zvititsigire pakufamba munzira yaJehovha. Vakawanda zvavanofanira kupedza nguva yakawanda vari kubasa kana kuchikoro vane vaya vasingatendiwo zvavanotenda, kusonganira kwechiKristu kwenguva dzose kunonyatsoponesa upenyu. Misangano inotipa mukana wakanaka wokuti “timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka.” (VaHebheru 10:24) Tinoda hama dzedu, uye tinoda kushamwaridzana nadzo.—Pisarema 133:1.

12. Zvapupu zvaJehovha zvakatsunga kuitei, uye zvakaratidza izvozvi sei munguva ichangobva kupfuura?

12 Vasimbiswa nezvokudya zvomudzimu zvakadaro, vanhu vane mamiriyoni anoda kusvika matanhatu nhasi vari kufamba munzira yaJehovha, uye mamwe mamiriyoni ari kudzidza Bhaibheri kuti azive kuti oita sei izvozvo. Vanoodzwa mwoyo kana kuneteswa nokuti vashoma kana zvichienzaniswa nemabhiriyoni evagari vomunyika here? Kana! Vakatsunga kuramba vachiteerera ‘shoko riri shure kwavo,’ vachiita kuda kwaJehovha nokutendeka. Vachiratidza kutsunga uku pachena, paKokorodzano Dzeruwa neDzemarudzi Akawanda dza1998/99 dze“Nzira yaMwari Youpenyu,” vakapinda vakabvuma chisarudzo chinozivisa zvavanoda nomwoyo wose. Mashoko echisarudzo ichocho ndiwo anotevera.

Chisarudzo

13, 14. Zvapupu zvaJehovha zvinoona zvinhu zviri munyika sezvazviri sei?

13 “Isu, seZvapupu zvaJehovha zvakaungana paKokorodzano ye‘Nzira yaMwari Youpenyu,’ tinobvuma nomwoyo wose kuti nzira yaMwari ndiyo nzira yakanakisisa youpenyu. Zvisinei, tinoziva kuti voruzhinji rwavanhu nhasi vanofunga zvakasiyana. Nzanga yavanhu yakaedza pfungwa dzakawanda, ruzivo, uye pfungwa dzechitendero pamusoro pechinoumba nzira yakanakisisa youpenyu. Kutarisa nhau yavanhu zvazviri nemamiriro ezvinhu enyika nhasi kunosimbisa chokwadi chokutaura kwaMwari kwakanyorwa pana Jeremia 10:23 kunoti: ‘Munhu unofamba haagoni kururamisa nhano dzake.’

14 “Mazuva ose tinoona uchapupu hwakawanda hunosimbisa kuti mashoko iwayo ndeechokwadi. Kakawanda, nzanga yavanhu haina basa nenzira yaMwari youpenyu. Vanhu vanoronda chinoita sechakarurama mumaziso avo pachavo. Migumisiro yacho yave ichityisa—kuparara kwoupenyu hwemhuri, zvichisiya vana vasina anotungamira; kutsvaka pfuma kwakakura, kunoguma nokusava netariro nokuora mwoyo; utsotsi husina musoro nechisimba, zvinouraya vanhu vasingaverengeki; gakava nehondo zvemadzinza, zviri kuwedzera zvinotyisa muupenyu hwavanhu; unzenza hwakapararira, huri kuwedzera denda rezvirwere zvounzenza zvinopomeranwa. Aya anongova mashomanene ematambudziko akawanda akaoma kunzwisisa anopinganidza kurondwa kwomufaro, rugare, uye kuchengeteka.

15, 16. Nezvenzira yaMwari youpenyu, kutsunga kupi kwakaratidzwa muchisarudzo?

15 “Nemhaka yamamiriro ezvinhu anosuruvarisa avanhu uye kuva pedyo kwe‘hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose,’ inonzi Armagedhoni, (Zvakazarurwa 16:14, 16), isu seZvapupu zvaJehovha tinosarudza kuti:

16 “Chokutanga: Tinozviona sokuti tiri vaJehovha Mwari, zvatakazvitsaurira kwaari somunhu oga oga zvakakwana, uye ticharamba tine kutenda kusingazununguki mugadziriro yaJehovha yorudzikinuro achishandisa Mwanakomana wake, Jesu Kristu. Takatsunga kufamba munzira yaMwari youpenyu, tichishanda seZvapupu zvake nokuzviisa pasi pouchangamire hwake hunoratidzwa kuburikidza nokutonga kwaJesu Kristu.

17, 18. Zvapupu zvaJehovha zvicharamba zviri papi kana toreva nezvetsika nouhama hwechiKristu?

17 “Chechipiri: Ticharamba tichiomerera kutsika dzakanaka dzeBhaibheri nedzomudzimu. Takatsunga kurega kufamba semafambire anoita marudzi mukusabetsera kwendangariro dzavo. (VaEfeso 4:17-19) Tasarudza kuramba takachena pamberi paJehovha uye tisina ruvara rwenyika ino.—Jakobho 1:27.

18 “Chechitatu: Tichaomerera panzvimbo yedu inotsigirwa neMagwaro sehama dzechiKristu dzenyika yose. Ticharamba tisina kwatakarerekera sevaKristu pakati pamarudzi, tisingazvibvumiri kuvawo noruvengo rwedzinza, kana rwerudzi, kana kuti kuparadzanisa.

19, 20. (a) Vabereki vechiKristu vachaitei? (b) VaKristu vose vechokwadi vacharamba vachizviratidza sei sevadzidzi vaKristu?

19 “Chechina: Isu tiri vabereki tichanyatsodzidzisa tichisimbisa nzira yaMwari muvana vedu. Ticharatidza muenzaniso mukurarama kwechiKristu, kunobatanidza kurava Bhaibheri nguva dzose, fundo yemhuri, uye kugoverana kwomweya wose muungano yechiKristu nomuushumiri hwomumunda.

20 “Chechishanu: Tose zvedu tichavavarira kuti tishandire kuva neunhu hwakafanana nehwaMwari hunoenzanisirwa noMusiki wedu, uye tichaedza kutevedzera unhu hwake nenzira dzake, sezvakaita Jesu. (VaEfeso 5:1) Takatsunga kuita kuti zvinhu zvedu zvose zviitwe norudo, nokuita kudaro tichizvizivisa savadzidzi vaKristu.—Johane 13:35.

21-23. Zvapupu zvaJehovha zvicharamba zvichiitei, uye zvinogutsikana nei?

21 “Chechitanhatu: Ticharamba tichiparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari tisingaregi, tichiita vadzidzi, uye tichavarayiridza munzira yaMwari youpenyu ndokuvakurudzira kuti vabvume kumwe kurovedzwa pamisangano yeungano.—Mateo 24:14; 28:19, 20; VaHebheru 10:24, 25.

22 “Chechinomwe: Somunhu oga oga uye sesangano rechitendero, ticharamba tichiisa kuda kwaMwari pakutanga muupenyu hwedu. Tichishandisa Shoko rake, Bhaibheri, senhungamiro yedu, hatizotsaukiri kurudyi kana kuruboshwe, nokudaro tichisimbisa kuti nzira yaMwari yakakwirira zvikuru kupfuura nzira dzenyika. Takatsunga kuronda nzira yaMwari youpenyu—zvakasimba uye nokutendeka, iye zvino uye nokusingaperi!

23 “Tinoita chisarudzo ichi nokuti tinovimba zvakazara nevimbiso yorudo yaJehovha yokuti uyo unoita kuda kwaMwari unogara nokusingaperi. Tinoita chisarudzo ichi nokuti tinogutsikana kuti kurarama maererano nenheyo dzomuMagwaro, zano, nokurayira kunoita kuti tiwane nzira yakanakisisa youpenyu nhasi uye kunoisa nheyo yakanaka nokuda kwenguva yemberi, kuti tibatisise upenyu chaihwo. (1 Timotio 6:19; 2 Timotio 4:7b, 8) Kupfuura zvose, tinoita chisarudzo ichi nokuti tinoda Jehovha Mwari nomwoyo wedu wose, mweya, pfungwa, uye simba!

24, 25. Ndeipi yakanga iri mhinduro yechisarudzo chakataurwa, uye vanofamba munzira yaJehovha vakatsunga kuitei?

24 “Vose vapinda kokorodzano ino vanotsigira kubvumwa kwechisarudzo chino, tapota itiyi HUNGU!”

25 Mazana enhandare munyika yose akaungira sezvo vose vakanga vapinda vakapindura kuti “HUNGU!” zvine maungira. Zvapupu zvaJehovha zvine chokwadi kuti zvicharamba zvichifamba munzira yaJehovha. Zvinovimba naJehovha zvakazara uye zvinotenda kuti achazadzika vimbiso dzake. Zvinoramba zvakavimbika kwaari, pasinei nezvinoitika. Uye zvakatsunga kuita kuda kwake.

‘Mwari Unotirwira’

26. Vanofamba munzira yaJehovha vane mugariroi unofadza?

26 Zvapupu zvaJehovha zvinoyeuka kukurudzira kwomunyori wepisarema kwokuti: “Rindira Jehovha, urambire panzira yake, iye uchakukudza kuti ugare nhaka yenyika.” (Pisarema 37:34) Hazvikanganwi mashoko anokurudzira aPauro anoti: “Kana Mwari achitirwira, ndianiko uchatirwisa? Iye usina kuramba kunyange noMwanakomana wake, asi wakamupa chose nokuda kwedu tose, ungarega seiko kutipawo zvose pamwe chete naye?” (VaRoma 8:31, 32) Hungu, kana tikaramba tichifamba munzira yaJehovha, achatipa “zvose achiwanza, kuti tifare nazvo.” (1 Timotio 6:17) Ndeipi imwe nzvimbo iri nani ingavapo inopfuura yatiri—kufamba munzira yaJehovha, tine hama nehanzvadzi dzedu dzatinoda. Tina Jehovha kurutivi rwedu, ngatitsungei kurambirapo, tichivimba zvakakwana kuti kana nguva yake yakwana, tichamuona achizadzika vimbiso dzake dzose dzokupedzisira.—Tito 1:2.

[Mashoko Omuzasi]

a Achitaura nezveshoko rechiGiriki rakashandurwa pano kuti “kuva nenguva yakanaka,” mumwe murondedzeri anoti rinotaura nezvekutamba kwaiitika pamitambo yevahedheni ndokuwedzera kuti: “Kutamba kwakawanda kwacho, sezvinonyatsozivikanwa, kwaiitirwa kunyandura chishuvo chakashatisisa.”

Unoyeuka Here?

◻ Chii chinodiwa kuti muKristu afambe munzira yaJehovha?

◻ Nei tichifanira kushanda kuti tivimbe naJehovha uye kuti titendeke kwaari?

◻ Zvatinofamba munzira yaJehovha tinobatsirwa sei?

◻ Ipa zvinhu zvakasimbiswa nechisarudzo chakabvumwa paKokorodzano dze“Nzira yaMwari Youpenyu.”

[Mifananidzo iri papeji 18]

Chisarudzo chinokosha chakagamuchirwa paKokorodzano Dzeruwa neDzemarudzi Akawanda dze“Nzira yaMwari Youpenyu”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe