Ungano yechiKristu—Inopa Yamuro Inosimbisa
POPI, mumwe mukadzi anongoti pfuurei makore 20, akakangaidzwa nemhaka yemamiriro ezvinhu emhuri anorwadza anobatanidza kushayikwa kwekurukurirano yapachena nevabereki vake.a Pashure pokudurura mwoyo wake kune mumwe mukuru wechiKristu nemudzimai wake, akavanyorera kuti: “Ndinokuongai zvikuru nokuzvipa nguva yokutaura neni. Hamuzivi kuti zvinorevei kwandiri kuti mune hanya. Ndinoonga Jehovha nokundipa vanhu vandinogona kuvimba nokutaura navo.”
Toula, mukadzi achangobva kuva chirikadzi ane vana vechiduku vaviri, akazviwana ari mumatope ezvinetso zvepfungwa uye mumatambudziko emari. Iye nevana vake vaigaroshanyirwa vachisimbiswa nevakaroorana vechiKristu kubva kuungano. Pashure pokunyatsobata nemamiriro acho ezvinhu, akavatumira kadhi, achiti: “Ndinogarokuyeukai muminyengetero yangu. Ndinoyeuka nguva dzakawanda muchindibetsera uye muchinditsigira.”
Unombonzwa kuti wa“karemerwa” nedzvinyiriro dzinowedzera dzenyika ino here? (Mateo 11:28) “Nguva nezvinoitika” zvakashatisa upenyu hwako nezviitiko zvinorwadza here? (Muparidzi 9:11) Saka hausi woga. Asi sezvakatowanwa nezviuru zvevakaora mwoyo, iwewo unogona kuwana betsero inoshanda muungano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha. Muzana remakore rokutanga C.E., muapostora Pauro akaona kuti vamwe vatendi vai“va yamuro inosimbisa” zvikuru. (VaKorose 4:10, 11, NW) Unogona kuva nechiitiko chakafanana.
Tsigiro uye Betsero
MuMagwaro echiKristu echiGiriki, shoko rokuti “ungano” rinoshandurwa kubva mushoko rechiGiriki ek·kle·siʹa, rinoreva kuti boka revanhu vakaungana pamwe chete. Chinhu chikuru mushoko iri ipfungwa dzokubatana uye kutsigirana.
Ungano yechiKristu inotsigira chokwadi cheShoko raMwari uye inotaura pachena mashoko akanaka eUmambo hwake. (1 Timotio 3:15; 1 Petro 2:9) Zvisinei, ungano inopawo tsigiro yomudzimu uye betsero kuna avo vanosonganirana nayo. Imomo, mumwe anogona kuwana boka reshamwari dzine rudo, dzinoitira hanya, dzinotarisira, dzakagadzirira uye dzinoshuva kubetsera nokunyaradza vamwe munguva dzekuora mwoyo.—2 VaKorinte 7:5-7.
Vanamati vaJehovha vakawanzowana chengeteko uye dziviriro muungano yake. Munyori wepisarema akaratidza kuti akawana mufaro uye akanzwa akachengeteka pakati pevanhu vaMwari vakaungana. (Pisarema 27:4, 5; 55:14; 122:1) Saizvozvowo nhasi, ungano yechiKristu isangano revatinotenda navo avo vanovakana uye kukurudzirana.—Zvirevo 13:20; VaRoma 1:11, 12.
Nhengo dzeungano dzinodzidziswa kuti dzi“itire vose zvakanaka, zvikuru kune veimba yokutenda.” (VaGaratia 6:10) Dzidzo yakavakirwa paBhaibheri yadzinowana inoita kuti dzidanane sehama uye dziitirane mutsa. (VaRoma 12:10; 1 Petro 3:8) Hama nehanzvadzi dzomudzimu muungano dzinoitwa kuti dzive nomutsa, norugare, uye kuti dzinzwirane tsitsi. (VaEfeso 4:3) Panzvimbo pekungova vanamati vakarongwa, vanoratidza rudo kuvamwe.—Jakobho 1:27.
Naizvozvo, muungano, vakaora mwoyo vanowana mhoteredzo yakanaka yakafanana nemhuri. (Marko 10:29, 30) Kunzwa kwekuva mumwe weboka rakanyatsobatana uye rine rudo kunovasimbisa. (Pisarema 133:1-3) Achishandisa ungano, “muranda akatendeka, akangwara” anogovera “zvokudya [zvomudzimu zvinosimbisa] nenguva yakafanira.”—Mateo 24:45.
Betsero Inobva Kuvatariri Vane Rudo
Nhengo dzeungano yechiKristu dzinogona kutarisira kuwana muungano vafudzi vane rudo, vanonzwisisa, uye vanokwanisa vanogovera tsigiro yomudzimu nekurudziro. Vafudzi vakadaro vakaita “soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura.” (Isaya 32:1, 2) Vakuru vakagadzwa nomudzimu, kana kuti vatariri, vanotarisira vanhu vaMwari vakafanana namakwai, vanokurudzira vanorwara nevakaora mwoyo, uye vanotsvaka kudzorera vaya vakatadza.—Pisarema 100:3; 1 Petro 5:2, 3.
Chokwadika, dare ravakuru reungano harisi boka ravarapi vane unyanzvi kana vanachiremba, vanogona kurapa zvinetso zvomuviri kana zvepfungwa zvinotarisana nevavanonamata navo. Mugadziriro ino yezvinhu, vanorwara vachiri ‘kuda chiremba.’ (Ruka 5:31) Kunyange zvakadaro, vafudzi vakadaro vanogona kubetsera avo vanoda kubetserwa mumudzimu. (Jakobho 5:14, 15) Pazvinobvira pose, vakuru vanorongawo nokuda kwedzimwe betsero.—Jakobho 2:15, 16.
Ndiani anotsigira chirongwa chorudo chakadaro? Jehovha Mwari pachake! Muprofita Ezekieri anoratidza Jehovha seanotaura kuti: “Ndicharonda makwai angu nokuatsvaka. . . . Ndichaarwira panzvimbo dzose kwaakapararira . . . Ini ndimene ndichava mufudzi wamakwai angu, ndichaavatisa pasi.” Mwari ane hanyawo nendonda uye nemakwai asina simba.—Ezekieri 34:11, 12, 15, 16.
Betsero Yechokwadi Panguva Yakafanira
Betsero chaiyoiyo inonyatsowanikwa muungano yechiKristu here? Hungu, uye mienzaniso inotevera inoratidza mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana umo ungano inoratidza kuva yebetsero.
◆ Kurasikirwa nemudiwa. Murume waAnna akafa pashure pekurwara kwenguva refu. “Kubvira ipapo, ndave ndichiitirwa rudo rweushamwari nehama dzechiKristu,” anodaro. “Mashoko anopfuurira emutsa netsigiro uye ekurudziro aibva kune vandainamata navo, kubatanidza kundimbundira kwavo kwemwoyo wose, akandichengetedza ndakasimba panzvimbo pekuora mwoyo zvachose, uye ndinoonga Jehovha. Rudo rwavo rwakandiita kuti ndinzwe ndichitsigirwa zvakazara, pakupedzisira ndakurudzirwa, ndatarisirwa nounyoro.” Iwewo ungave wakava nechiitiko chinorwadza chokurasikirwa nemudiwa murufu. Panguva dzakadaro, nhengo dzeungano dzinogona kupa nyaradzo inodiwa zvikuru uye tsigiro yepfungwa.
◆ Urwere. Arthur, mumwe mutariri anofambira wekuPoland, aigaroshanyira ungano muCentral Asia kuti adzisimbise nenzira yomudzimu. Pane kumwe kushanya kwake, akarwara zvikuru uye nguva yake yokunaya yakava nezvinetso zvakakomba. “Ndinoda kukutaurirai kuti hama nehanzvadzi [dzomuguta romuKazakhstan] dzakanditarisira sei,” Arthur anozviyeuka nokuonga kwakadzama. “Hama nehanzvadzi, zhinji dzacho dzandisingazivi—uye kunyange dzinofarira—dzakauya nemari, zvokudya, uye mushonga. . . . Uye dzakazviita nomufaro mukuru.
“Fungidzira manzwire andakaita pandakagamuchira hamvuropu yaiva nemari netsamba inotevera: ‘Hama Inodiwa, Ndiri kukutumirai kwaziso youshamwari. Mai vakandipa mari yeice cream, asi ndakasarudza kukupai kuti mutenge mushonga. Ndapota inzwai zviri nane nokukurumidza. Jehovha anotida kwenguva yakareba. Ndinokushuvirai nguva yakanaka. Uye tiudzei dzimwe nyaya dzakanaka, dzinorayiridza. Vova.’” Hungu, sezvinoratidzwa munhau ino, vaduku navakuru muungano vanogona kupa yamuro inosimbisa munguva dzokurwara.—VaFiripi 2:25-29.
◆ Kuora mwoyo. Teri aishuva nomwoyo wose kushanda sapiyona, kana kuti somuzivisi woUmambo wenguva yakazara. Zvisinei, nemhaka yezvinetso, aifanira kurega kupayona. “Ndakanzwa ndiine mhaka huru yokuedza kushanda munzvimbo iyi uye ndokusatombopedza kana gore zvaro,” akadaro. Teri aifunga nenzira isiri iyo kuti kutenderwa naJehovha kunotsamira bedzi pauwandu hwebasa raaimuitira. (Siyanisa naMarko 12:41-44.) Aora mwoyo kwazvo, akazviparadzanisa. Asi panguva iyoyo betsero yaizorodza yakabva muungano.
Teri anoyeuka kuti: “Imwe hanzvadzi yakura yaiva piyona yakakurumidza kundibetsera uye yakateerera sezvandaitaura pfungwa dzangu. Pandakabva pamba payo, ndakanzwa sokunge kuti chinoremedza chakanga chabviswa pandiri. Kubvira ipapo, hanzvadzi iyoyo yaiva piyona nemurume wayo mukuru muungano vakandipa betsero inokosha. Vaindifonera zuva nezuva vachibvunza kuti ndakanga ndiri kunzwa sei. . . . Vakandibvumira kuvapo pafundo yavo yemhuri pane dzimwe nguva, iyo yakandisimbisira kukosha kwekuramba mhuri dziri pedyo napedyo.”
Hazvishamisi kuti vakawanda—kunyange vaKristu vakazvitsaurira—vave vakaora mwoyo, vanopera simba, uye kusurukirwa. Tinogona sei kuonga kuti betsero yorudo, isiri youdyire iripo muungano yaMwari!—1 VaTesaronika 5:14.
◆ Matambudziko uye tsaona. Zviise munzvimbo yemhuri yavanhu vana vakarasikirwa nezvinhu zvavo zvose apo imba yavo yakatsva. Nokukurumidza vakava nechavaiti “chiitiko chinokurudzira chatisingazombofi takakanganwa uye icho chakatisimbisira nezverudo rwechokwadi pakati pavanhu vaJehovha.” Vanotsanangura kuti: “Nokukurumidza takaororwa nokufonerwa kwechokwadi uye kwokutsigira uye kwokunzwira tsitsi kubva kuhama nehanzvadzi dzedu dzomudzimu. Runhare rwakaramba rwuchirira. Kuva nehanya kwechokwadi kwomumwe nomumwe uye kworudo kwaikurudzira zvokuti takabudisa misodzi yokuonga.”
Pasina nguva, boka guru rehama rakarongwa nevakuru veungano, uye mumazuva mashomanene, vakavakira mhuri iyi imba itsva. Mumwe muvakidzani akati: “Munofanira kuzviona! Kune marudzi ose avanhu ari kushandako—varume, vakadzi, vatema, vaHispanic!” Uhwu hwaiva uchapupu huri pachena hwerudo rwehama.—Johane 13:35.
Vamwe vaKristu vavo vakapawo mhuri yacho zvokupfeka, zvokudya, uye mari. Baba vacho vanoti: “Uyu waiva mwaka weKirisimasi apo munhu wose anenge achipa zvipo, asi tinogona kutaura nenzira yokutendeseka kuti hapana mumwezve akanakidzwa norudzi rwomwoyochena rwechokwadi, rukuru sezvatakaita.” Uye vanowedzera kuti: “Kuyeuka moto uyu kuri kupera zvishoma nezvishoma uye kuri kutsiviwa nokuyeuka zviito zvomutsa uye shamwari dzakanaka. Kuonga kwedu kunoenda kuna Baba vedu vokudenga vane rudo, Jehovha, kuti tine mhuri yehama dzinoshamisa, dzakabatana panyika, uye tinoonga zvikuru kuva vamwe vayo!”
Chokwadika, kupindira kwakadaro hakusi nyore, kana kuti kunotarisirwa, munhamo dzose dzakadaro. Asi chiitiko ichi zvechokwadi chinoratidza tsigiro iyo ungano ingapa.
Uchenjeri Hunobva Kumusoro
Vakawanda vakawana kumwe kunobva betsero uye simba muungano yechiKristu. Ndokupi ikoko? Mumabhuku ayo anogadzirwa no“muranda akatendeka, akangwara.” Anozivikanwa zvikuru pakati paiwaya ndiwo magazini eNharireyomurindi neMukai! Kuti ape zano rinonzwisisika uye murayiridzo unoshanda, aya mabhuku anovimba zvikurukuru neuchenjeri hwaMwari hunowanikwa muBhaibheri. (Pisarema 119:105) Mashoko apaMagwaro anowedzerwa nekunzvera kwakavimbika uye kune chiremera pazvidzidzo zvakadai sekuora mwoyo, kunaya kubva mukubatwa zvakaipa, zvinetso zvakasiyana-siyana zvenzanga nezvemari, zvinetso zvinotarisana nevechiduku, uye zvinetso zvinowanikwa munyika dzichiri kubudirira. Kupfuura zvose, mabhuku aya anotsigira nzira yaMwari senzira yakanakisisa youpenyu.—Isaya 30:20, 21.
Gore rimwe nerimwe, Watch Tower Society inogamuchira zviuru zvetsamba dzokuonga. Achitaura nezvenyaya yekuzviuraya iri muMukai!, somuenzaniso, mumwe murume wechiduku muRussia akanyora kuti: “Nemhaka yemaonero angu kuora mwoyo, . . . Ndine nguva dzakawanda ndichifunga zvekuzviuraya. Nyaya iyi yakasimbisa kutenda kwangu kuti Mwari achandibetsera kubata nezvinetso zvangu. Anoda kuti ndirarame. Ndinomuonga nokuda kwetsigiro yake yakapiwa kuburikidza nenyaya iyi.”
Kana kupfuurira kwezvinetso munyika ino kukaratidza kuva kwakaoma zvikuru kubata nakwo, unogona kuva nechokwadi chokuti kune nzvimbo yakachengeteka muungano yechiKristu. Chokwadi, kana renje rakaoma regadziriro ino isina rudo richikupedza simba, unogona kuwana nzvimbo yakasvibirira inokusimbisa musangano raJehovha. Pashure pokuva netsigiro yakadaro, iwewo ungadzokorora pfungwa dzomumwe mukadzi wechiKristu uyo nenzira inobudirira akabata neurwere hwakakomba hwemurume wake uye akanyora kuti: “Nemhaka yerudo uye tarisiro zvatakaratidzwa, ndinonzwa sokunge kuti Jehovha akatibudisa munhamo nechanza cheruoko rwake. Ndinoonga sei kuva mumwe wevari musangano rakaisvonaka raJehovha!”
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita akachinjwa.
[Mifananidzo iri papeji 26]
Tinogona kupa yamuro inosimbisa vanorwara, vakafirwa, uye vamwe