RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 6/1 pp. 28-31
  • Vabati Pamwe Chete naPauro—Vaiva Vanaani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vabati Pamwe Chete naPauro—Vaiva Vanaani?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vaperekedzi, Vagamuchiri, uye Vagamuchirikadzi
  • Shamwari Dzakawanda
  • Kutsigirwa Nokuvimbika Kunyange ari Mutorongo
  • “Tiri Vabati Pamwe Chete naMwari”
  • Kupa “Uchapupu Hwakasimba”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Shinga—Jehovha Ndiye Mubatsiri Wako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • “Ndakachena Paropa Revanhu Vese”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Pauro Ari muRoma
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 6/1 pp. 28-31

Vabati Pamwe Chete naPauro—Vaiva Vanaani?

MUBHUKU reBhaibheri raMabasa uye mutsamba dzaPauro munotaurwa nezvevanhu vanenge zana, vaiva nhengo dzeungano yechiKristu yemuzana rokutanga remakore vaizivana nemu“apostora kumarudzi.” (VaRoma 11:13) Zvakawanda zvinozivikanwa nezvevakawanda vavo. Zvimwe unoziva mabasa aAporo, Bharnabhasi, naSirasi. Asi, ungazviona zvakaoma zvikuru kutaura zvakawanda nezvaArkipo, Kraudhia, Dhamari, Rina, Persisi, Pudhe, naSopatro.

Munguva dzakasiyana-siyana mumamiriro ezvinhu akasiyana, vanhu vakawanda vakashingaira mubasa rokutsigira ushumiri hwaPauro. Vamwe vakadai saAristarko, Ruka, naTimotio vakashanda naPauro kwemakore akawanda. Vamwe vaiva naye paaiva mutorongo kana paaifamba, zvimwe sevaperekedzi kana vagamuchiri nevagamuchirikadzi. Zvinosuruvarisa kuti vamwe, vakaita saAreksandro, Dhemasi, Hermogene, naFigero, havana kupfuurira mukutenda kwechiKristu.

Pamusoro pevanoverengeka vedzimwe shamwari dzaPauro, saAsinkrito, Hermasi Juria, kana Firorogosi kungotaura vashoma shoma, tinoziva zvishoma nezvavo pane kuziva kwatinoita mazita avo. Muchiitiko chehanzvadzi yaNerea kana mai vaRufosi kana veimba yaKroe, hatizivi kunyange mazita avo. (VaRoma 16:13-15; 1 VaKorinte 1:11) Kunyange zvakadaro, kunzvera mashoko mashoma shoma atinawo pamusoro pemazana aya kana anopfuura avanhu kunotijekesera mashandire akaita muapostora Pauro. Kunotidzidzisawo chimwe chinhu pamusoro pekubetsera kwokukomberedzwa nenhamba huru yevatinonamata navo uye kunyatsoshanda navo.

Vaperekedzi, Vagamuchiri, uye Vagamuchirikadzi

Ushumiri hwemuapostora Pauro hwaibatanidza kufamba kwazvo. Mumwe munyori anofungidzira kuti nzendo dzaakaita panyika uye mugungwa sekunyorwa kwazvakaitwa muna Mabasa chete dzakasvika makiromita 16 000. Zvisinei kudzoka kwakanga kusingangonetesi chete asi kuti kwaivawo nengozi. Pakati penjodzi dzakasiyana-siyana dzaakasangana nadzo paiva nokuputsikirwa nechikepe, njodzi dzerwizi nedzamakororo, njodzi murenje, uye njodzi mugungwa. (2 VaKorinte 11:25, 26) Nenzira yakakodzera, Pauro aisawanzova ega munzendo dzake kubva kune imwe nzvimbo achienda kune imwe.

Avo vaiperekedza Pauro vaizotanga ushamwari, vaizomukurudzira, uye vaizomubetsera muushumiri. Pane imwe nguva, Pauro aivasiya kuitira kuti vatarisire zvinodikanwa zvomudzimu zvevatendi vatsva. (Mabasa 17:14; Tito 1:5) Asi kuvapo kwevaperekedzi zvimwe kwaikosha nokuda kwekuchengeteka uye nokutsigirana mukubata nokuoma kwerwendo. Saka vanhu vakadai saSopatro, Sekundo, Gayo, naTrofimo, avo vatinoziva kuti vaiva pakati pevakaperekedza Pauro, vangave vakaita basa rinokosha mukubudirira kweushumiri hwake.—Mabasa 20:4.

Kunokoshawo kubetsera kwakaita vagamuchiri uye vagamuchirikadzi. Pauro paakasvika muguta umo akamboda kuparidza kana kuti kungomira usiku hwose, chinhu chokutanga chaizova kuwana nzvimbo yokugara. Upi noupi aifamba kwakafara sezvakaita Pauro nemhaka yemigariro aitofanira kurara chaizvoizvo mumibhedha yakawanda yakasiyana-siyana. Aigona kugara nguva dzose mudzimba dzavaeni, asi idzi dzinotsanangurwa nevezvenhau se“nzvimbo dzaiva nengozi uye dzaiva dzisina kunaka,” saka, pazvaibvira, zvimwe Pauro aigara nevaainamata navo.

Tinoziva mazita evamwe vevagamuchiri nevagamuchirikadzi vaPauro vanoti—Akwira naPriska, Gayo, Jasoni, Ridhia, Mnasoni, Firemoni, naFiripo. (Mabasa 16:14, 15; 17:7; 18:2, 3; 21:8, 16; VaRoma 16:23; Firemoni 1, 22) MuFiripi, Tesaronika, nemuKorinte, nzvimbo dzokugara dzakadaro dzakagovera Pauro nzvimbo iyo aigona kurongera mabasa ake eufundisi. MuKorinte, Tito Justo akazarurawo musha wake kuti agovere muapostora nzvimbo yokuti agobva achiita basa rake rokuparidzira.—Mabasa 18:7.

Shamwari Dzakawanda

Sezvingatarisirwa, vaizivana naPauro vakayeukwa munzira dzakasiyana-siyana nemhaka yokusiyana kwemamiriro avo ezvinhu paakasangana navo. Maria, Persisi, Fibhi, Trifaina, Trifosa, somuenzaniso, vose vaiva vakadzi vaainamata navo avo vakarumbidzwa nokuda kwekushingaira kwavo uye nokuda kwekushanda nesimba. (VaRoma 16:1, 2, 6, 12) Pauro akabhabhatidza Krispo, Gayo, uye veimba yaStefano. Dhionisio naDhamarisi vakagamuchira mashoko echokwadi kubva kwaari muAtene. (Mabasa 17:34; 1 VaKorinte 1:14, 16) Androniko naJunia, “vakakurumbira pakati pavaapostora” vaiva vatendi kwenguva yakareba pane yaPauro, vanonzi va“sungwa pamwe chete n[aye].” Zvichida vakange vari mutorongo naye pane imwe nguva. Ava vaviri, saHerodhio, Jasoni, Rukio naSosipatrosi, vakataurwawo nezvavo naPauro se“vorudzi rwa[ke].” (VaRoma 16:7, 11, 21) Kunyange shoko rechiGiriki rakashandiswa pano richigona kureva kuti “vanhu vomunyika yake,” rinoreva zvikurukuru kuti “veropa naye chaivo vechizvarwa chimwe chete.”

Vakawanda veshamwari dzaPauro vaifamba nokuda kwemashoko akanaka. Kunze kwevaperekedzi vake vaizivikanwa zviri nane, kwaivawo naAkaiako, Fortunato, naStefana, avo vakafamba kubva kuKorinte kusvika kuEfeso kuti vazokurukurirana naPauro nokuda kwemamiriro emudzimu weungano yavo. Artema naTikiko vaiva vakagadzirira kufamba kuti vandosongana naTito, uyo akanga achishanda pachitsuwa cheKrete, uye Zenasi aizoenda rwendo naAporo.—1 VaKorinte 16:17; Tito 3:12, 13.

Kune avo nezvavo Pauro anopa mashoko mashoma uye anofadza. Tinoudzwa, somuenzaniso, kuti Epeneto aiva “chibereko chokutanga . . . paAsia,” kuti Erastosi aiva “muchengeti wemari yeguta” muKorinte, kuti Ruka aiva chiremba, kuti Ridhia aiva mutengesi wenguvo tsvuku, uye kuti Tertiosi ndiye akashandiswa naPauro kunyora tsamba yake kuvaRoma. (VaRoma 16:5, 22, 23; Mabasa 16:14; VaKorose 4:14) Kune upi noupi angada kuziva zvakawanda nezvevanhu vakadai, aya mashoko anongova nhapitapi iri muchinokoro.

Vamwe vevaperekedzi vaPauro vakagamuchira mashoko emunhu oga, ayo zvino akanyorwa muBhaibheri. Mutsamba yake kuvaKorose, somuenzaniso, Pauro akarayira Arkipo kuti: “Tarira basa rawakapiwa naShe, kuti uripedzise kwazvo.” (VaKorose 4:17) Yuodhia naSintike sezviri pachena vaifanira kupedza kusawirirana kwavo. Saka, Pauro akavatsiura kuburikidza ne“shamwari ya[ke] pabasa” isina kutaurwa zita rayo muFiripi “kuti vave nomwoyo mumwe munaShe.” (VaFiripi 4:2, 3) Chokwadi, iri izano rakanaka kwatiri tose.

Kutsigirwa Nokuvimbika Kunyange ari Mutorongo

Pauro akava mutorongo kwenguva dzinoverengeka. (2 VaKorinte 11:23) Panguva idzodzo vaKristu vemunharaunda imomo, kana vaivamo, vanofanira kuva vakaedza zvose zvavaigona kuita kuti nhamo yake itsungiririke. Pauro paakaiswa mutorongo kekutanga muRoma, akabvumidzwa kuroja imba yake pachake kwemakore maviri uye aigona kushanyirwa neshamwari dzake. (Mabasa 28:30) Panguva iyoyo, akanyora tsamba kuungano dzaiva muEfeso, Firipi, neKorose, nekuna Firemoniwo. Izvi zvose zvinotitaurira zvakawanda nezveavo vaive pedyo naPauro paaiva mutorongo.

Somuenzaniso, tinodzidza kuti Onesimo, muranda waFiremoni akatiza, akasangana naPauro muRoma, sezvakaita Tikiko, uyo akazoperekedza Onesimo parwendo rwake rwokudzoka kuna tenzi wake. (VaKorose 4:7-9) Kwaivawo naEpafrodhito, uyo akaita rwendo rurefu kubva kuFiripi nechipo chaakabva nacho kuungano yake uye uyo akazorwara. (VaFiripi 2:25; 4:18) Vaishanda vari pedyo naPauro muRoma vaiva Aristarko, Marko, naJesu unonzi Justo, avo nezvavo Pauro akati: “Ndivava bedzi vanobata neni paushe hwaMwari, ivo vakandinyaradza.” (VaKorose 4:10, 11) Pamwe chete navose ivavo vakatendeka, kwaiva nevamwe vaizivikanwa zviri nane Timotio naRuka uyewo Demasi, uyo gare gare, nemhaka yekuda nyika, akasiya Pauro.—VaKorose 1:1; 4:14; 2 Timotio 4:10; Firemoni 24.

Sezviri pachena, hapana nomumwe waivava aibva kuRoma, asi vaiva ikoko nokuda kwaPauro. Zvichida vamwe vakaenda zvakananga kundomubetsera paakanga ari mutorongo. Pasina kupokana vamwe vaimuitira basa, vamwe vakatumwa kuenda kure, uye kunyaradza vamwe Pauro akaita kuti tsamba dzinyorwe. Uchapupu hwakasimba zvakadini hwokubatana kukuru uye hwokuvimbika hwaiva navose ivava kuna Pauro nebasa raMwari!

Kubva mumhedziso dzedzimwe tsamba dzaPauro, tinoona kuti zvichida aiva akapoteredzwa nehama nehanzvadzi dzechiKristu dzakawanda dzinopfuura mazita mashoma atinoziva. Panguva dzakasiyana-siyana, akanyora kuti: “Vatsvene vose vanokukwazisai” uye kuti “Vose vari kwandiri vanokukwazisa.”—2 VaKorinte 13:13; Tito 3:15; VaFiripi 4:22.

Panguva yakakomba yokusungwa kwaPauro kwechipiri muRoma apo kufira kutenda kwakanga kwava pedyo, vabati pamwe chete naPauro vakamufunga zvikuru. Akanga achiri kushingaira mukutarisira nokutsinhiranisa zvimwe zvezviito zvavo zvikuru. Tito naTikiko vakanga vatumwa kunoita rimwe basa, Kreske akanga aenda Garatia, Erasto akanga asara paKorinte, Trofimo akanga asara paMireto achirwara, asi Marko naTimotio vaifanira kuuya kwaari. Zvisinei, Ruka aiva naPauro, uye apo muapostora akanyora tsamba yake yechipiri kuna Timotio, vamwe vatendi vanoverengeka, kubatanidza Yubhuro, Pudhe, Rina, naKraudhia vaivapo kuti vatumire kwaziso dzavo. Pasina mubvunzo vakanga vachiita zvavaigona kubetsera Pauro. Panguva iyoyo, Pauro pachake akatumira kwaziso kuna Priska naAkwira uye neimba yaOnesiforo. Zvisinei zvinosuruvarisa kuti, panguva iyoyo yezvinetso, Dhemasi akamusiya, uye Areksandro akamuitira zvakaipa zvakawanda.—2 Timotio 4:9-21.

“Tiri Vabati Pamwe Chete naMwari”

Zvakanga zvisingawanzoitiki kuti Pauro ave oga mubasa rake rokuparidzira. “Mufananidzo unoonekwa,” anodaro mumwe mutsinhiri anonzi E. Earle Ellis, “ndewemumwe mufundisi ane vasonganiri vakawanda. Zvechokwadi, Pauro haamboonekwi asina vaperekedzi.” Achitungamirirwa nomudzimu mutsvene waMwari, Pauro aikwanisa kuunganidza vanhu vakawanda uye aironga zvirongwa zvinobudirira zvoufundisi. Akanga akakomberedzwa neshamwari dzapedyo, vabetseri vasiri venguva dzose, vanhu vane simba, uye vabatiri vaizvininipisa vakawanda. Asi, vakanga vasingori vaaishanda navo. Pasinei zvapo neukuru hwokushanda kwavo kana kusonganira pamwe naPauro, chisungo cherudo rwechiKristu uye ushamwari hwemunhu oga zvaiva pachena.

Muapostora Pauro aiva ne“unyanzvi hweushamwari” sokutaurwa kwazvinoitwa. Akaita zvakawanda kuendesa mashoko akanaka kumarudzi, asi haana kuedza kuzviita ari oga. Akabatana uye akashandisa zvakazara ungano yechiKristu yakarongeka. Pauro haana kumbozvipa mbiri pane zvakaitwa asi nokuzvininipisa akabvuma kuti aiva muranda uye kuti kukudzwa kwose kwaifanira kuenda kuna Mwari sezvo ari iye anokurisa.—1 VaKorinte 3:5-7; 9:16; VaFiripi 1:1.

Nguva dzaPauro dzakanga dzakasiyana nedzedu, asi kunyange zvakadaro, muungano yechiKristu nhasi hapana anofanira kufunga kuti anogona kana kuti anofanira kuzvimirira. Asi tinofanira kushanda nguva dzose nesangano raMwari, neungano yemunharaunda medu, uye nevatinonamata navo. Tinoda kubetserwa navo, kutsigirwa, uye kunyaradzwa munguva dzakanaka nemunguva dzinotambudza. Tine ropafadzo inokosha yokuva vamwe ve‘sangano rehama dzose dziri panyika.’ (1 Petro 5:9) Kana tikashanda nenzira yokutendeseka uye yerudo nomwoyo mumwe uye takabatana navo vose, ipapo kungofanana naPauro, nesuwo tinogona kutaura kuti: “tiri vabati pamwe chete naMwari.”—1 VaKorinte 3:9.

[Mifananidzo iri papeji 31]

APORO

ARISTARKO

BHARNABHASI

RIDHIA

ONESIFORO

TERTIOSI

TIKIKO

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe