Vabereki, Muenzaniso Wenyu Unodzidzisei?
“Ivai vateveri vaMwari savana vanodikanwa; fambai murudo.”—VAEFESO 5:1, 2.
1. Jehovha akapa vanhu vokutanga kuroorana mirayiridzo yorudzii?
JEHOVHA ndiye Muvambi wegadziriro yemhuri. Mhuri yoga yoga yakavapo nokuda kwake nokuti ndiye akatanga mhuri yokutanga ndokupa vanhu vokutanga kuroorana masimba okubereka. (VaEfeso 3:14, 15) Akapa Adhama naEvha mirayiridzo inokosha yaiva yemitoro yavo ndokuvabvumirawo mukana mukuru wokuita izvi nechido chavo. (Genesi 1:28-30; 2:6, 15-22) Adhama naEvha vatadza, mamiriro ezvinhu ayo mhuri dzaifanira kubata nawo akawedzera kuoma. Nyange zvakadaro, Jehovha norudo akapa mirayiridzo yaizobatsira vashumiri vake kuti vabate nemamiriro ezvinhu akadaro.
2. (a) Jehovha akasimbisa sei zano rakanyorwa nemirayiridzo inoita zvokutaurwa? (b) Vabereki vanofanira kuzvibvunza mubvunzoi?
2 SoMurayiridzi wedu Mukuru, Jehovha akaita zvakawanda kupfuura kupa mirayiridzo yakanyorwa yokuti tinofanira kuitei uye tinofanira kudzivisei. Munguva dzekare akabatanidza murayiridzo wakanyorwa newaiita zvokutaurwa achishandisa vapristi nevaprofita uye achishandisa misoro yemhuri. Ari kushandisa ani kupa dzidziso iyoyo inoita zvokutaurwa muzuva redu? Vakuru vechiKristu nevabereki. Kana uri mubereki, uri kuita basa rako rokurayiridza mhuri yako munzira dzaJehovha here?—Zvirevo 6:20-23.
3. Misoro yemhuri ingadzidzei kuna Jehovha pakudzidzisa kunobudirira?
3 Murayiridzo wakadaro unofanira kupiwa sei mumhuri? Jehovha anoratidza maitirwe azvo. Anonyatsotaura kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakashata ndezvipi, uye anoramba achingodzokorora. (Eksodho 20:4, 5; Dheuteronomio 4:23, 24; 5:8, 9; 6:14, 15; Joshua 24:19, 20) Anoshandisa mibvunzo inoita kuti munhu afunge. (Jobho 38:4, 8, 31) Achishandisa mifananidzo nemienzaniso inoitika muupenyu chaiyo, anonyandura manzwire atinoita uye anoumba mwoyo yedu. (Genesi 15:5; Dhanieri 3:1-29) Vabereki, pamunodzidzisa vana venyu, munoedza kutevedzera maitire iwayo here?
4. Tinodzidzei kuna Jehovha pakupa chirango, uye nei chirango chichikosha?
4 Jehovha anoomerera pane chakarurama, asi anonzwisisa zvinokonzerwa nokusakwana. Saka asati aranga, anodzidzisa uye anonyevera anyeverazve nokuyeuchidza ayeuchidzazve vanhu vasina kukwana. (Genesi 19:15, 16; Jeremia 7:23-26) Paanoranga, anozviita kusvika pakafanira, kwete kunyanyisa. (Pisarema 103:10, 11; Isaya 28:26-29) Kana iriyo nzira yatinobata nayo nevana vedu, zvinopa uchapupu hwokuti tinoziva Jehovha, uye zvichava nyore kwavari kuti vasvike pakumuzivawo.—Jeremia 22:16; 1 Johane 4:8.
5. Vabereki vangadzidzei kuna Jehovha nezvokuteerera?
5 Zvinoshamisa kuti Jehovha anoteerera saBaba vokudenga vane rudo. Haangorayiri chete. Anotikurudzira kudururira mwoyo yedu kwaari. (Pisarema 62:8) Uye kana mashoko atinotaura asina kunyatsorurama, haadzvovi achititsiura ari kudenga. Anotidzidzisa achishivirira. Saka, zano romuapostora Pauro rakakodzera sei rinoti: “Ivai vateveri vaMwari savana vanodikanwa”! (VaEfeso 4:31–5:1) Muenzaniso wakaisvonaka sei unoratidzwa vabereki naJehovha sezvavanoedza kurayiridza vana vavo! Muenzaniso unopinda mumwoyo yedu ndokutiita kuti tide kufamba munzira yake youpenyu.
Simba Rine Muenzaniso
6. Mafungiro nemuenzaniso zvevabereki zvinokurudzira vana vavo sei?
6 Pamusoro pemurayiridzo unoita zvokutaurwa, muenzaniso une simba guru kuvaduku. Vabereki vachida vasingadi, vana vavo vachavatevedzera. Zvingafadza vabereki—dzimwe nguva zvingavakatyamadza—pavanonzwa vana vavo vachitaura zvinhu zvavakataura ivo. Kana mufambiro nemafungiro zvevabereki zvichiratidza kuonga chaizvo zvinhu zvomudzimu, izvi zvinobatsira kukurudzira vana kuita zvakanaka.—Zvirevo 20:7.
7. Jefta akaratidza mwanasikana wake muenzaniso worudzii somubereki, uye zvakaguma nei?
7 Kushanda kunoita muenzaniso wevabereki kunonyatsoenzanisirwa muBhaibheri. Jefta, akashandiswa naJehovha kuti aite kuti Israeri akunde vaAmoni, aivawo baba. Mhinduro yake kuna mambo wevaAmoni yakanyorwa inoratidza kuti Jefta anofanira kuva akanga arava kakawanda nhau yokubata kwaJehovha naIsraeri. Aigona kutaurazve nezvenhau iyoyo akasununguka, uye akaratidza kutenda Jehovha zvakasimba. Hapana mubvunzo kuti muenzaniso wake wakabatsira mwanasikana wake kuti ave nokutenda uye chido chokurega zvimwe zvinhu zvaakaratidza pakutora basa reupenyu hwose somukadzi asina kuroorwa akazvipira kuna Jehovha.—Vatongi 11:14-27, 34-40; enzanisa naJoshua 1:8.
8. (a) Vabereki vaSamueri vakaratidza mafungiroi akaisvonaka? (b) Izvozvo zvakabatsira sei Samueri?
8 Samueri akanga ari mwana akanaka uye akanga akatendeka kuna Mwari somuprofita muupenyu hwake hwose. Munoda kuti vana venyu vaite sezvaakaita here? Ongororai muenzaniso wakaratidzwa nevabereki vaSamueri, Erikana naHana. Nyange zvazvo mamiriro ezvinhu mumba mavo akanga asina kunyatsonaka, vaigara vachienda kuShiro kuti vandonamata, kunzvimbo kwakanga kune tabhernakeri tsvene. (1 Samueri 1:3-8, 21) Cherekedzai manyengeterere akaita Hana zvichibva kutsi kwemwoyo. (1 Samueri 1:9-13) Onai kuti vose vainzwa sei nezvekukosha kwokuita mhiko chero ipi zvayo inoitwa kuna Mwari. (1 Samueri 1:22-28) Muenzaniso wavo wakanaka pasina mubvunzo wakabatsira Samueri kuti ave neunhu hwakamuita kuti akwanise kuronda nzira yakarurama—nyange apo vanhu vaiva vakamupoteredza vaiita sevainamata Jehovha vakaratidza kusaremekedza nzira dzaMwari. Pashure penguva yakati, Jehovha akapa Samueri basa somuprofita Wake.—1 Samueri 2:11, 12; 3:1-21.
9. (a) Ndivanaani pamba vakakurudzira Timotio kuita zvakanaka? (b) Timotio akava munhu worudzii?
9 Mungada kuti mwana wenyu aite saTimotio here, uyo akava shamwari yomuapostora Pauro ari jaya? Baba vaTimotio vakanga vasiri mutendi, asi mai vake nambuya vake vakaratidza muenzaniso wakaisvonaka wokukoshesa zvinhu zvomudzimu. Pasina mubvunzo izvi zvakabatsira kuisa fandesheni yakanaka youpenyu hwaTimotio somuKristu. Tinoudzwa kuti mai vake, Juniki, nambuya vake Roisi, vakanga vane “kutenda kusinganyengeri.” Upenyu hwavo sevaKristu hwakanga husiri hwokunyengera; vairarama chaizvo maererano nezvavaiti vanotenda, uye vakadzidzisa Timotio muduku kuita izvozvo. Timotio akaratidza kuti aigona kuvimbwa naye uye kuti aiva nehanya zvechokwadi nokuti vamwe vafambirwe zvakanaka nezvinhu.—2 Timotio 1:5; VaFiripi 2:20-22.
10. (a) Mienzaniso ipi isiri yepamba ingachinja vana vedu? (b) Tinofanira kuita sei zvinhu izvi pazvinobuda mumutauro kana kuti mafungiro evana vedu?
10 Mienzaniso inochinja vana vedu haisi yepamba yose. Kune vana vavanopinda navo chikoro, vadzidzisi vane basa rokuumba pfungwa dzevaduku, vanhu vane pfungwa dzakaperera pakuti munhu wese anofanira kuitawo tsika dzakadzika midzi dzedzinza kana kuti dzenzanga, shasha dzemitambo dzine basa rinorumbidzwa kwese kwese, uye vakuru vakuru vehurumende avo vane mufambiro unogara uchitaurwa munhau. Mamiriyoni evana ave achionawo utsinye hwehondo. Zvinofanira kutishamisa here kana zvinhu izvi zvikabuda mumutauro kana kuti mafungiro evana vedu? Tinoita sei pazvinodaro? Ko kutuka kana kuti kurayira zvakasimba kunopedza dambudziko racho here? Panzvimbo pokukurumidza kupindura vana vedu, hazvingavi nani here kuti tizvibvunze kuti, ‘Panzira iyo Jehovha anotibata nayo pane chimwe chinhu chingabatsira here kunzwisisa nzira yokubata nemamiriro ezvinhu aya?’—Enzanisa naVaRoma 2:4.
11. Vabereki pavanokanganisa, zvingaita kuti vana vavo vafunge sei?
11 Ichokwadi kuti vabereki vasina kukwana havazobati mamiriro ezvinhu nenzira yakanakisisa nguva dzose. Vachakanganisa. Vana pavanoziva izvozvo, zvichaita kuti varege kuremekedza vabereki vavo here? Zvingadaro, kunyanya kana vabereki vakaedza kuvhara-vhara zvikanganiso zvavo nokuratidza simba ravo nehasha. Asi zvingaguma zvaitika zvakasiyana chaizvo kana vabereki vachizvininipisa uye vachibvuma zvikanganiso zvavo vakasununguka. Pavanoita kudaro, vanogona kuratidza vana vavo muenzaniso unokosha, avo vanofanira kudzidza kuita zvakafanana.—Jakobho 4:6.
Zvinogona Kudzidziswa Nomuenzaniso Wedu
12, 13. (a) Vana vanofanira kudzidzei nezverudo, uye izvi zvingadzidziswa sei zvinobudirira zvikuru? (b) Nei zvichikosha kuti vana vadzidze nezverudo?
12 Kune zvidzidzo zvakawanda zvinokosha zvingadzidziswa zvinobatsira zvikuru apo murayiridzo unoita zvokutaurwa unobatanidzwa nomuenzaniso wakanaka. Ona zvishomanana zvacho.
13 Kuratidza rudo rwusiri rwoudyire: Chidzidzo chinonyanya kukosha chinofanira kusimbiswa nomuenzaniso ndechezvinoreva rudo. “Tinoda, nokuti [Mwari] wakatanga kutida.” (1 Johane 4:19) Ndiye Tsime uye muenzaniso mukuru werudo. Urwu rudo rwenheyo, a·gaʹpe, runotaurwa muBhaibheri kanopfuura ka100. Ivara rinoita kuti vaKristu vechokwadi vazivikanwe. (Johane 13:35) Rudo rwakadaro runofanira kuratidzwa Mwari naJesu Kristu uyewo nevanhu kune mumwe nomumwe—nyange kuvanhu vatisinganyatsonzwa tichida. (Mateo 5:44, 45; 1 Johane 5:3) Urwu rudo runofanira kuva mumwoyo yedu nokuonekwa muupenyu hwedu tisati tabudirira kurudzidzisa vana vedu. Zviito zvinotaura kupinda mashoko. Mumhuri, vana vanofanira kuona nokunzwa kuti vanodiwa uye kuona mavara akafanana, akadai sechidakadaka. Kana zvinhu izvi zvisipo, kukura kwomwana mumuviri, mupfungwa, uye mumafungiro kunovhiringidzwa. Vana vanofanirawo kuona kuti rudo nechidakadaka zvinoratidzwa sei zvakafanira kuvaKristu vavanonamata navo vasiri vemumhuri imomo.—VaRoma 12:10; 1 Petro 3:8.
14. (a) Vana vangadzidziswa sei kuti vaite basa rakanaka rinogutsa? (b) Izvi zvingaitwa sei mumamiriro ezvinhu emhuri yenyu?
14 Kudzidza mashandire: Basa chinhu chinokosha choupenyu. Kuti munhu anzwe achikosha, anofanira kudzidza maitirwe ebasa rakanaka. (Muparidzi 2:24; 2 VaTesaronika 3:10) Kana mwana akapiwa mabasa okuita aasina kurayiridzwa zvakakwana obva atukwa nokuti haana kuaita zvakanaka, kashoma kuti adzidze kuita basa rakanaka. Asi vana pavanodzidza kuburikidza nokushanda nevabereki vavo uye vachirumbidzwa zvakafanira, zvingadaro chaizvo kuti vachadzidza kuita basa rinogutsa. Kana muenzaniso wevabereki uchibatanidzwa nokutsanangura, vana vangadzidza kwete chete nzira yokuita nayo basa asiwo nzira yokukurira nayo matambudziko, nzira yokuramba vachiita basa kusvika rapera, uye nzira yokufunga nayo nokuita zvisarudzo. Panguva iyi vanogona kubatsirwa kunzwisisa kuti Jehovha anoshandawo, kuti anoita basa rakanaka, uye kuti Jesu anotevedzera Baba vake. (Genesi 1:31; Zvirevo 8:27-31; Johane 5:17) Kana mhuri ichirima kana kuti ine bhizimisi, dzimwe nhengo dzemhuri dzingashanda pamwe. Kana kuti zvimwe mai vangadzidzisa mwanakomana kana mwanasikana wavo kubika nokuchenesa kana vapedza kudya. Baba vane basa risingaitirwi pamba vangaronga kuti vashande mamwe mabasa pamba nevana vavo. Zvinobatsira sei vabereki pavanofunga nezvekusangoita kuti mabasa aripo aitwe asi kushongedzera vana nokuda kwoupenyu!
15. Zvidzidzo zvokutenda zvingadzidziswa sei? Enzanisira.
15 Kuramba tine kutenda pakutarisana nekutambura: Kutenda chimwewo chinhu chinokosha choupenyu hwedu. Kutenda pakunokurukurwa mufundo yemhuri, vana vangadzidza kukurondedzera. Vangazivawo nezveuchapupu hunoita kuti kutenda kutange kukura mumwoyo yavo. Asi pavanoona vabereki vavo vachiratidza kutenda kwakasimba pakutarisana nemiedzo yakakomba, zvazvinozoita pavari zvingagara kwoupenyu hwose. Mumwe mudzidzi weBhaibheri muPanama akatyisidzirwa nomurume wake kuti aizodzingwa mumba mavo kana aisazorega kunamata Jehovha. Nyange zvakadaro, aigara achifamba makiromita 16 nevana vake vaduku vana ozokwira bhazi kwemamwezve makiromita 30 kuti asvike kuHoro yoUmambo yaiva pedyo. Dzakurudzirwa nomuenzaniso iwowo, dzimwe nhengo 20 dzemhuri yake dzakagamuchira nzira yechokwadi.
Kuratidza Muenzaniso Pakurava Bhaibheri Zuva Nezuva
16. Nei kurava Bhaibheri zuva nezuva kuchirumbidzwa?
16 Imwe yetsika dzakakosha zvikuru kwazvo mhuri chero ipi zvayo ingatanga—tsika ichabatsira vabereki ndokuva muenzaniso wokuti vana vatevedzere—kugara muchirava Bhaibheri. Chero zvichiita, ravai Bhaibheri mazuva ose. Chinonyanya kukosha hakusi kuti marava zvakawanda sei. Chinotonyanya kukosha kugara muchizviita uye mutoo wazvinoitwa nawo. Nokuda kwevana, kurava Bhaibheri kungawedzerwa nokuteerera makaseti eBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri kana achiwanikwa mumutauro wenyu. Kurava Shoko raMwari mazuva ose kunotibatsira kuramba tichitungamidza pfungwa dzaMwari mberi. Uye kana kurava Bhaibheri kwakadaro kuchiitwa kwete chete nemunhu mumwe pachake asi nemhuri, izvi zvingabatsira vose vari mumhuri kufamba munzira yaJehovha. Muitiro iwoyu ndiwo wakakurudzirwa pakokorodzano ichangobva kuitwa ye“Nzira yaMwari Youpenyu” mumutambo waiti Mhuri—Itai Kuti Kurava Bhaibheri Zuva Nezuva Kuve Nzira Yenyu Youpenyu!—Pisarema 1:1-3.
17. Kurava Bhaibheri kwemhuri nokubata magwaro anokosha nomusoro kunobatsira sei pakushandisa zano riri pana VaEfeso 6:4?
17 Kurava Bhaibheri semhuri kunowirirana nezvakanyorwa nomuapostora Pauro mutsamba yake yakafuridzirwa yaienda kuvaKristu vaiva muEfeso, yaiti: “Madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga no[kutungamirira ndangariro kwaJehovha, NW]. (VaEfeso 6:4) Izvozvo zvinorevei? “Kutungamirira ndangariro” chaizvoizvo kunoreva “kuisa pfungwa mu-”; saka vanababa vechiKristu vari kukurudzirwa kuisa pfungwa dzaJehovha Mwari muvana vavo—kubatsira vana kuti vazive pfungwa dzaMwari. Kukurudzira vana kuti vabate nomusoro magwaro anokosha kungabatsira kuita izvi. Chinangwa ndechokuita kuti pfungwa dzaJehovha dzitungamirire kufunga kwevana kuitira kuti zvishuvo nomufambiro wavo zvirambe zvichiwedzera kuratidza zvinodiwa naMwari vabereki pavanenge vane vana vacho kana kuti kwete. Bhaibheri ndiro fandesheni yokufunga kwakadaro.—Dheuteronomio 6:6, 7.
18. Pakurava Bhaibheri, chii chingadiwa kuitira kuti (a) tirinzwisise zvakajeka? (b) tibatsirwe nezano rarinaro? (c) tibvume zvarinozivisa nezvechinangwa chaJehovha? (d) tibatsirwe nezvarinotaura nezvemafungiro nezviito zvevanhu?
18 Chokwadi, kana Bhaibheri richizochinja upenyu hwedu, tinofanira kunzwisisa zvarinotaura. Nokuda kwevakawanda, izvi zvingada kuti varave zvikamu kanopfuura kamwe. Kuti tinzwisise zvakajeka kumwe kutaura, tingafanira kutarira mashoko muduramanzwi kana kuti muInsight on the Scriptures. Kana rugwaro rwacho rune zano kana kuti murayiro, shandisai nguva yakawanda kuti muchitaura nezvemamiriro ezvinhu omuzuva redu anoita kuti rwukodzere. Mungabva mabvunza kuti, ‘Kushandisa zano iri kungatibatsira sei?’ (Isaya 48:17, 18) Kana rugwaro rwacho rwuri kutaura nezvezvinhu zvakati zvechinangwa chaJehovha, bvunzai kuti, ‘Upenyu hwedu hunobatsirwa sei neizvi?’ Zvimwe muri kurava nhoroondo inotaura nezvemafungiro nemaitiro zvevanhu. Zvinhui zvavaisangana nazvo muupenyu zvinodzvinyirira? Vakabata sei nazvo? Tingabatsirwa sei nomuenzaniso wavo? Nguva dzose wanai nguva yokukurukura zvinoreva nhoroondo yacho muupenyu hwedu nhasi.—VaRoma 15:4; 1 VaKorinte 10:11.
19. Nokuva vateveri vaMwari, tichava tichipa vana vedu chii?
19 Inzira yakaisvonaka sei yokuita kuti pfungwa dzaMwari dzipinzwe mupfungwa dzedu nemwoyo! Nokudaro tichabatsirwa zvechokwadi kuti tive “vateveri vaMwari savana vanodikanwa.” (VaEfeso 5:1) Uye tichapa muenzaniso uyo zvechokwadi unofanirwa kutevedzerwa nevana vedu.
Unoyeuka Here?
◻ Vabereki vangabatsirwa sei nomuenzaniso waJehovha?
◻ Nei kurayiridzwa kwevana nemashoko kuchifanira kubatanidzwa nomuenzaniso wakanaka wevabereki?
◻ Ndezvipi zvimwe zvidzidzo zvingadzidziswa zvakanakisisa nomuenzaniso wevabereki?
◻ Tinganyatsobatsirwa sei nokurava Bhaibheri kwemhuri?
[Mifananidzo iri papeji 10]
Vakawanda vanonakidzwa nokurava Bhaibheri zuva nezuva semhuri