Kutsigirwa Netariro, Kukurudzirwa Norudo
“Zvino kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.”—1 VAKORINTE 13:13.
1. Pauro anotinyevera kuti chii?
MUAPOSTORA Pauro anotinyevera kuti, sechikepe, kutenda kwedu kunogona kuparara. Anotaura nezveku“bata kutenda nehana yakarurama; iyo yakarashwa navamwe, vakarashikirwa nokutenda.” (1 Timotio 1:19) Muzana ramakore rokutanga C.E., zvikepe zvaigadzirwa nematanda. Kukodzera kwazvo kufamba mugungwa kwaitsamira pakunaka kwedanda nokuvakwa kwechikepe chacho nounyanzvi.
2. Nei chikepe chokutenda kwedu chichifanira kuvakwa zvakanaka, uye izvi zvinoda kuti isu tiitei?
2 Chinganzi chikepe chokutenda kwedu chinofanira kuramba chakayangarara pakati pemakungwa asina kugadzikana avanhu. (Isaya 57:20; Zvakazarurwa 17:15) Saka chinofanira kuva chakanyatsovakwa, uye izvi zvinotsamira patiri. Apo “makungwa” enyika dzechiJudha neRoma akanga ava kunyanya kusagadzikana nokuda kwavaKristu vokutanga, Judha akanyora kuti: “Vadikanwa, muzvivake pakutenda kwenyu kutsvene-tsvene, munyengetere muMweya Mutsvene, muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarira ngoni dzaShe wedu, Jesu Kristu, muve noupenyu husingaperi.” (Judhasi 20, 21) Judha zvaakataurawo nezvokurwira ‘kutenda kunopiwa vatsvene,’ kutaura kwokuti “kutenda kwenyu kutsvene-tsvene” kungareva dzidziso dzose dzechiKristu, kubatanidza mashoko akanaka okuponeswa. (Judhasi 3) Kristu ndiye hwaro hwokutenda ikoko. Kutenda kwakasimba kunodikanwa kana tichizoomerera pakutenda kwechiKristu.
Kukunda Dutu re“Kutyisa Kwemasekete”
3. Vamwe vari kushandisa sei “kutyisidzira kwemasekete”?
3 Mumakore achangobva kupfuura, pave pane nhau dzinotyisa dzinoverengeka dzekuzviuraya kwavanhu vakawanda, kuponda, uye kuparadzwa nemagandanga kunobatanidza masekete maduku. Zvinonzwisisika kuti, vanhu vakawanda, kubatanidza vanotungamirira zvematongerwe enyika nomwoyo wose, vakaratidza kunetseka pamusoro pokudzivirira vanhu vasina mhaka, kunyanya pwere, pamasekete ane ngozi akadaro. “Mwari wenyika ino,” pasina mubvunzo zvaari kuparira utsotsi hwose uhwu hwakaipa zvikuru, akaumba chinodanwa navamwe kuti kutyisa kwemasekete, uye ari kuchishandisa kuti arwisane navanhu vaJehovha. (2 VaKorinte 4:4; Zvakazarurwa 12:12) Vamwe vakashandisa mamiriro ezvinhu aya kuti vaite kuti basa redu rishorwe. Munyika dzakati, vakaunganidza kushora kune chinangwa chiri pachena chokudzivirira vanhu pa“masekete ane ngozi” asi vachidana Zvapupu zvaJehovha nenzira isiriyo uye nokudaro vachitipomera nounyengeri. Izvi zvakaita kuti kupupura kwapaimba neimba kuome mune dzimwe nyika dzeEurope uye zvakaita kuti vamwe vanhu vakanga vachidzidza Bhaibheri nesu varege kudzidza kwavaiita. Uyewo, izvi zvakaodza mwoyo dzimwe hama dzedu.
4. Nei kushorwa kusingafaniri kutiodza mwoyo?
4 Zvisinei, panzvimbo pokutiodza mwoyo, kushorwa kunofanira kusimbisa chivimbo chedu chokuti tiri kuita chiKristu chechokwadi. (Mateo 5:11, 12) VaKristu vokutanga vakapomerwa kuti vaiva sekete rinopandukira, uye vai“rambwa” kwose kwose. (Mabasa 24:5; 28:22) Asi muapostora Petro akavimbisazve vaaitenda navo, achinyora kuti: “Vadikanwa, musashamiswa nokunyanyisa kwokuidzwa pakati penyu, kwakauya kukuidzai, muchiti mawirwa nechisingazikanwi; asi farai zvamunogovana naKristu pakutambudzika kwake, kuti pakuonekwa kwokubwinya kwake mufarewo nomufaro mukuru.” (1 Petro 4:12, 13) Zvakafanana naizvozvo, imwe nhengo yedare rinodzora romuzana rokutanga ramakore yakanyora kuti: “Hama dzangu, muti mufaro bedzi kana muchiwira mumiidzo mizhinji; muchiziva kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira. Asi kutsungirira ngakuve nebasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwazvo, musingashayiwi chinhu.” (Jakobho 1:2-4) Sezvo madutu ane simba guru achiedza kana chikepe chakakodzera kufamba mugungwa, madutu ekushorwa acharatidza patinenge tichida kugadzirisa muchikepe chedu chokutenda.
Kutambura Kunoita Kuti Titsungirire
5. Nei tichigona kuva nechokwadi chokuti kutenda kwedu kwakasimba kana tichiedzwa?
5 VaKristu vanogona kuva nechokwadi nezvokutsungirira kwavo uye nezvokusimba kwokutenda kwavo kana bedzi vakunda madutu okutambudzika. Kutsungirira kwedu kuchava “nebasa rakakwaniswa” mumakungwa ane madutu kana bedzi taka‘kwana, takarurama, tisingashayiwi chinhu,’ kubatanidza kutenda kwakasimba. Pauro akanyora kuti: “Pazvinhu zvose tinozviratidza savashumiri vaMwari, pakutsungirira kukuru, panhamo, pakushayiwa, pamadambudziko.”—2 VaKorinte 6:4.
6. Nei tichifanira ‘kufara mumatambudziko,’ uye izvi zvinosimbisa sei tariro yedu?
6 Madutu ane simba guru okutambudzika atingawana padzimwe nguva anofanira kuonekwa semikana yokuratidza kuti chikepe chedu chokutenda chakasimba uye hachizununguki. KuvaKristu vaiva muRoma, Pauro akanyora kuti: “Ngatifarewo mumadambudziko, tichiziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira; kutsungirira kunouyisa kuidzwa; kuidzwa kunouyisa tariro; tariro hainyadzisi.” (VaRoma 5:3-5) Kuterama mumiedzo kunotiita kuti titenderwe naJehovha. Izviwo, zvinosimbisa tariro yedu.
Nei Vamwe Vachiparara
7. (a) Sokuratidza kunoita mashoko aPauro, vamwe vakanga vaparara sei mumudzimu? (b) Vamwe nhasi vakatsauka sei pakutenda?
7 Pauro paakanyevera nezveku“parara,” (NW) akanga achifunga nezvevamwe vakanga ‘varasa’ hana yavo yakanaka ndokurasikirwa nokutenda kwavo. (1 Timotio 1:19) Vamwe vacho vaiva Himenio naAreksandro vakaramba kutenda, vachitsauka pachokwadi nokutaura zvisina kunaka. (1 Timotio 1:20, NW, mashoko omuzasi; 2 Timotio 2:17, 18) Nhasi, vakaramba kutenda, vanosiya chokwadi, vanorova “muranda wakatendeka, wakangwara” namashoko, vachitoruma ruoko rwakanga rwuchivadyisa mumudzimu. Vamwe vakafanana ne“muranda uyo wakaipa,” vachitaura vasingazezi kuti, “Ishe wangu wanonoka.” (Mateo 24:44-49; 2 Timotio 4:14, 15) Vanoramba kuti kuguma kwegadziriro ino yezvinhu yakaipa kwava pedyo uye vanotsoropodza boka romuranda rakamuka mumudzimu nokuda kwokuramba richiita kuti vanhu vaJehovha vave nepfungwa yokukurumidzira. (Isaya 1:3) Vakaramba kutenda ivavo vanobudirira ku“kanganisa kutenda kwavamwe,” vachiita kuti vaparare mumudzimu.—2 Timotio 2:18.
8. Chii chakaita kuti vamwe vaparadze kana kuti kunyudza chikepe chokutenda kwavo?
8 Vamwe vaKristu vakazvitsaurira vakaparadza chikepe chokutenda kwavo nokuisa hana dzavo padivi nokutsvaka mafaro enyika ino nounzenza hwayo. (2 Petro 2:20-22) Vamwezve vanonyudza chikepe chokutenda kwavo nemhaka yokuti mukuona kwavo gadziriro itsva yezvinhu yakachengeteka haisati yava pedyo. Vasingagoni kuverenga nguva ine chokuita nokuzadzika kwouprofita hwakati, uye vachisundira mberi “zuva raShe” mundangariro dzavo, vanorega kunamata kwechokwadi. (2 Petro 3:10-13; 1 Petro 1:9) Nenguva isipi vanozviwana vadzokera mumvura yakati ndoo, yakabvongodzwa yegadziriro ino yezvinhu. (Isaya 17:12, 13; 57:20) Vamwe vakarega kuwadzana neungano yechiKristu vachiri kudavira kuti ine chitendero chechokwadi. Zvisinei, zviri pachena kuti havagoni kushivirira nokutsungirira zvinodiwa kuti vamirire nyika itsva yakavimbiswa naJehovha Mwari. Kwavari upenyu hwomuParadhiso hauna kukurumidza kuuya zvavaida.
9. VaKristu vashomanene vakazvitsaurira vari kuitei, uye zvinhu izvi zvinofanira kutiita kuti tifungei?
9 VaKristu vashomanene vakazvitsaurira vari mune mamwe mativi enyika vanoita sevaderedza seiri rechikepe chavo chokutenda. Chikepe chichakayangarara, asi panzvimbo pokuenda mberi nokutenda kwakazara, vanofamba havo zvishoma nezvishoma, vakadekara. Vakweviwa netariro ye“Paradhiso ichakurumidza kuuya,” vamwe vakanga vakagadzira kuzvishandisa kuti vaiwane—vachishingaira mubasa rokuparidza nokupinda misangano nguva dzose, magungano, uye kokorodzano. Zvino vachifunga kuti kuitika kwezvavaitarisira kwava kure kupfuura zvavaitarisira, havachadi kuzvishandisa sezvavaiita. Izvi zvinooneka mubasa rokuparidza rakaderera, kusapinda misangano nguva dzose, uye kuda kusava pane dzimwe hurukuro dzegungano kana kuti purogiramu dzekokorodzano. Vamwe vari kupa nguva yakawanda kunhandaro uye kuwana zvakanaka zvokunyama. Zvinhu izvi zvinotiita kuti tifunge nezvokuti chii chinofanira kuva simba rinotiita kuti tiite zvinhu muupenyu hwedu maererano nokuzvitsaurira kwedu kuna Jehovha. Kushingaira kwedu mubasa rake kunofanira kutsamira patariro ye“Paradhiso ichakurumidza kuuya” here?
Tariro Inoenzaniswa Nechibatiso Chechikepe
10, 11. Pauro akafananidza tariro yedu nechii, uye nei mufananidzo uyu wakakodzera?
10 Pauro akaratidza kuti Jehovha akanga aita vimbiso yezvikomborero zvaizouya kuburikidza naAbrahama. Muapostora akazotsanangura kuti: “Mwari . . . wakapinda pakati nokupika; kuti nezvinhu zviviri zvisingashandurwi [shoko rake nemhiko yake], (nokuti pazviri Mwari haagoni kureva nhema), tive nesimbiso yakabata, iyesu, takatizira kutariro yakaiswa pamberi pedu, kuti tiibate; yatinayo sechibatiso choMweya, tariro isingazununguswi, yakasimba.” (VaHebheru 6:17-19; Genesi 22:16-18) Tariro yakaiswa pamberi pavaKristu vakazodzwa ndeyeupenyu hwokusafa kudenga. Nhasi, voruzhinji vevanamati vaJehovha vane tariro inoshamisa youpenyu husingaperi papasi riri paradhiso. (Ruka 23:43) Asina tariro yakadaro, munhu haagoni kuva nokutenda.
11 Chibatiso chechikepe chinhu chine simba chokudzivirira, chinokosha kuti chibate chikepe nokuchidzivirira kuti chisakukurwa. Hapana mutyairi wechikepe angabva pachiteshi chezvikepe asina chibatiso. Sezvo Pauro akanga amboona kuparara kwechikepe chaaikwira kakawanda, aiziva kuti upenyu hwavari kufamba pagungwa hwaiwanzotsamira pazvimiso zvechikepe chavo. (Mabasa 27:29, 39, 40; 2 VaKorinte 11:25) Muzana rokutanga ramakore, chikepe chakanga chisina injini yaiita kuti mutungamiriri akwanise kuchidzora zvaaida. Kunze kwezvikepe zvehondo zvaifambiswa nezvikwasvo, zvikepe zvaiwanzovimba nemhepo kuti zvifambe. Kudai chikepe chake chakanga chiri mungozi yokuenda napamatombo, zvaingogona kuitwa nomutungamiriri kwaiva kudonhedza chibatiso opukunyuka dutu racho, achivimba kuti chibatiso chacho chaisazozvomoka pasi pegungwa. Saka Pauro akaenzanisa tariro yomuKristu ne“chibatiso choMweya, tariro isingazununguswi, yakasimba.” (VaHebheru 6:19) Patinovhumburutswa nemadutu ekushorwa kana kuti kuwana mimwe miedzo, tariro yedu yakaisvonaka yakafanana nechibatiso chinotisimbisa isu semweya mipenyu, zvokuti chikepe chedu hachiwiri mumhenderekedzo dzine ngozi dzokusava nechokwadi kana kuti mabwe anoparadza okuramba kutenda.—VaHebheru 2:1; Judhasi 8-13.
12. Tingadzivisa sei kutsauka pana Jehovha?
12 Pauro akanyevera vaKristu vechiHebheru kuti: “Hama dzangu, chenjerai kuti mukati momumwe wenyu murege kuva nomwoyo wakashata usingatendi, mutsauke muchibva kuna Mwari mupenyu.” (VaHebheru 3:12) Murugwaro rwechiGiriki, ‘kutsauka’ kunoreva chaizvoizvo ku“rega,” kureva kuti, kuramba kutenda. Asi tinogona kudzivisa kuparara kwechikepe kwakakura zvakadaro. Kutenda netariro zvichatiita kuti tigone kunamatira kuna Jehovha kunyange mumadutu akaipisisa emiedzo. (Dheuteronomio 4:4; 30:19, 20) Kutenda kwedu hakuzovi sechikepe chinokandwa-kandwa nemhepo dzedzidziso dzevakaramba kutenda. (VaEfeso 4:13, 14) Uye netariro sechibatiso chedu, tichakwanisa kukunda madutu oupenyu sevanamati vaJehovha.
Kukurudzirwa Norudo Nomudzimu Mutsvene
13, 14. (a) Nei chibatiso chokutenda kwedu chisina kukwana icho choga? (b) Chii chinofanira kuva simba rinotikurudzira pakuitira Jehovha basa dzvene, uye nei?
13 MuKristu haazofambiri mberi akananga kunyika itsva kana vavariro yake bedzi yokunamata Jehovha iri tariro yokurarama nokusingaperi papasi riri paradhiso. Paanenge achiita kuti chibatiso chake chetariro chirambe chiri chinhu chinodzikamisa upenyu hwake, anofanira kuwedzera kwachiri nokutenda kwake simba rinokurudzira rorudo. Pauro akasimbisa izvi paakanyora kuti: “Kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.”—1 VaKorinte 13:13.
14 Simba rinotikurudzira pakuita basa dzvene rinofanira kuva kuda Jehovha nomwoyo wose, tichidzorera kutida kwaanotiita kusingayereki. Muapostora Johane akanyora kuti: “Usingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. Rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri nechinhu ichi, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakaberekwa ari mumwe chete, munyika, kuti tive noupenyu naye. Isu tinoda, nokuti iye wakatanga kutida.” (1 Johane 4:8, 9, 19) Nemhaka yokuonga Jehovha, hatifaniri kunyanya kunetseka nezvokuti tiponeswe somunhu oga, asi kuti tipupurire kutsveneswa kwezita rake dzvene nokurevererwa kwouchangamire hwake hwakarurama.
15. Kuda kwedu Jehovha kwakabatana sei nenhau youchangamire hwake?
15 Jehovha anoda kuti timunamate nemhaka yokuti tinomuda iye, kwete Paradhiso chete. Enisaikoropidhiya yeBhaibheri inonzi Insight on the Scripturesa inoti: “Jehovha anofara nokuti uchangamire hwake nokutsigirwa kwahunoitwa nezvaakasika zvakanyanya kuvakirwa parudo. Anongoda vaya vanoda uchangamire hwake nemhaka younhu hwake hwakanaka uye nemhaka yokuti hwakarurama, avo vanosarudza uchangamire hwake pane humwe. (1 VaK 2:9) Vanosarudza kumunamata muuchangamire hwake pane kuedza kuva vakazvimirira—izvi nemhaka yokumuziva iye nokuziva rudo rwake, ruramisiro, nouchenjeri, zvavanoziva kuti zvinopfuura zvavo nokure. (Pis 84:10, 11)”—Vhoriyamu 2, peji 275.
16. Kuda Jesu isimba rinokurudzira muupenyu hwedu sei?
16 SavaKristu, tinoratidzawo kuda Jesu tichidzorera kutida kwaanotiita. Pauro akataura achiti: “Rudo rwaKristu rwunotimanikidza; zvatinoziva chinhu ichi kuti mumwe wakafira vose, zvino vose vakafa; zvino iye wakafira vose, kuti avo vanorarama varege kuzozviraramira ivo, asi uyo wakafa nokumutswa nokuda kwavo.” (2 VaKorinte 5:14, 15) Kristu ndiye hwaro chaihwo pakavakirwa upenyu hwedu hwomudzimu, kutenda kwedu, uye tariro yedu. Kuda kwedu Kristu Jesu kunosimbisa tariro yedu uye kunodzikamisa kutenda kwedu, kunyanya munguva dzokuedzwa kwakasimba.—1 VaKorinte 3:11; VaKorose 1:23; 2:6, 7.
17. Jehovha anotipa simba ripi guru, uye kukosha kwaro kunoratidzwa sei pana Mabasa 1:8 naVaEfeso 3:16?
17 Nepo kuda kwedu Mwari neMwanakomana wake kuri simba rinonyanya kukurudzira muupenyu hwedu savaKristu, Jehovha anogovera chimwezve chinhu chinotikurudzira, kutisimbisa, uye kutipa simba rokuti tienderere mberi mubasa rake. Isimba rake rinoita basa, kana kuti mudzimu mutsvene. Mashoko echiGiriki neechiHebheru anoshandurwa kuti “mudzimu” anonyanya kureva kuvhuvhuta nesimba kunoita mhepo, zvakadai sedutu. Zvikepe zvaifamba zvakadai sezviya zvaikwira Pauro zvaitsamira pasimba remhepo kuti zvisvike kwazvaienda. Kufanana naizvozvo, tinoda rudo nechiito chesimba raMwari rinoita basa kana chikepe chedu chokutenda chichizotiita kuti tirambe tichiita basa raJehovha.—Mabasa 1:8; VaEfeso 3:16.
Kufamba Tichienda Kwatichagumira!
18. Chii chichaita kuti tigone kutsungirira miedzo chero ipi zvayo yokutenda kwedu iri mberi?
18 Kutenda kwedu norudo zvingaedzwa zvakasimba tisati tasvika kugadziriro itsva yezvinhu. Asi Jehovha akatipa chibatiso chi“singazununguki, [ch]akasimba”—tariro yedu yakaisvonaka. (VaHebheru 6:19; VaRoma 15:4, 13) Patinonetswa nekushorwa kana kuti nemimwe miedzo, tinogona kutsungirira kana takatsigirwa zvakasimba netariro yedu. Rimwe dutu parinopera asi rimwe risati ratanga, ngatitsungei kusimbisa tariro yedu nokutenda kwedu.
19. Tingaita sei kuti chikepe chokutenda kwedu chirambe chiri panzira ndokusvika nyika itsva yaMwari yakachengeteka?
19 Asati adudza “chibatiso chomweya,” Pauro akati: “Tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ashingaire saizvozvo, kuti muve netariro yakakwana kusvikira pakuguma. Kuti murege kuva nousimbe, asi muve vateveri vaivo vanodya nhaka yezvipikirwa nenzira yokutenda nokutsungirira.” (VaHebheru 6:11, 12) Tichikurudzirwa nokuda Jehovha noMwanakomana wake uye tichipiwa simba nomudzimu mutsvene, ngatiitei kuti chikepe chokutenda kwedu chirambe chiri panzira kusvikira tasvika kunyika yakachengeteka yaMwari yakavimbiswa.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Kuhwirudzura
◻ Pauro akatinyevera chii nezvokutenda kwedu?
◻ Vamwe vakaparara sei mumudzimu, uye vamwe vari kuneta sei?
◻ Unhu hupi hwaMwari hunofanira kubatanidzwa nokutenda kwedu?
◻ Chii chichaita kuti tikwanise kusvika kunyika itsva yaMwari yakachengeteka?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Chikepe chokutenda kwedu chinofanira kuva chakanyatsovakwa kuitira kuti chidzivise madutu oupenyu
[Mufananidzo uri papeji 17]
Kutenda kwedu kungaparadzwa
[Mufananidzo uri papeji 18]
Tariro chibatiso choupenyu hwedu savaKristu