Vakaita Kuda kwaJehovha
Maria Anosarudza “Mugove Wakanaka”
MUZUVA raJesu, vakadzi vechiJudha vaiganhurirwa netsika dzavanarabhi. Saka, vairambidzwa kudzidza Mutemo. Chokwadika, imwe pfungwa yakatorwa muMishnah yakati: “Kana murume upi noupi akapa mwanasikana wake zivo yoMutemo zvinoita sokuti akamudzidzisa chipfambi.”—Sotah 3:4.
Somugumisiro, vakadzi vakawanda muJudhea yomuzana rokutanga ramakore vakanga vasina kunyatsodzidza. “Hapana uchapupu hwokuti Jesu asati atanga ushumiri hwake vakadzi vechiJudha vaimbobvumirwa kuva vadzidzi vemudzidzisi mukuru, tisingarevi hedu nezvekufamba nomudzidzisi akadaro, kana kuti kubvumirwa kudzidzisa munhu upi noupi kunze bedzi kwevana,” rinodaro The Anchor Bible Dictionary. Mune kumwe zvakare kushora vakadzi, vamwe vatungamiriri vezvitendero vakatodzika mutemo waiti murume asataure nomukadzi pane vanhu!
Jesu haana kuva nehanya nemafungiro okusada Mwari akadaro. Akadzidzisa vakadzi nevarume, uye vateveri vake vaive varume nevakadzi. (Ruka 8:1-3) Paimwe nguva, Jesu akakokwa kuva muenzi waMarta naMaria. (Ruka 10:38) Ava vakadzi vaviri vaive hanzvadzi dzaRazaro, uye vose vatatu vaive vadzidzi uye shamwari dzakanaka dzaJesu. (Johane 11:5) Mhuri iyi ingave yaive yakakurumbira, tichifunga nezvekuwanda kwevakauya kuzobata maoko Marta naMaria pakashaya Razaro. Pasinei hapo nokuti chii, chakaitika mumusha mavo apo Jesu aive muenzi wavo chakagovera chidzidzo chinokosha kwete bedzi kwavari asiwo kwatiri.
Kudzidza Pamakumbo aJesu
Pasina mubvunzo, Marta naMaria vaida zvikuru kugadzirira Jesu zvokudya zvemaoresa, uye zvimwe vaikwanisa kuzviita pasina kutamburira. (Enzanisa naJohane 12:1-3.) Zvisinei, apo muenzi wavo akasvika, Maria “akagarawo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake.” (Ruka 10:39) Hapana tsika yavanhu yaigona kudzivisa Jesu kudzidzisa mukadzi aida kwazvo zvechokwadi kudzidza! Tinogona kufungidzira Maria akagara pasi pamberi paJesu, somudzidzi anonyatsoteerera kudzidzisa kwaTenzi wake.—Enzanisa naDheuteronomio 33:3; Mabasa 22:3.
Kusiyana naMaria, Marta “wakanga achitambudzika nokushanda zvikuru.” Achigadzirira zvokudya zvemaoresa, akabatikana zvikuru nemabasa ainetsa. Nenguva isipi, Marta akagumbuka kuti akasiyiwa ega achiita basa rose nepo munun’una wake akanga akagara pamakumbo aJesu! Saka Marta akadzongonyedza mashoko aJesu kuna Maria, zvimwe kamwe kamwe, achiti: “Ishe, hamuna hanya muchiona munun’una wangu achindirega ndichishanda ndoga here? Muudzei andibatsire.”—Ruka 10:40.
Hapana chakanga chakaipa nechikumbiro chaMarta. Kunze kwezvo, kugadzirira zvokudya zveboka ibasa rakaoma, uye basa racho harifaniri kuitwa nomunhu mumwe chete. Zvisinei, Jesu akawana mukana wokudzidzisa chidzidzo chinokosha mumashoko ake. “Marta! Marta!” iye akadaro, “unofunganya, nokuzvitambudza nezvinhu zvizhinji, asi chinhu chimwe chinodikanwa; nokuti Maria wakasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi.”—Ruka 10:41, 42.
Jesu akanga asiri kutaura kuti Marta aisafarira zvinhu zvomudzimu. Asi, aimuziva somukadzi akazvipira kuna Mwari zvikuru.a Pasina mubvunzo ndizvo zvakamuita kuti akoke Jesu kumba kwake. Zvisinei, nezano rake rakapfava, Jesu airatidza kuti Marta, nokunyanya kufunganya kwake kugadzirira zvokudya, akanga achirasikirwa nomukana usingawanzowaniki wokugamuchira murayiridzo womunhu oga kubva kuMwanakomana waMwari.
Ichokwadi kuti tsika yenguva iyoyo ingave yakatsigira pfungwa yokuti kukosha kwomukadzi kwainyatsoratidzirwa nokugona kwake kuita mabasa epamba. Asi mashoko aJesu akaratidza kuti vakadzi, kufanana nevarume, vaigona kugara pasi petsoka dzoMwanakomana waMwari ndokugamuchira mashoko oupenyu! (Johane 4:7-15; Mabasa 5:14) Tichifunga nezveizvi, Marta aizodai akaita zvakanaka zvikuru kudai akabika zvokudya zvisina kuwandisa—kunyange zvokudya zvakafanana—kana kuita saizvozvo kwaizomupa mukana wokugara pamakumbo aTenzi ndokudzidza kwaari.—Enzanisa naMateo 6:25.
Zvatinodzidza
Nhasi, vose varume nevakadzi vari pakati pevanobvuma kokero yaJesu yoku“tor[a] mvura youpenyu [v]asingatengi.” (Zvakazarurwa 22:17) Vakurudzirwa norudo, vamwe—kufanana naMarta—vanoita napose pavanogona kutarisira zvinodiwa zvevavanonamata navo. Vanokurumidza kufunga zvokuita ndokukasika kuita chimwe chinhu, uye Jehovha anopikira kuvapa mubayiro wemabasa avo orudo. (VaHebheru 6:10; 13:16) Zvimwe vamwe vakafanana kwazvo naMaria. Vakanyarara uye vanofungisisa. Kuda kwavo zvikuru kufungisisa Shoko raMwari kunovabetsera kuramba vakasimba zvikuru mukutenda.—VaEfeso 3:17-19.
Marudzi ose ari maviri avanhu ane nzvimbo inokosha muungano yechiKristu. Zvisinei, pakupedzisira vose vanofanira ‘kusarudza mugove wakanaka’ nokunyanya kukoshesa zvinhu zvomudzimu. Tikaziva kuti zvinhu zvinonyanya kukosha ndezvipi, Jehovha achafadzwa nesu uye achatikomborera.—VaFiripi 1:9-11.
[Mashoko Omuzasi]
a Zvinoratidza kuti Marta aive mukadzi akakura mumudzimu aive nekutenda kukuru zvinoonekwa mukukurukura kwaakaita naJesu pakafa Razaro, hanzvadzi yake. Paichi chiitiko, aive Marta akaratidza kuda zvikuru kunosangana naTenzi wake.—Johane 11:19-29.