Nei Nguva Iri Shoma Kwazvo?
NGUVA. Zvingatiomera kunyatsotsanangura shoko racho, asi tinonyatsoziva kuti hatimbofi takaita setine nguva yakaringana. Tinozivawo kuti inokurumidza kupera. Chokwadi, tinowanzotura befu tichiti, “Nguva inomhanya zvokuti.”
Nyange zvakadaro, zviri pachena kuti nyanduri wekuBritain Austin Dobson akanga akarurama chaizvo muna 1877 paakati: “Munoti nguva inopera? A-a kwete! Maiwe-e, Nguva haiperi, tisu tinopera.” Kubva paakafa muna 1921, Dobson ave aenda kwemakore anoda kusvika 80; nguva ichiripo.
Nguva Yakawanda
NezveMusiki wevanhu, Bhaibheri rinotiudza kuti: “Makomo asati azvarwa, musati matongosika nyika nevhu, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi imi muri Mwari.” (Pisarema 90:2) Kana kuti semashandurire anoita The New Jerusalem Bible, “kubva pakusingagumi kusvikira pakusingagumi imi muri Mwari.” Saka nguva ichagara iripo sezvinoita Mwari pachake—nokusingaperi!
Kusiyana chaizvo naMwari, ane nguva isingagumi, tinorava nezvevanhu kuti: “Nokuti mazuva edu ose anopfuura makatsamwa; makore edu anopera sorungano. Mazuva amakore edu anosvika makore makumi manomwe, kana tine simba makore makumi masere; asi kunyange achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo bedzi. Nokuti gare gare aenda, nesu tabhururuka taenda.”—Pisarema 90:9, 10.
Nei upenyu nhasi hwakapfupika kwazvo, sezvo Bhaibheri richidzidzisa zvakajeka kuti chinangwa chaMwari ndechokuti munhu ararame nokusingaperi? (Genesi 1:27, 28; Pisarema 37:29) Panzvimbo poupenyu husingagumi sezvaidiwa naMwari, nei vanhu, kana vatorarama kwenguva huru, vane mazuva asingasviki 30 000 paavhareji? Nei vanhu vane nguva shoma kwazvo? Ndiani kana kuti chii chinokonzera mamiriro ezvinhu aya anosuruvarisa? Bhaibheri rinopa mhinduro dzakajeka uye dzinogutsa.a
Nguva Inoramba Ichishomeka
Vanhu vakura vachabvuma kuti mumakumi emakore achangobva kupfuura, kurarama kwava kwokukurumidza. Mumwe mutori wenhau, Dr. Sybille Fritsch, akataura kuti mumakore 200 apfuura, vhiki yokushanda yakaderera kubva pamaawa 80 kusvika pa38, “asi izvi hazvina kuita kuti tirege kunyunyuta.” Akajekesa kuti: “Hapana nguva; nguva inokosha; kutamburira nguva sokutamburira kufema; upenyu hwokumhanya-mhanya.”
Zvinhu zvitsva zvakagadzirwa zvakavhura mikana nokukwanisika kwezvinhu zvisina kubvira zvambofungwa nezvazvo nezvizvarwa zvekare. Asi panowedzera kukwanisa kuita mabasa akawanda, kushatiriswa nokuwana nguva shoma shoma yokuzviita kunowedzerawo. Mazuva ano, munzvimbo dzakawanda dzenyika, vanhu vakabatikana, vachimhanyira kupedza ichi nechocho. Baba vanofanira kutanga basa na7:00 mangwanani, Mai vanofanira kusvitsa vana kuchikoro na8:30 mangwanani, Sekuru vanofanira kuonekwa nachiremba na9:40 mangwanani, uye tose tinofanira kugadzirira musangano unokosha na7:30 manheru. Patinenge tiri mubishi kuti tipedze ichi nechocho, hapana nguva inosara yekuzorora. Uye tinonyunyuta nezvemuitiro unofinha wezuva nezuva, nezvebasa rinonetesa.
Hatisisu Toga Tine Nguva Shoma
Muvengi waMwari, Satani Dhiyabhorosi, ane mazano akaita kuti upenyu hwevanhu hupfupike, zvino ndiye azopindukirwa nouipi hwake. (Enzanisa naVaGaratia 6:7, 8.) Ichitaura nezvekuzvarwa kwoUmambo hwaMesiya mudenga, Zvakazarurwa 12:12 inotipa tariro painoti: “Saka farai kudenga nemi munogarako. Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.” (Tisu tatsveyamisa mabhii.)
Maererano nokuverenga nguva kuri muBhaibheri kunovimbika uye kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri, tava kurarama pamugumo we“nguva duku” iyoyo. Mufaro wakadini kuziva kuti nguva yaSatani yose zvayo ichakurumidza kupera zvachose! Kana angobviswa chete, vanhu vanoteerera vachadzorerwa kukukwana, uye vanogona kuwana upenyu husingaperi hwaiva chinangwa chaJehovha kwavari pakutanga. (Zvakazarurwa 21:1-4) Kushaya nguva harizovizve dambudziko.
Unogona kufungidzira here zvazvichareva kuva noupenyu husingaperi—kurarama nokusingaperi? Hauchazotambudzwizve nezvinhu zvawaifanira kusiya zvisina kuitwa. Kana uchida imwe nguva, mangwana aripo, kana vhiki inouya, kana gore rinouya—kana kutoti, nguva yakawanda isingagumi iri pamberi pako!
Kushandisa Nguva Yatinayo Izvozvi Nokuchenjera
Achiona kuti nguva yake yokunyengedza vanhu ishoma, Satani anoedza kuita kuti vanhu vabatikane zvokuti havavi nenguva yokuteerera mashoko akanaka oUmambo hwaMwari hwakagadzwa. Naizvozvo, tinoita zvakanaka kuteerera zano raMwari rokuti: “Chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera; [“muchizvitengera nguva yakafanira,” NW] nokuti mazuva akaipa. Saka musava mapenzi, asi muzive kuda kwaShe.”—VaEfeso 5:15-17.
Zvinokosha sei kuti tishandise nguva yedu nokuchenjera pane zvinhu zvinonyanya kukosha pane kuiparadzira pazvinhu zvisina basa zvisingambobatsiri! Tinofanira kuva nepfungwa dzakafanana nedzaiva naMosesi paakakumbira Jehovha nemashoko aya aibva pasi pomwoyo, okuti: “Tidzidzisei kunyatsoverenga mazuva edu, kuti tizviwanire mwoyo wakachenjera.”—Pisarema 90:12.
Chokwadi, munyika yanhasi, munhu wose akabatikana. Nyange zvakadaro, Zvapupu zvaJehovha zvinokukurudzira zvakasimba kuti upedzere imwe yenguva yako inokosha uchidzidza nezvezvinodiwa naMwari kuti uwane upenyu husingaperi mukutonga kwoUmambo hwake. Awa imwe pavhiki inopedzerwa pakudzidza Bhaibheri zvakarongeka, uchi“ziv[a] kuda kwaShe,” ingaita kuti ukwanise kuzvionera kuzadzika kwemashoko aya: “Ibva pane zvakaipa, uite zvakanaka; ugare zvakanaka nokusingaperi. Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:27, 29.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, chitsauko 6, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.