“Nguva Yorugare” Yava Pedyo!
“Zvinhu zvose zvine nguva yakatarwa, . . . nguva yokurwa uye nguva yorugare.”—MUPARIDZI 3:1, 8, NW.
1. Mamiriroi ezvinhu anoshamisa akavapo muzana remakore rechi20 pamusoro pehondo norugare?
VANHU vakawanda vanoda rugare, nokuda kwechikonzero chakanaka. Zana remakore rechi20 rave risina rugare kupfuura zana remakore ripi neripi munhau. Asi zvinotoshamisa ndezvekuti kare hapana zvakawanda zvakaitwa kuchengeta rugare. Muna 1920 Chinzwano Chamarudzi chakaumbwa. Muna 1928 Kellogg-Briand Pact, yakanzi nerimwe bhuku rinopa mashoko “nhevedzano yokuedza kuchengeta rugare huru kwazvo pashure peHondo Yenyika I,” yakagamuchirwa ne“anenge marudzi ose enyika . . . achibvumirana kurega hondo segadziriro yenyika imwe neimwe.” Ipapo, muna 1945 sangano reMubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose rakaumbwa kuti ritore nzvimbo yeChinzwano Chamarudzi chakanga chaparara.
2. Ndeipi vavariro yakataurwa yeMubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose, uye wakabudirira zvakadini?
2 Kufanana neChinzwano, vavariro yakataurwa yeMubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose ndeyekuchengeta rugare rwenyika. Asi wakabudirira zvishoma. Chokwadi, munyika hapana kuri kurwiwa hondo yakakura sehondo mbiri dzenyika. Kunyange zvakadaro, kurwisana kuduku kwakawanda kuchiri kutorera mazana ezviuru rugare rwazvo rwepfungwa, zvinhu zvavo, uye kazhinji kacho upenyu hwavo. Tingambotarisira kuti Mubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose ungashandura zana remakore rechi21 kuva “nguva yorugare” here?
Hwaro Hworugare Rwechokwadi
3. Nei rugare rwechokwadi rusingagoni kuvapo pamwe chete neruvengo?
3 Rugare pakati pevanhu nemarudzi rwunoda zvinopfuura kuregerera. Pane munhu angava norugare chaizvoizvo nomumwe munhu waanovenga here? Kwete maererano na1 Johane 3:15: “Mumwe nomumwe unovenga hama yake, muurayi.” Sezvinoratidzwa nezvave zvichiitika, kuvengana kukuru kunova zviito zvechisimba nyore nyore.
4. Ndivanaani chete vanogona kuva norugare, uye nei?
4 Sezvo Jehovha ari “Mwari [anopa] rugare,” vanhu vanoda Mwari vachiremekedza zvikuru nheyo dzake dzakarurama ndivo chete vanogona kuva norugare. Zviri pachena kuti Jehovha haapi munhu wese rugare. “Zvanzi naMwari wangu: Vakaipa havana rugare.” Izvi chikonzero chokuti vakaipa vanoramba kubvuma kutungamirirwa nomudzimu waMwari, une chibereko chorugare.—VaRoma 15:33; Isaya 57:21; VaGaratia 5:22.
5. Chii chisingamboitwi nevaKristu vechokwadi?
5 Kurwisana nevamwe vanhu—sezvave zvichiwanzoitwa nevanonzi vaKristu, kunyanya muzana remakore rechi20—hakungamboitwi nevaKristu vechokwadi. (Jakobho 4:1-4) Chokwadi, vanorwisana nedzidziso dzinoshora Mwari, asi hondo iyi inoitirwa kubatsira vanhu, kwete kuvakuvadza. Kutambudza vamwe pamusana pokusiyana pane zvechitendero kana kuti kukuvadza nokuda kwezvikonzero zvorudzi zvinopesana zvachose nechiKristu chechokwadi. “Kana zvichibvira, pamunogona napo,” Pauro akarayira vaKristu vaiva muRoma, “ivai norugare navanhu vose.”—VaRoma 12:17-19; 2 Timotio 2:24, 25.
6. Rugare rwechokwadi rwunogona kuwanikwa kupi chete nhasi?
6 Nhasi, rugare runopiwa naMwari runowanikwa chete muvanamati vechokwadi vaJehovha Mwari. (Pisarema 119:165; Isaya 48:18) Hapana kusiyana mune zvematongerwe enyika kunodzongonyedza kubatana kwavo, sezvo kwose kwose vasina kwavakarerekera mune zvematongerwe enyika. (Johane 15:19; 17:14) Nokuti vaka“songanisw[a] zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe,” hapana kusiyana mune zvechitendero kunokanganisa rugare rwavo. (1 VaKorinte 1:10) Rugare rwune Zvapupu zvaJehovha chishamiso chemazuva ano, chakaitwa naMwari maererano nezvaakavimbisa zvokuti: “Rugare ndicharugadza ruve madzishe ako, nokururama kuve vabati vako.”—Isaya 60:17; VaHebheru 8:10.
Nei Pane “Nguva Yokurwa”?
7, 8. (a) Pasinei zvapo nokuva kwazvo norugare, Zvapupu zvaJehovha zvinoona sei nguva ino? (b) Nhumbi huru yokurwa nayo muhondo yomuKristu ndeipi?
7 Pasinei zvapo nokuva kwazvo norugare, Zvapupu zvaJehovha kunyange zvakadaro zvinoona nguva ino zvikurukuru se“nguva yokurwa.” Ichokwadi kuti haisi hondo chaiyoiyo, sezvo kumanikidzira shoko reBhaibheri pane vamwe nechisimba kungapesana nezvinotaurwa naMwari kuti “unoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.” (Zvakazarurwa 22:17) Pano hapana kutendeuka kwokumanikidzirwa! Hondo inorwiwa neZvapupu zvaJehovha ndeyemumudzimu chete. Pauro akanyora kuti: “Nokuti nhumbi dzedu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzine simba pamberi paMwari rokuputsa nhare.”—2 VaKorinte 10:4; 1 Timotio 1:18.
8 Pa“nhumbi dzedu dzokurwa nadzo” huru yacho “munondo woMweya, iro shoko raMwari.” (VaEfeso 6:17) Munondo uyu une simba. “Shoko raMwari ibenyu, rine simba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namapfundo nomwongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.” (VaHebheru 4:12) Nokushandisa munondo uyu, vaKristu vanokwanisa kuputsa “njere, nezvakakwirira zvose zvinomutswa kuzorwa nokuziva Mwari.” (2 VaKorinte 10:5) Zvinovaita kuti vakwanise kufumura dzidziso dzenhema, miitiro inokuvadza , uye ruzivo rwunoratidza uchenjeri hwevanhu panzvimbo pehwaMwari.—1 VaKorinte 2:6-8; VaEfeso 6:11-13.
9. Nei tisingagoni kurega kurwisana nenyama inotadza?
9 Imwe hondo yomudzimu ndeiyo yokurwa nenyama inotadza. VaKristu vanotevedzera muenzaniso waPauro, akabvuma kuti: “Ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe ini, ndamboparidzira vamwe, ndirege kuva wakarashwa ndimene.” (1 VaKorinte 9:27) VaKristu vaiva muKorose vakarayirwa kuti vauraye “mitezo [yavo] iri panyika, inoti: Upombwe, netsvina, nokushumba, nokuda zvakaipa, nokuchiva, ndiko kunamata zvifananidzo.” (VaKorose 3:5) Uye munyori weBhaibheri Judhasi akakurudzira vaKristu “kuti [va]rwire kwazvo kutenda kwakadeya kupiwa vatsvene kamwe.” (Judhasi 3) Nei tichifanira kuita kudaro? Pauro anopindura kuti: “Kana muchifamba netsika dzenyama, muchafa; asi kana muchiuraya mabasa omuviri noMweya, muchararama.” (VaRoma 8:13) Tichifunga nezvemashoko aya akajeka, hatigoni kurega kurwisana kwedu nokuda kuita zvakaipa.
10. Chii chakaitika muna 1914, zvichitungamirira kuchii mune ramangwana riri pedyo?
10 Chimwezve chikonzero nei nguva ino ingaonekwa senguva yokurwa ndechokuti “zuva rokutsiva raMwari wedu” rava pedyo. (Isaya 61:1, 2) Muna 1914, nguva yakatarwa yaJehovha yakanga yasvika kuti agadze Umambo hwaMesiya uye kuhupa simba rokurwa hondo chaiyo negadziriro yaSatani. Nguva yakanga yakarongerwa vanhu kuti vaedze kutonga kwavo pasina kupindira kwaMwari yakapera panguva iyoyo. Pane kubvuma Mutongi waMwari ari Mesiya, vanhu vakawanda vanopfuurira kumuramba, sezvakangoita vakawanda muzana remakore rokutanga. (Mabasa 28:27) Somugumisiro, pamusana pokushorwa kwoUmambo, Kristu akamanikidzwa ku“bata ushe pakati pavavengi vak[e].” (Pisarema 110:2) Zvinofadza kuti, Zvakazarurwa 6:2 inovimbisa kuti acha‘kunda.’ Achaita izvi pa‘kurwa pazuva iro guru raMwari wamasimba ose . . . , kunonzi Harmagedhoni nechiHebheru.’—Zvakazarurwa 16:14, 16.
“Nguva Yokutaura” Yasvika
11. Nei Jehovha ave achishivirira zvakanyanya, asi chii chichasvika pakupedzisira?
11 Kubva pakachinja zvinhu zvevanhu muna 1914, kwapfuura makore 85. Jehovha ave achishivirira vanhu zvakanyanya. Akaita kuti Zvapupu zvake zvinyatsoziva kukurumidza kwemugariro wacho. Mamiriyoni oupenyu ari pangozi. Vazhinji-zhinji ava vanofanira kunyeverwa nokuti “Ishe . . . haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.” (2 Petro 3:9) Kunyange zvakadaro, “kuonekwa kwaShe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake” kuchakurumidza kuuya. Ipapo, vose vakaramba nemaune shoko roUmambo hwaMwari vachawana ku“tsiva” kuchaitwa naJesu pane “vasingazivi Mwari, navasingateereri evhangeri yaShe wedu, Jesu.”—2 VaTesaronika 1:6-9.
12. (a) Nei kufungidzira kuti kutambudzika kukuru kungatanga rini kusina zvakunobatsira? (b) Jesu akanyevera nezvengozi ipi nezveizvi?
12 Kushivirira kwaJehovha kuchaguma rini? Kufungidzira kupi nokupi kuti “kutambudzika kukuru” kungavamba rini hakuna zvakunobatsira. Jesu akataura zvakajeka kuti: “Kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna unozviziva.” Ukuwo, akarayira kuti: “Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi zuva, Ishe wenyu raanouya naro. . . . Garai makazvigadzira; nokuti Mwanakomana womunhu uchauya nenguva yamusingamutariri.” (Mateo 24:21, 36, 42, 44) Zvikataurwa zvakajeka, izvi zvinoreva kuti mazuva ose tinofanira kuramba takarinda zviitiko zvenyika ndokufunga nezvokutanga kwekutambudzika kukuru. (1 VaTesaronika 5:1-5) Zvine ngozi sei kufunga kuti tinogona kuita zvinhu zvishoma nezvishoma, tichirarama hunonzi upenyu hwenguva dzose, tichimirira kuti tione kuti zvinhu zvingaita sei! Jesu akati: “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvoupenyu hwuno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva.” (Ruka 21:34, 35) Tinogona kuva nechokwadi cheizvi: “Mhepo ina” dzokuparadza dzakabatwa panguva ino ne“vatumwa vana” vaJehovha hadzizorambi dzakabatwa nokusingaperi.—Zvakazarurwa 7:1-3.
13. Vanhu vanoda kusvika mamiriyoni matanhatu vanozivei?
13 Tichifunga nezvezuva iri rokutonga riri kukurumidza kuuya, mashoko aSoromoni pamusoro pokuvapo kwe“nguva yokutaura” anova nezvitsva zvaanoreva. (Muparidzi 3:7) Zvichiziva kuti zvino ndiyo nguva yokutaura, Zvapupu zvaJehovha zvinoda kusvika mamiriyoni matanhatu zviri kutaura zvichishingaira nezvembiri yokuva mambo kwaMwari nokunyevera nezvezuva rake rokutsiva. Zvinozvipa zvichida pazuva iri rehondo yaKristu.—Pisarema 110:3; 145:10-12.
Avo Vanotaura nezve“Rugare! Izvo Hakuna Rugare”
14. Vaprofita vapi venhema vakanga varipo muzana remakore rechinomwe B.C.E.?
14 Muzana remakore rechinomwe B.C.E., vaprofita vaMwari Jeremia naEzekieri vakapa mashoko aMwari okutongwa kweJerusarema nokuda kwounzenza hwaro pakusateerera Mwari. Kuparadza kwavakafanotaura kwakaitika muna 607 B.C.E., kunyange zvazvo nhume dzaMwari dzakanga dzapikiswa nevatungamiriri vechitendero vakanga vakakurumbira uye vaiva nesimba. Vokupedzisira ava vakava “vaprofita mapenzi . . . vakanyengera vanhu va[Mwari], vachiti: Rugare! izvo hakuna rugare.”—Ezekieri 13:1-16; Jeremia 6:14, 15; 8:8-12.
15. Vaprofita venhema vakafanana variko here nhasi? Tsanangura.
15 Kufanana ne“vaprofita mapenzi” venguva iyoyo, vatungamiriri vezvitendero vakawanda nhasi vanotadzawo kunyevera vanhu nezvezuva raMwari rokutonga riri kuuya. Asi vanopa tarisiro yokuti mapoka ezvematongerwe enyika achaguma awana rugare nokuchengeteka. Vachida chaizvo kufadza vanhu pana Mwari, vanoudza vanhu vavo zvavanoda kunzwa pane kutsanangura kuti Umambo hwaMwari hwakagadzwa uye kuti Mambo ari Mesiya ava kutoda kupedza kukunda kwake. (Dhanieri 2:44; 2 Timotio 4:3, 4; Zvakazarurwa 6:2) Sevaprofita venhema, navowo vanotaura nezve“rugare! izvo hakuna rugare.” Asi kugutsikana kwavo kuchakurumidza kuvavhundutsa pavachatarisana nehasha dzeUyo wavakarevera nhema uye pane uyo ane zita ravakazvidza zvisingatauriki. Vatungamiriri vesangano renyika yose rezvitendero zvenhema, rinotsanangurwa muBhaibheri semukadzi ane unzenza, vachaurayiwa pavanenge vachitaura mashoko avo anotsausa orugare.—Zvakazarurwa 18:7, 8.
16. (a) Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa sechii? (b) Zvinosiyana sei nevaya vanodanidzira kuti “rugare! izvo hakuna rugare”?
16 Kupfuurira kuvimbisa rugare kwekunyengera kwevakawanda vevatungamiriri vakakurumbira uye vane simba hakuna zvakunoita pachivimbo chevaya vanotenda zvakavimbiswa naMwari zvorugare rwechokwadi. Kwerinopfuura zana remakore, Zvapupu zvaJehovha zvakazivikanwa sevadziviriri vakavimbika veShoko raMwari, vashori vakashinga vechitendero chenhema, uye vatsigiri vakatsunga voUmambo hwaMwari. Pane kunyaradza vanhu nokutaura vataurazve zvinonzwika zvakanaka nezverugare, vanoedza nokushingaira kuita kuti vanhu vazive chokwadi chokuti nhasi inguva yokurwa.—Isaya 56:10-12; VaRoma 13:11, 12; 1 VaTesaronika 5:6.
Jehovha Anotaura
17. Zvinorevei kuti Jehovha achakurumidza kutaura?
17 Soromoni akati: “Mwari ndiye uchatonga wakarurama nowakaipa; nokuti nguva iripo yechinhu chimwe nechimwe.” (Muparidzi 3:17, NW) Hungu, Jehovha ane nguva yakatarwa yokutonga chitendero chenhema ne“madzimambo enyika anozvigadzira . . . kuzorwa naJehovha nomuzodziwa wake.” (Pisarema 2:1-6; Zvakazarurwa 16:13-16) Kana nguva iyoyo yangosvika chete, mazuva aJehovha okuramba aka“nyarara” achava apera. (Pisarema 83:1; Isaya 62:1; Jeremia 47:6, 7) Achishandisa Mambo wake ari Mesiya akagadzwa pachigaro, Jesu Kristu, acha“taura” nomutauro woga unonzwiwa nevashori vake: “Jehovha uchabuda semhare, uchamutsa kushingaira somunhu wokurwa; uchadana, zvirokwazvo, uchadanidzira, ucharwa navavengi vake nesimba. Ndakanyarara nguva refu, ndakaramba ndinyerere, ndikazvidzora; zvino ndichachema somukadzi wopona, ndichafemedzeka nokutakwaira pamwe chete. Ndichaparadza makomo nezvikomo, nokuomesa zvose zvinomerapo; nzizi ndichadziita zviwi, namadziva ndichaapwisa. Mapofu ndichaafambisa nenzira yaasingazivi, pamakwara aasingazivi ndichaatungamirira; rima ndichariita chiedza pamberi pavo, nezvakakombama ndichazviruramisa. Zvinhu izvi ndichazviita, handingavasiyi.”—Isaya 42:13-16. (Tisu tatsveyamisa mabhii.)
18. Vanhu vaMwari vacha“nyarara” pachii nokukurumidza?
18 Apo Jehovha ano“taura” achidzivirira kuva kwake Mwari, vanhu vake havazofanirizve kutaura vachizvidzivirira. Rinenge rava dzoro ravo roku“nyarara.” Sezvaakaita kuvashumiri vaMwari munguva yakapfuura, mashoko aya achashanda: “Imi hamungafaniri henyu kurwa ipapo; zvigadzirei ipapo, murambe mumire henyu, muone kurwirwa kwenyu naJehovha.”—2 Makoronike 20:17.
19. Hama dzaKristu dzomudzimu dzichakurumidza kuva neropafadzoi?
19 Kukurirwa zvikuru kwakadini kwaSatani nesangano rake! Hama dzaKristu dzakapiwa mbiri dzichakundawo zvakasimba nokuda kwokururama, maererano nevimbiso iyi: “Zvino Mwari worugare uchakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu.” (VaRoma 16:20) Nguva yorugare yave ichimirirwa kwenguva yakareba pakupedzisira yasvika.
20. Nokukurumidza ichava yava nguva yei?
20 Vose vari panyika vachapukunyuka uku kuratidzwa kwesimba raJehovha kukuru vakakomborerwa sei! Nokukurumidza pashure pacho vachakumbanirwa nevarume nevakadzi vakatendeka vomunguva yakapfuura, vane nguva yakatarwa yokumutswa ichave yasvika. Kutonga kwaKristu Kwemakore ane Chiuru chokwadi kuchava “nguva yokusima . . . , nguva yokuporesa . . . , nguva yokuvaka . . . , nguva yokuseka . . . , nguva yokupembera . . . , nguva yokumbundikira uye . . . nguva yokuda.” Hungu, ichava “nguva yorugare” nokusingaperi!—Muparidzi 3:1-8; Pisarema 29:11; 37:11; 72:7.
Mhinduro Yako Ndeipi?
◻ Hwaro hworugare runogarisa chii?
◻ Nei Zvapupu zvaJehovha zvichiona nguva ino se“nguva yokurwa”?
◻ Vanhu vaJehovha vacha“taura” rini, uye vacha“nyarara” rini?
◻ Jehovha achataura sei uye rini?
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 13]
Jehovha ane Nguva Yakatarwa
◻ yokuita kuti Gogi arwise vanhu vaMwari.—Ezekieri 38:3, 4, 10-12
◻ yokuita kuti vatongi vevanhu vaparadze Bhabhironi Guru.—Zvakazarurwa 17:15-17; 19:2
◻ yokuroodza Gwayana.—Zvakazarurwa 19:6, 7
◻ yokutanga hondo yeHarmagedhoni.—Zvakazarurwa 19:11-16, 19-21
◻ yokusunga Satani kuti atange Kutonga kwaJesu Kwemakore ane Chiuru.—Zvakazarurwa 20:1-3
Zviitiko izvi zvakangorongwa sokutevedzana kwazvakaita muMagwaro. Tinogona kuva nechokwadi kuti zviitiko zvose zviri zvishanu zvichaitika maererano nokuronga kunoita Jehovha uye chaipoipo paanoronga kuzviita.
[Mifananidzo iri papeji 15]
Kutonga kwaKristu kwemakore ane chiuru chokwadi kuchava nguva . . .
yokuseka . . .
yokumbundikira . . .
yokuda . . .
yokusima . . .
yokupembera . . .
yokuvaka . . .