RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 10/15 pp. 12-17
  • Kanganwira Nomwoyo Wako Wose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kanganwira Nomwoyo Wako Wose
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukanganwira Kunodiwa—Uye Kunoratidzwa Kwatiri
  • Tinofanira Kushandira Kuva Vanokanganwira
  • Tsvaka Rugare—Kanganwira
  • ‘Rambai Muchikanganwirana Makasununguka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kanganwiranai Nomwoyo Wose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kuvirei Anokanganwira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Unokanganwira Sezvinoita Jehovha Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 10/15 pp. 12-17

Kanganwira Nomwoyo Wako Wose

“Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraiwo, kana musingakanganwiriyi mumwe nomumwe hama yake nomwoyo wenyu wose.”—MATEO 18:35.

1, 2. (a) Muiti wezvivi aizivikanwa zvikuru akaratidza sei kuonga kwake Jesu? (b) Jesu akatii mumhinduro yake?

ANGANGODARO aiva pfambi, kwete mumwe munhu wawaizotarisira kuwana ari mumba momunamati. Kana vamwe vakashamiswa kumuona imomo, zvaakaita zvakanga zvichinyanya kushamisa. Akaenda pane murume aiva netsika dzakanaka zvikuru ndokuratidza kuonga kwake mabasa ake, achigeza tsoka dzake nemisodzi yake nokudzipukuta nebvudzi rake.

2 Murume iyeye, Jesu, haana kukangaidzwa nomukadzi uyu, “aizivikanwa muguta kuva munhu anoita zvivi.” (NW) Asi Simoni muFarise, muridzi wemusha uyu, ainetseka nokuti akanga ari muiti wezvivi. Jesu akapindura nokutaura nezvevarume vaviri vaiva nechikwereti kumukweretesi. Mumwe aiva nechikwereti chakakura—unenge mubayiro wemakore maviri womushandi. Mumwe wacho aiva nechikwereti chinoita zvikamu gumi muzana zvemari iyoyo—mubayiro wemwedzi isingasviki mitatu. Apo vose vakakundikana kubhadhara, mukweretesi “akangovakanganwira vose vari vaviri.” Zviri pachena kuti uya wakakanganwirwa zvakawanda aifanira kuratidza rudo zvikuru. Apedza kubatanidza chiito chomutsa chomukadzi wacho, Jesu akawedzera nheyo iyi: “Unokanganwirwa zvishoma, unoda zvishoma.” Ipapo akaudza mukadzi wacho kuti: “Wakanganwirwa zvivi zvako.”—Ruka 7:36-48.

3. Tinofanira kufunga nezvei, pamusoro pedu?

3 Zvibvunze kuti, ‘Dai ndakanga ndiri mukadzi iyeye kana kuti dai ndaiva mumamiriro ezvinhu akafanana uye ndakaratidzirwa  ngoni, ndaizova nehasha uye asingakanganwiri vamwe here?’ Ungapindura kuti, ‘Kana!’ Kunyange zvakadaro, unonyatsodavira kuti unoda kukanganwira here? Ndizvo zvauri chaizvo here? Wakaita kudaro nokuzvidira kakawanda here, uye vamwe vangakurondedzera seunokanganwira here? Ngationei kuti nei mumwe nomumwe wedu achifanira kufunga nezveizvi nokutendeseka, nokufungisisa.

Kukanganwira Kunodiwa—Uye Kunoratidzwa Kwatiri

4. Tinofanira kubvumei nezvedu?

4 Hauna kukwana, sezvaunonyatsoziva. Kana ukabvunzwa, ungatozvibvuma, zvimwe kuyeuka mashoko ari pana 1 Johane 1:8 anoti: “Kana tichiti, hatina zvivi, tinozvinyengera, zvokwadi haisi matiri.” (VaRoma 3:23; 5:12) Kune vamwe, kuva nezvivi kungave kwakaratidzwa nezvivi zvakakomba, zvakaipa chaizvo. Asi kunyange zvazvo usingazivi kuti une mhaka yaizvozvo, chokwadi wakatadza kuita zvinodiwa naMwari kakawanda uye munzira dzakawanda—kana kuti wakaita chivi. Handizvo here?

5. Tinofanira kuonga Mwari nokuda kwechii?

5 Saka, zvauri zvingawirirana nezvakarondedzerwa nomuapostora Pauro kuti: Kunyange zvazvo “makanga makafa pakudarika kwenyu napakusadzingiswa kwenyama yenyu, wakakupai upenyu pamwe chete naye [Jesu], akatikanganwira kudarika kwedu kwose.” (VaKorose 2:13; VaEfeso 2:1-3) Cherechedza mashoko okuti “akatikanganwira kudarika kwedu kwose.” Izvozvo zvinosanganisira zvakawanda. Tose tine chikonzero chakakwana chokuteterera sezvakaita Dhavhidhi kuti: “Nokuda kwezita renyu, Jehovha, kanganwirai zvakaipa zvangu, nokuti zvikuru.”—Tisu tatsveyamisa mabhii; Pisarema 25:11.

6. Tinogona kuva nechokwadi chei nezvaJehovha uye kukanganwira?

6 Iwe—kana kuti ani nani wedu—anogona kukanganwirwa sei? Chinhu chinokosha ndechokuti Jehovha Mwari anoda kukanganwira. Ndihwo unhu hwake. (Eksodho 34:6, 7; Pisarema 86:5) Zvinonzwisisika kuti Mwari anotitarisira kuti tinyengetere kwaari ndokukumbira kuregererwa naye, kukumbira kuti atikanganwire. (2 Makoronike 6:21; Pisarema 103:3, 10, 14) Uye akaronga hwaro hwepamutemo hwokuratidza kukanganwira ikoko—chibayiro chaJesu chorudzikinuro.—VaRoma 3:24; 1 Petro 1:18, 19; 1 Johane 4:9, 14.

7. Unofanira kuda kutevedzera Jehovha munzira ipi?

7 Unofanira kuona mukuda kwaMwari kukanganwira muenzaniso wemabatire aunofanira kuita vamwe vanhu. Pauro akataura nezveizvi, achinyora kuti: “Muitirane mwoyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukanganwirane, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.” (VaEfeso 4:32) Hapana mubvunzo kuti zvairehwa naPauro zvinosanganisira kudzidza kwedu mumuenzaniso waMwari, nokuti ndima inotevera yacho inopfuurira kuti: “Naizvozvo ivai vateveri vaMwari savana vanodikanwa.” (VaEfeso 5:1) Unoona pazvakabatana here? Jehovha Mwari akakukanganwira, saka—Pauro anotaura kudaro zvakasimba—unofanira kuMutevedzera ndoku‘nzwira tsitsi, nokukanganwira’ vamwe. Asi zvibvunze kuti, ‘Ndiri kuita kudaro here? Kana usiriwo muzvarirwo wangu, ndiri kuedza kuita kudaro here, kuedza chaizvoizvo kutevedzera Mwari pakuva anokanganwira?’

Tinofanira Kushandira Kuva Vanokanganwira

8. Tinofanira kuzivei nezvevanoumba ungano yedu?

8 Zvingava zvakanaka kufunga kuti muungano yechiKristu, mune zviitiko zvishoma patinofanira kushandisa nzira yaMwari yokukanganwira. Asi chokwadi ndechekuti hazviwanzoitiki. Chokwadi, hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu dziri kuedza zvikuru kutevedzera muenzaniso waJesu worudo. (Johane 13:35; 15:12, 13; VaGaratia 6:2) Dzave dzichishandira kwenguva yakareba, uye dzichiri kushandira, kuti dzirege nzira dzokufunga, dzokutaura, uye dzokuita nadzo dzakazara munyika ino yakaipa. Dzinonyatsoda kuratidza unhu hutsva. (VaKorose 3:9, 10) Asi, hatigoni kupira gotsi chokwadi chokuti ungano yenyika yose, uye ungano imwe neimwe yomunharaunda, ine vanhu vasina kukwana. Vose havo, vanotove nani pane zvavakanga vari, asi havasati vakwana.

9, 10. Nei tisingafaniri kushamiswa kana zvinetso zvikamuka pakati pehama?

9 MuBhaibheri, Mwari anotiudza achiziva hake, kuti tinogona kutarisira kusakwana muungano, muhama nehanzvadzi dzedu. Somuenzaniso, funga nezvemashoko aPauro akanyorwa pana VaKorose 3:13 okuti: “Muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo.”

10 Zvinokosha kuti Bhaibheri pano rinotiyeuchidza nezvekubatana kwakaita kutikanganwira kunoita Mwari nemutoro wedu uye kudiwa kwokuti tikanganwire vamwe. Nei izvi zvakaoma? Nokuti Pauro akabvuma kuti mumwe munhu angava “nemhosva nomumwe.” Akaziva kuti zvakadaro zvaizovapo. Zvinofanira kuva zvaivapo muzana remakore rokutanga, kunyange mu“vatsvene” vechiKristu, vaiva ne‘tariro yavaiva vakachengeterwa kudenga.’ (VaKorose 1:2, 5) Saka tingafungidzira here kuti zvingava zvakasiyana nhasi apo vaKristu vakawanda vechokwadi vasina chipupuriro chomudzimu chokuti “vasanangurwa vaMwari, vatsvene navanodikanwa”? (VaKorose 3:12) Nokudaro, hatifaniri kusvika pakutaura kuti chimwe chinhu chakanyanyisa kuipa kana muungano medu mune zvikonzero zvokunyunyuta—kunzwa kurwadziwa nokuda kwezvikanganiso chaizvo kana kuti zvokufungidzira.

11. Mudzidzi Jakobho akatichenjedza nezvechii?

11 Mashoko omunun’una waJesu Jakobho, mwana wamai vake, anoratidzawo kuti tinofanira kutarisira kuti apo neapo tingangosangana nemamiriro ezvinhu anoita kuti tifanire kukanganwira hama dzedu. “Ndiani pakati penyu wakachenjera, wakangwara? Ngaaratidze nomufambire wake wakanaka mabasa ake nounyoro hwouchenjeri. Asi kana mune godo rinovava norukave mumwoyo menyu, musazvirumbidza nokurevera zvokwadi nhema.” (Jakobho 3:13, 14) “Godo rinovava norukave” mumwoyo yevaKristu vechokwadi? Hungu, mashoko aJakobho anoratidza zvakajeka kuti zvakadaro zvakanga zvaitika muungano yomuzana remakore rokutanga uye zvichaitika nhasi.

12. Chinetsoi chakamuka muungano yekare yeFiripi?

12 Muenzaniso chaiwo waibatanidza vaKristu vaviri vakazodzwa vaiva nomukurumbira wakanaka wokushanda nesimba naPauro. Ungayeuka uchirava nezvaYuodhia naSintike, mitezo yeungano yeFiripi. Kunyange isingatsananguri nhau yacho zvakakwana, VaFiripi 4:2, 3 inoratidza kuti paiva nechimwe chinetso pakati pavo. Chakatanga nemashoko asina musoro, asingaratidzi mutsa, kunyadziswa kwehama kwakacherechedzwa, kana kuti zvimwe zvairatidza godo remakwikwi here? Chero zvachakanga chakaita, chakava chikuru chaizvo zvokuti Pauro akanzwa nezvacho ari kure kuRoma. Zvimwe hanzvadzi dzacho mbiri dzakakura mumudzimu dzakatanga kusataudzana, zvichiita kuti dzisade kuonana pamisangano kana kuti dzichitaura zvakashata nezvemumwe wacho kushamwari dzadzo.

13. Chii chingangodaro chakapedzisira chaitika pakati paYuodhia naSintike, zvichitipa chidzidzoi?

13 Unoyeuka uchinzwa zvakadaro here, kufanana nezviya zvakaitika pane vamwe vari muungano yenyu kana kuti chimwe chinhu chawakabatanidzwa machiri? Chinetso chiduku chorudzi irworwo chingatovapo izvozvi. Tingaitei? Muchinoitika chekare chiya, Pauro akakurudzira hanzvadzi mbiri idzodzo dzakazvitsaurira “kuti [dzi]ve nomwoyo mumwe munaShe.” Vangadaro vakabvuma kutaurirana nhau yacho, kuti vapedzerane zvakanaka, kuti varatidze kuti vaida kukanganwirana, uye vobva vatevedzera chaizvoizvo kukanganwira kunoitwa naMwari. Hapana mubvunzo kuti Yuodhia naSintike vakabudirira, uye isuwo tinogona kubudirira. Kukanganwira kwakadaro kunogona kushandiswa zvinobudirira nhasi.

Tsvaka Rugare—Kanganwira

14. Nei kazhinji kacho zvichiita uye zvakanakisisa kungorega kusanzwisisana kwedu kuchipfuura?

14 Zvinombonyatsodei kuti ukanganwire kana une chinetso nomumwe muKristu? Kutaura zvakajeka, hapana nzira imwe yakareruka, asi Bhaibheri rinopa mienzaniso inobatsira nezano chairoiro. Chikuru chinorumbidzwa—kunyange zvazvo chisiri nyore kubvuma ndokushandisa—ndechokungokanganwa nhau yacho, kungoirega ichipfuura. Kazhinji kana paine chinetso, sezvachakaita pakati paYuodhia naSintike, munhu oga oga anonzwa sokuti mumwe wacho ndiye akakanganisa kana kuti ane mhosva zvikuru. Saka mumamiriro ezvinhu akadaro, ungafunga kuti mumwe muKristu ndiye anonyanyova nemhaka kana kuti ndiye akanganisa kwazvo. Kunyange zvakadaro, unogona hako kungorega nhau yacho nokukanganwira here? Unofanira kuziva kuti kana, uye uku kungoti kana, mumwe muKristu wacho ariye anyanya kukanganisa kana kuti ndiye atokanganisa, ndiwe unofanira kunyanya kungorega nhau yacho ichipfuura seyakanganwirwa uye yapera.

15, 16. (a) Mika akarondedzera sei Jehovha? (b) Ku“pfuura kudarika” kwaMwari kunorevei?

15 Ngatirambei tichiona Mwari somuenzaniso wedu wokukanganwira. (VaEfeso 4:32–5:1) Nezvemuenzaniso Wake wokungorega zvikanganiso zvichipfuura, muprofita Mika akanyora kuti: “Ndianiko Mwari wakafanana nemi, unokanganwira zvakaipa, unopfuura kudarika kwavakasara venhaka yake? Haangagari akatsamwa nokusingaperi, nokuti unofarira kuva nenyasha.”—Mika 7:18.

16 Nokurondedzera Jehovha seuyo “unopfuura kudarika,” Bhaibheri harisi kuti haakwanisi kuyeuka zvikanganiso, achiva norudzi rwakati rwehanganwa. Funga nezvenhau dzaSamsoni naDhavhidhi, vose vari vaviri vakaita zvikanganiso zvikuru. Mwari akakwanisa kuyeuka zvivi izvozvo kwapera nguva yakareba; tinotoziva zvimwe zvezvivi zvavo nokuti Jehovha akaita kuti zvinyorwe muBhaibheri. Asi, Mwari wedu anokanganwira akaratidza vaviri ivavo ngoni, achivaita kuti vave mienzaniso yokutenda yokuti titevedzere.—VaHebheru 11:32; 12:1.

17. (a) Maoneroi angatibatsira kupfuura zvikanganiso, kana kuti mhosva, dzevamwe? (b) Kana tikaedza kuita kudaro, tichave tichitevedzera Jehovha sei? (Ona mashoko omuzasi.)

17 Hungu, Jehovha akakwanisa ‘kupfuura’a kudarika, kunyange sezvaakakumbirwa akumbirwazve naDhavhidhi kuti aite. (2 Samueri 12:13; 24:10) Tinogona here kutevedzera Mwari pane izvi, tichiva vanoda kupfuura tuzvikanganiso nemhosva zvinoitwa nevanamati vakafanana nesu sevanhu vasina kukwana? Zvifungidzire uri mundege iri kumhanya munhandare. Paunotarira kunze, unoona pedyo nenzira inomhanya nendege mumwe munhu waunoziva achikusveeredza. Unoziva kuti ave akatsamwa uye angave achikuitira iwewe. Kana kuti angasambova ari kuitira iwe. Zvisinei, sezvo ndege yacho inotenderera ichikwira mudenga, munopfuura nepamusoro pomukadzi wacho, uyo zvino ava kuita sekanhu kaduku-duku. Muawa imwe wava kure nemazana emakiromita, uye kukusveeredza kwake kunogumbura kwasara kare kare shure kwako. Nenzira yakangofanana, kakawanda kukanganwira kuchatibatsira kana tikaedza kuita saJehovha ndokupfuura mhosva yacho nokuchenjera. (Zvirevo 19:11) Kachikanganiso kacho hakazovi kasina basa here makore gumi kubva zvino kana kuti makore mazana maviri tapinda muMakore Ane Chiuru? Tadii tangokarega kachipfuura?

18. Kana tichiita sokuti hatikwanisi kukanganwa mhosva, izanoi ratingashandisa?

18 Zvisinei, zvimwe wakanyengeterera kashoma nhau yacho ndokuedza kukanganwira, asi unonzwa kuti haugoni. Saka wodii? Jesu akakurudzira kuenda kune mumwe munhu wacho ndokuedza kupedza kusanzwisisana kwacho muri mega kuti mutsvake rugare. “Naizvozvo kana iwe uchiuya nechipo chako paartari, ukarangarira ipapo kuti hama yako ine mhosva newe, usiye chipo chako ipapo pamberi peartari, uende, umbondoyanana nehama yako, ugozouya woisa chipo chako.”—Mateo 5:23, 24.

19. Tinofanira kuva nepfungwa ipi uye ipfungwa ipi yatinofanira kudzivisa sezvatinotsvaka rugare nehama yedu?

19 Zvinokosha kuona kuti, Jesu haana kuti uende kuhama yako kuti unomuita kuti abvume kuti iwe wakanga wakarurama uye kuti iye ndiye akakanganisa. Zvimwe ndiye akakanganisa. Zvimwe mose makatokanganisa. Chero zvazvinenge zvakaita, vavariro haifaniri kuva yokuti mumwe wacho abvume, sekunge kuti apfugame. Kana iriyo pfungwa yaunayo pakukurukurirana kwacho, ungasabudirira. Uyewo vavariro yacho haifaniri hayo kuva yokudzokorora zvese zvakaitika pamhosva yakaparwa kana kuti yokufungidzira. Apo kukurukurirana kwakadzikama nenzira yerudo rwechiKristu kunoratidza kusanzwisisana kwakangoitika pachinetso chacho, mese mungaedza kuzvigadzirisa. Asi kunyange kukurukurirana kwacho kusingagumi nokubvumirana, nguva dzose ndizvo zvinofanira kuitika here? Zvingasava nani here kana mese henyu mukabvumirana kuti mese munoda kunamata Mwari anokanganwira? Pamunoziva chokwadi ichocho, zvingava nyore kuti mumwe nomumwe ataure nomwoyo wose kuti, “Ndine urombo kuti nokuda kwokusakwana kwedu takava nokusanzwisisana uku. Ndapota, ngazvipfuure.”

20. Chii chatingadzidza mumuenzaniso wevaapostora?

20 Yeuka kuti vaapostora vaitadzawo kunzwisisana, seapo vamwe vavo vaitsvaka kukudzwa zvikuru. (Marko 10:35-39; Ruka 9:46; 22:24-26) Izvozvo zvakakonzera kukamukana, zvimwe kurwadzisana, kana kunzwa kukanganisirwa zvikuru. Asi vakakwanisa kupfuura kusanzwisisana ikoko ndokupfuurira kushanda pamwe chete. Mumwe wavo akazonyora kuti: “Uyo, unoda upenyu, nokuona mazuva akanaka, ngaadzore rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake, kuti irege kutaura zvinonyengera. Ngaanzvenge zvakaipa, aite zvakanaka; ngaatsvake rugare, arutevere.”—1 Petro 3:10, 11.

21. Jesu akapa zanoi rinokosha pamusoro pokukanganwira?

21 Pakutanga taona chikamu chimwe chenyaya chokuti: Mwari akakanganwira zvivi zvakawanda zvatakaita munguva yakapfuura, saka tinofanira kumutevedzera ndokukanganwira hama dzedu. (Pisarema 103:12; Isaya 43:25) Asi pane chimwe chikamu chenyaya iyi. Apedza kupa munyengetero wokuenzanisira. Jesu akati: “Kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukanganwiraiwo.” Rinopfuura gore rimwe gare gare, akataurazve zvaaireva zvacho, achidzidzisa vadzidzi vake kunyengetera kuti: “Mutikanganwirei zvivi zvedu, nokuti nesu tinokanganwira vose vane mhosva nesu.” (Mateo 6:12, 14; Ruka 11:4) Ipapo, kwasara mazuva mashomanana chete asati afa, Jesu akawedzera kuti: “Kana mukamira muchinyengetera, kanganwirai kana mune mhaka nomumwe, kuti naBaba venyu vari kudenga, vakukanganwirei kudarika kwenyu.”—Marko 11:25.

22, 23. Kuda kwedu kukanganwira kunogona sei kutapura ramangwana redu?

22 Hungu, tarisiro dzedu dzokuramba tichikanganwirwa naMwari dzinonyanya kutsamira pakuda kwedu kukanganwira hama dzedu. Panomuka chinetso chomunhu oga pakati pevaKristu, zvibvunze kuti, ‘Kukanganwirwa naMwari hakunyanyi kukosha here pane kuratidza kuti hama kana kuti hanzvadzi yakanga isina kururama pane kamwe kachikanganiso kaduku-duku, mhosva duku-duku, kana kuti kuratidzwa kwakati kwokusakwana kwemunhu?’ Unoziva mhinduro yacho.

23 Zvisinei, zvakadini kana nhau yacho ichipfuura kungova zvayo mhosva duku yomunhu oga kana kuti chinetso? Uye zano raJesu rakanyorwa pana Mateo 18:15-18 rinoshanda rini? Ngatizokurukura nhau idzodzi.

[Mashoko Omuzasi]

a Imwe nyanzvi inotaura kuti dimikira rechiHebheru rakashandiswa pana Mika 7:18 rino“torwa kubva pane zvinoitwa nomunhu ari parwendo anopfuura chinhu chaasinei nacho asina kuchiona. Pfungwa yarinopa haisi yokuti Mwari haaoni chivi, kana kuti anochiona senhau inokosha zvishoma kana kuti isingakoshi, asi kuti haachioni mune zvimwe zviitiko achifunga nezvekuranga; kuti haarangi, asi anokanganwira.”—Vatongi 3:26; 1 Samueri 16:8.

Unoyeuka Here?

◻ Jehovha anotipa sei muenzaniso wokutevedzera panhau yokukanganwira?

◻ Chii chatinofanira kuyeuka nezvevari muungano yedu?

◻ Muzviitiko zvakawanda, tinofanira kukwanisa kuitei nezvetuzvikanganiso kana kuti mhosva?

◻ Kana zvakafanira, chii chatingaita kuti titsvake rugare nehama yedu?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kana kusanzwisisana nemumwe muKristu kukaitika, edza kukurega kuchipfuura; nokufamba kwenguva nhau yacho ichava isingakoshi zvishoma nezvishoma

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe