RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 11/1 pp. 24-28
  • Jehovha ndiMwari Wemutsa Une Rudo Kwandiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha ndiMwari Wemutsa Une Rudo Kwandiri
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndichangobva Kuchata uye Ndiri Mujeri
  • Zvisarudzo Zvatisina Kumbodemba
  • Kushanda Kunyange Zvaiva Zvakaoma Zvakadini
  • Chishamiso Chinofadza
  • “Panhovo Yourwere”
  • Jehovha ave ari Mubetseri Wedu
  • “Ndakatenda”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • “Ndakatenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Zano Kuna Marta, Uye Muraidzo Pamunyengetero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Shumira Jehovha Usingatsauswi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 11/1 pp. 24-28

Jehovha ndiMwari Wemutsa Une Rudo Kwandiri

YAKATAURWA NAJOHN ANDRONIKOS

Raiva gore ra1956. Mazuva mapfumbamwe chete pashure pemuchato wangu, ndakanga ndakamira pamberi pedare rokukwirira muKomotiní, kuchamhembe kweGreece. Tariro yangu yaiva yokuti mwedzi 12 yomutongo wandaiva ndapiwa nokuda kwekuparidza Umambo hwaMwari yaizobviswa. Kusarudza kwedare rokukwirira—kwemwedzi mitanhatu mujeri—kwakaparadza tariro iya ndokungova kutanga kwekutongwa kwakawanda. Zvisinei, mune izvi zvose, Jehovha akava Mwari wemutsa une rudo kwandiri.

PANDAKAZVARWA musi waOctober 1, 1931, mhuri yangu yaigara muguta reKaválla, paimira ngarava kuchamhembe kweMacedonia yakashanyirwa nemuapostora Pauro murwendo rwake rwechipiri rwoufundisi. Mai vakava mumwe weZvapupu zvaJehovha pandaiva nemakore mashanu, uye kunyange zvazvo vakanga vasina kunyanya kudzidza, vakaita nepavaigona napo kunyatsondidzidzisa kuda Mwari nokumutya. Baba vangu vaiva murume aisachinja kwazvo uyo nechisimbwa aiomerera kutsika yeGreek Orthodox. Vaiva vasingafariri chokwadi chiri muBhaibheri uye vaishora Mai vangu, kazhinji vachiita chisimba.

Saka, ndakakurira mumhuri yakakamukana, umo Baba vairova nokutuka Mai uye vakatotisiya. Kubvira pauduku hwangu, Mai vaienda neni nehanzvadzi yangu duku kumisangano yechiKristu. Zvisinei, pandakasvika makore 15, zvido zvoupwere nekuda kusununguka zvakaita kuti ndisiyane neZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvakadaro, Mai vangu vakatendeka vakaedza zvakasimba, uye vaichema kakawanda pavaiedza kundibetsera.

Nokuda kweurombo uye upenyu hweuori hwandairarama, ndakarwara zvikuru uye ndaifanira kurara kweinopfuura mwedzi mitatu. Paiva panguva iyoyo apo imwe hama yaizvininipisa zvikuru, iyo yaiva yabetsera Mai vangu kudzidza chokwadi, yakacherechedza mandiri rudo rwechokwadi nokuda kwaMwari. Akafunga kuti ndaigona kubetserwa kuti ndipore mumudzimu. Vamwe vakamuudza kuti: “Uri kutambisa nguva yako uchiedza kubetsera John; haachambofi akadazve zvinhu zvomudzimu.” Asi kushivirira kwehama iyi uye kutsungirira kundibetsera kwayo kwakabereka zvibereko. Pana August 15, 1952, ndava nemakore 21, ndakazvitsaurira kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa mumvura.

Ndichangobva Kuchata uye Ndiri Mujeri

Makore matatu gare gare ndakazivana naMartha, hanzvadzi yakakura mumudzimu yaiva neunhu hwakatanhamara, uye nokukurumidza takavimbisana kuroorana. Rimwe zuva ndakanyatsoshamisika Martha paakandiudza kuti: “Nhasi ndaronga kuparidza paimba neimba. Unoda kuenda neni here?” Kusvikira panguva iyoyo ndakanga ndisati ndamboita basa iri, ndainyanya kuparidzira nenzira isina kurongwa. Panguva iyoyo basa rokuparidza muGreece rakanga rarambidzwa, uye taitofanira kuita basa redu rokuparidza pachivande. Somugumisiro vanhu vaisungwa zvakanyanya, mhosva dzaitongwa, uye kutongerwa kugara mujeri nguva refu. Kunyange zvakadaro, ndaisagona kuti kwete kumusikana wangu!

Martha akava mudzimai wangu muna 1956. Ipapo aingova mazuva mapfumbamwe pashure pemuchato wedu, pandakatongerwa mwedzi mitanhatu mujeri nedare rekukwirira muKomotiní. Izvi zvakaita kuti ndifunge mubvunzo wandakambobvunza imwe hanzvadzi yechiKristu pane imwe nguva, yaiva shamwari yaMai vangu kuti: “Ndingaratidza sei kuti ndiri Chapupu chaJehovha chechokwadi? Handina kumbova nemukana wekuratidza kutenda kwangu.” Hanzvadzi iyi payakauya kuzondiona kujeri, yakandiyeuchidza nezvemubvunzo uya ndokuti: “Zvino unogona kuratidza Jehovha madire aunomuita. Uyu ndiwo mugove wako.”

Pandakaziva kuti gweta rangu raiedza kutsvaka mari yokundibhadharira kuti ndibudiswe mujeri, ndakariudza kuti ndaizoda kupedza mutongo wangu. Ndakafara sei kuona vaviri vevasungwa vandaiva navo vachigamuchira chokwadi pakapera mwedzi mitanhatu yokuva mujeri! Mumakore akatevera, ndakaiswa mumatare edzimhosva akawanda nokuda kwemashoko akanaka.

Zvisarudzo Zvatisina Kumbodemba

Muna 1959, makore mashomanana ndichangobudiswa, ndaishanda semushumiri weungano, kana kuti mutariri anotungamirira, uye ndakakokwa kuzopinda Chikoro choUshumiri hwoUmambo, kosi yokurovedza varume vakuru veungano. Zvisinei, panguva imwe cheteyo, ndakapiwa chinzvimbo chechigarire muchipatara chavose, basa iro raigona kundichengeta nemhuri yangu muupenyu hwedu hwose. Ndaifanira kusarudzei? Ndakanga ndatomboshanda muchipatara kwemwedzi mitatu, uye mukuru mukuru aigutsikana zvikuru nebasa rangu, asi pandakakokwa kuenda kuchikoro, haana kuzoda kundibvumira kunyange kutora zororo risingabhadharwi. Pashure pokufunga chinetso chacho nenzira yokunyengetera, ndakasarudza kufarira Umambo pakutanga ndokuramba basa.—Mateu 6:33.

Inenge nguva iyoyowo, mutariri weruwa newedunhu vakauya muungano yedu. Taifanira kuita misangano yedu pachivande mudzimba dzehama nemhaka yekushorwa kwazvo nevafundisi veGreek Orthodox uye zviremera. Pashure pomumwe wemisangano iyi, mutariri weruwa akauya kwandiri ndokundibvunza kana ndakanga ndambofunga nezvebasa renguva yakazara. Zano rake rakabaya mwoyo wangu nokuti rakanga ragara riri chido changu kubva pandakabhabhatidzwa. Ndakapindura kuti: “Ndinoda zvikuru.” Zvisinei, ndakanga ndatova nemutoro wakawedzerwa wekurera mwanasikana wedu. Hama yacho yakandiudza kuti: “Vimba naJehovha, uye achakubetsera kuti zvirongwa zvako zviitike.” Saka, tisingaregeredzi mitoro yemhuri yedu, ini nomudzimai wangu takakwanisa kuchinja mamiriro ezvinhu zvedu, zvokuti muna December 1960, ndakatanga kushanda sapiyona chaiye kumabvazuva kweMacedonia—ndichingova mumwe wemapiyona chaiwo mashanu chete munyika iyi.

Ndashanda sapiyona chaiye kwegore rimwe, hofisi yebazi muAthens yakandikoka kuzoshanda semutariri anofambira. Pandakadzokera kumba ndichibva kundorovedzwa kwemwedzi mumwe mubasa iri, uye pandakanga ndichiri kurondedzera Martha zvinoitika zvangu, mukuru mukuru wemumwe mugodhi wemanganese akashanya ndokundikumbira kuti ndive maneja wedhipatimendi rokunatsa, achindipa chibvumirano chemakore mashanu, imba yakaisvonaka, uye motokari. Akandipa mazuva maviri ekuti ndipindure. Uyezve, ndisingazenguriri zvachose, ndakanyengetera kuna Jehovha ndichiti: “Ndiri pano ini, nditumei.” (Isaya 6:8) Mudzimai wangu ainyatsobvumirana neni. Tichivimba naMwari, takatanga basa rokufambira, uye Jehovha nemutsa wake une rudo haana kumbotiodza mwoyo.

Kushanda Kunyange Zvaiva Zvakaoma Zvakadini

Kunyange zvazvo kwaiva nezvinetso zvemari, takapfuurira uye Jehovha akatigovera zvataida. Pakutanga, ndaiwanzoshanyira ungano nemudhudhudhu muduku, ndichifamba zvinhambwe zvemakiromita anosvika 500. Nguva zhinji ndaitambudzika, uye ndakaita tsaona shoma. Imwe nguva yechando pandaibva kune imwe ungano, mudhudhudhu wangu wakafa pandaiyambuka rukova rwaiva nemvura yakawanda, uye ndakanyura kusvika mumabvi. Ipapo vhiri romudhudhudhu rakaponja. Mumwe akanga achipfuura aiva nepombi akandibetsera, saka ndakakwanisa kusvika pamusha waiva pedyo kwandakandogadzirisa vhiri racho. Ndakazosvika kumba nenguva dzechitatu mangwanani, ndatonhorwa uye ndaneta.

Pane imwe nguva, sezvandaibva kune imwe ungano ndichienda kune imwe, mudhudhudhu wakatsvedza ndokudonhera paibvi rangu. Somugumisiro, bhurukwa rangu rakabvaruka ndokuzara ropa. Ndakanga ndisina rimwe bhurukwa, saka manheru iwayo ndakapa hurukuro ndakapfeka bhurukwa reimwe hama, rakanga rakati kurei kwandiri. Zvisinei, hapana dambudziko raigona kuderedza kuda kwandaiita kushumira Jehovha nehama dzinodiwa.

Pane imwe tsaona, ndakakuvara zvakaipisisa, ndakatyoka ruoko uye mazino angu apamberi akabva. Paiva panguva iyoyo pandakashanyirwa nehanzvadzi yangu, isiri Chapupu, yaigara muUnited States. Zvaizorodza zvakadini payakandibetsera kutenga motokari! Hama dzepabazi reAthens padzakaziva nezvetsaona yangu, dzakanditumira tsamba yaikurudzira, uye pakati pezvimwe zvinhu dzakaisa mashoko ari pana VaRoma 8:28, anoti muchidimbu: “Mwari anoita kuti mabasa ake ose ashandire pamwe kuti zvinakire vanoda Mwari.” Kazhinji, vimbiso iyi yakava yechokwadi muupenyu hwangu!

Chishamiso Chinofadza

Muna 1963, ndaishanda nemumwe piyona chaiye mune mumwe musha waiva nevanhu vakanga vasingadi. Takasarudza kushanda takasiyana, mumwe nemumwe achishanda rimwe divi remugwagwa. Pane imwe imba, ndichangobva kugogodza pasuo mumwe mukadzi nokukurumidza akandidhonzera mukati ndokuvhara uye kukiya musuo. Ndakakangaidzika, ndichishamisika kuti chii chakanga chiri kuitika. Nokukurumidza pashure paizvozvo, akachimbidzikawo kudaidza piyona chaiye uya kuti apinde mumba. Ipapo mukadzi uya akatiudza kuti: “Nyararai! Musatombopfakanyika!” Pashure penguva yakati, takanzwa manzwi asiri eushamwari panze. Vanhu vakanga vachititsvaka. Zvinhu pazvakanga zvanyarara, mukadzi uya akatiudza kuti: “Ndazviita nokuda kwekudzivirirwa kwenyu. Ndinokuremekedzai nokuti ndinodavira kuti muri vaKristu vechokwadi.” Takamutenda nemwoyo wose ndokuenda, tikamusiyira mabhuku akawanda.

Makore gumi nemana gare gare, pandaipinda kokorodzano yeruwa muGreece, mumwe mukadzi akauya kwandiri ndokuti: “Hama, munondiyeuka here? Ndini mukadzi uya akakudzivirirai pavashori pamakauya kumusha kwedu kuzopupurira.” Akanga atamira kuGermany, adzidza Bhaibheri, uye ava kunamata nevanhu vaJehovha. Zvino, mhuri yake yose yakanga yava muchokwadi.

Zvechokwadi, mumakore ose iwayo, takakomborerwa ne“tsamba dzerumbidzo” dzakawanda. (2 VaKorinde 3:1) Vakati kuti vatakava neropafadzo yokubetsera kuwana zivo yechokwadi cheBhaibheri zvino vari kushanda sevakuru, vabatiri vanoshumira, uye mapiyona. Zvinofadza sei kuona vaparidzi vashomanana mumatunhu andaishanda kare kutanga kwama1960 vachiwedzera kupfuura vanamati vaJehovha 10 000! Mbiri yose inoenda kuna Mwari wedu wemutsa une rudo, uyo anotishandisa munzira dzake pachake.

“Panhovo Yourwere”

Mumakore ataive mubasa rokufambira, Martha akaratidza kuva mudzimai akatanhamara, aifara nguva dzose. Zvisinei, muna October 1976, akarwara zvakanyanya uye akavhiyiwa zvinorwadza zvikuru. Akapedzisira ava murwere anoshandisa wiricheya. Taigona sei kuwana mari yokubhadhara zvaidiwa uye kubata nekurwadziwa nepfungwa? Tichivimba naJehovha zvakare, takawana ruoko rwake rwune rudo nerupo. Pandakaenda kundoshanda muMacedonia, Martha akasara achigara kumba kweimwe hama muAthens kuti arapwe. Aindiridzira runhare achitaura mashoko anokurudzira okuti: “Ndinofara. Iwe pfuurira, uye pandichakwanisa kufambazve, ndichakuperekedza ndiri muwiricheya yangu.” Uye izvozvo ndizvo chaizvo zvaakaita. Hama dzedu dzinodiwa dzepaBheteri dzakatitumira tsamba dzakawanda dzaikurudzira. Martha akayeuchidzwa kakawanda nezvemashoko ari pana Pisarema 41:3 anoti: “Jehovha uchamutsigira panhovo yourwere; munoshandura nhovo dzake dzose pakurwara kwake.”

Nemhaka yezvinetso zveutano zvakanyanya izvi, muna 1986 zvakasarudzwa kuti zvaizova zvakakodzera kuti ndishande sapiyona chaiye muKaválla, mandinogara pedyo nemhuri yemwanasikana wedu anodiwa. Muna March wapera, Martha wangu anodiwa akafa, akatendeka kusvika kumugumo. Asati afa, hama padzaimubvunza kuti: “Uri kunzwa sei?” aiwanzopindura kuti: “Sezvo ndiri pedyo naJehovha, ndiri kunzwa zvakanaka zvikuru!” Pataigadzirira misangano kana kuti pataigamuchira kukoka kunofadza kuti tishande munzvimbo dzine kukohwa kukuru, Martha aiwanzoti: “John, ngatiendei tinoshanda kunodiwa vaparidzi zvikuru.” Haana kurega kushingaira kwake.

Makore apfuura, neniwo ndaifanira kubata nechinetso choutano chakanyanya. Muna March 1994, ndakaonekwa kuti ndine dambudziko rinouraya remwoyo, uye ndaitofanira kuvhiyiwa. Uyezve ndakanzwa ruoko rwaJehovha rwune rudo rwuchinditsigira nomunguva yakaoma. Handimbokanganwi munyengetero wakapiwa nemumwe mutariri wedunhu parutivi pemubhedha wangu pandakabuda munotarisirwa varwere vanorwara zvikuru, pamwe chete nekuchengeta Chirangaridzo kwandakaitisa mukamuri rangu chairo romuchipatara nevamwe varwere vana vaiva varatidza kufarira chokwadi.

Jehovha ave ari Mubetseri Wedu

Nguva inomhanya kwazvo, uye nyama yedu inoneta, asi mudzimu wedu unovandudzwa nokudzidza uye nokushanda. (2 VaKorinde 4:16) Zvino ave ari makore 39 kubva pandakati, “Ndiri pano ini, nditumei.” Hwave huri upenyu hwakazara nomufaro uye hune mubayiro. Hungu, pane dzimwe nguva ndinonzwa kuti “Ini ndiri murombo nemushayiwi,” asi ipapo ndinogona kutaura nechivimbo kuna Jehovha kuti: “Imi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu.” (Pisarema 40:17) Zvechokwadi ave ari Mwari wemutsa une rudo kwandiri.

[Mufananidzo uri papeji 25]

NaMartha muna 1956

[Mufananidzo uri papeji 26]

Chiteshi chengarava muKaválla

[Mufananidzo uri papeji 26]

NaMartha muna 1997

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe