Vakaita Kuda kwaJehovha
Mupiro Wokuzvidira Wokutsigira Kunamata Kwakachena
VAISRAERI vaiva zvapupu zvakaona simba rinoponesa raJehovha. Vakaona mvura yeGungwa Dzvuku ichiparadzana nenzira inoshamisa, zvichivaita kuti vayambuke vari panyika yakaoma ndokupukunyuka uto revaEgipita. Vari mhiri, vakatarisa vari kure sezvo mvura iyoyo yakadzoka ichifukidza vaivatevera. Jehovha akanga aponesa upenyu hwavo!—Eksodho 14:21-31.
Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti vamwe vaIsraeri vakarerutsa zvakanga zvaitwa naMwari wavo. Mosesi paaiva Mugomo reSinai, vakapa zvishongo zvavo zvendarama kuna Aroni uye vakarayira kuti avaitire chidhori chekuti vanamate. Paakadzoka, Mosesi akawana iri boka revapanduki richidya, richinwa, richitamba, uye richikotamira mhuru yendarama! Pakurayira kwaJehovha vanenge 3 000—zvimwe vakatanga kupandukira kwacho—vakaurayiwa. Zuva iroro, vanhu vaMwari vakadzidza chidzidzo chinokosha pamusoro pekudiwa kwekuzvipira kuna Jehovha oga.—Eksodho 32:1-6, 19-29.
Chiitiko ichi chichangopera, Mosesi akagadzirira kuti aite zvainge zvarayirwa naMwari zvokuti avake tabhenakeri, tende raitakurika rokunamatira. Basa rokuvaka iri raizoda zvinhu zvaidhura uye vashandi vaiva neunyanzvi. Izvi zvaizobva kupi? Uye tinogona kudzidza chii kubva munyaya iyi iri muBhaibheri?
Mupiro Wezvinhu uye Unyanzvi
Achishandisa Mosesi, Jehovha akarayira vaIsraeri kuti: “Ripirai Jehovha chipo pazvinhu zvenyu; ani nani une mwoyo unoda, ngaauye nacho, chive chipo chaJehovha.” Mupiro worudzii? Pazvinhu zvakanyorwa naMosesi paiva nendarama, sirivha, kopa, shinda yokurukisa, micheka, matehwe, matanda, uye mabwe anokosha.—Eksodho 35:5-9.
VaIsraeri vaiva nezvinhu zvakawanda kuti vape mupiro wakadaro norupo. Yeuka, pavakabva muEgipita, vakatora zvinhu zvendarama uye zvesirivha, pamwe chete nenguo dzakawanda. Zvechokwadi, “vakapedzera vaEgipita.”a (Eksodho 12:35, 36) Izvi zvisati zvaitika, vaIsraeri vakanga vabvisa zvishongo zvavo kuti vagadzire chidhori chekunamata kwenhema. Zvino vaizoratidza here kuti vanoda zvakafanana kupa mupiro wokutsigira kunamata kwechokwadi?
Cherekedza kuti Mosesi haana kutema uwandu chaihwoihwo hwaifanira kupiwa nemunhu mumwe nomumwe, uye haana kuita kuti kunzwa kwavo vane mhosva yezvavakanga vamboita kuvaite kuti vape. Asi, akangokumbira kune “mumwe nomumwe une mwoyo unoda.” Zviri pachena kuti Mosesi haana kuona zvakakodzera kumanikidza vanhu vaMwari. Aivimba kuti mumwe nomumwe aizopa zvose zvaaikwanisa.—Enzanisa na2 VaKorinde 8:10-12.
Zvisinei, basa rokuvaka raizoda zvakawanda kupfuura mipiro yezvinhu. Jehovha akaudzawo vaIsraeri kuti: “Varume vose pakati penyu vane mwoyo yakachenjera ngavauye, vaite zvose zvakarayirwa naJehovha.” Hungu, chirongwa chokuvaka ichi chaida basa reunyanzvi. Zvechokwadi, “marudzi ose amabasa”—kusanganisira kuveza, umhizha, uye kugadzira zvishongo—aizodiwa kuti chirongwa chokuvaka ichi chipere. Chokwadi, Jehovha aizotungamirira mano evashandi, uye mbiri yokubudirira kwebasa rokuvaka yaizoenda kwaari nenzira yakakodzera.—Eksodho 35:10, 30-35; 36:1, 2.
VaIsraeri vakapindura nomufaro pavakakokwa kuti vape zvinhu zvavo uye unyanzvi hwavo. Nyaya iri muBhaibheri inoti: “Vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomwoyo wake, mumwe nomumwe wakatendiswa nomweya wake, wakauya nechipo chaJehovha, chokubate basa retende rokusongana namabasa aro ose, nenguo tsvene. Vakauya varume navakadzi, vose vaiva nemwoyo yakanga ichida.”—Eksodho 35:21, 22.
Zvatinodzidza
Nhasi basa guru zvikuru rekuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari riri kuitwa nokushandisa mipiro yokuzvidira. Kazhinji iyi ndeyemari. Mune zvimwe zviitiko, hama nehanzvadzi dzechiKristu dzinoshandisa ruzivo rwadzo rwakawanda mukubatsira kuvaka Horo dzoUmambo, Horo dzaMagungano, uye zvivako zvemapazi. Uyezve pane basa rinoitwa pamisha yeBheteri inopfuura zana munyika yose, basa rinoda unyanzvi hwakasiyana-siyana. Vose vane mwoyo inoda vakaita mipiro yakadaro vanogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha haazokanganwi basa ravo ravanoita nesimba!—VaHebheru 6:10.
Zvimwe chete zvinoshanda pabasa iro mumwe nomumwe wedu anoita muushumiri hwechiKristu. Vose vanokurudzirwa kuti vatenge nguva kuti vaparidzewo nokushingaira. (Mateu 24:14; VaEfeso 5:15-17) Vamwe vanoita izvi sevaevhangeri venguva yakazara, kana kuti mapiyona. Nemhaka yemamiriro ezvinhu, vamwe havakwanisi kupedza nguva yakawanda muushumiri semapiyona. Zvisinei, ivowo vari kufadza Jehovha. Kufanana nemipiro yetabhenakeri, Jehovha haatemi uwandu chaihwoihwo uhwo mumwe nomumwe anofanira kupa. Asi, anoda kuti mumwe nomumwe wedu amushumire nomwoyo wake wose, mweya, pfungwa, uye simba. (Mako 12:30) Kana tiri kuita izvozvo, tinogona kuva nechokwadi chokuti achatipa mubayiro wemipiro yedu yokuzvidira yatinopa kuti titsigire kunamata kwechokwadi.—VaHebheru 11:6.
[Mashoko Omuzasi]
a Uku kwakanga kusiri kuba. VaIsraeri vakakumbira zvipo kubva kuvaEgipita, uye izvi zvakapiwa pasina kumanikidzwa. Uyezve, sezvo vaEgipita vakanga vasina kumbova nekodzero dzekushandisa vaIsraeri sevaranda pakutanga, vaitova nechikwereti kuvanhu vaMwari chemibayiro yemakore avo avakashanda zvakaoma.