RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 11/15 pp. 28-31
  • Chii Chingaitwa Nokuora Mwoyo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chingaitwa Nokuora Mwoyo?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuora Mwoyo Mubasa Redu Rokuparidza
  • Kuwana Migumisiro Iri Nani
  • Kuramba Uine Maonero Akanaka
  • Kuora Mwoyo Neukama
  • Kungonzwa Wakaora Mwoyo Pachako
  • Zvigadzikiso Zviviri Zvakanakisisa
  • Kukunda Kuora Mwoyo
  • Zvaungaita Kuti Usaramba Wakaora Mwoyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Kurudziranai Sezvo Zuva Rinoswedera Pedyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Tinopiwa Simba Rokukunda Miedzo Uye Kuora Mwoyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Takaneta asi Hatisi Kupera Simba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 11/15 pp. 28-31

Chii Chingaitwa Nokuora Mwoyo?

MUNHU angarwisa sei kuora mwoyo? Uyu ndiwo mubvunzo wakabvunzwa vatariri vanofambira vakawanda, avo vanoshanyira ungano dzeZvapupu zvaJehovha nguva nenguva. Mhinduro dzavo dzinogona kutibatsira kunzvera zvinokonzera kuora mwoyo uye zvigadzikiso zveaya mamiriro ezvinhu anogona kutapura muKristu upi zvake.

Zvinopfuura kuongorora zvinodikanwa pakutarisana nekuora mwoyo, asi zviratidzo zvacho zvingasanganisira kusava nehanya nemunyengetero kana kufunda uri woga, kusapinda misangano nguva dzose, kusafarira, uye kunyange kungova akatonhora kune shamwari dzechiKristu. Zvisinei, chimwe chezviratidzo kudzikira kwekushingairira mukuparidza. Ngationgororei zviratidzo zvacho uye tofunga zvigadzikiso.

Kuora Mwoyo Mubasa Redu Rokuparidza

Jesu Kristu aiziva matambudziko aibatanidzwa nemurayiro wokuita vadzidzi. (Mateu 28:19, 20) Akatuma vateveri vake se“makwai pakati pemhumhi,” achiziva kuti basa ravo rokuparidza raizovaita kuti vatambudzwe. (Mateu 10:16-23) Kunyange zvakadaro, ichi chaisava chikonzero chokuti vaore mwoyo. Chokwadi, vashumiri vaJehovha vakavimba naye nemunyengetero pane dzimwe nguva vakasimbiswa nezvitambudzo.—Mabasa 4:29-31; 5:41,42.

Kunyange apo vadzidzi vaJesu vakanga vasingatambudzwi zvakanyanya, vaisagamuchirwa zvakanaka nguva dzose. (Mateu 10:11-15) Saizvozvowo, basa rokuparidza reZvapupu ZvaJehovha hariitwi nenzira yakapfava nhasi.a Kuvanhu vakawanda, kutenda muna Mwari inhau yomunhu oga yavasingadi kukurukura. Vamwe havadi kuva nechokuita nesangano rechitendero chavanovenga. Pasina kupokana, kusafarira, kusava nemagumisiro akanaka, kana zvimwe zvinetso zvakawanda zvinogona kuparira kuora mwoyo kwazvo. Zvipinganidzo izvi zvinogona kukurirwa sei?

Kuwana Migumisiro Iri Nani

Mufaro watinowana muushumiri hwedu une chokuita nemigumisiro yatinowana. Zvino, tingava sei noushumiri hunobudirira? Hungu, tiri “vabati vevanhu.” (Mako 1:16-18) Vanhu vaibata hove muIsraeri yekare vaienda kunobata hove usiku pavaigona kubata hove dzakawanda. Isuwo tinofanira kuongorora ndima yedu kuitira kuti tiende ku“nobata” apo vazhinji vevanhu vanenge vari pamba uye apo vangangogamuchira mashoko edu. Izvi zvingava manheru, pakupera kwevhiki, kana pane dzimwe nguva. Maererano nemumwe mutariri anofambira, izvi zvinoshanda munzvimbo idzo vanhu vanoshanda zuva rose. Anoti kuparidza kwemanheru kunowanzoguma nezvakaisvonaka. Kuparidza nenhare kana kusina kurongwa kunogona kutiita kuti tisvike vanhu vakawanda.

Kushingirira muushumiri kunounza migumisiro yakanaka. MuEastern Europe nemune dzimwe nyika dzeAfrica, basa rokuparidza Umambo riri kufambira mberi zvakanaka, uye izvi zvakaguma newedzero dzakanaka. Saizvozvowo, ungano dzakawanda dzakaumbwa munzvimbo dzaimbofungwa kuti hadzibereki zvibereko, kana kunyange mundima dzinogaroshandwa. Zvisinei, zvakadini kana yako isingavi nemigumisiro yakadaro?

Kuramba Uine Maonero Akanaka

Kuva nevavariro dzakagadzwa naJesu zvakajeka mundangariro medu kuchatibatsira kuti tisaore mwoyo patinotarisana nokusafarira muushumiri. Kristu aida kuti vadzidzi vake vatsvake vakafanira, kwete kungotendeutsa vanhu vazhinji-zhinji. Panguva dzakawanda akataura pachena kuti ruzhinji harwaizobvuma mashoko akanaka, kungofanana nevaIsraeri vakawanda vasina kuteerera vaprofita vekare.—Ezekieri 9:4; Mateu 10:11-15; Mako 4:14-20.

“Mashoko akanaka oumambo” anogamuchirwa nokuonga neavo “vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3; 24:14) Vanoda kunamata Mwari munzira yaanotaura. Nokudaro, migumisiro yebasa redu yakabatana nezvakaita mwoyo yevanhu kupfuura kugona kwedu kupa mashoko acho. Chokwadika, tinoda kuita zvatinogona kuti mashoko akanaka afadze. Asi migumisiro yacho inotsamira pana Mwari, sezvo Jesu akati: “Hapana munhu angagona kuuya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasamukweva.”—Johani 6:44.

Basa redu rokuparidza rinoita kuti zita raJehovha rizivikanwe. Kunyange vanhu vakateerera kana vakasateerera, basa redu rokuparidza rinoita kuti zita raJehovha dzvene ritsveneswe. Kupfuurirazve, nebasa redu rokuparidza, tinoratidza kuti tiri vadzidzi vaKristu, uye kuti tine chikomborero chokuitawo basa rinokosha zvikuru riri kuitwa muzuva redu.—Mateu 6:9; Johani 15:8.

Kuora Mwoyo Neukama

Ukama hwevanhu, mumhuri kana muungano, hungakonzera kuora mwoyo. Somuenzaniso, pane manzwiro okusanzwisiswa. Kusakwana kwevatendi pamwe nesu kunogonawo kutiodza mwoyo. Zvekare, magwaro anogona kuva ebetsero huru kwatiri.

“Sangano rose rehama” munyika yose rinoumba mhuri huru yomudzimu. (1 Petro 2:17) Asi kunzwa uri mumwe wevanhu vakabatana kunogona kupera nemhaka yekusiyana kweunhu. Sezviri pachena, vaKristu vomuzana rokutanga ramakore vaive nezvinetso zvakadaro sezvo muapostora Pauro aifanira kuvayeuchidza nguva nenguva kuti vagare pamwe vakabatana. Somuenzaniso, akakurudzira vakadzi vaviri vechiKristu—Yuodhiya naSindike—kuti vagadzikise kupesana kwavo.—1 VaKorinde 1:10; VaEfeso 4:1-3; VaFiripi 4:2, 3.

Kana ichi chiri chinetso chacho, tingamutsiridza sei kuda hama nehanzvadzi dzedu zvepachokwadi? Nokuzviyeuchidza kuti Kristu akavafira uye kuti ivo, kufanana nesu, vakatenda muchibayiro chake chorudzikinuro. Tinogona kufungawo kuti vazhinji vehama dzedu vakagadzirira kutevedzera Jesu Kristu nekuisa upenyu hwavo pangozi nokuda kwedu.

Makore apfuura, muParis, France, chimwe Chapupu chiduku hachina kuzengurira kunhonga bhegi raive nebhomba rainge raiswa kunze kweHoro yoUmambo. Akamhanya masitepisi anoverengeka asati anorikandira mutsime, umo rakaputikira. Abvunzwa kuti chii chakamuita kuti aise upenyu hwake pangozi nenzira yakadaro, akapindura kuti: “Ndakaziva kuti upenyu hwedu hwaiva mungozi. Saka ndakafunga kuti zviri nani kuti ndife ini ndoga pane kuti tife tose.”b Chikomborero chakadini chokuva nevasonganiri vakadaro vakagadzirira kutevera muenzaniso waJesu zviri pedyo kudaro!

Mukuwedzera, tinogona kufungisisa nezvekubatana kwaivapo pakati peZvapupu zvaJehovha zvaiva mumisasa yevasungwa mukati meHondo Yenyika Yechipiri.c Kungofanana navo, munguva pfupi yapfuura, hama dzedu nehanzvadzi muMalawi dzakaramba dzakavimbika sevaKristu vechokwadi vakatendeka. Pfungwa yokuti hama dzedu dziri muungano yedu dzingangoita nenzira iyoyo mumamiriro ezvinhu akaipa haitiiti here kuti tiregerere kana kuti kuona kusanzwisisana nezvinetso zvezuva nezuva sezvisina basa? Tikakudziridza kufunga kwakafanana nekwaKristu, ukama hwedu hwezuva nezuva nevanamati pamwe nesu huchatizorodza, kwete kutiodza mwoyo.

Kungonzwa Wakaora Mwoyo Pachako

“Tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo; asi kana chapangwa chosvika, ndiwo muti woupenyu.” (Zvirevo 13:12) Mukuona kwevamwe vashumiri vaJehovha, mugumo wegadziriro ino yezvinhu hausi kuuya nokukurumidza. VaKristu vanowana nguva dzatiri kurarama ‘dzinonetsa uye dzakaoma kubata nadzo,’ sezvinongoitawo vasingatendi vakawanda.—2 Timoti 3:1-5.

Zvisinei, kusafanana nevasingatendi, muaya mamiriro ezvinhu anoedza, vaKristu vanofanira kufara kuona “chiratidzo” chokuvapo kwaJesu, icho chinoratidza kuti Umambo hwaMwari huchakurumidza kugumisa gadziriro ino yezvinhu yakaipa. (Mateu 24:3-14) Kunyange apo mamiriro ezvinhu anoipa kwazvo—sezvaachatoita mukati me“kutambudzika kukuru”—zviitiko izvi zvinotipa mufaro nokuti zvinozivisa nyika itsva yaMwari iri kuuya.—Mateu 24:21; 2 Petro 3:13.

Kumbokanganwa kupindira kwoUmambo muzviitiko zvezuva ranhasi kunogona kuita kuti muKristu ape nguva yakawanda kwazvo kuzvinodiwa zvekunyama. Kana aizobvumira zvinhu zvakadai sebasa rekunyika nevaraidzo kuti zvipedze nguva nesimba rake, zvaizomuomera kuti azadzise zvakanaka mitoro yake yapamagwaro. (Mateu 6:24, 33, 34) Mafungiro akadaro anokudziridza kushaya tariro saka panova nokuora mwoyo. Mumwe mutariri anofambira akati: “Hazvina musoro kuedza kurarama upenyu hwemutsika itsva tiri mugadziriro ino yezvinhu.”

Zvigadzikiso Zviviri Zvakanakisisa

Zvinokonzera zvangowanwa, munhu angawana sei chigadzikiso chinoshanda? Kufunda uri woga ndeimwe nzira yakanakisisa iripo. Nemhaka yei? “Zvinotiyeuchidza kuti nei tichiita zvatinoita,” akadaro mumwe mutariri anofambira. Zvekare, mumwe akati: “Kungoparidza chete nokuti zvinofanirwa kudaro kunopedzisira kwave mutoro nokufamba kwenguva.” Asi kufunda uri woga kunotibatsira kuti tive nemaonero akajeka basa redu sezvatinosvika pedyo nomugumo. Mumafungire iwayo, Magwaro anotiyeuchidza nguva nenguva kudiwa kwokunyatsodya mumudzimu kuti tiwane mufaro wechokwadi mukuita kuda kwaMwari.—Pisarema 1:1-3; 19:7-10; 119:1, 2.

Vakuru vanogona kubatsira vamwe kukurira kuora mwoyo nokuvashanyira vachivafudza zvinokurudzira. Mukuvashanyira uku, vakuru vanogona kuratidza kuti mumwe nomumwe wedu anokosheswa zvikuru uye kuti ane nzvimbo inokosha pakati pevanhu vaJehovha. (1 VaKorinde 12:20-26) Achitaura nezvevaKristu vaanonamata navo, mumwe mukuru akati: “Kuti ndisimbise kukosha kwavo, ndinovayeuchidza zvavakamboita. Ndinovaudza kuti vanokosha mumeso aJehovha uye kuti ropa remwanakomana wake rakapiwa nokuda kwavo. Kutaura uku kunogamuchirwa zvakanaka nguva dzose. Kana izvi zvatsigirwa nemashoko eBhaibheri akasimba, avo vakaora mwoyo vanosvika padanho rokugadza vavariro itsva, dzakadai semunyengetero wemhuri, kufunda uye kuverenga Bhaibheri.”—VaHebheru 6:10.

Pakufudza, vakuru vanofanira kungwarira kuti vasazviite sezvakaoma kufadza Mwari. Asi, vakuru vanogona kubatsira vanamati pamwe navo vakaora mwoyo kuti vaone kuti mutoro wevateveri vaJesu wakareruka. Somugumisiro, basa redu rechiKristu rinotipa mufaro.—Mateu 11:28-30.

Kukunda Kuora Mwoyo

Pasinei zvapo nezvinokukonzera, kuora mwoyo idambudziko rinofanira kurwiswa. Zvisinei, yeuka kuti hatisi toga tiri muhondo yacho. Kana takaora mwoyo, ngatibvumei rubatsiro rwevaKristu vatinonamata navo, kunyanya vakuru. Kana tikadaro, tinogona kuderedza kunzwa takaora mwoyo.

Kupfuura zvose, tinoda kutarira kuna Mwari kuti atibetsere kukurira kuora mwoyo. Kana tikavimba naJehovha nemunyengetero, angatibatsira kukunda kuora mwoyo zvachose. (Pisarema 55:22; VaFiripi 4:6, 7) Sezvineiwo, sevanhu vake tinogona kufunga sezvakaita munyori wepisarema uyo akaimba kuti: “Vakaropafadzwa vanhu vanoziva inzwi romufaro; vanofamba, Jehovha, muchiedza chechiso chenyu.Vanofara muzita renyu zuva rose; vanosimudzwa nokururama kwenyu. Nokuti imi muri kubwinya kwesimba ravo; runyanga rwedu ruchasimudzwa netsitsi dzenyu.”—Pisarema 89:15-17.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Chinetso Chapaimba Neimba” muNharireyomurindi yaNovember 15, 1981.

b Ona peji 12 ne13 muMukai! yechiNgezi yaFebruary 22, 1985, yakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.

c Ona nyaya dzinoti: “Ndakapukunyuka ‘Kufamba Kworufu’” muNharireyomurindi yaAugust 15, 1981, ne“Kuvimbika muGermany yechiNazi” muMukai! yechiNgezi yaJune 22, 1985.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Kushanya kwokufudza kunovaka kunoitwa navakuru vane rudo kunogona kubatsira vaKristu kukurira kuora mwoyo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe