RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 1/15 pp. 4-7
  • Shoko raMwari Rouprofita Rinopa Tariro Yenguva Yemberi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shoko raMwari Rouprofita Rinopa Tariro Yenguva Yemberi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZUVA ROKUTANGA: Kufamba Muchiedza cheShoko raMwari
  • ZUVA RECHIPIRI: Zvinhu Zvakaitwa Kuti Zvizivikanwe neMagwaro Ouprofita
  • ZUVA RECHITATU: Shoko raMwari Rouprofita Harimbokundikani
  • Vadzidzisi Veshoko raMwari Vanokurudzirwa Kuti Vazadzise Basa Ravo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • “Vazivisi Voumambo Vanoshingaira” Vanoungana Nomufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Vaiti Veshoko raMwari Vanowana Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kokorodzano Dzinofadza Dzinosimudzira Kudzidzisa Kwoumwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 1/15 pp. 4-7

Shoko raMwari Rouprofita Rinopa Tariro Yenguva Yemberi

NEMHAKA yeShoko raMwari, Bhaibheri Dzvene, vaKristu vechokwadi vanoona nguva yemberi nokutenda, tariro, uye tarisiro. Vakachengeteka muukama hwavo naJehovha Mwari, vanotarira mberi kune ramangwana. Sokutsanangura kwakaita hurukuro yokutanga paKokorodzano Yoruwa ye“Shoko raMwari Rouprofita,” Zvapupu zvaJehovha zvave zviri vadzidzi vanoshingaira vouprofita hweBhaibheri kwemakore akawanda. Saka, Jehovha akanga akachengeterei vanhu vake pakokorodzano idzi? Vakabata maBhaibheri mumaoko, vateereri vose vaida zvikuru kuziva. Musoro wezuva roga roga rekokorodzano wakarongwa somusoro muduku wakasiyana.

ZUVA ROKUTANGA: Kufamba Muchiedza cheShoko raMwari

Hurukuro yaiti “Shoko raMwari Rakatitungamirira” yakatsanangura kuti vanhu vaJehovha vakaita somurume anotanga kuenda rwendo murima rousiku. Sezvo zuva rinobuda, anoona madzerere, asi zuva parinenge rava kurova nhongonya, anoona zvose zvakajeka. Sezvakafanotaurwa pana Zvirevo 4:18, vanhu vaJehovha vasvika pakuona nzira yavo zvakajeka muchiedza chezuva chechokwadi kubva mushoko raMwari rouprofita. Havasiyiwi kuti vagumburwe murima romudzimu.

Hurukuro inokosha yaiti, “Teerera Shoko raMwari Rouprofita,” yakayeuchidza vateereri kuti vaya vanotarira kuna Jehovha havaori mwoyo nokupera mwoyo sezvinoita vanhu vanotevera vanamesiya venhema uye vaprofita venhema. Kusiyana zvikuru neizvozvo, zvinopupurira Mesiya wechokwadi, Jesu Kristu, zvakawanda kwazvo! Somuenzaniso, kushanduka chitarisiko kunoshamisa kwaJesu kwakaratidza kufanoonwa kwake saMambo akagadzwa woUmambo hwaMwari. Kubva paakapinda musimba roUmambo muna 1914, Jesu ndiyewo “nyamasase” inodudzwa pana 2 Petro 1:19. “SeNyamasase iri Mesiya, anozivisa rimwe zuva idzva, kana kuti nguva, inotanga kunzwisiswa nevanhu vose vanoteerera,” akadaro mukurukuri wacho.

Kutanga purogiramu yemasikati, hurukuro yaiti “Kupenya Sezvivheneko” yakatsanangura VaEfeso 5:8, apo muapostora Pauro anotipa zano roku“ramba [ti]chifamba sevana vechiedza.” VaKristu zvivheneko, kwete nokungogovana Shoko raMwari nevamwe asiwo nokushandisa Bhaibheri muupenyu hwavo mukutevedzera Jesu.

Kuti tive zvivheneko zvorudzi urwu, tinofanira ku“Farira Kurava Shoko raMwari.” Musoro uyu wakatsanangurwa muhurukuro yezvikamu zvitatu zvokusiyirana. Pashure pokutaura mashoko aAbraham Lincoln, akadana Bhaibheri kuti “chipo chakanakisisa chati chambopiwa vanhu naMwari,” mukurukuri wokutanga akabvunza vateereri kuti kurava kwavo kwakazivisei nezvemaongere avanoita Shoko raJehovha. Vateereri vakakurudzirwa kunyatsorava Bhaibheri, vachitora nguva yokuona mupfungwa nhoroondo dzomuMagwaro uye kubatanidza pfungwa itsva nezvinhu zvakatodzidzwa.

Chikamu chaitevera chehurukuro yokusiyirana yacho chakasimbisa kudikanwa kwokudzidza, kwete kungorava chete, kana tichizopinza “zvokudya zvikukutu.” (VaHebheru 5:13, 14) Kudzidza kunonyanya kuvaka, akadaro mukurukuri wacho, kana tikafano‘gadzirira mwoyo yedu,’ sezvakaita mupristi wechiIsraeri Ezra. (Ezra 7:10) Asi nei kudzidza kuchikosha kwazvo? Nokuti kune zvakunoita zvakananga paukama hwedu naJehovha. Nokudaro, kudzidza Bhaibheri kunofanira kuva kunokosha, kunofadza, uye kunozorodza, kunyange zvazvo kuchibatanidza kuranga pfungwa uye kutamburira. Tinowana sei nguva yokunyatsodzidza? Noku“zvitengera nguva yakafanira” kumabasa asinganyanyi kukosha, akadaro mukurukuri wokupedzisira wehurukuro yokusiyirana yacho. (VaEfeso 5:16) Hungu, kiyi yokuwana nguva kushandisa nguva yatinayo zvakanakisisa.

Hurukuro yaiti “Mwari Anopa Akaneta Simba” yakabvuma kuti vanhu vakawanda mazuva ano vaneta. Kuitira kuti tive ne“simba rinopfuura romuzvarirwo” nokuda kwoushumiri hwechiKristu, tinoda kuvimba naJehovha, uyo ‘unopa akaneta simba.’ (2 VaKorinde 4:7; Isaya 40:29) Zvinhu zvinobetsera zvinopa simba zvinosanganisira Shoko raMwari, munyengetero, ungano yechiKristu, kugaroita ushumiri, vatariri vechiKristu, uye muenzaniso wokutendeka kwevamwe. Musoro waiti “Kuva Vadzidzisi Kana Tichitarira Nguva” wakasimbisa kudikanwa kwokuti vaKristu vave vadzidzisi uyewo vaparidzi uye kuti vashande zvakaoma kutanga “unyanzvi hwokudzidzisa.”—2 Timoti 4:2.

Hurukuro yokupedzisira yezuva racho yaiti, “Vanorwisana naMwari Havazokundi,” yakataura nezvokuedza zvisina kufanira kuita kuti Zvapupu zvaJehovha zvinzi chitendero chiduku chine ngozi kwakaitwa munguva pfupi ichangopfuura mune dzimwe nyika. Asi hatifaniri kutya, nokuti Isaya 54:17 inoti: “Hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa, ruchakundwa newe. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo kunobva kwandiri—ndizvo zvinotaura Jehovha.”

ZUVA RECHIPIRI: Zvinhu Zvakaitwa Kuti Zvizivikanwe neMagwaro Ouprofita

Pashure pokukurukurwa kworugwaro rweBhaibheri rwezuva racho, avo vaiva vakaungana vakafadzwa nehurukuro yokusiyirana yechipiri yekokorodzano, yaiva nomusoro waiti “Kupa Jehovha Mbiri Sevatakuri Vechiedza.” Hurukuro yokutanga yakaratidza kuti vavariro yomuKristu ndeyokupa Jehovha mbiri nokuparidza kwose kwose. Chikamu chaitevera chakataura nezvokudikanwa kwokuratidza vanoteerera kusangano raMwari. Sei? Nokushandisa maminiti mashanu kana kuti gumi tisati tatanga fundo yeBhaibheri yapamusha yoga yoga kana kuti tapedza kuti tiratidze mashandire anoita sangano raMwari. Hurukuro yechitatu yehurukuro yokusiyirana iyi yakasimbisa kudikanwa kwokupa Mwari mbiri nemabasa akanaka.

Hurukuro yaiti “Ida Zviyeuchidzo zvaJehovha Kwazvo” yakataura ndima dzakasarudzwa muPisarema 119. Zvechokwadi, tinoda zviyeuchidzo, nokuti tose tinokanganwa. Ipapo, zvinokosha sei kuti tide zviyeuchidzo zvaJehovha, sezvakangoita munyori wepisarema!

Ipapo kwakauya chinhu chinokosha—hurukuro yorubhabhatidzo yaiva nomusoro waiti “Kuteerera Shoko Rouprofita Kunoita Kuti Ubhabhatidzwe.” Vadzidzi vaibhabhatidzwa vakayeuchidzwa kuti vanotevedzera Kristu kwete nokungobhabhatidzwa asiwo nokunyatsotevera tsoka dzake. (1 Petro 2:21) Iropafadzo yakadini iyo vatsva ava vanayo yokugovana mukuzadzika Johani 10:16, Jesu paakafanotaura kuti aizounganidza “mamwe makwai” kuti ashande pamwe chete nevadzidzi vake vakazodzwa nomudzimu!

Kutanga purogiramu yamasikati, hurukuro yaiti “Inzwa Zvinoda Kutaura Mudzimu” yakatsanangura kuti mudzimu waJehovha unotaura nesu uchishandisa Bhaibheri, “muranda akatendeka, akangwara,” uye hana dzedu dzakarovedzwa neBhaibheri. (Mateu 24:45) Nokudaro, vaKristu havafaniri kunzwa inzwi chairo kubva kudenga kuti vagoziva nzira yokufadza nayo Mwari. Hurukuro yaitevera yaiti, “Ngatitsigirei Zvakasimba Kudzidzisa Kunoenderana Nokuzvipira Kuna Mwari,” yakarayira vaKristu kuti vasanzvere pfungwa dzakashata dzinoparadzirwa nenyika ino. Zvechokwadi, kuda kuziva kusingadzorwi kunogona kutiratidza mashoko anokuvadza anodyarwa nevakaramba kutenda uye zvimwe zvinhu zvinoshandiswa naSatani. Zviri nani sei kurava Bhaibheri nguva dzose uyewo nyaya dziri muNharireyomurindi neMukai!

Hurukuro yakatevera yaiva nemusoro unoti “Ramba Wakabata Muenzaniso Wemashoko Anopa Utano.” Yakasimbisa kukosha kwokunyatsojairana no“muenzaniso” weMagwaro, kana kuti gadziriro, yechokwadi. (2 Timoti 1:13) Kunzwisisa muenzaniso uyu ndiyo kiyi kwete bedzi yokuva nokuzvipira kuna Mwari asiwo yokuziva izvo zvisingawirirani nechokwadi.

Fungidzira Jehovha achikuona seunodikanwa. Kukudzwa kwakadini! Yakavakirwa pauprofita hwaHagai, hurukuro yaiti “‘Zvinodikanwa’ Zviri Kuzadza Imba yaJehovha” yaikurudzira zvikuru nokuti yakavimbisa vateereri kuti nhengo yoga yoga ye“boka guru” zvechokwadi inodikanwa naJehovha. (Zvakazarurwa 7:9) Saka, Jehovha achavadzivirira mu“kuzunungusa” kwake marudzi kwokupedzisira mu“kutambudzika kukuru” kunouya. (Hagai 2:7, 21, 22; Mateu 24:21) Zvisinei, zvichakadai, vanhu vaJehovha vanofanira kuramba vakarinda mumudzimu, sezvakatsanangurwa muchikamu chaiti “Magwaro ane Uprofita Anotichenjedza Kuti Tirinde.” Mukurukuri wacho akadzokorora mashoko aJesu anoti: “Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi.” (Mateu 24:42) Tingaramba tichingwarira sei zvinhu zvomudzimu? Nokuramba takabatikana mubasa raJehovha, kuramba tichinyengetera, uye kuramba tichitarisira zuva guru raJehovha.

Hurukuro yokupedzisira yezuva racho yaiva nomusoro waiti “Shoko Rouprofita Munguva Yokupedzisira.” Ichayeukwa kwemakore anouya. Nei? Nokuti mukurukuri wacho akazivisa kubudiswa kwebhuku idzva rinonzi—Fungisisa Uprofita hwaDhanieri! “Iri bhuku rine mapeji 320 rine mifananidzo yakaisvonaka rinotaura zvikamu zvose zvebhuku raDhanieri,” mukurukuri wacho akadaro. Uchapupu hunosimbisa kutenda zvakadini hwokuti Jehovha ari kujekesa Shoko rake rouprofita!

ZUVA RECHITATU: Shoko raMwari Rouprofita Harimbokundikani

Zuva rokupedzisira rekokorodzano rakatanga nehurukuro yokusiyirana yaiti “Mashoko Ouprofita Enguva Yakatarwa.” Hurukuro nhatu dzacho dzakanzvera kuzivisa kutatu kwokutonga kunoitwa naJehovha kwokuuraya kwakaitwa nomuprofita Habhakuki. Kwokutanga kwaiva pamusoro peJudha yakatsauka uye kwechipiri kwaiva pamusoro peBhabhironi raidzvinyirira. Kwokupedzisira, kusati kwazadzika, kunoshanda kukuparadzwa kwevanhu vose vakaipa kwava pedyo. Ichitaura nezveAmagedhoni, hama yokupedzisira pahurukuro yokusiyirana yacho yakabudisa kutya Mwari kwakati muvateereri vayo payakati: “Zvechokwadi, zvichatyisa Jehovha paacharegedzera simba rake rose guru.”

“Kukoshesa Nhaka Yedu Yomudzimu” ndiwo waiva musoro womutambo womuBhaibheri waiorora wekokorodzano yacho. Mutambo uyu waiongorora mwoyo wakasiyanisa maonero aiita Jakobho naEsau zvinhu zvomudzimu. Esau akazvidza nhaka yake yomudzimu, zvokuti yakapiwa Jakobho, aiikoshesa. “I[nhaka yomudzimu] ipi yatakapiwa naJehovha?” vaiva pakokorodzano vakabvunzwa. “Chokwadi cheShoko rake, Bhaibheri; tariro youpenyu husingaperi; uye rukudzo rwokumumiririra sevazivisi vemashoko akanaka,” akapindura kudaro mukurukuri wacho.

Hurukuro yaitevera yaiva nomusoro waiti “Nhaka Yedu Inokosha Inorevei Kwauri?” Tinoratidza mafungire akanaka pamusoro penhaka yedu yomudzimu nokuisa basa raJehovha neropafadzo dzomudzimu mberi kwezvatinofarira kana kuti zvokunyama. Nokuita izvi tinovakira upenyu hwedu paukama hwedu naJehovha, kusiyana zvikuru naAdhama, Esau, uye vaIsraeri vasina kutendeka.

Hurukuro yavose yaiti, “Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva—Sezvakafanotaurwa,” yakabatanidza uprofita huna hunokosha hune chokuita ne“denga idzva” ne“pasi idzva.” (Isaya 65:17-25; 66:22-24; 2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:1, 3-5) Nenzira yakajeka, Jehovha aifunga nezvokuzadzika kukuru kwouprofita uhwu pane huya hwavanhu vake vakadzorerwa muna 537 B.C.E. Hungu, aifunga nezvehurumende yake yoUmambo (“denga idzva”) nevadzorwi vayo vapasi (“pasi idzva”), vanenge vachigara muparadhiso yapasi pose ine mbiri.

Hurukuro yaiti “Zvatinotarisira Sezvatinotungamirirwa neShoko raMwari” ndiyo yakapedzisa kokorodzano yacho zvinonakidza uye zvinokurudzira. Yakayeuchidza vose kuti “nguva yasara ipfupi” yokupedzisa basa rokuzivisa Umambo. (1 VaKorinde 7:29) Hungu, takamira pamavambo chaiwo okuzadzika kwomurayiro waJehovha wokutonga Satani negadziriro yake yose yakaipa. Pfungwa dzedu ngadzive dzomunyori wepisarema uya akaimba kuti: “Mweya yedu yakarindira Jehovha; ndiye mubatsiri wedu nenhoo yedu.” (Pisarema 33:20) Itarisiro ine mbiri zvakadini iri mberi nokuda kwevaya vanokutarisira kwakavakirwa pashoko raMwari rouprofita!

[Mufananidzo uri papeji 7]

Mutambo unofadza wakawedzera kukoshesa nhaka yomudzimu yevashumiri vaJehovha

[Mufananidzo uri papeji 7]

Vakawanda vakateerera shoko raMwari rouprofita vakabhabhatidzwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe