RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 2/1 p. 8
  • Latvia Inobvuma Mashoko Akanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Latvia Inobvuma Mashoko Akanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Akanga Asina Kunyanyokura Zvokusagona Kubatira Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Iva Nemafungiro Aiva Nevaprofita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Hakuna Anonzi Achembera Zvokutadza Kushumira Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Oushe
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 2/1 p. 8

Mushumo Wevazivisi voUmambo

Latvia Inobvuma Mashoko Akanaka

BHAIBHERI rinonyatsoratidza kuti kuda kwaMwari kuti “vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Timoti 2:4) Vaya vaishayiswa mukana wokunzwa mashoko akanaka kwemakore akawanda vave kuanzwa! MuLatvia, sedzimwe nzvimbo dzepasi, vanhu vemazera ose uye vemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana vari kubvuma shoko, sezvinoratidzwa nezviitiko zvinotevera.

• MuRēzekne, dhorobha riri kumabvazuva kweLatvia, amai nomwanasikana wavo ari kuyaruka vakabvunza mumwe mukadzi aiva mumugwagwa nzira. Avarayiridza, mukadzi wacho, uyo sezvineiwo aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, akavakoka kumisangano yeZvapupu.

Sezvo vose amai nomwanasikana wacho vaida zvechitendero, vakasarudza kuenda kumusangano wacho. Panzira, vakabvumirana kuti kana vakawana chimwe chinhu chisina kukodzera ikoko, vaizobva pakarepo. Zvisinei, musangano wacho wainakidza kwazvo zvokuti pfungwa yokubva havana kumboifunga. Vakabvuma kudzidza Bhaibheri uye vakatanga kupinda misangano nguva dzose. Mumwedzi mitatu chete, vakaratidza chido chokuita basa rokuparidza uye vachitarisira kubhabhatidzwa.

• Mune rimwe guta kumadokero kweLatvia, chimwe Chapupu chakasangana naAnna ane makore 85, uyo akaratidza kufarira chaiko ndokubvuma kudzidza Bhaibheri. Mwanasikana wake nedzimwe nhengo dzemhuri vakamushora zvakasimba. Asi Anna haana kubvumira izvozvo kana kuti kukwegura kwake uye utano husina kunaka kuti zvimutadzise kuramba achidzidza Bhaibheri.

Rimwe zuva, Anna akaudza mwanasikana wake kuti aizobhabhatidzwa. “Kana mukabhabhatidzwa, ndichakuendesai kumusha unochengeta vakwegura,” mwanasikana waAnna akapindura kudaro. Zvisinei, uku kutyisidzira hakuna kuodza Anna mwoyo. Nemhaka youtano hwake, akabhabhatidzirwa mumusha make chaimo.

Mwanasikana waAnna akaita sei neizvi? Akachinja mwoyo wake, uye akagadzirira amai vake zvokudya zvakaisvonaka pavakapedza kubhabhatidzwa. Ipapo akabvunza amai vake kuti, “Zvino zvamabhabhatidzwa, munonzwa sei?” Mhinduro yaAnna? “Sendichangoberekwa!”

• Muna December 1998, Zvapupu zviviri zvakasangana nomukuru mukuru wemauto weyaichimbova Soviet Union akarega basa. Sezvo aidavira kuti kune Musiki, akabvuma kudzidza Bhaibheri, uye gare gare mudzimai wake akadzidzawo. Vakafambira mberi nokukurumidza uye munguva pfupi vakava vaparidzi vasina kubhabhatidzwa. Pakazosvika zhizha rakatevera, aichimbova mukuru mukuru wacho akabhabhatidzwa. Kuda kukuru kunoita varoorani vacho zvinhu zvomudzimu kwave kuchikurudzira vose vari muungano. Uyezve, vakazvishandisa mubasa rokunatsiridza mumwe musha womunharaunda iyoyo kuti uve Horo yoUmambo yakaisvonaka.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe