RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 3/15 pp. 4-7
  • ‘Chokwadi Ishe Akamutswa!’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Chokwadi Ishe Akamutswa!’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuongororerei Uchapupu Hwacho?
  • Jesu Akafira Chaizvoizvo Padanda
  • Guva Rakaonekwa Risina Chinhu
  • Vakawanda Vakaona Jesu Akamutswa
  • Jesu Mupenyu Ane Zvaanoita Pavanhu
  • Mwari Anoyeuka Mwanakomana Wake
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Kumutswa kwaJesu Kunotibatsira Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Jesu Mupenyu
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Kumuka kwaJesu Kuri Kuongororwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 3/15 pp. 4-7

‘Chokwadi Ishe Akamutswa!’

Fungidzira kusuruvara kwakanga kwakaita vadzidzi vaJesu pakaurawa Ishe wavo. Tariro yavo yakava seisina upenyu kungofanana nomutumbi wakaradzikwa muguva naJosefa weArimatiya. Tarisiro dzokuti Jesu aizosunungura vaJudha pausungwa hweRoma dzakanga dzapararawo.

DAI zvakaperera ipapo, vadzidzi vaJesu vangadai vakangonyangarika sevateveri vevamwe vaizviti vanaMesiya. Asi Jesu akanga ari mupenyu! Maererano neMagwaro, akaoneka kuvateveri vake muzviitiko zvakawanda nguva pfupi afa. Naizvozvo, zvakaita kuti vamwe vavo vataure kuti: “Chokwadi Ishe amutswa.”—Ruka 24:34.

Vadzidzi vaitofanira kudzivirira kutenda kwavo muna Jesu saMesiya. Mukuita kudaro, vakanongedzera zvikurukuru kukumuka kwake kuvakafa souchapupu hwakasimba hwokuva kwake Mesiya. Chokwadi, “vaapostora vakaramba vachipupura nesimba guru pamusoro porumuko rwaShe Jesu.”—Mabasa 4:33.

Kudai pakanga pana ani naani akaratidza kuti rumuko urwu rwakanga rwuri rwenhema—zvichida nokuita kuti mumwe wevadzidzi vake abvume kuti dzakanga dziri nhema kana kuti nokuratidza kuti mutumbi waJesu wakanga uchiri muguva—chiKristu chingadai chakakundikana pakutanga chaipo. Asi hachina. Vachiziva kuti Jesu akanga ari mupenyu, vateveri vaJesu vakaenda kwose kwose vachizivisa kumuka kwake, uye zviuru zvakatanga kutenda muna Kristu akamutswa.

Nei iwewo ungatenda kumuka kwaJesu? Uchapupu hupi huripo hwokuti ichi chakanga chiri chiitiko chaicho?

Kuongororerei Uchapupu Hwacho?

Nhoroondo ina dzose dzeEvhangeri dzinoshuma kumuka kwaJesu. (Mateu 28:1-10; Mako 16:1-8; Ruka 24:1-12; Johani 20:1-29)a Zvimwe zvikamu zveMagwaro echiKristu echiGiriki zvinotaura chokwadi nezvokumuka kwaKristu kuvakafa.

Ndochikonzero nei kumuka kwaJesu kwakaziviswa nevateveri vake! Kana iye chaizvoizvo akamutsirwa kuupenyu naMwari, iwayo ndiwo mashoko anoshamisa zvikuru ati ambonzwikwa nenyika. Zvinoreva kuti Mwari ariko. Uyezve, zvinoreva kuti Jesu mupenyu iye zvino.

Izvozvo zvine chokuitai nesu? Jesu akanyengetera kuti: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Hungu, tinogona kuwana zivo inopa upenyu yaJesu naBaba vake. Nokushandisa zivo yakadaro, kunyange zvikaitika kuti tife, isuwo tinogona kumutswa, sezvo Jesu akamutswa. (Johani 5:28, 29) Tinogona kuva netariro youpenyu husingaperi muparadhiso yepasi muUmambo hwaMwari hwokudenga mukutonga kwemwanakomana wake akapiwa mbiri, Jesu Kristu, Mambo wemadzimambo.—Isaya 9:6, 7; Ruka 23:43; Zvakazarurwa 17:14.

Naizvozvo, mubvunzo wokuti Jesu akambomuka chaizvoizvo here kuvakafa unokosha. Une chokuita noupenyu hwedu zvino uye zvatinotarisira munguva yemberi. Ndochikonzero nei tichikumbira kuti unzvere uchapupu hunokwana huna hwokuti Jesu akafa uye akamutswa.

Jesu Akafira Chaizvoizvo Padanda

Vamwe vanongoshora-shora vanoti kunyange akaroverwa, Jesu haana kufira chaizvoizvo padanda. Vanoti akanga ave kuda kungofa chete uye kuti akazopepuka nokutonhorera kwomuguva. Asi, zvakanyorwa zvose zviripo zvinoratidza kuti mutumbi waJesu waiva usina upenyu ndiwo wakaiswa muguva.

Sezvo Jesu akaurawa pazere vanhu, pakanga pane zvapupu zvakaona kuti akafa chaizvoizvo padanda. Rufu rwake rwakapupurirwa nomukuru wemauto aitarisira kuuraya kwacho. Mukuru wemauto iyeye akanga ari nyanzvi yakanga ine basa raisanganisira kuona kuti akanga afa zvechokwadi here. Uyezve, paakanga ava nechokwadi bedzi chokuti Jesu afa, Gavhuna weRoma Pondiyo Pirato ndipo paakarega mutumbi waJesu uchitorwa naJosefa weArimatiya kuti uvigwe.—Mako 15:39-46.

Guva Rakaonekwa Risina Chinhu

Guva rakanga risina chinhu rakapa vadzidzi uchapupu hwavo hwokutanga hwokumuka kwaJesu, uye uchapupu uhwu hunoramba husingapokaniki. Jesu akavigwa muguva idzva, rakanga risina kumboshandiswa. Rakanga riri pedyo nenzvimbo yaakarovererwa uye kare ikako zvaiva pachena kuti paigona kusvikika nyore. (Johani 19:41, 42) Nhoroondo dzose dzeEvhangeri dzinobvumirana kuti apo shamwari dzaJesu dzakasvika paguva magwanani echipiri iye afa, mutumbi wake wakanga usisipo.—Mateu 28:1-7; Mako 16:1-7; Ruka 24:1-3; Johani 20:1-10.

Guva rakanga risina chinhu rakashamisa vavengi vaJesu, sokushamisawo kwarakaita shamwari dzake. Vavengi vake vakanga vagara vaine shungu dzokumuona afa uye avigwa. Vapedza chinangwa chavo, vakaedza nokutamburira kuisa murindiri uye kunama guva racho. Kunyange zvakadaro, mangwanani ezuva rokutanga revhiki, guva rakanga risina chinhu.

Shamwari dzaJesu dzakatora mutumbi wake muguva here? Hazvingadaro, nokuti Evhangeri dzinoratidza kuti dzakarwadziwa zvikuru aurayiwa. Uyezve, vadzidzi vake havaizoramba vachitambudzirwa uye kuurayirwa chimwe chinhu chavaiziva kuti ndechenhema.

Ndiani akabvisa mutumbi muguva? Hazvaimboita kuti vavengi vaJesu vave ivo vangave vakatora mutumbi wacho. Kunyange dai vakanga vautora, vangadai vakazouratidza pava paya kuitira kuratidza kuti zvaitaurwa kuti Jesu akanga amutswa uye kuti akanga ari mupenyu zvakanga zviri zvenhema. Asi hapana chinhu chakadaro chakamboitika, nokuti Mwari ndiye akanga aita chiito.

Mavhiki akati gare gare, vavengi vaJesu havana kupikisa nokuramba zvinotyisa apo Petro akapupurira kuti: “Vanhu vaIsraeri, inzwai mashoko aya: Jesu wekuNazareta, munhu akaratidzwa pachena naMwari kwamuri nemabasa esimba nemanenji nezviratidzo zvakaitwa naMwari nekwaari pakati penyu, sezvamunoziva imi, munhu uyu, uyo akaiswa nokufunga kwakasarudzwa uye nokufanoziva kwaMwari, imi makamuisa padanda noruoko rwevanhu vasingateereri mutemo mukamuuraya. Asi Mwari akamumutsa nokusunungura kurwadza kworufu, nokuti zvakanga zvisingabviri kuti iye arambe akabatisiswa narwo. Nokuti Dhavhidhi anoti pamusoro pake, ‘Ndaiva naJehovha pamberi pamaziso angu . . . Zvakare, kunyange nyama yangu ichagara mutariro; nokuti hamuzosiyi mweya wangu muHadhesi, uyewo hamuzotenderi akavimbika wenyu kuti aone kuora.’”—Mabasa 2:22-27.

Vakawanda Vakaona Jesu Akamutswa

Mubhuku raMabasa, munyori weEvhangeri Ruka akati: “[Jesu] akazviratidza ku[vaapostora] ari mupenyu nouchapupu hwakawanda hwaiva pachena pashure pokunge atambura, achionekwa navo kwemazuva makumi mana uye achitaura zvinhu zvoUmambo hwaMwari.” (Mabasa 1:2, 3) Vadzidzi vakawanda vakaona Jesu akamutswa muzviitiko zvakawanda—mubindu, mumugwagwa, pakudya, pamhenderekedzo yeGungwa reTibheriyasi.—Mateu 28:8-10; Ruka 24:13-43; Johani 21:1-23.

Vatsoropodzi vanomutsa mubvunzo nezvokuva kwechokwadi kwokuonekwa uku. Vanoti vanyori vacho vakaita nhoroondo dzacho dzokufunga, kana kuti vanotaura kumwe kusiyana kunoita sokuri madziri. Chaizvoizvo, kusiyana kuduku kuri munhoroondo dzeEvhangeri kunoratidza kuti pakanga pasina kubvumirana kwepachivande kwokunyengedza kwakaitwa. Kuziva kwedu Jesu kunowedzera apo mumwe munyori anopa mashoko akawanda anowedzera kudzimwe nhoroondo dzezvimwe zviitiko muupenyu hwepasi hwaKristu.

Kuoneka kwaJesu amuka kwakanga kuri kuona zvinhu zvisipo here? Nharo dzose dzingaitwa maererano nepfungwa idzodzo hadzina padzakavakirwa, nokuti akaonekwa nevanhu vakawanda chaizvo. Pakati pavo paiva nevaredzi, vakadzi, mushandi wehurumende, uye kunyange muapostora aisatenda Tomasi, akabvumiswa bedzi apo akaona uchapupu husingarambiki hwokuti Jesu akanga amutswa kuvakafa. (Johani 20:24-29) Pazviitiko zvakawanda, vadzidzi vaJesu pakutanga havana kuziva Ishe wavo akanga amutswa. Kamwe chete, vanopfuura 500 vakamuona, vakawanda vacho vakanga vachiri vapenyu apo muapostora Pauro akashandisa chiitiko ichocho souchapupu mukudzivirira kwake rumuko.—1 VaKorinde 15:6.

Jesu Mupenyu Ane Zvaanoita Pavanhu

Kumuka kwaJesu haisi nyaya yokuda kungoziva chete kana kuti yokungoitisana nharo. Chokwadi chokuti iye mupenyu chakachinja vanhu kwose kwose munzira inovaka. Kubvira muzana remakore rokutanga, vanhu vakawanda vakatanga kufarira uye vakasiya kushora zvachose chiKristu kusvika pakuva nechokwadi chizere kuti icho chitendero chechokwadi. Chii chakavachinja? Kudzidza Magwaro kwakavaratidza kuti Mwari akamutsira Jesu kuupenyu hwokudenga sechisikwa chomudzimu chine mbiri. (VaFiripi 2:8-11) Vakava nokutenda muna Jesu nomugadziriro yaJehovha Mwari yoruponeso nechibayiro chaKristu. (VaRoma 5:8) Vanhu vakadaro vakawana mufaro wechokwadi nokuita kuda kwaMwari nokurarama maererano nokudzidzisa kwaJesu.

Chimbofunga zvazvaireva kuva muKristu muzana remakore rokutanga. Pakanga pasina mukurumbira, simba, kana pfuma zvaiwanikwa. Zvakati siyanei neizvi, vaKristu vepakuvamba vakawanda ‘vakabvuma nomufaro kupambwa kwezvinhu zvavo’ nemhaka yokutenda kwavo. (VaHebheru 10:34) ChiKristu chaida upenyu hwokurega zvimwe zvinhu nokutambudzwa kwaiwanzoguma nokuurayirwa kutenda.

Vasati vava vateveri vaKristu, vamwe vakanga vane mikana yakanaka yokuva nomukurumbira nepfuma. Sauro weTaso akadzidza pasi pomudzidzisi woMutemo aizivikanwa zvikuru Gamarieri uye akanga ave kutanga kuzvikwidziridza mumeso evaJudha. (Mabasa 9:1, 2; 22:3; VaGaratiya 1:14) Asi, Sauro akava muapostora Pauro. Iye nevamwe vakawanda vakaramba mukurumbira nesimba zvaipiwa nenyika ino. Nei? Kuti vaparadzire mashoko etariro yechokwadi yakavakirwa pazvipikirwa zvaMwari uye pachokwadi chokuti Jesu Kristu akanga amutswa kuvakafa. (VaKorose 1:28) Vaida kutamburira chikonzero chavaiziva kuti chakanga chakavakirwa pachokwadi.

Izvozvo ndizvo zvazvakaita kune mamiriyoni akawanda nhasi. Unogona kuvawana muungano dzeZvapupu zvaJehovha pasi pose. Zvapupu zvinokukoka noushamwari kuzochengeta rufu rwaKristu kwegore negore, kuchaitwa zuva ravira musi weSvondo, April 8, 2001. Zvichafara kuti uvepo pachiitiko ichocho uye pane misangano yazvo yose yokudzidza Bhaibheri inoitirwa paHoro dzoUmambo.

Wadii kudzidza zvakawanda, kwete chete nezvokufa nokumuka kwaJesu asi nezvoupenyu hwake nedzidziso dzake? Anotikumbira kuenda kwaari. (Mateu 11:28-30) Ita chimwe chinhu zvino kuti uwane zivo yakarurama yaJehovha Mwari naJesu Kristu. Kuita kudaro kunogona kureva upenyu husingaperi muUmambo hwaMwari mukutonga kweMwanakomana wake waanoda.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti uwane uchapupu hwokuti Evhangeri ndedzechokwadi, ona nyaya inoti “Evhangeri—Inhau Kana Kuti Ingano Here?” iri muNharireyomurindi yaMay 15, 2000.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Mamiriyoni anowana mufaro wechokwadi sevateveri vaJesu Kristu

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 6]

Kubva muSelf-Pronouncing Edition of the Holy Bible, ine shanduro dzeKing James neRevised

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe