RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 4/1 pp. 5-7
  • Zvikomborero zvoUmambo Zvinogona Kuva Zvako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvikomborero zvoUmambo Zvinogona Kuva Zvako
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuchinja Kwakaunza Zvikomborero
  • Waizoita Sei?
  • Zvinobatsira Zviripo
  • Pane Mashoko Akanaka Anofanira Kuzivikanwa Nevanhu Vose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Fambira Mberi Pakunamata Nokutevedzera Muenzaniso waPauro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akanaka oUmambo—Chii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Murume Akadzidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 4/1 pp. 5-7

Zvikomborero zvoUmambo Zvinogona Kuva Zvako

MUAPOSTORA Pauro aiva muKristu aikwanisa kutaura mimwe yemitauro mikuru yomuzuva rake. Akanga awana dzidzo yakaenzana neyepayunivhesiti muzuva ranhasi. Aiwana zvose zvakanaka uye kodzero dzose dzokuva chizvarwa cheRoma. (Mabasa 21:37-40; 22:3, 28) Dzidzo yose iyi ingadai yakamugonesa kupfuma nokuva nembiri. Asi, akati: “Asi zvinhu zvakanga zviri pfuma kwandiri, ndakazviona sokurasikirwa nemhaka yaKristu . . . uye ndinozviona semarara akawanda, kuti ndiwane Kristu.” (VaFiripi 3:7, 8) Nei Pauro akataura mashoko akadaro?

Pakutanga aizivikanwa saSauro weTaso uye kuti aiva mutambudzi wevaya “vaiva veNzira Iyi,” Pauro akava mutendi aratidzwa Jesu akanga amutswa nokupiwa mbiri. (Mabasa 9:1-19) Kuna Pauro, chiitiko ichi munzira yokuenda kuDhamasiko chakaratidza zvisingasiyi kana kamubvunzo kuti Jesu akanga ari Mesiya akapikirwa, kana kuti Kristu, mambo womunguva yemberi woUmambo hwakapikirwa. Chakachinjawo zvinoshamisa mararamiro aiita Pauro, sezvinoratidzwa nemashoko ake ane simba anyorwa pamusoro apa. Nemamwe mashoko, achibuda pachena uye achiratidza mwoyo wakatendeseka, Pauro akapfidza.—VaGaratiya 1:13-16.

MuBhaibheri, chiito chokuti “pfidza” chinowanzoshandurwa kubva pashoko rechiGiriki rinoreva “kuzoziva pashure,” zvakasiyana no“kugara waziva.” Nokudaro, kupfidza kunosanganisira kuchinja pfungwa dzomunhu, maitiro, kana kuti chinangwa, kuramba zvaimboitwa nomunhu sezvisingagutsi. (Mabasa 3:19; Zvakazarurwa 2:5) Kune zvakaitika kuna Pauro, haana kurega chiitiko ichocho chinokosha chomunzira yokuDhamasiko kuti chingova chinobata mwoyo kana kuti kunyange kuva chinowanzonzi chiitiko chokutenda. Kwaari chakanga chichipengenutsa kuti azive kuti mararamiro ake ekare okusaziva Kristu akanga asina maturo. Iyewo akaziva kuti, kuti abatsirwe nezivo yake yaakanga achangowana pamusoro paKristu, aifanira kuita chimwe chinhu kuti agadzirise mararamiro ake.—VaRoma 2:4; VaEfeso 4:24.

Kuchinja Kwakaunza Zvikomborero

Kuziva Mwari kwaPauro kwakanga kwabva zvikurukuru kuboka revaFarisi raakanga ari nhengo yaro. Zvitendero zvavo zvaisanganisira ruzivo rwevanhu netsika zvakawanda. Nemhaka yechitendero chaidavira zvisina hwaro, Pauro aishingaira achiisa simba pane zvisiri izvo. Kunyange zvazvo iye aifunga kuti aishumira Mwari, chaizvoizvo akanga achirwisana naye.—VaFiripi 3:5, 6.

Agamuchira zivo yakarurama nezvaKristu nebasa rake muchinangwa chaMwari, Pauro aikwanisa kuona kuti akanga anangana nechisarudzo: Aifanira here kuramba ari muFarisi ndokuramba ane chinzvimbo nomukurumbira, kana kuti aifanira kuchinja mararamiro ake otanga kuita zvose zvakanga zvakafanira kuti atenderwe naMwari? Zvinofadza kuti Pauro akaita chisarudzo chakanaka, nokuti akati: “Nokuti handinyari nemashoko akanaka; iwo, chaizvoizvo, isimba raMwari roruponeso kumunhu wose ane kutenda, kumuJudha pakutanga uyewo kumuGiriki.” (VaRoma 1:16) Pauro akava muparidzi anoshingaira wemashoko akanaka pamusoro paKristu noUmambo.

Makore akawanda akazotevera, Pauro akaudza vamwe vaKristu kuti: “Handizvirangariri sendatoubata; asi kune chinhu chimwe pamusoro pawo: Ndichikanganwa zvinhu zviri shure uye kusveerera zvinhu zviri mberi, ndiri kutevera kuti ndibate vavariro yomubayiro wokudanwa kumusoro naMwari nokuna Kristu Jesu.” (VaFiripi 3:13, 14) Pauro akabatsirwa nemashoko akanaka nokuti asingamanikidzwi akasiya zvakanga zvichimubvisa kuna Mwari uye iye akaita nomwoyo wose vavariro dzaienderana nechinangwa chaMwari.

Waizoita Sei?

Zvichida uchangobva kunzwa mashoko akanaka oUmambo. Tariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso yakakwana inokufadza here? Haingamboregi, nokuti tose tine chido chatinozvarwa nacho chokurarama uye kunakidzwa noupenyu murugare nechengeteko. Bhaibheri rinoti Mwari akaisa “zvisingaperi”mumwoyo medu. (Muparidzi 3:11) Nokudaro zvagara zviri matiri kuti titarire kunguva iyo vanhu vachagona kurarama nokusingaperi murugare nomufaro. Uye izvozvo ndozvinopiwa nemashoko akanaka oUmambo.

Zvisinei, kuti tariro yacho ive chaiyo, unofanira kuongorora ndokuona kuti mashoko akanaka akamira sei. Muapostora Pauro akarayira kuti: “Uzviwanire chiri kuda kwaMwari kwakanaka uye kunogamuchirika uye kwakakwana.” (VaRoma 12:2) Nokudaro unofanira kuita chisarudzo kana wawana zivo nenzwisiso kufanana nezvakaitwa naPauro.

Ukuwo, ungava uchitova nezvimwe zvaunodavira pamusoro penguva yako yemberi. Yeuka kuti Sauro akanga aine pfungwa dzake pamusoro pokuda kwaMwari asati ava muapostora Pauro. Asi panzvimbo pokutarisira chiratidzo chechishamiso chinobva kuna Mwari, wadii kutarisa nyaya yacho usina kwawakarerekera? Zvibvunze kuti: ‘Ndinonyatsoziva here kuti Mwari anoda kuitei nevanhu uye nepasi? Umboo hupi hwandingapa kuti ndiratidze zvandinodavira? Umboo hwangu hungaramba hwakasimba here kana hukaongororwa pachishandiswa Shoko raMwari, Bhaibheri?’ Hapana chingambobva pauri kana ukaongorora zvaunodavira mukunamata kwako munzira iyi. Kutaura zvazviri, unofanira kuda kuita kudaro nokuti Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Ivai nechokwadi nezvinhu zvose; batisisai zvinhu zvakanaka kwazvo.” (1 VaTesaronika 5:21) Nokutika kutenderwa naMwari ndiko kunonyanya kukosha?—Johani 17:3; 1 Timoti 2:3, 4.

Vatungamiriri vezvitendero vangativimbisa ramangwana risingagumi. Asi kana vimbiso iyoyo isina kuvakirwa pazvinodzidziswa neBhaibheri, haingatibatsiri kuwana zvikomborero zvoUmambo hwaMwari. Mumharidzo yake yakakurumbira yepaGomo, Jesu akayambira zvakasimba kuti: “Haasi munhu wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwokumatenga, asi iye anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.”—Mateu 7:21.

Ona kusimbisa kwaJesu pakuita kuda kwaBaba vake sechinhu chokuratidza nacho kuti munhu anogamuchira zvikomborero zvoUmambo hwaMwari. Nemamwe mashoko, zvinhu zvingaratidza sezvinodiwa naMwari dzimwe nguva anenge asingazvitenderi. Kutaura zvazviri, Jesu akaenderera mberi achiti: “Vakawanda vachati kwandiri nezuva iroro, ‘Ishe, Ishe, hatina kuprofita muzita renyu, nokudzinga madhimoni muzita renyu, nokuita mabasa akawanda esimba muzita renyu here?’ Asi ipapo ndichavataurira pachena kuti: Handina kumbokuzivai! Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo.” (Mateu 7:22, 23) Zviri pachena kuti chinhu chinokosha ndechokuti tive nechokwadi chokuti tinonzwisisa kuti mashoko akanaka oUmambo chii chaizvo uye ndokuita maererano nawo.—Mateu 7:24, 25.

Zvinobatsira Zviripo

Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kweanopfuura makore 100. Zvichishandisa mabhuku uye shoko romuromo, zviri kubatsira vanhu pasi pose kuti vawane zivo yakarurama yezvakaita Umambo, zvikomborero zvahuchaunza, uye kuti munhu anofanira kuitei kuti awane zvikomborero izvozvo.

Tinokukurudzira kuti uite maererano nemashoko ari kuparidzwa neZvapupu zvaJehovha. Nokubvuma uye kuita maererano nemashoko akanaka, unogona kugamuchira zvikomborero zvikuru kwete zvino chete asiwo munguva yemberi apo Umambo hwaMwari huchatonga pasi pose.—1 Timoti 4:8.

Chitoita chimwe chinhu zvino, nokuti zvikomborero zvoUmambo hwaMwari zvava pedyo!

[Mifananidzo iri papeji 7]

Zvichishandisa mabhuku uye shoko romuromo, Zvapupu zvaJehovha zvinoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe