“Chikomborero chaJehovha—Ndicho Chinopfumisa”
TOSE tinoda kukomborerwa. The American Heritage College Dictionary rinoti zvikomborero zvinowedzera “mufaro, kunzwa kuti uri munhuwo, kana kuti kubudirira.” Sezvo Mwari ari iye Mupi we“zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana,” chikomborero chaicho, chinogara, chinobva kuMusiki wedu ane rudo. (Jakobho 1:17) Anodururira vanhu vose zvikomborero, kunyange vaya vasingamuzivi. Achitaura nezvaBaba vake Jesu akati: vano“ita kuti zuva ravo ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye vachiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.” (Mateu 5:45) Zvisinei, Jehovha ane hanya chaizvo nevaya vanomuda.—Dheuteronomio 28:1-14; Jobho 1:1; 42:12.
Munyori wepisarema akati: “Hapana chinhu chakanaka chaanganyima vanofamba nokururama.” (Pisarema 84:11) Hungu, vaya vanoshumira Jehovha vane upenyu hune zvikomborero uye hune chinangwa. Vanoziva kuti “chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa; kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu.” Bhaibheri rinotiwo: “Vanokomborerwa [naJehovha] vachagara nhaka yenyika.” (Zvirevo 10:22, NW; Pisarema 37:22, 29) Chokwadi kuchava kukomborerwa!
Tingawana sei chikomborero chaJehovha? Kutanga, tinoda kukudziridza unhu hunomufadza. (Dheuteronomio 30:16, 19, 20; Mika 6:8) Izvi tinozviwana mumuenzaniso wevashumiri vaJehovha vatatu vomunguva yekare.
Jehovha Anokomborera Vashumiri Vake
Noa akanga ari mushumiri waMwari akasiyana nevamwe. Pana Genesi 6:8 tinoverenga kuti: “Noa wakawana tsitsi pamberi paJehovha.” Nei? Nokuti Noa aiteerera. Nhoroondo yacho inoti: “Noa wakafamba naMwari.” Noa aitevera nheyo dzaJehovha dzakarurama uye aiteerera mirayiro yake. Panguva yakanga yanyura nyika mumhirizhonga nomuuipi, Noa akanzwa achida ku“ita saizvozvo, sezvaakarayirwa naMwari. Wakaita zvose saizvozvo.” (Genesi 6:9, 22) Somugumisiro, Jehovha akamurayira kuvaka “areka kuti aponese imba yake [Noa].” (VaHebheru 11:7) Nenzira iyi, Noa nemhuri yake—uye kuburikidza navo vanhu vose—vakapona kuparadzwa kwechizvarwa ichocho. Uye Noa akafa aine tariro yorumuko nokurarama nokusingaperi mupasi rinenge riri paradhiso. Akawana zvikomborero zvakazonaka!
Abrahamu aivawo nounhu hwaifadza Jehovha. Kutenda kwake ndiko kwainyanya kufadza kupfuura zvimwe zvose. (VaHebheru 11:8-10) Abrahamu akasiya upenyu hwomutambarakede muUri uye gare gare muHarani nokuti aitenda chipikirwa chaJehovha chokuti mbeu yake yaizowanda uye yaizokomborera marudzi ose. (Genesi 12:2, 3) Pasinei nemakore akawanda okuedzwa, kutenda kwake kwakawana mubayiro pakaberekwa mwanakomana wake Isaka. Kuburikidza naye, Abrahamu akava tateguru worudzi rwaMwari rwakasarudzwa Israeri, uye gare gare waMesiya. (VaRoma 4:19-21) Uyezve, ndi“baba veavo vose vane kutenda,” uye akasvika pakunzi “shamwari yaJehovha.” (VaRoma 4:11; Jakobho 2:23; VaGaratiya 3:7, 29) Zvechokwadi akararama upenyu hune chinangwa, uye akakomborerwa kwazvo!
Chimbofungawo nezvomurume akatendeka Mosesi. Unhu hwaipfuura hwose pane hwaaiva nahwo kwaiva kukoshesa kwake zvinhu zvokunamata. Mosesi akaramba pfuma yose yeIjipiti uye “akaramba akasimba seaiona Uyo asingaoneki.” (VaHebheru 11:27) Pashure pemakore 40 muMidhiani, akadzokera kuIjipiti atova murume akura ndokumira pamberi pesimba guru kwazvo renguva iyoyo, Farao, achikumbira kuti hama dzake dzisunungurwe. (Eksodho 7:1-7) Akaona matambudziko gumi, kukamuka kwakaita Gungwa Dzvuku, uye kuparadzwa kwakaitwa mauto aFarao. Jehovha akamushandisa kuti ape Mutemo kuvaIsraeri uye kuti afungisise sungano Yake norudzi rutsva. Kwemakore 40, Mosesi akatungamirira rudzi rwaIsraeri murenje. Upenyu hwake hwaiva nechinangwa chaicho, uye akaita mabasa akawanda aiva azere nezvikomborero.
Zvikomborero Zvemazuva Ano
Nhoroondo idzi dzinoratidza kuti upenyu hwevaya vanoshumira Mwari hune chinangwa zvechokwadi. Vanhu vaJehovha pavanova nezvinhu zvakadai sokutenda, kuteerera, uye kukoshesa zvinhu zvokunamata, vanokomborerwa kwazvo.
Tinokomborerwa sei? Isu tinogona ku“yerera semvura kune zvakanaka zvaJehovha,” uku mamiriyoni ari muchiKristudhomu achitambura nenzara mune zvokunamata. (Jeremia 31:12) Achishandisa Jesu Kristu no“muranda akatendeka, akangwara,” Jehovha akatipa zvokudya zvokumudzimu zvakawanda zvinotibatsira kuramba tiri ‘mumugwagwa unoenda kuupenyu.’ (Mateu 7:13, 14; 24:45; Johani 17:3) Kusonganira nehama dzedu dzechiKristu chimwe chikomborero chikuru. Pamisangano uye pazvimwe zviitiko, kuva nevamwe vedu vanonamata vanoratidza rudo uye vanoedza nomwoyo wose kupfeka “unhu hutsva” kunoita kuti tifare kwazvo. (VaKorose 3:8-10; Pisarema 133:1) Zvisinei, chikomborero chedu chikuru kwazvo iropafadzo yokuti mumwe nomuwe wedu ane ukama naJehovha Mwari uye ropafadzo yokutevera mumakwara oMwanakomana wake, Jesu Kristu.—VaRoma 5:1, 8; VaFiripi 3:8.
Kufunga zvikomborero zvakadai kunoita kuti tione kukosha kwebasa redu kuna Mwari. Zvichida tinofunga nezvomufananidzo waJesu womushambadzi anofamba, akazvitsvakira maparera akaisvonaka. Nezvomurume uyu Jesu akati: “Paakawana parera rimwe raikosha kwazvo, akaenda akatengesa nokukurumidza zvinhu zvose zvaakanga anazvo akaritenga.” (Mateu 13:46) Chokwadi ndiwo manzwiro atinoita nezvoukama hwedu naMwari, ropafadzo yatinayo yokumushumira, songaniro yedu yechiKristu, tariro yedu yechiKristu, uye zvimwe zvikomborero zvose zvine chokuita nokutenda kwedu. Hapana zvimwe zvinokosha kupfuura izvi muupenyu hwedu.
Dzorera Kuna Jehovha
Nokuti tinoziva kuti Jehovha ndiye Mupi wechipo chose chakanaka, kunoita kuti mwoyo yedu iratidze kuonga zvikomborero zvatinowana. Izvozvo tingazviita sei? Imwe nzira ndeyokubatsira vamwe kuwana zvikomborero zvakadarowo. (Mateu 28:19) Munyika dzinopfuura 230, Zvapupu zvaJehovha zviri mubishi rokushanyira vavakidzani vazvo kuti zvivabatsire kuwanawo zvikomborero. Pavanenge vachiita izvozvo, vanoshandisa zvishoma zvavanazvo—nguva, simba, uye zvinhu zvokunyama—kubatsira vamwe ku‘svika pazivo yakarurama yechokwadi.’—1 Timoti 2:4.
Chimbofunga nezvemapiyona anogara kuGlendale, California, U.S.A. Mangwanani oMugovera woga woga, vanofamba makiromita anenge 100 kuenda nokudzoka vachishanyira jeri guru remo. Kunyange pose pavanoshanya vachipedza maawa mashomanana chete vaine vasungwa vacho, havaodzwi mwoyo. Mumwe wavo anoti: “Zvine mubayiro kushanda mundima iyi yakasiyana nedzimwe. Tiri kuita izvi tichifara kwazvo. Tine vakawanda vanofarira zvokuti zvakaoma kuvaona vose. Pari zvino, tiri kudzidza nevanhu vashanu, uye vamwe vana vakakumbira kudzidza Bhaibheri.”
Vashumiri vanoshingaira vechiKristu vanofara kupa pachena zvavanogona kuti vaite basa iri rinoponesa upenyu. Vanoratidza pfungwa yaJesu, uyo akati: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Mateu 10:8) Mamiriyoni munyika yose ari kuita basa rakadaro risina udyire, uye zviri kuguma zvaitika ndezvokuti mapoka evanhu vane mwoyo yakatendeseka ari kubvuma kuva vadzidzi. Mumakore mashanu chete apfuura, vanoda kusvika mamiriyoni 1,7 vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha. Kuti kuwedzera uku kuri kupfuurira kutarisirwe panotoda kuti maBhaibheri nemabhuku eBhaibheri adhindwe uyewo Dzimba dzoUmambo itsva nedzimwe nzvimbo dzokusonganira dzivakwe. Mari yokuti izvi zviitwe inobva kupi? Yose inobva kumipiro yokuzvidira.
Nemhaka yourombo mune zvemari mune dzimwe nyika, vakawanda vanotamburira kuti vangowana zvokurarama nazvo zvemhuri dzavo. Maererano nemagazini inonzi New Scientist, vanhu bhiriyoni vanopedzera inenge 70 muzana yemari yavanowana pakutenga zvokudya. Hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu dzakawanda dziri mumamiriro iwayo ezvinhu. Dai pasina kubatsira kwevamwe vavo vanotenda, vangadai vasingakwanisi kuwana mabhuku echiKristu kana kuti Dzimba dzoUmambo dzakakodzera.
Zvechokwadi, izvozvo hazvirevi kuti vakadaro vanogutsikana nokutakurirwa mutoro wavo nevamwe. Asi zvinoreva kuti vanoda kubatsirwa. Mosesi paaikurudzira vaIsraeri kupa zvinhu senzira yokuonga nayo Jehovha nokuda kwezvikomborero zvavo, akati: “Mumwe nomumwe ngaauye nechipo mumaoko ake, sezvaanogona, sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako, sezvaakakupa.” (Dheuteronomio 16:17) Nokudaro, Jesu paakaona chirikadzi ichipa mutemberi “mari mbiri duku dzaikosha zvishoma kwazvo,” akairumbidza paaiudza vadzidzi vake. Yakaita zvayaikwanisa. (Ruka 21:2, 3) Saizvozvowo, vaKristu vari muurombo vanoita nepavanokwanisa. Uye kana paine kuperevedza, panogona kuwedzeredzwa nemipiro inobva kune vamwe vaKristu vasiri varombo zvakanyanya kunyama.—2 VaKorinde 8:13-15.
Patinodzorera Mwari munzira dzakadaro, zvinokosha kuti tive nepfungwa yakarurama. (2 VaKorinde 8:12) Pauro akati: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asingaiti nokunyunyuta kana nokugombedzerwa, nokuti Mwari anoda mupi anofara.” (2 VaKorinde 9:7) Nokupa zvichibva pamwoyo, tose tinotsigira kukura kwesangano raMwari kuri kuitika iye zvino zvowedzera mufaro wedu.—Mabasa 20:35.
Kuparidzawo nevamwe uye kupa mipiro yokuzvidira inzira mbiri dzatinogona kupa Jehovha nokuda kwezvikomborero zvaakatipa. Uye zvinokurudzira kwazvo kuziva kuti Jehovha anoda kupa chikomborero chake kuvanhu vakawanda vepachokwadi, vangave vasiri kumuziva panguva ino! (2 Petro 3:9) Saka, ngatipfuurirei kushandisa zvinhu zvedu mubasa raMwari kuti tiwane vane mwoyo yakatendeseka uye tivabatsire kuti vakudziridze kutenda, kuteerera uye kuonga. Nenzira iyoyi, tingawana mufaro wokuvabatsira kuti ‘varavire vaone kuti Jehovha wakanaka.’—Pisarema 34:8.
[Bhokisi riri papeji 28, 29]
Nzira Idzo Vamwe Vanosarudza Kupa Nadzo
MIPIRO YEBASA ROMUNYIKA YOSE
Vakawanda vanotsaura, kana kuti kuronga, chitsama chemari chavanoisa mubhokisi romupiro rakanyorwa kuti “Mipiro Yebasa Romunyika Yose—Mateu 24:14.”
Mwedzi woga woga ungano dzinoendesa zvitsama izvi zvimwe kudzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York, kana kuti kuhofisi yebazi romunyika yacho. Mipiro yemari yokuzvidira ingatumirwawo zvakananga kuThe Treasurer’s Office, Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201-2483, kana kuti kuhofisi yebazi inotarisira nyika yenyu. Zvishongo kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha zvingapiwawo. Mipiro iyi inofanira kuuya netsamba pfupi inotaura kuti mipiro iyi chipo chakananga.
CHIRONGWA CHOKUPA UCHIZOGONA KUDZORERWA
Mari ingapiwa negadziriro chaiyo yokuti kana mupi ave kuida, mari yacho inogona kudzorerwa kwaari. Nokuda kwemamwe mashoko, tapota nyorerai kuThe Treasurer’s Office pakero yakanyorwa pamusoro apa.
KURONGA KUBATSIRA VAMWE
Kuwedzera kuzvipo zvakananga zvemari nemipiro yemari yakarongwa, kune dzimwe nzira dzokupa nadzo dzokubatsira basa romunyika yose roUmambo. Idzi dzinosanganisira:
Inishuwarenzi: Watch Tower Society inganzi ndiyo inozowana inishuwarenzi youpenyu kana kuti muchirongwa chokurega basa kana kuti mudyandigere.
Maakaundi Okubhangi: Maakaundi okubhangi, magwaro anoratidza mari yaiswa mubhangi, kana kuti maakaundi okurega basa omunhu anganzi atarisirwe kana kuti kuita kuti kana wafa azopiwa Watch Tower Society, maererano nezvinodiwa nebhangi romunzvimbo iyoyo.
Mari yeBhizimisi neMagwaro Anotaridza Mari iri Kumamwe Mabhizimisi: Mari dzebhizimisi nemagwaro anoratidza mari dziri kumamwe mabhizimisi zvingapiwa Watch Tower Society zvimwe sechipo chakananga.
Zvivako Nenzvimbo: Zvivako kana nzvimbo inotengeseka zvingapiwa Watch Tower Society zvimwe nokuita chipo chakananga kana kuti nokuchengetera mupi wacho chivako kana nzvimbo kwoupenyu hwose, uyo anogona kuramba achigarapo paanenge achiri mupenyu. Zivisa bazi romunyika yako usati wapa chivako kana nzvimbo ipi neipi.
Zvido Zvenhaka Nokuchengetesa: Zvinhu kana kuti mari zvingapiwa kuWatch Tower Society pachishandiswa chido chenhaka chepamutemo, kana kuti Watch Tower Society inganzi ndiyo inowana chibvumirano chokuchengetesa. Kuchengetesa kunobatsira sangano rechitendero kungapa kubatsira kwakati kwomutero.
Sezvinoreva mashoko okuti “kuronga kubatsira vamwe,” mipiro yorudzi urwu inonyatsoda kuti mupi wacho aronge. Kuyamura vanhu vanoda kubatsira basa romunyika yose reZvapupu zvaJehovha norumwe rudzi rwokuronga kuti vabatsire, pakagadzirwa bhurocha riri mumutauro wechiRungu nechiSpanish rine musoro unoti Charitable Planning to Benefit Kingdom Service Worldwide (Kupa Kwakarongwa Kwokubatsira Basa romuNyika Yose). Bhurocha racho rakanyorerwa kupindura mibvunzo yakawanda yakagamuchirwa pamusoro pezvipo, zvido zvenhaka, nokuchengetesa. Rinewo mashoko okuwedzera pamusoro pezvivako kana nzvimbo, mari, uye kuronga mutero. Uye rakagadzirirwa kubatsira vanhu vari muUnited States vari kuronga kupa chipo chaicho zvino kana kuti kusiya chido chenhaka pakufa kuti vasarudze mutoo wakanakisisa uye unoshanda zvakanaka vachifunga nezvemhuri dzavo nemamiriro ezvinhu omunhu oga. Bhurocha iri ringawanikwa nokukumbira rimwe zvakananga kuHofisi Yokuronga Kubatsira Vamwe.
Vapedza kuverenga bhurocha racho nokutaurirana neHofisi Yokuronga Kubatsira Vamwe, vakawanda vakakwanisa kubatsira Zvapupu zvaJehovha uye panguva iyoyowo, vakawana kukosha kwezvakanakira kuita kudaro. Hofisi Yokuronga Kubatsira Vamwe inofanira kuziviswa uye kugamuchira gwaro ripi neripi rinokosha rine chokuita nourongwa uhwu. Kana ungada urongwa hupi hwokuronga kubatsira vamwe, unofanira kutaura neHofisi Yokuronga Kubatsira Vamwe, zvimwe netsamba kana kuti norunhare, pakero iri pasi apa kana kuti pahofisi yeZvapupu zvaJehovha yomunyika yenyu.
CHARITABLE PLANNING OFFICE
Jehovah’s Witnesses
P. Bag WG-5001, Westgate
Runhare: 332137/8