Mwari Anogamuchira Marudzi Ose
PARWENDO rwake rwokutanga achienda kuMali, John akafadzwa nokubatwa zvakanaka kwaakaitwa naMamadou nemhuri yake. Sezvo John akanga akagara pasi achidya zvaasina kunyatsojaira mundiro imwe nevamwe, akashaya kuti inzira ipi yakanakisisa yaangaudza nayo mugamuchiri wake nezvechipo chakanaka kupfuura zvose—mashoko akanaka oUmambo anobva muShoko raMwari, Bhaibheri. Kunyange zvazvo aiziva chiFrench, mutauro unotaurwa kuMali, John akashaya kuti aigona kutaura seiko nemhuri yaiva nechitendero nemafungiro zvakasiyana zvachose nezvake.
Hazvishamisi kuti John akafunga nezvenhoroondo yeBhaibheri yeguta reBhabheri. Ikoko Mwari akanyonganisa mutauro wevanhu vakanga vapanduka. (Genesi 11:1-9) Zvakaguma zvaita kuti munzvimbo dzakasiyana-siyana dzepasi muve nevanhu vane mitauro, zvitendero nemafungiro zvakasiyana-siyana. Nhasi uno, sezvo kufamba nzendo nokutama zvawanda, vakawanda vanotarisana nechinetso chakafanana nechakatarisana naJohn, kunyange munharaunda yavo: Vangaudza sei vanhu vakasiyana-siyana tariro yavo inobva muBhaibheri?
Muenzaniso Wekare
Kungofanana nevamwe vaprofita vomuIsraeri, Jona aitaura zvikurukuru nevaIsraeri. Akaprofita panguva apo umambo hwendudzi gumi hwakanga hwapanduka hwainyatsoita zvinhu zvinozvidza Mwari. (2 Madzimambo 14:23-25) Fungidzira zvakaitwa naJona paakatumwa zvaisawanzoitwa kuti asiye nyika yake aende kuAsiria kunoparidzira vagari vokuNinivhi, vanhu vaiva nechitendero netsika zvakasiyana nezvake. Jona angava aisatombokwanisa kutaura mutauro weNinivhi, kana kuti aisanyatsodedemura pakuutaura. Chero zvazvaiva, zviri pachena kuti Jona akawana zvakaoma zvikuru, uye akatiza.—Jona 1:1-3.
Zviri pachena kuti Jona aifanira kudzidza kuti Jehovha Mwari anoona zvinopfuura chitarisiko chete uye anoongorora mwoyo. (1 Samueri 16:7) Pashure pokuponesa Jona nechishamiso kuti asanyura, Jehovha akamurayira kechipiri kuti anoparidzira vagari vokuNinivhi. Jona akateerera, zvikaita kuti vaNinivhi vapfidze vose zvavo. Kunyange zvakadaro, Jona akanga asina maonero akanaka ezvinhu. Achishandisa chidzidzo chakasimba chechiitiko, Jehovha akamudzidzisa kuti aifanira kuchinja mafungiro ake. Jehovha akabvunza Jona kuti: “Ini handizaifanira kuva netsitsi neNinivhi, riya guta guru, mune vanhu vanopfuura zviuru zvine zana namakumi maviri, vasingazivi kuti ruoko rwavo rworudyi kana ruoko rwavo rworuboshwe ndorupi . . . here?” (Jona 4:5-11) Zvakadini nesu nhasi? Tingabatsira sei vanhu vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana needu?
Kugamuchira vaSamaria Nevasiri vaJudha
Muzana rokutanga remakore, Jesu akarayira vateveri vake kuti vaite vadzidzi vevanhu vemarudzi ose. (Mateu 28:19) Izvi zvakanga zvisiri nyore kwavari. Vadzidzi vaJesu vaiva vaJudha uye, kufanana naJona, vakanga vakajaira kungotaura nevanhu vekwavo. Nenzira yomuzvarirwo vaizodaro vakanzwa vachimanikidzwa kufungira vamwe zvisiri izvo sezvaiitwa nevakawanda panguva iyoyo. Zvisinei, Jehovha akatungamirira zvinhu kuitira kuti vashumiri vake vaone zvishoma nezvishoma kuti aida kuti vaitei.
Danho rokutanga raiva rokukurira kufungirana zvisiri izvo kwaiva pakati pevaJudha nevaSamaria. VaJudha vaisadyidzana nevaSamaria. Asi kanopfuura kamwe chete, Jesu akagadzirira nzira yokuti vaSamaria vazogamuchira nayo mashoko akanaka. Akaratidza kusasarura nokutaura nomukadzi weSamaria. (Johani 4:7-26) Pachimwe chiitiko, achishandisa mufananidzo womuSamaria aida muvakidzani, Jesu akaratidza mumwe muJudha aida zvokunamata uyo vanhu vasiri vaJudha vaigona kuratidza rudo rwomuvakidzani. (Ruka 10:25-37) Apo nguva yaJehovha yakasvika yokuti aunze vaSamaria muungano yechiKristu, Firipi, Petro, naJohani—vose vaiva vaJudha—vakaparidzira vagari veSamaria. Shoko ravo rakaunza mufaro wakakura muguta iroro.—Mabasa 8:4-8, 14-17.
Kana zvakanga zvakaomera vaKristu vechiJudha kuda vaSamaria, avo vaitova hama dzevaJudha dzokure, zvinofanira kuva zvakanga zvakatovaomera zvakanyanya kuda vanhu vasiri vaJudha, kana kuti Vemamwe Marudzi, avo vaitsvinyirwa nokuvengwa nevaJudha. Kunyange zvakadaro, pashure porufu rwaJesu, muganhu waiva pakati pevaKristu vechiJudha neVemamwe Marudzi waigona kubviswa. (VaEfeso 2:13, 14) Kuti abatsire Petro kuti abvume urongwa hutsva uhu, Jehovha akamuratidza chiono umo Iye akamuudza kuti “rega kuti zvinhu zvacheneswa naMwari zvakasviba.” Mudzimu waJehovha wakazomutungamirira kumumwe weveMamwe Marudzi ainzi Koneriyo. Apo Petro akanzwisisa maonero aMwari—okuti aisafanira kuti murume uyu wevemamwe marudzi akanga akasviba nokuti Mwari akanga amuchenesa—afuridzirwa akataura kuti: “Zvechokwadi ndinoona kuti Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:9-35) Hakusi kushamiswa kwakaita Petro Mwari paakaratidza kuti aigamuchira Koneriyo nemhuri yake kuburikidza nokudurura mudzimu mutsvene pavari!
Pauro—Mudziyo Wakasarudzwa Kuti Uende Kumamwe Marudzi
Ushumiri hwaPauro muenzaniso mukuru wokugadzirira kunoita Jehovha zvishoma nezvishoma vashumiri vake kuti vade uye vabatsire vanhu vakasiyana-siyana. Panguva yokutendeuka kwaPauro, Jesu akati Pauro aizoshanda somudziyo wakasarudzwa kuti uende nezita Rake kumamwe marudzi. (Mabasa 9:15) Pauro akabva aenda kuArabia, zvichida kuti anofungisisa nezvechinangwa chaMwari chokumushandisa kuti azivise mashoko akanaka kumamwe marudzi.—VaGaratiya 1:15-17.
Parwendo rwake rwokutanga rwoumishinari, Pauro akashingairira pakuparidzira vasiri vaJudha. (Mabasa 13:46-48) Jehovha akakomborera basa raPauro, zvinoratidza kuti muapostora wacho aiita zvinhu semarongerwo azvakaitwa naJehovha. Pauro akaratidza kuti ainyatsonzwisisa maonero aJehovha paakagadzirisa Petro noushingi, uyo akanga aratidza kusarura paakarega kushamwaridzana nehama dzake dzisiri vaJudha.—VaGaratiya 2:11-14.
Humwe umboo hwokuti Mwari aitungamirira zvaiitwa naPauro hunoonekwa parwendo rwake rwoumishinari rwechipiri apo mudzimu mutsvene wakadzivisa Pauro kuparidzira muruwa rwokuRoma rweBhitiniya. (Mabasa 16:7) Zvinoratidzika sokuti nguva iyoyo zvakanga zvisingaiti. Zvisinei, gare gare vamwe vokuBhitiniya vakava vaKristu. (1 Petro 1:1) Muchiono, mumwe weMakedhoniya akakumbira Pauro, achiti: “Yambukirai kuMakedhoniya mutibetsere.” Pauro akabva aziva kuti aifanira kuchinja rwendo rwake kuti anozivisa mashoko akanaka kuruwa irworwo rweRoma.—Mabasa 16:9, 10.
Kukwanisa kwaPauro kuchinjira kumamiriro ezvinhu kwakaedzwa paakaparidzira vaAtene. Mutemo weGiriki neRoma wairambidza kupinza munyika mashoko pamusoro pevamwari vokumwe netsika itsva dzokunamata. Kuda kwaPauro vanhu kwakamuita kuti anyatsofunga nezvemanamatiro avaiita. MuAtene akacherechedza atari yaive yakanyorwa kuti “Kuna Mwari Asingazivikanwi.” Akataura nezvokunamatwa kwamwari uyu mubasa rake rokupupurira. (Mabasa 17:22, 23) Inzira yakanaka sei yokusuma shoko rake nomutsa, uye noruremekedzo!
Pauro anofanira kuva akafara sei paaizotarira shure achiona zvibereko zvebasa rake somuapostora kumamwe marudzi! Akabatsira kuvamba ungano dzaiva nevaKristu vakawanda vakanga vasiri vaJudha muKorinde, Firipi, Tesaronika, nomumaguta omuGaratiya. Akabatsira varume nevakadzi vaitenda, vakadai saDhamarisi, Dhiyonisiasi, Sejiyo Paurosi, naTito. Yaiva ropafadzo yakadini kuona vanhu vaisamboziva Jehovha kana Bhaibheri vachigamuchira chokwadi pamusoro pechiKristu! Achitaura nezvebasa rake mukubatsira vasiri vaJudha kusvika pakuziva chokwadi, Pauro akati: “Saizvozvo, zvechokwadi, ndakazviita vavariro yangu kurega kuzivisa mashoko akanaka uko Kristu akanga atorehwa, . . . asi, sokunyorwa kwazvakaitwa kuti: ‘Vaya vasina kuziviswa nezvake vachaona, uye vasina kunzwa vachanzwisisa.’” (VaRoma 15:20, 21) Tingazivisa pamwe chete nevamwe mashoko akanaka kuvanhu vasiri vetsika dzokwedu here?
Kubatsira Vanhu Vose Vepasi Pano
Soromoni akanyengetera kuna Jehovha nezvevasiri vaIsraeri avo vaizouya kuzonamata Jehovha patemberi muJerusarema. Akakumbira kuti: “Inzwai henyu muri iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose sezvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu.” (1 Madzimambo 8:41-43) Zviuru zvevazivisi voUmambo munyika dzakawanda zvinonzwa semanzwiro akaita Soromoni. Vanosangana nevanhu vakaita sevaNinivhi avo, kana toreva nezvokunamata, “vasingazivi kuti ruoko rwavo rworudyi kana ruoko rwavo rworuboshwe ndorupi.” Uye vazivisi voUmambo vane chido chokubatsira mukuzadzika kwouprofita pamusoro pokuunganidzwa kwevanamati vechokwadi vachibva mumarudzi akasiyana-siyana.—Isaya 2:2, 3; Mika 4:1-3.
Sokungogamuchira kwave kuchiita vanhu vechiKristudhomu shoko reBhaibheri, vanhu vanobva mune zvimwe zvitendero vari kudarowo. Izvi zvinofanira kukuita kuti uite sei iwe pachako? Zviongorore nokutendeseka. Kana uchinzwa kuti kufungira vamwe zvisiri izvo kwakadzika midzi mauri, kubvise ukudziridze rudo.a Usaramba vanhu avo Mwari anoda kugamuchira.—Johani 3:16.
Zvigadzirire mupfungwa usati wataura nevanhu vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana neako. Rovedzana nezvavanodavira, zvavanonyanyofunga nezvazvo, nemafungiro avo; wozotsvaga zvamunobvumirana mose. Ratidza kuva akanaka neanonzwira tsitsi kuvamwe. Usaita nharo, iva anochinjika uye anovaka. (Ruka 9:52-56) Ukadaro uchafadza Jehovha, “uyo anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.”—1 Timoti 2:4.
Tinofara sei kuti muungano medu tine vanhu vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana! (Isaya 56:6, 7) Zvinofadza mwoyo sei nhasi kunzwa kwete chete mazita akadai savana Tichaona, Tendai, Farai, uye Tinei asiwo akadai savana Mamadou, Jegan, Joau, naChan! Zvechokwadi, ‘takazarurirwa musuo muhombe webasa.’ (1 VaKorinde 16:9) Ngatishandisei mikana yatinayo kusvitsa kukoka kunoitwa naMwari asingasaruri, Jehovha, kwokugamuchira vanhu vemarudzi ose!
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Mukai!, yaJuly 8, 1996, mapeji 5-7, inoti “Masvingo Anodzivisa Kurukurirano.”
[Mifananidzo iri papeji 23]
Pauro akaudza vanhu mashoko akanaka kwose kwose nokuva anokurumidza kuchinjira kumamwe mamiriro ezvinhu
. . . muAtene
. . . muFiripi
. . . ari parwendo