Vechiduku Vanofadza Mwoyo waJehovha
Nyaya dzokudzidza idzi dzakanyanya kugadzirirwa vechiduku vari pakati peZvapupu zvaJehovha. Naizvozvo, tinokurudzira vechiduku kunyatsodzidza mashoko aya uye kupindura vakasununguka paanodzidzwa paChidzidzo cheNharireyomurindi cheungano.
“Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze mwoyo wangu; kuti ndigone kupindura unondishora.”—Zvirevo 27:11.
1, 2. (a) Tsanangura kana kungokwezvwawo nezvinhu zvenyika kuchireva kuti hauna kumbokodzera kuva muKristu. (VaRoma 7:21) (b) Chii chaunodzidza kubva mumuenzaniso waAsafi? (Ona bhokisi, papeji 13.)
FUNGIDZIRA uri kutsvaka zvipfeko zvokutenga. Paunenge uchitarisa, unoona chipfeko chinobva changokufadza. Ruvara norudzi rwacho zvinoratidzika sezvakakukodzera chaizvo, uye mutengo wacho unoratidza kuti wakaderedzwa chaizvo. Asi zvino unonyatsotarisisa. Unoshamiswa nokuti jira racho rakasakara mumupendero, uye harina kusonwa zvakanaka. Chipfeko chacho, kunyange zvazvo chichiyevedza, hachina kugadzirwa zvakanaka. Ungashandisa mari yako kutenga chinhu chakadaro chisina kugadzirwa zvakanaka here?
2 Enzanisa izvi nemamiriro ezvinhu aungasangana nawo sowechiduku wechiKristu. Paunotanga kuzviona, zvinhu zvenyika ino—kungofanana nechipfeko chiya—zvingaratidzika sezvinofadza zvikuru. Somuenzaniso, vaunodzidza navo kuchikoro vangaenda kumapati anonakidza, vangashandisa zvinodhaka, kunwa, kudanana vasina chinangwa chokuroorana, uye kurara vose vasina kuroorana. Dzimwe nguva unombokwezvwa nemararamiro akadaro here? Unonzwa uchida kumboti ravidzei rwavanoti rusununguko rwavo here? Kana zvakadaro, usakurumidza kugumisa kuti une mwoyo wakaipa uye kuti hauna kumbokodzera kuva muKristu. Inga wani Bhaibheri rinobvuma kuti nyika inogona kukwezva zvakasimba—kunyange kumunhu anoda kufadza Mwari.—2 Timoti 4:10.
3. (a) Nei zvisina maturo kuita zvinhu zvenyika? (b) Mumwe muKristu anotsanangura sei kusabatsira kwezvinhu zvenyika?
3 Zvino chinyatsotarisisa, sezvawaizoita chipfeko chawanga uchida kutenga. Zvibvunze kuti, ‘Nyika ino yakagadzirwa nejira rorudzii uye yakasonwa sei?’ Bhaibheri rinotaura kuti “nyika iri kupfuura.” (1 Johani 2:17) Kana pangava nomufaro unowanikwa mairi ungava wakanaka sei, unongova wenguva pfupi chete. Uyezve, mufambiro usingadiwi naMwari une mubhadharo unorwadza. Hausi mutengo wakaderera kana. Mumwe muKristu, uyo akatsungirira aanoti “marwadzo okutambisa uduku hwake,” anoti: “Nyika ingaratidzika seinonakidza uye inofadza. Uye inoda kuti ufunge kuti unogona kunakidzwa nayo pasina kurwadziwa. Asi izvi hazvitombobviri. Nyika ichakushandisa, uye kana yapedza newe, ichakurasa.”a Ungatambisirei uduku hwako muupenyu hwenhando hwakadaro?
Kudzivirirwa Pane “Wakaipa”
4, 5. (a) Nguva pfupi asati afa, Jesu akakumbira chii mumunyengetero kuna Jehovha? (b) Nei ichi chaiva chikumbiro chakakodzera?
4 Vachiona kuti nyika ino haina chakanaka chainopa, vechiduku vari pakati peZvapupu zvaJehovha vanoedza kusashamwaridzana nenyika ino. (Jakobho 4:4) Uri mumwe wevechiduku vakatendeka ava here? Kana zvakadaro uri kuita zvakanaka. Ichokwadi kuti hazvisi nyore kuramba kufurirwa nevezera rako wova munhu akasiyana nevamwe, asi pane anogona kukubatsira.
5 Nguva pfupi asati afa, Jesu akanyengetera kuti Jehovha ‘atarisire’ vadzidzi vake “nemhaka yowakaipa.” (Johani 17:15) Jesu akaita chikumbiro ichi nokuda kwechikonzero chakanaka. Aiziva kuti upenyu hwokutendeseka hwaisazova nyore kuvateveri vake, pasinei nezera ravo. Nei? Chokutanga, sezvakabvumwa naJesu, vadzidzi vake vaizotarisana nomuvengi ane simba, asingaoneki—“wakaipa,” Satani Dhiyabhorosi. Bhaibheri rinoti chisikwa chomudzimu chakaipa ichi chino“famba-famba seshumba inodzvova, iri kutsvaka kudya mumwe munhu.”—1 Petro 5:8.
6. Tinoziva sei kuti Satani haanzwiri vechiduku tsitsi?
6 Kwezviuru zvemakore, Satani ave achitonakidzwa zvake nokuunzira vanhu nhamo dzoutsinye hwakaipisisa. Funga matambudziko anotyisa ayo Satani akaunzira Jobho nemhuri yake. (Jobho 1:13-19; 2:7) Pamwe unoyeuka zviitiko zvave zvichitaurwa munhau nguva yose yawararama zvinoratidza chisimba chaSatani. Dhiyabhorosi ari kunyangira, uye nokurura kwaari kuita, haanzwiri vechiduku tsitsi. Somuenzaniso, pakuvamba kwezana remakore rokutanga C.E., Herodhi akaruka zano rokuurayisa vakomana vose muBheterehema vaiva nemakore maviri nevaduku pane ivava. (Mateu 2:16) Zvimwe ndiSatani akaita kuti Herodhi aite izvi—zvose izvi kuti aedze kuparadza mwana uyo rimwe zuva aizova Mesiya waMwari akapikirwa ozounza mutongo waMwari pana Satani! (Genesi 3:15) Sezviri pachena, Satani haanzwiri vechiduku tsiye nyoro. Chaari kungoda chete kuparadza vanhu vakawanda sezvinobvira. Izvi ndezvechokwadi kunyanya iye zvino, nokuti Satani akadzingwa kudenga achikandirwa pasi pano, “akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”—Zvakazarurwa 12:9, 12.
7. (a) Jehovha akasiyana zvikuru sei naSatani? (b) Jehovha anonzwa sei nokunakidzwa kwako noupenyu?
7 Kusiyana chaizvo naSatani, uyo “akatsamwa kwazvo,” Jehovha ane “tsitsi huru.” (Ruka 1:78) Ndiye musimboti worudo. Kutaura zvazviri, unhu uhwu hunonyatsoratidza zvakaita Musiki wedu zvokuti Bhaibheri rinoti: “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Chokwadi pane musiyano mukuru pakati pamwari wenyika ino naMwari waune ropafadzo yokunamata! Nepo Satani achitsvaka kuparadza, Jehovha “hapana waanoda kuti aparadzwe.” (2 Petro 3:9) Anoona upenyu hwomunhu wose huchikosha—kusanganisira hwako. Jehovha paanokukurudzira muShoko rake kuti usave wenyika, haasi kuedza kukutadzisa kunakidzwa noupenyu kana kukushayisa rusununguko. (Johani 15:19) Asi ari kukutarisira nemhaka yowakaipa. Baba vako vokudenga vanoda kuti uve nechimwe chinhu chiri nani zvikuru pane mafaro asingagari enyika ino. Chido chavo ndechokuti uwane “upenyu chaihwo”—upenyu husingaperi muparadhiso yepasi pano. (1 Timoti 6:17-19) Jehovha anoda kuti ubudirire, uye ari kukukurudzira kuti udaro. (1 Timoti 2:4) Uyezve, Jehovha anokukumbira kuita chimwe chinhu chinokosha chaizvo. Chiiko?
“Ufadze Mwoyo Wangu”
8, 9. (a) Chipo chorudzii chaungapa Jehovha? (b) Satani anoshora sei Jehovha, sezvinoratidzwa munyaya yaJobho?
8 Wati wambotengera shamwari yako yepedyo chipo ukabva waiona ichifara zvikuru uye ichionga payaichigamuchira here? Zvichida wakafungisisa kwenguva yakareba kuti chipo chorudzii chaizokodzera munhu iyeye. Zvino chifunga nezvomubvunzo uyu: Chipo chorudzii chaungapa Musiki wako, Jehovha Mwari? Pakutanga, pfungwa iyi ingaita seisina musoro. Wemasimba ose anodei kune munhuwo zvake? Chii chaungamupa chaasitorina kare? Bhaibheri rinopindura pana Zvirevo 27:11 kuti: “Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze mwoyo wangu; kuti ndigone kupindura unondishora.”
9 Sezvaungadaro uchiziva kubva mukudzidza kwako Bhaibheri, Satani Dhiyabhorosi ndiye anoshora Jehovha. Anotaura kuti ani naani anoshumira Mwari anoita kudaro, kwete norudo, asi nezvikonzero zvoudyire. Ngavatambure, Satani anodaro, uye vachakurumidza kurega kunamata kwechokwadi. Somuenzaniso, funga nezvezvakataurwa naSatani kuna Jehovha nezvomurume akanga akarurama Jobho, kuti: “Hamuna kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, nezvose zvaanazvo, pamativi ose? Makaropafadza mabasa amaoko ake, uye pfuma yake yakawanda panyika. Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu zvino, murove zvose zvaanazvo, ipapo iye uchakushorai pachena.”—Jobho 1:10, 11.
10. (a) Tinoziva sei kuti Satani haana kugutsikana nokutendeseka kwevakawanda kunze kwaJobho? (b) Unobatanidzwa sei munyaya youchangamire?
10 Sezvinoratidzwa munyaya yeBhaibheri iyi, Satani haana kugutsikana kwete nokuvimbika kwaJobho chete asiwo kwevamwe vose vanoshumira Mwari—kusanganisira iwe. Kutaura zvazviri, achitaura nezvevanhu vose zvavo, Satani akati kuna Jehovha: “Zvose zvaanazvo munhu [kwete Jobho chete asi chero ani zvake] ungazviisira upenyu hwake.” (Jobho 2:4) Unoona zvaunofanira kuita here munyaya iyi inokosha? Sezvinoratidzwa pana Zvirevo 27:11, Jehovha ari kuti pane chimwe chinhu chaunogona kumupa—chikonzero chokuti ape mushori wake Satani mhinduro. Pafunge—Changamire Wezvose ari kukukumbira kubatanidzwa mukupindura nyaya huru kwazvo kupfuura dzose. Une mutoro unotyisa uye ropafadzo yakakura kwazvo! Unogona kuita zvauri kukumbirwa naJehovha here? Jobho akagona. (Jobho 2:9, 10) Ndizvo zvakaitawo Jesu nevamwe vasingaverengeki munhoroondo yose youpenyu, kusanganisira vechiduku vakawanda. (VaFiripi 2:8; Zvakazarurwa 6:9) Unogona kuitawo izvozvo. Asi chaunofanira kuziva ndechokuti haugoni kushaya kwawakarerekera munyaya iyi. Nezvaunoita, ucharatidza kuti unotsigira zvichida kushora kwaSatani kana kuti mhinduro yaJehovha. Uchasarudza kutsigira chipi?
Jehovha Ane Hanya Newe!
11, 12. Zvine basa here kuna Jehovha kuti unosarudza kumushumira here kana kwete? Tsanangura.
11 Jehovha ane basa nokuti unosarudza zvipi here? Vanhu vakaramba vakatendeka kuti ape Satani mhinduro yakakwana havasati vakwana here? Chokwadi, Dhiyabhorosi akati hapana anoshumira Jehovha norudo, pomero yakatoratidzwa kare kuti ndeyenhema. Kunyange zvakadaro, Jehovha anoda kuti iwe utsigire divi rake panyaya youchangamire nokuti ane hanya newe pachako. Jesu akati: “Hachisi chinhu chinodiwa naBaba vangu vari kudenga kuti mumwe wevaduku ava aparare.”—Mateu 18:14.
12 Sezviri pachena, Jehovha anoda kuziva nzira yaunosarudza. Kupfuura izvozvo, ine zvainoita kwaari. Bhaibheri rinojekesa kuti Jehovha ane pfungwa dzakadzama dzaanonzwa dzinokonzerwa nezviito zvakanaka kana zvakashata zvevanhu. Somuenzaniso, vaIsraeri pavakaramba vachipandukira, Jehovha ‘akarwadziwa.’ (Pisarema 78:40, 41) Mafashamo ezuva raNoa asati aitika, apo “kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru,” Jehovha “akava neshungu pamwoyo pake.” (Genesi 6:5, 6) Funga kuti izvi zvinorevei. Kana ukatora nzira isiriyo, ungaita kuti Musiki wako arwadziwe. Izvi hazvirevi kuti Mwari haana simba kana kuti munhu asingatani kushatirwa. Asi chokwadi ndechokuti, anokuda uye anoda kuti zvikufambire zvakanaka. Ukuwo, paunoita zvakarurama, mwoyo waJehovha unofara. Anofara kwete chete nokuti ane zvimwe zvokupindura Satani asiwo nokuti iye zvino anogona kukupa mubayiro. Uye izvozvo ndizvo zvaanoda kuita. (VaHebheru 11:6) Chokwadi Jehovha Mwari ndiBaba vako vane rudo!
Zvikomborero Zvakawanda Iye Zvino
13. Kushumira Jehovha kunounza zvikomborero iye zvino sei?
13 Zvikomborero zvinobva pakushumira Jehovha hazvingowanikwi munguva yemberi bedzi. Vechiduku vakawanda vari pakati peZvapupu zvaJehovha vanokomborerwa nomufaro nokugutsikana iye zvino, uye nokuda kwechikonzero chakanaka. “Zvinorayirwa naJehovha zvakarurama, zvinofadza mwoyo,” akanyora kudaro munyori wepisarema. (Pisarema 19:8) Jehovha anoziva zvakatinakira kupfuura munhu upi noupi. Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akataura kuti: “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo. Haiwa! dai wakateerera hako mirayiro yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa.”—Isaya 48:17, 18.
14. Nhungamiro dzeBhaibheri dzingakubatsira sei kuti usarwadziwe nechikwereti?
14 Kuita maererano nenhungamiro dzeBhaibheri kuchakubatsira kuti usarwadziwe zvakanyanya kana kushungurudzwa pamwoyo. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti vaya vanoda mari “vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kwakawanda.” (1 Timoti 6:9, 10) Pane vamwe vezera rako vakasangana nechokwadi chinorwadza chinotaurwa norugwaro urwu here? Mamwe majaya nemhandara vari muchikwereti chikuru kwazvo nokuti vanoda kuva nembatya dzazvinouno nemidziyo yemagetsi yazvinouno. Kuremerwa nokubhadhara kwenguva refu mari ine mubereko mukuru yezvinhu zvisingamboenderani nehomwe yako uranda hunorwadza zvechokwadi!—Zvirevo 22:7.
15. Nhungamiro dzeBhaibheri dzinokudzivirira munzirai pamarwadzo anokonzerwa nounzenza?
15 Fungawo nyaya younzenza. Pasi pose gore roga roga, vechiduku vasingaverengeki vezera riri kuyaruka vanobata pamuviri vasina kuroorwa. Vamwe vanobereka mwana wavasingadi uye wavasingakwanisi kurera. Vamwe vanoguma vabvisa pamuviri hana dzavo dzozogara dzichivatambudza. Kwozouyawo vakomana nevasikana vanobata chirwere chinopfuudzwa pabonde, chakadai seAIDS. Kumunhu anoziva Jehovha, zviri pachena kuti mugumisiro wakakura kupfuura yose unozova wokukanganisa ukama hwake naJehovha.b (VaGaratiya 5:19-21) Nechikonzero chakanaka, Bhaibheri rinoti: “Tizai ufeve.”—1 VaKorinde 6:18.
Kushumira “Mwari Anofara”
16. (a) Tinoziva sei kuti Jehovha anoda kuti unakidzwe nouduku hwako? (b) Nei Jehovha achikupa nhungamiro dzokuti utevere?
16 Bhaibheri rinorondedzera Jehovha sa“Mwari anofara.” (1 Timoti 1:11) Anoda kuti iwe ufarewo. Tingatoti, Shoko rake chairo rinoti: “Nakidzwa nouduku hwako. Fara uchiri muduku.” (Muparidzi 11:9, Today’s English Version) Asi Jehovha anoona zviri mberi uko uye anogona kuziva migumisiro yenguva refu yomufambiro wakanaka nowakaipa. Ndicho chikonzero nei achikurayira kuti: “Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo, panguva yauchazoti: Handifariri izvozvo.”—Muparidzi 12:1.
17, 18. Mumwe muKristu wechiduku akataura sei mufaro wake mukushumira Jehovha, uye iwe ungawana sei mufaro wakadaro?
17 Nhasi, vechiduku vakawanda vakawana mufaro wakakura mukushumira Jehovha. Somuenzaniso, Lina ane makore 15 anoti: “Ndinonzwa manyemwe chaizvo. Ndine utano hwakanaka nokuti handisvuti kana kushandisa zvinodhaka. Ndine nhungamiro inokosha yandinopiwa nokuungano inondibatsira kurwisa kudzvinyirira kunotyisa kwaSatani. Chiso changu chinopenya nomufaro pamusana pesonganiro inovaka inowanikwa kuImba yoUmambo. Zvakanakisisa kupfuura zvose, ndine tariro isingakundiki youpenyu husingaperi pasi pano.”
18 Kufanana naLina, vechiduku vechiKristu vakawanda vari kurwira kutenda zvakasimba, uye izvi zvinovapa mufaro. Vanoona kuti upenyu hwavo—kunyange zvazvo huchioma pane imwe nguva—hune chinangwa chaicho neremangwana chairo. Naizvozvo, ramba uchishumira Mwari anoda kwazvo kuti zvinhu zvikufambire zvakanakisisa. Fadza mwoyo wake, uye iye achaita kuti ufare iye zvino nokusingaperi!—Pisarema 5:11.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “The Truth Gave Me Back My Life,” iri mumagazini yeMukai! yechiRungu yaOctober 22, 1996.
b Zvinonyaradza kuziva kuti apo munhu anopfidza, orega kuita zvakaipa, uye oreurura zvivi zvake, Jehovha “uchakanganwira zvikuru.”—Isaya 55:7.
Unoyeuka Here?
• Ingozii yawakatarisana nayo kubva kune “wakaipa,” Satani?
• Ungafadza sei mwoyo waJehovha?
• Bhaibheri rinoratidza sei kuti Jehovha ane hanya newe?
• Ndezvipi zviri zvimwe zvikomborero zvinobva pakushumira Jehovha?
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 13]
Murume Akarurama Anopotsa Apingirishwa
Asafi aiva muRevhi akakurumbira airidza nziyo patemberi yaJehovha muIsraeri yekare. Akatonyora nziyo dzaishandiswa pakunamata kwevanhu vose. Zvisinei, pasinei neropafadzo dzake dzaisava nevakawanda, kwekanguva Asafi akazongoona ave kuyemura mufambiro wevamwe vezera rake vakanga vasingadi Mwari, avo vairatidzika sevanoputsa mitemo yaMwari vasingarangwi. “Tsoka dzangu dzakanga dzotsauka; makumbo angu akanga otedzemuka,” Asafi akazobvuma kudaro. “Ndakanga ndichigodora vane manyawi, pakuona kwangu kufara kwevakaipa.”—Pisarema 73:2, 3.
Gare gare, Asafi akaenda kunzvimbo tsvene yaMwari ndokunyengetera nezvenyaya iyi. Ava nemaonero matsva omudzimu, akanzwisisa kuti Jehovha anovenga zvakaipa uye kuti, nokufamba kwenguva, vakaipa nevakarurama vachakohwa zvavanodyara. (Pisarema 73:17-20; VaGaratiya 6:7, 8) Chokwadi, vakaipa vari panotedza. Nokukurumidza, vachawira pasi apo Jehovha anoparadza nyika ino isingadi Mwari.—Zvakazarurwa 21:8.
[Mifananidzo iri papeji 15]
Jehovha anoda kuti zvinhu zvikufambire zvakanakisisa, nepo Satani ari kuvavarira kukuparadza
[Mufananidzo uri papeji 16]
Vechiduku vakawanda vari kuwana mufaro wakakura kwazvo nokushumira Jehovha pamwe chete nevamwe vaKristu