Unoyeuka Here?
Wakanakidzwa nokuverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi here? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:
• Rute akashanda somuenzaniso wakanaka kwazvo munzira dzipi?
Aiva nomuenzaniso wakanaka mukuda kwake Jehovha, murudo rwake rwokuvimbika kuna Naomi, uye mukaratidza unhu hwokubishaira uye kuzvininipisa. Nokuda kwechikonzero chakanaka, vanhu vakamuona so“mukadzi wakanaka kwazvo.” (Rute 3:11)—4/15, mapeji 23-6.
• Tinoziva sei kuti Jehovha ane hanya nevanhuwo zvavo?
Akaudza vaIsraeri vakanga vabatwa noutsinye muIjipiti kuti vasaitira utsinye vanhuwo zvavo. (Eksodho 22:21-24) Jesu, uyo aitevedzera Baba vake, akaratidza kufarira vanhuwo zvavo zvechokwadi, uye akasarudza varume vakanga “vari vanhuwo zvavo uye vasina kudzidza” kuti vave vaapostora. (Mabasa 4:13; Mateu 9:36) Tinogona kutevedzera Mwari nokuratidza kuva nehanya nevamwe, vakadai sevechiduku.—4/15, mapeji 28-31.
• Tine chikonzero chipi chokudavira kuti Jehovha anoona zvatinoita?
Nhoroondo dzeBhaibheri dzinoratidza kuti Jehovha anoona zvinoitwa nevanhu. Akacherechedza chibayiro chakapiwa naAbheri, uye anoona ‘zvibayiro zvedu zvokurumbidza, izvo zvibereko zvemiromo.’ (VaHebheru 13:15) Jehovha aiziva kuti Enoki akashanda nesimba kuti amufadze kuburikidza nokurarama upenyu hwakachena, hune tsika. Uye Mwari akaona kuti chirikadzi yeZarefati yaisava muIsraeri yakagovana sei zvishoma zvayaiva nazvo nomuprofita Eriya. Jehovha anoonawo mabasa edu okutenda.—5/1, mapeji 28-31.
• Nei zvinganzi pashure pePendekosti ya33 C.E., vaJudha vakava vaKristu vaifanira kuzvitsaurira kuna Mwari?
Muna 1513 B.C.E., vaIsraeri vekare vakapinda muukama hwokuzvitsaurira kuna Jehovha. (Eksodho 19:3-8) Kubva panguva iyoyo, vaJudha vakaberekerwa murudzi irworwo rwakazvitsaurira pasi pesungano yoMutemo. Asi Jehovha akabvisa sungano yoMutemo kuburikidza norufu rwaKristu muna 33 C.E. (VaKorose 2:14) Pashure pacho, vaJudha vaida kushumira Mwari zvinogamuchirika vaifanira kuzvitsaurira kwaari vobva vabhabhatidzwa muzita raJesu Kristu.—5/15, mapeji 30-1.
• Kupiswa kwerusenzi kune nzvimbo mukunamata kwechokwadi here nhasi?
Kushandiswa kwerusenzi kwaiitwawo pakunamata kwechokwadi muIsraeri yekare. (Eksodho 30:37, 38; Revhitiko 16:12, 13) Asi sungano yoMutemo, kusanganisira kushandiswa kwerusenzi, zvakaguma nokufa kwaKristu. VaKristu vangazvisarudzira kana vangashandisa rusenzi pazvinangwa zvisiri zvechitendero, asi hakuchaitwi pakunamata kwechokwadi nhasi. Manzwiro evamwe anofanirawo kufungwa nezvawo kuitira kuti tisavagumbura.—6/1, mapeji 28-30.
• Inhau dzipi dzomunguva ichangopfuura dzaita kuti vakawanda vafungisise chokwadi chokuti Jesu akafamba pasi pano?
Mashoko akawanda ave achitaurwa pamusoro pebhokisi remapfupa omushakabvu, rakawanikwa muIsrael. Rinoita serakavapo kutangira muzana remakore rokutanga, uye pane mashoko akanyorwa pariri anoti: “Jakobho, mwanakomana waJosefa, munun’una waJesu.” Vamwe vanozviona so“uchapupu hwekare zvikuru hwokuchera matongo husiri hwomuBhaibheri” hwokuvapo kwaJesu.—6/15, mapeji 3-4.
• Munhu anodzidza sei kuva norudo?
Vanhu vanotanga kudzidza kuva norudo kuburikidza nomuenzaniso wevabereki vavo nokudzidziswa navo. Murume nomudzimai pavanoratidzana rudo nokuremekedzana, vana vangadzidza kuva norudo. (VaEfeso 5:28; Tito 2:4) Kunyange kana munhu asingabvi kumhuri ine rudo, angadzidza kuva norudo nokubvuma nhungamiro yaJehovha yakaita seyababa, nokuwana rubatsiro rwomudzimu mutsvene, uye nokubatsirwa nokutsigira kwoushamwari kwehama dzechiKristu.—7/1, mapeji 4-7.
• Eusebius aiva ani, uye tingadzidzei muupenyu hwake?
Eusebius aiva munyori wenhau dzakaitika kare wepakutanga uyo, muna 324 C.E., akapedza kunyora mavhoriyamu gumi ane musoro unoti History of the Christian Church. Kunyange aidavira kuti Baba vakavapo Mwanakomana asati avapo, Eusebius akabvuma pfungwa yakasiyana padare reNicaea. Zviri pachena kuti haana kuva nehanya nezvaidiwa naJesu zvokuti vateveri Vake vasave “rutivi rwenyika.” (Johani 17:16)—7/15, mapeji 29-31.
• Jehovha achinja maonero aanoita barika here?
Aiwa, Jehovha haana kuchinja maonero aanoita barika. (Maraki 3:6) Urongwa hwaMwari kumurume wokutanga hwaiva hwokuti “anamatire mukadzi wake” uye ave nyama imwe naye. (Genesi 2:24) Jesu akati kurambana kunze kwechikonzero choupombwe kwava kuroorazve kunoita kuti munhu ave mhombwe. (Mateu 19:4-6, 9) Kushivirira kwaJehovha barika kwakaguma nokuumbwa kweungano yechiKristu.—8/1, peji 28.