RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w04 3/15 p. 3
  • Kuchengeta Kune Chokuita Newe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuchengeta Kune Chokuita Newe
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Kudya kwaShe Kwemanheru—Chiitiko Chinokudza Mwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • ‘Itai Izvi Muchindiyeuka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Nei Tichichengeta Kudya kwaShe Kwemanheru?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Kudya kwaShe Kwemanheru—Kunochengetwa Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
w04 3/15 p. 3

Kuchengeta Kune Chokuita Newe

PAAIVA pasi pano, Jesu Kristu akatanga kuchengeta kunokudza Mwari. Uyu ndiwo bedzi mutambo wechitendero waakarayira zvakananga kuti vateveri vake vachengete. Kwaiva Kudya kwaShe Kwemanheru, kunozivikanwawo soKudya Kwemanheru Kwokupedzisira.

Fungidzira kuti uri mucherechedzi asingaoneki wezviitiko zvinotungamirira kuchiitiko ichocho. Jesu nevaapostora vake vaungana mukamuri repamusoro muJerusarema kuti vachengete Paseka yechiJudha. Vapedza kudya zvinogara zvichidyiwa paPaseka, zvinosanganisira gwayana rakagochwa, miriwo inovava, chingwa chisina kuviriswa, uye waini tsvuku. Muapostora Judhasi Isikariyoti asina kuvimbika adzingwa uye achakurumidza kutengesa Tenzi wake. (Mateu 26:17-25; Johani 13:21, 26-30) Jesu ari oga nevaapostora vake vakatendeka 11. Mateu ndomumwe wavo.

Maererano nenhoroondo yaMateu yezvaakaona, aya ndiwo matangiro anoita Jesu Kudya kwaShe Kwemanheru: “Jesu akatora chingwa [chisina kuviriswa] uye, akati akumbira chikomborero, akachimedura uye, achichipa kuvadzidzi, akati: ‘Torai, mudye. Ichi chinoreva muviri wangu.’ Uyewo, akatora kapu [yewaini] uye, aonga, akaipa kwavari, achiti: ‘Inwai, imi mose; nokuti iyi inoreva “ropa rangu resungano,” richadururirwa vakawanda nokuda kwokukanganwirwa kwezvivi.’”—Mateu 26:26-28.

Nei Jesu akatanga Kudya kwaShe Kwemanheru? Paaiita kudaro, nei akashandisa chingwa chisina kuviriswa uye waini tsvuku? Vateveri vaKristu vose vaizodya zviratidzo izvi here? Kudya uku kwaizochengetwa kakawanda sei? Uye kune zvakunonyatsoreva kwauri here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe