RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w04 7/1 pp. 14-19
  • ‘Vadzidzisei Kuchengeta Zvinhu Zvose Zvandakakurayirai’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Vadzidzisei Kuchengeta Zvinhu Zvose Zvandakakurayirai’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Muchivadzidzisa Kuchengeta Zvinhu Zvose Zvandakakurayirai”
  • “Zvinhu Zvose”
  • “Kusvikira Pakuguma Kwegadziriro Yezvinhu”
  • Ivai Nehanya
  • “Ndinemi Mazuva Ose”
  • Zvatingaita Kuti Tibatsire Vamwe Kuchengeta Mirayiro yaKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • ‘Endai Muite Vadzidzi’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • ‘Endai Munoita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Iva Nounhu Hungakubatsira Kudzidzisa Vanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
w04 7/1 pp. 14-19

‘Vadzidzisei Kuchengeta Zvinhu Zvose Zvandakakurayirai’

“Naizvozvo endai muite . . . vadzidzi . . , muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”—MATEU 28:19, 20.

1. Mudzidzi Firipi nomurume weEtiopiya vakakurukurirana chii?

MURUME wokuEtiopiya akanga afamba rwendo rurefu rwokuenda kuJerusarema. Ikoko akanamata Mwari waaida, Jehovha. Zviri pachena kuti aidawo Shoko raMwari rakafuridzirwa. Paaidzoka kumusha ari mungoro yake, akanga achiverenga bhuku raIsaya paakasangana naFiripi, mudzidzi waKristu. Firipi akabvunza muEtiopiya wacho kuti: “Unonyatsoziva zvauri kurava here?” Murume wacho akapindura kuti: “Ndingadaro sei, kana mumwe asinganditungamiriri?” Firipi akatanga kubatsira mudzidzi uyu weMagwaro akatendeka kuti ave mudzidzi waKristu.—Mabasa 8:26-39.

2. (a) Mhinduro yakapiwa nomuEtiopiya ine zvainoreva munzirai? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi ine chokuita nomurayiro waKristu wokuita vadzidzi?

2 Mhinduro yomuEtiopiya wacho ine zvainoreva. Akati: “Ndingadaro sei, kana mumwe asinganditungamiriri.” Chokwadi, aida mutungamiriri, mumwe munhu wokumuvhurira nzira. Sezvaari, mashoko aya anoratidza kukosha kwomurayiridzo chaiwo uyo Jesu akabatanidza nomurayiro wake wokuita vadzidzi. Murayiridzo upi? Kuti tiwane mhinduro, ngatirambei tichikurukura nezvemashoko aJesu anowanikwa muchitsauko 28 chaMateu. Nyaya yatangira ino yataura nezvomubvunzo wokuti nei? uye kupi? Zvino tichakurukura mimwezve mibvunzo miviri ine chokuita nomurayiro waKristu wokuita vadzidzi—chii? uye rini?

“Muchivadzidzisa Kuchengeta Zvinhu Zvose Zvandakakurayirai”

3. (a) Mumwe munhu anova sei mudzidzi waJesu Kristu? (b) Kuita vadzidzi kunosanganisira kudzidzisa chii?

3 Tinofanira kudzidzisa chii kuti tibatsire vamwe kuva vadzidzi vaKristu? Jesu akarayira vateveri vake kuti: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Saka, tinofanira kudzidzisa zvinhu zvakarayirwa naKristu.a Zvisinei, chii chichabatsira kuva nechokwadi chokuti munhu anodzidziswa mirayiro yaJesu haasati achizongova bedzi mudzidzi asiwo acharamba ari mudzidzi wacho? Imwe pfungwa inokosha inoonekwa mukunyatsosarudza mashoko kwaJesu. Ona kuti, haana kungoti: ‘Vadzidzisei zvinhu zvose zvandakakurayirai.’ Asi, akati: ‘Vadzidzisei kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.’ (Mateu 19:17) Izvozvo zvinorevei?

4. (a) Kuchengeta murayiro kunorevei? (b) Enzanisira madzidzisiro atinoita mumwe munhu kuti achengete mirayiro yaKristu.

4 Kuchengeta murayiro kunoreva “kuchinja zviito zvako” kuti zvienderane nomurayiro—kuuteerera, kana kuti kuuchengeta. Saka, tinodzidzisa sei mumwe munhu kuti achengete, kana kuti ateerere, zvinhu zvakarayirwa naKristu? Chimbofunga nezvenzira iyo murayiridzi wokutyaira anodzidzisa nayo vadzidzi vake kuchengeta mitemo yomumugwagwa. Murayiridzi angadzidzisa vadzidzi vake mirayiro yepamugwagwa paanenge ari mukirasi. Zvisinei, kuti adzidzise vadzidzi vake kuti vangateerera sei mirayiro iyoyo, anofanira kutungamirira vadzidzi pavanenge vachitotyaira mumugwagwa mune dzimwe motokari voedza chaizvo kushandisa zvavakadzidza. Saizvozvowo, patinodzidza Bhaibheri nevanhu, tinovadzidzisa mirayiro yaKristu. Zvisinei, tinofanira kutungamirira vadzidzi pavanoedza kushandisa mirayiridzo yaKristu muupenyu hwavo hwezuva nezuva uye muushumiri. (Johani 14:15; 1 Johani 2:3) Saka, kuita zvizere murayiro waKristu wokuita vadzidzi kunoda kuti tive vadzidzisi nevatungamiriri. Tikadaro, tinotevedzera muenzaniso wakaratidzwa naJesu uye naJehovha pachake.—Pisarema 48:14; Zvakazarurwa 7:17.

5. Nei munhu watinodzidza naye Bhaibheri angazengurira kuteerera murayiro waKristu wokuita vadzidzi?

5 Kudzidzisa vamwe kuchengeta mirayiro yaJesu kunosanganisira kuvabatsira kuteerera murayiro wokuita vadzidzi. Kune vamwe vatinodzidza navo Bhaibheri, izvozvo zvingava zvinotyisa. Kunyange kana vaimbova nhengo dzinoshingaira dzeimwe chechi yechiKristudhomu, sezvingabvira vaimbova vadzidzisi vavo vechitendero havana kumbovadzidzisa kuti vaende kunoita vadzidzi. Vamwe vatungamiriri vechechi vanobvuma pachena kuti kana toreva nezvokudzidzisa mapoka evanhu vavo kuparidza evhangeri, machechi echiKristudhomu anokundikana zvachose. Achitsinhira murayiro waJesu wokuenda munyika ndokubatsira vanhu vemarudzi ose kuti vave vadzidzi, nyanzvi yeBhaibheri John R. W. Stott akati: “Kutadza kwedu kuteerera zvinoreva murayiro uyu ndiko kukundikana kukuru kwevaKristu veevhangeri mune zvokuparidza evhangeri nhasi.” Akatizve: “Kunenge kuti tinoda kuzivisa shoko redu tiri kure. Dzimwe nguva tinoita sevanhu vanodanidzira nyevero kuvanhu vari kunyura tiri panzvimbo yakachengeteka yemhenderekedzo yegungwa. Hatisvetukiri imomo kuti tivanunure. Tinotya kunyorova.”

6. (a) Pakubatsira mudzidzi weBhaibheri, tingatevedzera sei muenzaniso waFiripi? (b) Tingaratidza sei kuva nehanya mudzidzi weBhaibheri paanotanga kuitawo basa rokuparidza?

6 Kana munhu watinodzidza naye Bhaibheri aimbova wechitendero chine nhengo “dzinotya kunyorova,” zvingamuomera kuti akurire kutya kwake ingaita semvura inonyorovesa, uye kuteerera murayiro waKristu wokuita vadzidzi. Achada kubatsirwa. Saka, tinofanira kushivirira patinomutungamirira nokumupa mirayiridzo inodzamisa kunzwisisa kwake zvoita kuti aite chimwe chinhu, sezvakangoita kudzidzisa kwaFiripi kwakavhenekera muEtiopiya ndokumuita kuti abhabhatidzwe. (Johani 16:13; Mabasa 8:35-38) Uyezve, chido chedu chokudzidzisa vadzidzi veBhaibheri kuchengeta murayiro wokuita vadzidzi chinoita kuti tishande navo tichivatungamirira pavanotanga kuparidza Umambo.—Muparidzi 4:9, 10; Ruka 6:40.

“Zvinhu Zvose”

7. Kudzidzisa vamwe “kuchengeta zvinhu zvose” kunosanganisira kuvadzidzisa mirayiro ipi?

7 Hatingogumiri bedzi pakudzidzisa vadzidzi vatsva kuita vadzidzi. Jesu akatirayira kuti tidzidzise vamwe “kuchengeta zvinhu zvose” zvaakarayira. Chaizvoizvo izvozvo zvinosanganisira mirayiro mikuru miviri—kuda Mwari uye kuda muvakidzani. (Mateu 22:37-39) Mudzidzi mutsva angadzidziswa sei kuchengeta mirayiro iyoyo?

8. Enzanisira kuti mudzidzi mutsva angadzidziswa sei murayiro wokuratidza rudo.

8 Fungazve nezvomuenzaniso womunhu ari kudzidzira kutyaira. Sezvo ari kudzidzira anotyaira nomune dzimwe motokari aine murayiridzi wake, mudzidzi wacho ari kudzidza kwete bedzi nokuteerera murayiridzi wake asiwo nokucherechedza vamwe vatyairi. Somuenzaniso, murayiridzi angaratidza mumwe mutyairi anobvumira nomutsa mumwe kuti apinde pamberi pake; kana kuti mutyairi anodzora chiedza chemagetsi emotokari yake achiitira vamwe kuti arege kudzimaidza motokari iri kuuya; kana kuti mutyairi anobatsira nokuzvidira munhu waanozivana naye ane motokari inenge yafa. Mienzaniso yakadaro inodzidzisa mudzidzi zvidzidzo zvinokosha zvaanogona kushandisa paanenge achityaira. Saizvozvowo, mudzidzi mutsva anofamba panzira inoenda kuupenyu haangodzidzi bedzi kumudzidzisi wake asiwo kumienzaniso yakanaka yaanoona muungano.—Mateu 7:13, 14.

9. Mudzidzi mutsva anodzidza sei zvazvinoreva kuchengeta murayiro wokuratidza rudo?

9 Somuenzaniso, mudzidzi weBhaibheri angaona mubereki ari oga anoedza nepaanogona napo kuuya kuImba yoUmambo nomudungwe wevana vake vaduku. Angaona mweya wakaputsika unouya kumisangano nokutendeka pasinei nokunetseka kwake nokuora mwoyo, chirikadzi yakwegura inouya nevamwe vakwegura nemotokari yayo kumusangano mumwe nomumwe weungano, kana kuti ari kuyaruka anobatsira kuchenesa Imba yoUmambo. Mudzidzi weBhaibheri angaona mukuru muungano anotungamirira nokutendeka mubasa romumunda pasinei nemabasa ake akawanda eungano. Angasangana neChapupu chakaremara uye chisingabvi pamba asi chinokurudzira mune zvokunamata vose vanochishanyira. Mudzidzi wacho angaona murume nomudzimai wake vari kugadzirisa upenyu hwavo kuitira kuti vatarisire vabereki vavo vakwegura. Nokuona vaKristu vakadaro vane mutsa, vanobatsira, uye vakavimbika, mudzidzi mutsva anodzidza nomuenzaniso zvazvinoreva kuteerera murayiro waKristu wokuda Mwari nomuvakidzani, zvikurukuru vatinonamata navo. (Zvirevo 24:32; Johani 13:35; VaGaratiya 6:10; 1 Timoti 5:4, 8; 1 Petro 5:2, 3) Nokuita izvi, nhengo imwe neimwe yeungano yechiKristu inogona—uye inofanira—kuva mudzidzisi uye mutungamiriri.—Mateu 5:16.

“Kusvikira Pakuguma Kwegadziriro Yezvinhu”

10. (a) Ticharamba tichiita vadzidzi kusvikira rini? (b) Jesu akaratidza muenzaniso upi maererano nokuita basa?

10 Tinofanira kuramba tichiita vadzidzi kusvikira rini? Munguva yose yokuguma kwegadziriro yezvinhu. (Mateu 28:20) Tichakwanisa here kuita izvi zvatakarayirwa naJesu? Seungano yepasi pose, takatsunga kuita kudaro. Mumakore apfuura, takashandisa nomufaro nguva, simba, uye pfuma yedu kuwana vaya vano“da upenyu husingaperi.” (Mabasa 13:48) Panguva ino, Zvapupu zvaJehovha zvinopedza maawa anodarika mamiriyoni matatu paavhareji zuva rimwe nerimwe regore mubasa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi pasi pose. Tinodaro nokuti tinotevera muenzaniso waJesu. Akati: “Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.” (Johani 4:34) Ndichowo chido chedu chomwoyo wose. (Johani 20:21) Hatidi kungotanga basa ratakanzi tiite; asi tinoda kuripedza.—Mateu 24:13; Johani 17:4.

11. Chii chakaitika kune dzimwe dzehama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu, uye tinofanira kuzvibvunzei?

11 Zvisinei, zvinotisuruvarisa kuona kuti vamwe vatinonamata navo vaneta mune zvokunamata, saka vadzikira kana kuti havachaiti murayiro waKristu wokuita vadzidzi. Pane nzira chero ipi zvayo here yatingavabatsira nayo kuti vatangezve kusonganirana neungano voitazve basa rokuita vadzidzi? (VaRoma 15:1; VaHebheru 12:12) Nzira iyo Jesu akabatsira nayo vaapostora vake pavakanga vamborega kuita basa inoratidza zvatingaita nhasi.

Ivai Nehanya

12. (a) Nguva pfupi Jesu asati afa, vaapostora vake vakaitei? (b) Jesu akaita sei nevaapostora vake pasinei nokukundikana kukuru?

12 Pakuguma kwoushumiri hwaJesu pasi pano, pedyo norufu rwake, vaapostora “vakamusiya vakatiza.” Sezvakanga zvafanotaurwa naJesu, vaka“pararira mumwe nomumwe kumba kwake.” (Mako 14:50; Johani 16:32) Jesu akaita sei neshamwari dzake dzakanga dzisisina simba mune zvokunamata? Achangomuka, Jesu akaudza vamwe vevateveri vake kuti: “Musatya! Endai, muudze hama dzangu, kuti vaende kuGarireya; uye vachandiona ikoko.” (Mateu 28:10) Kunyange zvazvo vaapostora vakanga varatidza kukundikana kukuru, Jesu akanga achiri kuvati ‘hama dzangu.’ (Mateu 12:49) Akanga achiri kuvimba navo. Nenzira iyi, Jesu ainzwira ngoni uye aikanganwira, sezvo Jehovha achinzwira ngoni uye achikanganwira. (2 Madzimambo 13:23) Tingatevedzera Jesu sei?

13. Tinofanira kuona sei vaya vasisashingairi mune zvokunamata?

13 Tinofanira kuva nehanya chaizvo nevaya vava kuita zvishoma kana kuti vakarega kuita ushumiri. Tichiri kuyeuka mabasa orudo aimboitwa nevatinonamata navo ivavo—vamwe zvichida kwemakumi emakore. (VaHebheru 6:10) Zvechokwadi tinoshuva kushamwaridzana navo. (Ruka 15:4-7; 1 VaTesaronika 2:17) Zvisinei, tingaratidza sei kuti tine hanya navo?

14. Tichitevedzera Jesu, tingabatsira sei munhu asingachaiti basa?

14 Jesu akaudza vaapostora vakanga vaora mwoyo kuti vaifanira kuenda kuGarireya uye vaizomuona ikoko. Chaizvoizvo, Jesu akavakoka kuti vazopinda musangano unokosha. (Mateu 28:10) Saizvozvowo nhasi, tinokurudzira vaya vasisashingairi mune zvokunamata kuti vapinde misangano yeungano yechiKristu, uye tingada kuvakurudzira kanopfuura kamwe chete kuti vapinde. Kuvaapostora, kukoka uku kwakava nezvibereko, sezvo “vadzidzi vane gumi nomumwe vakaenda muGarireya kugomo uko Jesu akanga arangana navo.” (Mateu 28:16) Tinofara chaizvo kana vaya vasingachaiti basa vakagamuchirawo kukoka kwedu kwoushamwari vobva vatangazve kupinda misangano yechiKristu!—Ruka 15:6.

15. Tingatevedzera sei muenzaniso waJesu wokufarira vasingachaiti basa vanouya kwatinoitira misangano?

15 Tichaita sei kana muKristu asingachaiti basa akasvika paImba yoUmambo? Jesu akaitei paakaona vaapostora vake, vane kutenda kwakanga kwambodzokera shure, panzvimbo yavakanga varangana kuti vasangane? “Jesu akaswedera akataura navo.” (Mateu 28:18) Haana kungovadzvokora ari kure asi akaenda kwavari. Fungidzira kuti vaapostora vanofanira kunge vakafara sei Jesu paakatanga kutaura navo! Isuwo ngatitange kufarira vasingachaiti basa vanenge vaedza chaizvo kuti vadzoke kuungano yechiKristu.

16. (a) Tingadzidzei munzira iyo Jesu akabata nayo nevateveri vake? (b) Tingaratidza sei maonero aJesu vaya vasingachaiti basa? (Ona mashoko omuzasi.)

16 Jesu akaiteizve? Kutanga, akazivisa kuti: “Ndakapiwa simba rose.” Chechipiri, akapa basa, achiti: ‘Naizvozvo endai muite vadzidzi.’ Chechitatu, akavimbisa kuti: “Ndinemi mazuva ose.” Asi waona here icho Jesu asina kuita? Haana kutuka vadzidzi nokuda kwokukundikana kwavo uye kusava kwavo nechokwadi. (Mateu 28:17) Zvaakaita zvakabudirira here? Hungu. Munguva pfupi, vaapostora vakanga vavazve ku“dzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka.” (Mabasa 5:42) Nokutevera muenzaniso waJesu wemaonero uye mabatiro aaiita nevasingachaiti basa, tingaona migumisiro yakafanana inofadza muungano yedu.b—Mabasa 20:35.

“Ndinemi Mazuva Ose”

17, 18. Ipfungwai dzinosimbisa dziri mumashoko aJesu okuti, “ndinemi mazuva ose”?

17 Mashoko okupedzisira omurayiro waJesu okuti, “ndinemi mazuva ose,” ane pfungwa inosimbisa vose vanoedza kuita murayiro waKristu wokuita vadzidzi. Chero kushora kupi kungaitwa basa redu rokuparidza Umambo nevavengi uye chero nzira dzipi dzokuchera dzavangatiitira, hatina chikonzero chokutya. Nei? Jesu, Mutungamiriri wedu, uyo ane “simba rose kudenga nepasi pano,” anesu kuti atitsigire!

18 Vimbiso yaJesu yokuti, “ndinemi mazuva ose” inonyaradzawo zvikuru. Sezvatinoedza kuita murayiro wechiKristu wokuita vadzidzi, hatingovi nemazuva omufaro bedzi asiwo mazuva okusuruvara. (2 Makoronike 6:29) Vamwe vedu vanova nenguva dzinosuruvarisa pavanenge vachichema kufa kwomunhu wavanoda chaizvo. (Genesi 23:2; Johani 11:33-36) Vamwe vari kunetseka nokukwegura, apo utano nesimba zvinenge zviri kuderera. (Muparidzi 12:1-6) Vamwewo vanotarisana nemazuva avanenge vakamomoterwa nokuora mwoyo. (1 VaTesaronika 5:14) Uye nhamba yedu inowedzera iri kuparapatika nomuzvinetso zvemari zvakakomba. Kunyange zvakadaro, pasinei nezvinetso izvozvo, tinobudirira muushumiri hwedu nokuti Jesu anesu “mazuva ose,” kusanganisira mazuva anosuruvarisa zvikuru oupenyu hwedu.—Mateu 11:28-30.

19. (a) Murayiro waJesu wokuita vadzidzi une mirayiridzo ipi? (b) Chii chinoita kuti tigone kuita murayiro waKristu?

19 Sezvataona munyaya ino neyapfuura, murayiro waJesu wokuita vadzidzi unobatanidza zvinhu zvose. Jesu akatiudza kuti nei tichifanira kuita murayiro wake uye kupi. Akatiudzawo zvatinofanira kudzidzisa uye kuti kusvikira rini patinofanira kuita izvozvo. Chokwadi, kuita murayiro uyu mukuru kwakaoma. Asi tichitsigirwa nesimba raKristu uye ainesu, tinogona kuuita! Haubvumi here?

[Mashoko Omuzasi]

a Rimwe bhuku rinotaura kuti Jesu akati, “muchivabhabhatidza . . . muchivadzidzisa,” kwete ‘muchivabhabhatidza uye muchivadzidzisa.’ Saka, murayiro wokubhabhatidza uye kudzidzisa “hausi chaizvoizvo . . . zvinhu zviviri zvinotevedzana.” Asi, “kudzidzisa chinhu chinoramba chichiitwa, chinoitwa pamwero wakati munhu asati abhabhatidzwa . . . chozoramba chichiitwa pamwero wakati munhu abhabhatidzwa.”

b Mamwe mashoko anoreva nezvokuti tingaona sei uye tingabatsira sei vasingachaiti basa anowanikwa muNharireyomurindi yaFebruary 1, 2003, mapeji 15-18.

Ungapindura Sei?

• Tinodzidzisa sei vamwe kuchengeta zvakarayirwa naJesu?

• Mudzidzi mutsva angadzidzei kune vamwe vari muungano?

• Tingaitei kuti tibatsire vaya vasingachaiti basa?

• Vimbiso yaJesu yokuti “ndinemi mazuva ose” ingatisimbisa uye ingatinyaradza sei?

[Mifananidzo iri papeji 15]

Tinofanira kuva vadzidzisi nevatungamiriri

[Mifananidzo iri papeji 17]

Mudzidzi mutsva anodzidza zvidzidzo zvinokosha pamienzaniso yevamwe

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe