RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w04 12/1 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Ndiani Ainzi Mariya Magadharini?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • “Ndaona Ishe!”
    Tevedzerai Kutenda Kwavo
  • Anopinda Mukamuri Rakakiiwa
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Muguva Hamuna Munhu, Jesu Mupenyu!
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
w04 12/1 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei Jesu akanga amutswa, akakumbira kuti Tomasi amubate asi akanga amborambidza Mariya Magadharini?

Dzimwe shanduro dzekare dzeBhaibheri dzinopa pfungwa yokuti Jesu akaudza Mariya Magadharini kuti asamubata. Somuenzaniso, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona rinotaura mashoko aJesu aya richiti: “Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna Baba vangu.” (Johani 20:17) Zvisinei, shoko rechiito rechiGiriki chepakutanga, iro rinowanzoshandurwa kuti “bata,” rinorevawo “kunamatira ku-, kubata kuti dzvi, kubatirira.” Zvinonzwisisika kuti Jesu akanga asiri kurambidza Mariya Magadharini kuti angomubatawo zvake, sezvo akabvumira vamwe vakadzi vaiva paguva racho kuti ‘vabate tsoka dzake.’—Mateu 28:9.

Shanduro dzakawanda dzemazuva ano, dzakadai seShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene, The New Jerusalem Bible, uye The New English Bible, dzinotibatsira kunzwisisa zvinonyatsorehwa nemashoko aJesu dzichiti: “Rega kundinamatira.” Nei Jesu aizotaura izvozvo kuna Mariya Magadharini, uyo aiva shamwari yake yepedyo?—Ruka 8:1-3.

Zvimwe Mariya Magadharini aityira kuti Jesu akanga ava kuda kuenda uye kukwira kudenga. Zvichibva pachido chakasimba chokuva naIshe wake, akanamatira kuna Jesu, asingadi kumurega. Kuti amuvimbise kuti akanga asati ava kuenda, Jesu akarayira Mariya kuti arege kumunamatira asi kuti aende kunozivisa vadzidzi vake mashoko okumuka kwake.—Johani 20:17.

Kukurukurirana kwaJesu naTomasi kwakanga kwakasiyana. Jesu paakaoneka kune vamwe vadzidzi, Tomasi akanga asipo. Gare gare, Tomasi akataura kusava nechokwadi kwake nezvokumuka kwaJesu, achiti aisazozvitenda kutoti aona maronda aJesu ezvipikiri uye aisa ruoko rwake padivi paJesu paakabayiwa nepfumo. Mazuva masere pava paya, Jesu akaoneka zvakare kuvadzidzi vake. Panguva ino, Tomasi akanga aripo, uye Jesu akamukumbira kuti abate maronda acho.—Johani 20:24-27.

Saka, kana kuri kuna Mariya Magadharini, Jesu akanga achimurambidza nemhaka yechido chakanga chisina kukodzera chokuti asaenda; kana kuri kuna Tomasi, Jesu akanga achibatsira munhu akanga asina chokwadi nezvaitaurwa. Muzviitiko zvacho zvose, Jesu akanga ane zvikonzero zvakanaka zvokuita nenzira yaakaita nayo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe