Unozvienzanisa Nevamwe Here?
NDIANI wedu asina kumbosangana nomumwe munhu akanaka kupfuura zvatiri, anoita seakakurumbira kwazvo, seanokurumidza kubata zvinhu, kana kuti anowana mamakisi ari nani kuchikoro? Zvichida vamwe vane utano huri nani kana kuti basa rinogutsa, vanobudirira chaizvo, kana kuti vanoita sevane shamwari dzakawanda. Vangava nezvinhu zvakawanda, mari yakawanda, motokari mbishi, kana kuti vangave vachiratidzika kuva vane mufaro. Patinotaura nezvezvinhu izvi, tinozvienzanisa nevamwe here? Kuzvienzanisa hakudzivisiki here? Nei muKristu angada kukudzivisa? Uye nei tichifanira kugutsikana asi tisingazvienzanisi naani zvake?
Chingakonzera Kuzvienzanisa uye Patingazvienzanisa
Chimwe chingaita kuti vanhu vazvienzanise nevamwe vanhu ndechokuti zvinobatsira kuchengetedza kana kuti kusimudzira zvavari. Vanhu vanowanzogutsikana pavanoona kuti vari kubudirira sezvinoita vezera ravo. Imwe pfungwa ndeyokuti kuzvienzanisa nevamwe kuedza kuderedza manzwiro edu okusachengeteka, kuti tinzwisise zvatinogona kuita nezvatisingagoni. Tinocherechedza zvinenge zvaitwa nevamwe. Kana vakafanana nesu muzvinhu zvakawanda uye vachinge vakwanisa kuita zvimwe zvinhu, tinganzwa sokuti tinogona kuitawo zvakafanana.
Kuenzanisa kunowanzoitwa nevanhu vanenge vakada kufanana—vose vari varume kana kuti vari vakadzi, vezera rimwe, uye vane zvinzvimbo zvakafanana uyewo vanozivana. Kashoma kuti tizvienzanise nomumwe munhuwo zvake kana tichiziva kuti takasiyana zvikuru. Neimwe nzira, musikana muduku haangazvienzanisi netsvarakadenga yakakurumbira inopinda mumakundano orunako asi angazvienzanisa nevaanodzidza navo, uyewo tsvarakadenga yacho haingazvienzanisi nomusikana muduku wacho.
Zvinhu zvipi zvatinowanzoda kuenzanisa? Chinhu chose chatingava nacho kana kuti chinonzi chinokosha munzanga—hungava uchenjeri, runako, pfuma, zvipfeko—ndipo panotangira kuzvienzanisa. Zvisinei, tinowanzoda kuzvienzanisa pazvinhu zvinotifadza. Somuenzaniso, tingasachiva dzamatsama rezvitambi rinounganidzwa nomunhu watinoziva kutoti kana tichifarirawo zvokuunganidza zvitambi.
Kuenzanisa kunobudisa manzwiro ose akasiyana-siyana, kutangira pakugutsikana kusvika pakuora mwoyo, kubva pakuyemura uye pachido chokutevedzera kuenda pakushushikana kana ruvengo. Mamwe manzwiro aya anokuvadza chaizvo, uye haawirirani nounhu hwechiKristu.
Kuzvienzanisa Kwemakwikwi
Vazhinji vanotamburira “kukunda” pavanenge vachizvienzanisa nevamwe vanoratidza kufarira makwikwi. Vanoda kuva nani kupfuura vamwe, uye havagutsikani kutozosvikira vava kunzwa kuti vava nani. Hazvinakidzi kuva pakati pevanhu vakadaro. Hazvinakidzi kushamwaridzana navo, zvinonetsa kuwirirana navo. Vanhu ivavo havazvininipisi uye vanowanzokundikana kushandisa zano reBhaibheri rokuda hama dzavo, sezvo unhu hwavo huchikurumidza kuita kuti vamwe vanzwe vasingakoshi uye vanyadziswa.—Mateu 18:1-5; Johani 13:34, 35.
Kuita kuti vamwe vanhu vanzwe sokuti “vakundwa” kunovakuvadza mupfungwa. Mumwe munyori anoti “kukundikana kwedu kunonyanya kutirwadza kana zvikaita sokuti vanhu vari mumamiriro ezvinhu akafanana needu vawana zvinhu zvatinoda.” Saka makwikwi anokonzera godo, kusvotwa uye kusafarira mumwe munhu nemhaka yezvinhu zvaanazvo, kubudirira, chinzvimbo, mukurumbira, zvaanowana, uye zvimwewo. Izvi zvinoita kuti pave nemamwezve makwikwi—upenyu hwokuitirana utsinye. Bhaibheri rinoshora ku“nyandura makwikwi.”—VaGaratiya 5:26.
Vanhu vane godo vanoedza kuchengetedza mukurumbira wavo unenge wavhiringidzwa nokurerutsa zvinenge zvaitwa nevanenge vavakunda. Maitiro akadaro angaita seasina basa, asi kana akasaonekwa uye akasadziviswa anogona kukonzera kukanganisa kune hutsinye. Chimbofunga nezvenhoroondo mbiri dzomuBhabheri dzakaita kuti pave negodo.
Munguva yaaigara nevaFiristia, Isaka akaropafadzwa ne“pfuma yamakwai, neyemombe, nemhuri huru; vaFiristia vakamugodora.” Vakazviratidza nokufushira matsime akanga acherwa naBaba vaIsaka, Abrahamu, uye mambo wavo akakumbira Isaka kuti abve munyika yacho. (Genesi 26:1-3, 12-16) Godo ravo rakanga riri routsinye uye rokuparadza. Vakanga vasisagoni kuramba vachishivirira mufaro waiva naIsaka pakubudirira kwake ari pakati pavo.
Mazana emakore akatevera, Dhavhidhi akazokurumbira muhondo. Zvaakaita zvakapembererwa nevakadzi vechiIsraeri, avo vakaimba kuti: “Sauro wakauraya zvuru zvamazana ake, asi Dhavhidhi makumi ezvuru zvamazana ake.” Kunyange zvazvo akanga ari kurumbidzwawo, Sauro akaona kuenzanisa ikoko sokumuderedza, uye akabva ava negodo mumwoyo make. Kubvira ipapo zvichienda mberi, akatanga kusafarira Dhavhidhi. Nenguva isipi, kokutanga akaedza kuuraya Dhavhidhi uye akaramba achiedza. Uipi hwakakura hunogona kutangwa negodo!—1 Samueri 18:6-11.
Saka kana tichizvienzanisa nevamwe—zvavanoita kana kuti zvavanowana—zvichitanga manzwiro akafanana negodo kana kuti makwikwi, tingwarire! Manzwiro aya haana kunaka, haawirirani nezvinofungwa naMwari. Asi tisati taongorora kuti miitiro yakadaro inogona kudziviswa sei, ngatifungei nezvechimwe chinhu chinogona kuita kuti kuenzanisa kutange.
Kuzviongorora uye Kugutsikana
‘Ini ndakangwara, ndinoyevedza, ndinokwikwidza, ndakagwinya, ndinoremekedzwa uye ndinodiwa here? Uye kusvika papi?’ Hatiwanzomiri pagirazi tichizvibvunza mibvunzo yakaita seiyi. Asi, sezvinotaura mumwe munyori, “kutaura zvazviri, mibvunzo yakadaro inouya mupfungwa dzedu uye yowana mhinduro dzinogutsa zvishoma.” Munhu asina chokwadi nezvezvaanogona kuita angafunga nezvezvinhu izvi asinganzwi kuda kuita makwikwi kana kunzwa godo. Ari kungozviongorora bedzi. Hapana hapo chakaipa nokudaro. Zvisinei, nzira yakanaka yokuita izvi haisi yokuzvienzanisa nevamwe.
Zvatinogona kuita hazvina kufanana, zvichikonzerwa nezvinhu zvakasiyana-siyana. Pachangogara paine vamwe vanoratidzika kuva vanoita zviri nani kutipfuura. Saka pane kuvaitira godo, tinofanira kuyera zvatinoita maererano nezvinodiwa nemitemo yaMwari yakarurama, iyo inonyatsotiratidza zvakarurama nezvakanaka. Jehovha anofadzwa nezvatiri somunhu mumwe nomumwe. Haadi kutienzanisa nomumwe munhu. Muapostora Pauro anotikurudzira kuti: “Mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga, uye ipapo achava nechisakiso chokufara zvikuru pamusoro pake oga, asingazvienzanisi nomumwe munhu.—VaGaratiya 6: 4.
Kukurira Godo
Nemhaka yokuti vanhu vose havana kukwana, zvingava zvakakodzera kuramba tichishanda nesimba kuti tikurire godo. Zviri nyore kuziva zvatinoudzwa neMagwaro zvokuti: “Pakukudzana tungamiriranai,” asi zvakaoma kuzviita. Pauro akaziva kuti anotadza. Kuti akunde, aitofanira ‘kurwadzisa muviri [wake] outungamirira somuranda.’ (VaRoma 12:10; 1 VaKorinde 9:27) Kwatiri, izvi zvingareva kudzivisa pfungwa dzemakwikwi, todzitsiva nedzinovaka. Tinofanira kunyengetera tichikumbira kubatsirwa naJehovha ‘kuti tisazvifunga zvikuru kupfuura zvatinofanira kufunga.’—VaRoma 12: 3.
Kudzidza Bhaibheri uye kufungisisa kunobatsirawo. Somuenzaniso, funga nezveParadhiso iri kuuya inopikirwa naMwari. Ipapo vanhu vose vachange vava norugare, utano hwakanaka, zvokudya zvakawanda, dzimba dzakanaka, uye basa rinogutsa. (Pisarema 46:8, 9; 72:7, 8, 16; Isaya 65:21-23) Pachava nomumwe munhu achanzwa achida kukwikwidza here? Kana. Pachange pasina chikonzero chokudaro. Kutaura zvazviri, Jehovha haana kutiudza zvose zvichange zvakaita upenyu panguva iyoyo, asi zvine musoro kuti tifungidzire kuti vanhu vose vachange vava kukwanisa kuvavarira uye kuita zvinhu zvakavanakira. Mumwe angadzidza nezvezvinhu zvomuchadenga, mumwe angagadzira micheka yakanaka. Nei mumwe angava negodo nomumwe? Zvinoitwa nevamwe vedu zvichaita kuti tide kuita zvimwe zvinhu, hazvizokonzeri ruvengo. Pfungwa dzemakwikwi idzodzo dzichange dzapera.
Kana tichida upenyu hwakadaro, hatifaniri here kuedza kuva nemafungiro akadaro iye zvino? Tagara tiri kunakidzwa neparadhiso yomudzimu, isina zvinetso zvakawanda zviri munyika yatiri mairi. Sezvo munyika itsva yaMwari muchange musina zvokukwikwidzana, pane chikonzero chaicho chokuzvidzivisa iye zvino.
Saka, zvakaipa here kuzvienzanisa nevamwe? Kana kuti pane nguva dzakwakakodzera here?
Kuzvienzanisa Kwakakodzera
Kuenzanisa kwakawanda kwakatungamirira kuzviito zvoutsinye kana kuti zvokuora mwoyo, asi hakufaniri kudaro nguva dzose. Mumamiriro ezvinhu aya, cherechedza yambiro yomuapostora Pauro yokuti: “Muve vatevedzeri veavo vanogara nhaka yezvipikirwa nokutenda nokushivirira.” (VaHebheru 6:12) Kushingirira kuva nounhu hwakafanana nohuya hwaiva nevashumiri vaJehovha vekare kunogona kubatsira. Chokwadi, izvi zvingada kumbozvienzanisa. Asi, zvinogona kutibatsira kuona mienzaniso yatingatevedzera uye zvatingada kuvandudza.
Funga nezvaJonatani. Mumwe angati, aitofanira kuita godo. Zvaaiva mwanakomana mukuru waMambo Sauro weIsraeri, Jonatani angangodaro akambofunga kuti aizova mambo, asi Jehovha akasarudza murume aiva muduku kwaari nemakore anenge 30, Dhavhidhi muduku. Panzvimbo pokuti amuvenge, Jonatani akava noushamwari hwokusazvifunga iye bedzi uye akatsigira Dhavhidhi samambo akasarudzwa naJehovha. Jonatani aiva murume aida zvokunamata zvechokwadi. (1 Samueri 19:1-4) Kusiyana nababa vake, vakaona Dhavhidhi somunhu aikwikwidzana navo, Jonatani akaona kuti Jehovha akanga achitungamirira zvinhu uye akazviisa pasi pokuda Kwake, haana kuzvienzanisa naDhavhidhi, achibvunza kuti, “Nei Dhavhidhi akasarudzwa panzvimbo pangu?”
Patinenge tiine vamwe vedu vechiKristu, hatimbofaniri kunzwa tatyisidzirwa, sokunge kuti vamwe vari kuedza kutikunda kana kuti kutora nzvimbo yedu. Kukwikwidzana hakuna kunaka. VaKristu vane ruzivo vanoonekwa nokushandira pamwe, kubatana, uye rudo, kwete nemakwikwi. “Rudo muvengi mukuru wegodo,” anodaro Francesco Alberoni, nyanzvi yezvokugarisana kwevanhu. “Kana tichida mumwe munhu, tinoda zvakamunakira, uye tinofara kana achibudirira uye achifara.” Saka kana mumwewo munhu ari muungano yechiKristu akapiwa imwe ropafadzo, nzira yorudo ndeyokugutsikana nazvo. Jonatani akagutsikana mumamiriro ezvinhu akadaro. Kungofanana naye, tichakomborerwa kana tikatsigira vaya vari kushumira nokutendeka vari munzvimbo dzemitoro musangano raJehovha.
Mienzaniso yakanaka kwazvo inoratidzwa nevamwe vedu vechiKristu inogona kuyemurwa chaizvo. Kuva pakati nepakati pakuzvienzanisa navo kunogona kutikurudzira kutevedzera zvakanaka kutenda kwavo. (VaHebheru 13:7) Asi kana tikasangwarira, kutevedzera kunogona kuguma kwava makwikwi. Kana tichinzwa sokuti tiri kukundwa nomumwe munhu watinoyemura uye toedza kumushora kana kuti kumutsoropodza, tinenge tava kumuitira godo pane kumutevedzera.
Hapana munhu asina kukwana anogona kuva muenzaniso wakakwana. Saka, Magwaro anoti: “Ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa.” Uyewo, “Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake.” (VaEfeso 5:1, 2; 1 Petro 2:21) Unhu hwaJehovha nohwaJesu—rudo, ushamwari, kunzwira urombo, uye unyoro—tinofanira kuhutevedzera. Tinofanira kutora nguva tichizvienzanisa nounhu hwavo, zvinangwa zvavo, uye maitiro avanoita zvinhu. Kuzvienzanisa kwakadaro kunogona kunatsiridza upenyu hwedu, kuchititungamirira zvakanaka, zvakadzikama, uye zvakachengeteka, uye kunogona kutibatsira kuti tisvike pakuva varume nevakadzi vechiKristu vane ruzivo. (VaEfeso 4:13) Kana tikaomerera pakuita zvose zvatinogona kuti titevedzere muenzaniso wavo wakakwana, zvechokwadi hatizonyanyi kuda kuzvienzanisa nevamwe vanhu.
[Mufananidzo uri papeji 28, 29]
Mambo Sauro akaitira Dhavhidhi godo
[Mufananidzo uri papeji 31]
Jonatani haana kumboona Dhavhidhi muduku somunhu aikwikwidzana naye