RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w05 9/1 p. 3
  • Zvinobatsira Here Kuva Munhu Akavimbika?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinobatsira Here Kuva Munhu Akavimbika?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vakawanda Vanorumbidza Kuvimbika Asi Ivo Vasina Kuvimbika
  • Tarirai Vakavimbika!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kukunda Denho Yokuvimbika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • “Ndimi Mega Makavimbika”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Ruvimbiko—Pamutengoi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
w05 9/1 p. 3

Zvinobatsira Here Kuva Munhu Akavimbika?

“INISHUWARENZI yako youtano iri kukutorera mari yakawandisa,” akadaro Karl, mumiririri weimwe kambani yeinishuwarenzi.a “Kana ukachinjira kukambani yandinoshandira, uchachengetedza US$20 (Z$180 000) pamwedzi, imari yakawanda chaizvo.”

“Chingava chokwadi,” Jens akapindura achidaro. “Asi ndave ndichishandisa kambani iyoyo painishuwarenzi yangu youtano kwemakore akawanda. Vakandibatsira chaizvo munguva yakapfuura, uye ndinoda kuramba ndakavimbika kwavari.”

“Kuvimbika unhu hwakanaka chaizvo,” Karl akapindura achidaro. “Kunyange zvakadaro, kuvimbika kuri kukudyira mari!”

Karl aitaura chokwadi. Kazhinji, kuvimbika kana kuti kutendeka kune mumwe munhu kungadya mari.b Kunodawo nguva, simba uye kuzvipira nomwoyo wose. Kuvimbika kwakakodzera zvose izvozvo here?

Vakawanda Vanorumbidza Kuvimbika Asi Ivo Vasina Kuvimbika

Muongororo yakaitwa kuGermany nesangano reAllensbach Opinion Research Institute, 96 muzana yevakabvunzwa yaiona kutendeka sounhu hunobatsira. Ongororo yechipiri yakaitwa nesangano reAllensbach pane vaiva nemakore ari pakati pe18 ne24 yakaratidza kuti vanhu vaviri pavatatu voga voga vakabvunzwa vaiona kutendeka sounhu hwakanaka.

Kunyange zvazvo kuvimbika kana kuti kutendeka kuchirumbidzwa nevakawanda, kuva munhu akavimbika, kana kuti kuva munhu akatendeka inyaya yakasiyana. Somuenzaniso, munyika dzakawanda dzokuEurope, vakaroorana kana kuti vari mumhuri kazhinji havana kuvimbika kune mumwe nomumwe. Kakawanda shamwari hadzina kuvimbika kune mumwe nomumwe. Uye kuvimbika kwaiita kuti mushandirwi nomushandi varambe vari pamwe chete kana kuti vatengi varambe vachitenga muchitoro chimwe chete kwakapera. Nei?

Dzimwe nguva kumhanya-mhanya kunoitika muupenyu kunoita kuti pasava nenguva kana kuti simba revimbiso dzatakaita dzinoda kuvimbika. Vanhu vakaodzwa mwoyo kana kuti vakabatiswa pasi pakudyidzana kwavo nevamwe zvichida iye zvino vava kuzeza kuva vakatendeka kumunhu chero upi zvake. Vamwe vangasarudza mararamiro okusakendenga asingadi kuti vave vakavimbika.

Chero zvazviri, kuvimbika unhu hunowanzorumbidzwa nevakawanda asi ivo vasina kuvimbika. Nokudaro, tingabvunza kuti: Zvinobatsira here kuva munhu akavimbika? Kana zvakadaro, tinofanira kuvimbika kuna ani, uye munzira dzipi? Kuvimbika kunobatsirei?

[Mashoko Omuzasi]

a Munyaya ino neinotevera, mamwe mazita akachinjwa.

b Kunyange zvazvo mashoko okuti “kuvimbika” uye “kutendeka” agara achishandiswa maererano nepfungwa inenge ichidiwa, munyaya dzino dzimwe nguva anoshandiswa ose.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]

Kuvimbika unhu hunowanzorumbidzwa nevakawanda asi ivo vasina kuvimbika

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe