RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w05 11/15 p. 3
  • Dhiyabhorosi Munhu Chaiye Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dhiyabhorosi Munhu Chaiye Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Nyika Yose Iri Kumbotongwa Naani Chaizvo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • “Rwisanai naDhiyabhorosi” Sezvakaita Jesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
w05 11/15 p. 3

Dhiyabhorosi Munhu Chaiye Here?

UNOONA sei Dhiyabhorosi? Unofunga kuti munhu chaiye anoedza vanhu kuti vaite zvakaipa, kana kuti anongomiririrwa nezvinhu zvakaipa here? Dhiyabhorosi munhu anofanira kutyiwa, kana kuti anofanira kungoonekwa sepfungwawo zvayo yemagamuchidzanwa kana kuti munhu wengano here? Shoko rokuti “dhiyabhorosi” rinoreva simba rinoparadza riri pose pose here? Shoko racho ringangoreva unhu hwakaipa hune vanhu, sezvinotaurwa nevazivi vakawanda vemazuva ano here?

Hazvishamisi kuti vanhu vane maonero akasiyana-siyana pamusoro pokuti Dhiyabhorosi ndiani. Imbofungidzira kuti zvingava zvakaoma sei kunyatsoziva nyanzvi yokunyengera! Izvozvo zvinganyanya kuoma kana nyanzvi yacho ichida kuramba isingazivikanwi. Bhaibheri rinorondedzera Dhiyabhorosi somunhu akadaro. Richitaura nezvake saSatani, rinoti: “Satani anoramba achizvichinja kuva ngirozi yechiedza.” (2 VaKorinde 11:14) Kunyange zvazvo ari munhu akaipa, Dhiyabhorosi anoita somunhu akanaka kuitira kuti atsause vamwe. Uye kana akaita kuti vanhu vadavire kuti haako zvachose, izvozvo zvinotonyatsoenderana nechinangwa chake.

Saka, zvechokwadi, Dhiyabhorosi ndiani? Akavapo rini uye sei? Anofurira sei vanhu mazuva ano? Pane zvatingaita here kuti asatifurira? Bhaibheri rine nhoroondo yechokwadi yaDhiyabhorosi kubvira paakatanga uye rinopa mhinduro dzechokwadi dzemibvunzo iyi.

[Mufananidzo uri papeji 3]

Zvingava zvakaoma zvikuru kuziva munhu anoda kuramba asingazivikanwi!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe