RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w06 12/1 p. 3
  • Nei Tichifanira Kuziva Munhu Anopesana naKristu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Tichifanira Kuziva Munhu Anopesana naKristu?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Mashoko Akafanana
  • Munhu Anopesana naKristu Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Anopesana naKristu Ndiani?
    Mukai!—2001
  • Munhu Anopesana naKristu
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Munhu Anopesana naKristu Anofumurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
w06 12/1 p. 3

Nei Tichifanira Kuziva Munhu Anopesana naKristu?

Kare kare, muapostora akafuridzirwa akanyora kuti: ‘Makanzwa kuti munhu anopesana naKristu ari kuuya.’ (1 Johani 2:18) Mashoko aya anokwezva chaizvo! Kwemazana emakore, vanhu vakafungisisa zvaanoreva. Munhu anopesana naKristu ndiani? Achauya rini? Kana auya achaitei?

MUMAKORE ose aya, vakawanda vave vachinzi munhu anopesana naKristu. Kare, vaya vainzi “munhu anopesana naKristu” vaisanganisira vaJudha, vanapapa veKaturike, uye madzimambo evaRoma. Somuenzaniso, Mambo Frederick II (1194-1250) paakasarudza kusabatana nevaKristu vairwa Hondo Tsvene achiitira chechi, Pope Gregory IX akabva amuti munhu anopesana naKristu uye akamudzinga muchechi. Akatsiva Gregory pachigaro ainzi Innocent IV, akamudzingazve. Achitaurawo, Frederick akati Innocent aiva munhu anopesana naKristu.

Muapostora Johani ndiye chete munyori weBhaibheri anoshandisa mashoko okuti “munhu anopesana naKristu.” Mutsamba dzake mbiri dzine zita rake, mashoko aya anowanika kashanu. Ndima dzinowanika mashoko aya dzakanyorwa mubhokisi riri papeji inotevera. Mundima idzi, tinogona kuona kuti munhu anopesana naKristu murevi wenhema uye munyengeri, anoda kukanganisa ukama hwomunhu naKristu naMwari. Ndokusaka muapostora akakurudzira vaKristu vaainamata navo achiti: “Vadiwa, musatenda kutaura kwose kwakafuridzirwa, asi edzai kutaura kwakafuridzirwa kuti muone kana kuchibva kuna Mwari, nokuti vaprofita venhema vazhinji vakaoneka munyika.”—1 Johani 4:1.

Jesu zvakare akanyevera nezvevanyengeri, kana kuti vaprofita venhema, achiti: “Vanouya kwamuri vakapfeka nguo dzemakwai, asi mukati vari mhumhi dzinoparadza. Muchavaziva nezvibereko [kana kuti mabasa] zvavo.” (Mateu 7:15, 16) Jesu akanga ari kunyeverawo vateveri vake nezvevanhu vanopesana naKristu vokufananidzira here? Ngationei kuti tingaziva sei munyengeri uyu anorura.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe