RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w07 3/15 p. 3
  • Tinofanira Kutya Kuuya kwaKristu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinofanira Kutya Kuuya kwaKristu Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Kuuya kwaKristu Kunorevei?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kudzoka kwaKristu
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Zvichaitwa Nokuuya kwaKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Jesu Anouya Nekurudziro
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
w07 3/15 p. 3

Tinofanira Kutya Kuuya kwaKristu Here?

UNOFUNGA kuti kuuya kwaJesu Kristu kuchange kwakaita sei? Unofunga kuti kuchaita kuti vanhu vave nedambudziko, vaparadzwe kana kuti varangwe here? Kana kuti unotarisira kuti kuchagumisa matambudziko edu ose here? Kuuya kwaKristu chinhu chatinofanira kutya here? Kana kuti chinhu chatinofanira kutarisira?

Richitaura nezvokuuya kwaKristu, Bhaibheri rinoti: “Tarira! Ari kuuya nemakore, uye maziso ose achamuona, . . . uye madzinza ose enyika achazvirova nemhaka yeshungu nokuda kwake.” (Zvakazarurwa 1:7) Kuuya uku kunoreva kuoneka kuchaita Jesu mune ramangwana kuti ape mubayiro vakarurama uye arange vakaipa.

Pane kutya kuuya kwaKristu, muapostora Johani aitokutarisira. Aziviswa nezvokuuya uku uye zvakuchareva nokuda kwenyika ino, Johani akanyengetera nomwoyo wose achiti: “Uyai, Ishe Jesu.” (Zvakazarurwa 22:20) Asi nei “madzinza ose enyika achazvirova nemhaka yeshungu nokuda kwake”? “Maziso ose achamuona” sei? Kuuya kwaKristu kuchaitei? Kutenda kuti achauya kungatibatsira sei iye zvino? Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo iyi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe